RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lff chidzidzo 34
  • Tingaratidza Sei Kuti Tinoda Jehovha?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tingaratidza Sei Kuti Tinoda Jehovha?
  • Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • WEDZERA KUONGORORA
  • PFUPISO
  • WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA
  • Unobatsirwa Sei Nerudo rwaJehovha Rusingachinji?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2021
  • Ungava Sei Shamwari yaMwari?
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
  • Unofarira Rudo Rwakavimbika Sezvinoita Jehovha Here?
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa (2017)
  • Rudo rwaMwari Runogara Nekusingaperi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
Ona Zvimwe
Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
lff chidzidzo 34
Chidzidzo 34. Murume akamira muguta maziso ake kudenga achifungisisa.

CHIDZIDZO 34

Tingaratidza Sei Kuti Tinoda Jehovha?

Rakaprindwa
Rakaprindwa
Rakaprindwa

Uri kunzwa uri pedyo naMwari here kubva pawakatanga kudzidza Bhaibheri? Ungada kuramba uchisimbisa ushamwari hwako naye here? Kana zvakadaro, yeuka kuti paunowedzera kuda Jehovha, iye anozviona, uye anobva awedzerawo kukuda uye kukuchengeta. Ungamuratidza sei kuti unomuda?

1. Tingaratidza sei kuti tinoda Jehovha?

Tinoratidza kuti tinoda Jehovha nekumuteerera. (Verengai 1 Johani 5:3.) Hapana waanomanikidza kuti amuteerere. Anopa munhu wese mukana wekusarudza kana achida kumuteerera kana kusamuteerera. Anozviitirei? Jehovha anoda kuti tive “vanhu vanoteerera zvichibva pamwoyo.” (VaRoma 6:17) Izvi zvinoreva kuti anoda kuti timuteerere nekuti tinomuda, kwete kungomuteerera nekuti ndiye Mwari. Chikamu 3 ne4 chebhuku rino chichakubatsira kuti uratidze kuda kwaunoita Jehovha nekuita zvinhu zvinomufadza uye kurega zvinhu zvinomugumbura.

2. Sei dzimwe nguva zvichioma kuti tiratidze kuti tinoda Jehovha?

“Matambudziko emunhu akarurama mazhinji.” (Pisarema 34:19) Tese tinorwisana nenyama yedu ine chivi. Uye tinogona kunge tiine matambudziko akadai sekushaya mari, kubatwa zvisina kunaka, kana mamwewo matambudziko. Kana tiri munguva yakaoma zvinogona kutiomera kuita zvatinotarisirwa naJehovha kuti tiite. Zvinodaro nekuti dzimwe nguva kuita zvisina kunaka ndiko kuri nyore. Asi paunoita zvaunonzi naJehovha uite kunyange zvakakuomera, unenge uchiratidza kuti unomuda kupfuura zvese. Unenge uchiratidzawo kuti wakavimbika kwaari. Iyewo achabva ava akavimbika kwauri. Haazombofi akakusiya.—Verengai Pisarema 4:3.

WEDZERA KUONGORORA

Ongorora kuti nei zvichikosha kuna Jehovha kuti unoteerera here kana kuti kwete, uye dzidza zvaunogona kuita kuti urambe wakavimbika kwaari.

3. Nyaya yaunofanira kuratidza paumire

Bhuku reBhaibheri raJobho rinoratidza kuti Satani ane zvaakapomera murume ainzi Jobho, uye ndizvo zvaanopomerawo vanhu vese vanoda kushumira Jehovha. Verengai Jobho 1:1,  6–2:10, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo iyi:

  • Satani akati Jobho aishumira Jehovha nechikonzero chei?—Ona Jobho 1:9-11.

  • Satani anotii nezvevanhu vese, kusanganisira iwe?—Ona Jobho 2:4.

Verengai Jobho 27:5b, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo uyu:

  • Jobho akaratidza sei kuti ainyatsoda Jehovha?

Satani achishora Jehovha. Ari kupomera Jobho uyo akazara nemaronda neimwe hanzvadzi inoshumira Jehovha.

Jobho akaratidza kuti aida Jehovha nekuramba akavimbika kwaari

Tinoratidza kuti tinoda Jehovha kana tikaramba takavimbika kwaari

4. Fadza mwoyo waJehovha

Verengai Zvirevo 27:11, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo iyi:

  • Jehovha anonzwa sei kana ukaratidza kuti wakachenjera womuteerera? Nei wadaro?

5. Unogona kuramba wakavimbika kuna Jehovha

Kuda kwatinoita Jehovha kunoita kuti tiudze vamwe nezvake. Kuvimbika kwedu kwaari kunotipa simba rekuita izvi kunyange pazvinenge zvakaoma. Ngationei VHIDHIYO, tobva takurukura mibvunzo inotevera:

VHIDHIYO: Tsigira Kutenda Kwako Kunyange Paunoshorwa (5:09)

  • Unomboomerwa nekuudza vamwe nezvaJehovha here?

  • Muvhidhiyo iyi, chii chakabatsira Grayson kuti akurire kutya kwaaimboita?

Zvinoita nyore kuti tirambe takavimbika kuna Jehovha kana tichida zvaanoda uye tichivenga zvaanovenga. Verengai Pisarema 97:10, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo iyi:

  • Ndezvipi zvimwe zvinhu zvawakadzidza zvinodiwa naJehovha? Ko ndezvipi zvaanovenga?

  • Ungadzidza sei kuda zvakanaka uye kuvenga zvakaipa?

6. Kuteerera Jehovha kunotibatsira

Kuteerera Jehovha kwagara kwakatinakira. Verengai Isaya 48:17, 18, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo iyi:

  • Unofunga kuti Jehovha anoziva zvakatinakira nguva dzese here? Nei uchidaro?

  • Kusvika pawava iye zvino, kudzidza Bhaibheri uye kudzidza nezvaMwari wechokwadi Jehovha kwakubatsira sei?

VAMWE VANOTI: “Mwari haarwadziwi nezvandinoita uye haazvione kana ndikaita zvakanaka.”

  • Rugwaro rwupi rwaungashandisa kuti uratidze munhu akadaro kuti zvatinoita zvinogona kufadza kana kurwadzisa Jehovha?

PFUPISO

Unogona kuratidza kuti unoda Jehovha nekumuteerera uye kuramba wakavimbika kwaari kunyange pazvinenge zvakaoma.

Kudzokorora

  • Wadzidzei kubva pane zvakaitika kuna Jobho?

  • Ucharatidza sei kuti unoda Jehovha?

  • Chii chichakubatsira kuti urambe wakavimbika kuna Jehovha?

Edza Izvi

WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA

Dzidza zvaungaita kuti urambe wakavimbika kuna Jehovha uye kuungano.

“Muchava Akavimbika Kune Akavimbika” (16:49)

Verenga unzwe zvakawanda nezvenhema dzinotaurwa naSatani achipomera vanhu.

“Jobho Anoramba Akaperera” (Bhaibheri—Rinombotaura Nezvei? chikamu 6)

Ona kuti vana vangaratidza sei kuti vanoda Jehovha.

Fadza Jehovha (8:16)

Vechidiki vangaramba sei vakavimbika kuna Jehovha pavanenge vachifurirwa nevamwe?

Ramba Kufurirwa! (3:59)

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe