RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w08 4/1 p. 31
  • Hondo yeAmagedhoni Icharwirwa Kupi?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Hondo yeAmagedhoni Icharwirwa Kupi?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Mashoko Akafanana
  • Armagedhoni—Rini?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Hondo yeAmagedhoni Ichatangira Munyika yeIsrael Here?—Bhaibheri Rinomboti Kudii?
    Dzimwe Nyaya
  • Chii Chinonzi Hondo yeAmagedhoni?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Amagedhoni—Mavambo Anofadza
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
w08 4/1 p. 31

Vaverengi Vanobvunza Kuti

Hondo yeAmagedhoni Icharwirwa Kupi?

Hondo yeAmagedhoni haizorwirwi panzvimbo imwe chete yakasarudzwa. Asi icharwirwa munyika yose. Nei? Nokuti mativi maviri anorwisana akakura zvokuti haagoni kukwana chero panzvimbo imwe chete ingasarudzwa.

Amagedhoni, kana kuti Ha-Magedhoni, inozivikanwawo se“hondo yezuva guru raMwari Wemasimbaose.” Jehovha Mwari achashandisa Mwanakomana wake Kristu Jesu kuunganidza uto rengirozi kuti rizorwisana nemauto akabatana evatongi vose vakaipa venyika ino.—Zvakazarurwa 16:14; 19:11-16.

Neimwe nzira marudzi aya anonyengerwa nemauto aSatani kuti abatane muhondo yacho. Bhaibheri rinotaura nezvo“kutaura kunofuridzirwa nemadhimoni” kuri kuenda “kumadzimambo [vatongi] enyika yose inogarwa, kuti kuaunganidzire . . . kunzvimbo inonzi Ha-Magedhoni muchiHebheru.”—Zvakazarurwa 16:14-16.

Kusiyana nemamwe mabhuku eBhaibheri, Zvakazarurwa ibhuku rakaita kuti vaverengi vakawanda veBhaibheri vade kuziva zvakawanda. Vaverengi vakawanda vanofunga kuti bhuku racho harina mutauro wokufananidzira, vanotaura chaipo pavanofunga kuti ndipo pachatangira hondo, uye vanotarira vachitya zviri kuitika munzvimbo yacho. Pfungwa yokuti Amagedhoni inzvimbo chaiyo inotaurwa mubhuku rekare rechiGiriki rakanyorwa muzana remakore rechitanhatu C.E. naOecumenius, rinotaura zviri mubhuku raZvakazarurwa.

Achitaura maonero evafundisi vakawanda, John F. Walvoord, aimbova purezidhendi weDallas Theological Seminary, anoti Amagedhoni “ihondo yokupedzisira isina tariro yenyika iri kutambudzika icharwirwa kuMiddle East.” Walvoord anoti hondo huru iyi icharwirwa “‘paGomo reMegidho,’ gomo duku riri nechokumusoro kwePalestine kunoperera bani rakafara.”

Zvisinei, bhuku raZvakazarurwa harina kunyorerwa kuti ritiudze kuti kune nzvimbo chaiyoiyo inonzi Amagedhoni. Mashoko aro okutanga anoti nhoroondo yacho inotaurwa ‘ichiita zvokuratidzwa’ muzviratidzo. (Zvakazarurwa 1:1) Zvapupu zvaJehovha zvakataura kare mubhuku razvo rinonzi Studies in the Scriptures, Volume IV kuti: “Hatifaniri hedu kutarisira kuti pachava nevanhu vachaungana paGomo reMegidho.”

Guta rekare reMegidho rinoratidza mamiriro ezvinhu akaoma, ayo asingagoni kunzvengwa nevavengi vaMwari. Saka paAmagedhoni, Mwari achava nechokwadi chokuti uori hwose nouipi hwose, pasinei nokuti huri kupi pasi pano, huchaparadzwa zvokusazovapozve.—Zvakazarurwa 21:8.

Vanoda Jehovha Mwari noMwanakomana wake Jesu Kristu, havafaniri havo kutya Amagedhoni. Hondo yaMwari yakanyatsonanga vanhu vaya vanonzi naMwari vakaipa zvachose. Hondo yake haizoparadzi munhu wose wose. Bhaibheri rinoti: “Jehovha anoziva nzira yokununura nayo, . . . vanhu vakazvipira kuna Mwari.” (2 Petro 2:9) Vimbiso inofadza mwoyo iri pana Pisarema 37:34 inoti: “Tarisira kuna Jehovha uchengete nzira yake, iye achakukwidziridza kuti ugare nhaka yenyika. Vakaipa pavanoparadzwa, iwe uchazviona.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe