Waizviziva Here?
Jesu paakarapa bofu, nei akaita kuti ritange kuona zvishoma nezvishoma?
Pana Mako 8:22-26, tinoverenga kuti Jesu akarapa bofu kuBhetisaidha. Nhoroondo yacho inoti Jesu akatanga aisa mate pamaziso omurume uyu ndokumubvunza kuti aionei. Zvakapindura murume uyu zvinoratidza kuti anenge akanga avhiringidzika: “Ndiri kuona vanhu, nokuti ndiri kuona zvinhu zvakaita semiti, asi iri kufamba-famba.” Jesu akabva abatazve maziso omurume uya, uye “murume wacho akanyatsoona, uye akaporeswa, uye akanga ava kunyatsoona zvinhu zvose.” Zviri pachena kuti Jesu paakarapa murume uyu akaita kuti atange kuona zvishoma nezvishoma. Nei?
Bhaibheri haripinduri zvakananga, asi tinogona kufunga zvazvinoreva mumamiriro ezvinhu aya. Kutanga kuona papera makore akawanda—kana kuti wave usingaoni kwoupenyu hwose—hakungoitiki nyore. Somuenzaniso: Pane mabhiza aimbogara mumugodhi kuti ashandiswe imomo. Akapedzisira ajaira rima zvokuti paakabudiswa panze aitoda zuva rose kuti ajairane nechiedza chaivapo. Kana kuri kusatoona zvachose, kuzojairana kwacho nechiedza kwakatooma zvikuru. Mazuva ano, apo neapo vanachiremba vari kukwanisa kurapa zvimwe zvirwere zvemaziso kusvikira varwere vava kuona. Zvisinei, varwere vacho vanogona kurwadziwa netsinga dzinobva kumaziso dzichienda kuuropi sezvo dzinenge dzatanga kushanda. Nemhaka yokuti vanenge vave kuona ruvara, mamiriro echinhu uye daro racho, vanovhiringidzwa uye vangatotadza kuziva zvinhu zvavagara vachiziva. Nokufamba kwenguva uropi hunovabatsira kuziva zvinhu zvinenge zvichionekwa nemaziso.
Kuporesa kwaJesu zvishoma nezvishoma murume uya aiva bofu kungangove kwaiva kumuratidza hanya. Pakupedzisira, murume uyu “akanga ava kunyatsoona zvinhu zvose,” ava kunyatsoziva zvinhu zvaaiona.
Muzuva raJesu, nei kuverenga mupumburu raiva basa chairo?
Mapepa kana kuti matehwe aiwanzoshandiswa kugadzira mipumburu akanga akareba masendimita 23 kusvika ku28 uye akafara masendimita 15 kusvika ku23. Akawanda acho aibatanidzwa achiitwa zvokunamwa kana kusonwa neshinda yerineni kuti awedzere kureba. Dzimwe nguva paishandiswa mapepa akati rebei. Mupumburu weGungwa Rakafa waIsaya wakanga uine zvidimbu 17 zvaive zvakabatanidzwa, pari zvino wakareba mamita manomwe. Mupumburu waIsaya wakashandiswa naJesu musinagogi kuNazareta unogona kunge wakanga wakareba saizvozvo.—Ruka 4:16, 17.
Alan Millard achitaura nezvenhoroondo iyi mubhuku rake rinonzi Discoveries From the Time of Jesus (Zvakawanikwa Zvomunguva yaJesu), anoti: “Muverengi aibata bhuku [mupumburu] oribhedhenura noruboshwe rwake, akabata kumucheto norudyi achipetazve sezvaaiverenga chikamu nechikamu. Kuti Jesu asvike pana Isaya 61, chitsauko chaakaverenga musinagogi, aifanira kubhedhenura chikamu chikuru chomupumburu wacho uye oupeta zvekare.”
Panguva iyoyo, pakanga pasina zvitsauko nendima mubhuku raIsaya semaziviro atinozviita iko zvino. Jesu paakapiwa mupumburu waIsaya musinagogi kuNazareta, aitofanira kuita zvokutsvaka chikamu chacho; chava kunzi Isaya 61:1, 2 mumaBhaibheri edu. Jesu ‘akapawana’ zviri nyore, zvichitaridza kuti akanga akarovedzana neShoko raMwari.