Nei Tichiratidza Kuonga?
“Kuna Raquel,
Wakaita basa zvikuru nokundikurudzira. Kunyange zvazvo ungasazviziva, unhu hwako hunokurudzira uye mashoko ako ane mutsa akandibatsira.”—Jennifer.
WAKAMBOTAMBIRA tsamba yokukuonga yawakanga usingafungiri here? Kana zvakadaro, hapana mubvunzo kuti mashoko aivamo akakufadza zvikuru. Uyezve, takasikwa tichida kukosheswa uye kuongwa.—Mateu 25:19-23.
Mashoko okuonga anowanzosimbisa ukama hwevanhu. Kuwedzera pane izvi, munhu anoratidza kuti anoonga anenge achitevera tsoka dzaJesu Kristu, uyo asina kumbotadza kuona mabasa akanaka aiitwa nevamwe.—Mako 14:3-9; Ruka 21:1-4.
Zvinosuruvarisa kuti vanhu havacharatidzi kuti vanoonga, kungava kutaura nomuromo kana kuti netsamba. Bhaibheri rakanyevera kuti “mumazuva okupedzisira” vanhu vachange “vasingaongi.” (2 Timoti 3:1, 2) Kana tisina kungwarira, kupararira kwakaita kusaonga kunogona kutitadzisa kuti tiratidze kuti tinoonga.
Matanho api angatorwa nevabereki kuti vadzidzise vana vavo kuti varatidze kuti vanoonga? Tinofanira kuratidza kuti tinoonga kuna ani? Uye nei tichifanira kuonga kunyange zvazvo vanhu vatinogarisana navo vasingaongi?
Mumhuri
Vabereki vanoshanda zvakaoma kuti variritire vana vavo. Zvisinei, dzimwe nguva vabereki vangaona sokuti zvavari kuita hazvisi kuongwa. Vangaitei kuti vagadzirise chinetso ichi? Pane zvinhu zvitatu zvinokosha.
(1) Muenzaniso. Sezvazvinongoitawo pakurovedza vana, kugadza muenzaniso wakanaka inzira inobatsira zvikuru pakudzidzisa vana. Bhaibheri parinotaura nezvaamai vaishanda nesimba vomuIsraeri yekare, rinoti: “Vana vake vanomuka, vachimuti: ‘Vakaropafadzwa.’” Vana ava vakadzidzira kupi kuti varatidze kuonga? Chikamu chasara chendima chinotiudza. Chinoti: “Murume wakewo unomurumbidza.” (Zvirevo 31:28, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona) Vabereki vanoongana nemashoko vanobatsira vana vavo kuti vaone kuti mashoko akadaro anofadza munhu ari kuongwa, anoita kuti mhuri ibatane, uye anoratidza kukura.
Vamwe baba vanonzi Stephen vanoti, “Ndakaedza kugadza muenzaniso kuvana vangu nokuonga mudzimai wangu kana abika kudya kwemanheru.” Izvi zvakaguma nei? Stephen anoti, “Vanasikana vangu vaviri vakazviona, uye zvakavabatsira kuti vazivewo kuti vanofanira kuratidza kuti vanoonga.” Kana wakaroora kana kuroorwa, unogara uchiti mazviita kune mumwe wako here, paanoita mabasa epamba anowanzoonekwa seasingakoshi? Unoti maita basa kuvana vako here, kunyange kana vaita zvavanga vachifanira kuita?
(2) Kurovedza. Unhu hwokuonga hwakafanana nemaruva. Anoda kunyatsotarisirwa zvakanaka kuti ayevedze. Vabereki vangabatsira sei vana vavo kuti vatange uye kuti varatidze kuti vanoonga? Mambo akachenjera Soromoni akajekesa imwe pfungwa inokosha paakanyora kuti: “Mwoyo womunhu akarurama unofungisisa kuti upindure.”—Zvirevo 15:28.
Vabereki, munogona kurovedza vana venyu here kuti vafunge zvose zvinenge zvaitwa uye mutsa unenge waratidzwa pavanopiwa chipo? Kufungisisa kwakadaro kunovabatsira kuonga sezvinongoitwawo neivhu rakanaka rinoita kuti maruva akure zvakanaka. Maria, uyo akarera vana vatatu, anoti: “Zvinoda nguva yokuti ugare pasi nevana vako wovatsanangurira kuti zvii zvinenge zvaitwa kuti mumwe munhu azovapa chipo, kuti mumwe munhu anenge akufunga uye anenge achida kuratidza kuti ane hanya newe zvakadini. Ndinofunga kuti kana ukadai, zvinobudirira.” Kukurukurirana kwakadaro hakungobatsiri vana kudzidza kuti chii chavanofanira kutaura kana vachionga, asiwo kuti nei vachifanira kutaura mashoko okuonga.
Vabereki vakachenjera vanobatsira vana vavo kuti vasafunga kuti zvinhu zvose zvakanaka zvavanopiwa vanenge vachifanira kuzviwana.a Nyevero inotaura zvinofanira kuitirwa vashumiri iri pana Zvirevo 29:21 inoshandawo zvakafanana kuvana, ichiti: “Kana munhu achitunhira mushandi wake kubvira achiri muduku, iye achazova munhu asingaongi muupenyu hwake hwapashure.”
Vana vaduku vangabatsirwa sei kuti varatidze kuti vanoonga? Linda, amai vane vana vatatu, anoti, “Ini nomurume wangu takakurudzira vana vedu kuti vave nezvavanoita patinotumira makadhi okuonga, zvakadai sokuti vadhirowe mifananidzo kana kuti vanyore mazita avo pamakadhi acho.” Chokwadi, mifananidzo yacho inenge isina kunyanya kunaka uye zvavanonyora zvingasaverengeka, asi zvavanodzidza ipapo zvichavabatsira muupenyu hwavo.
(3) Kutsungirira. Tose zvedu tine katsika kokuva noudyire, uye katsika ikaka kanogona kutitadzisa kuratidza kuti tinoonga. (Genesisi 8:21; Mateu 15:19) Asi, Bhaibheri rinokurudzira vashumiri vaMwari kuti: “Munofanira kuitwa vatsva musimba rinoita kuti pfungwa dzenyu dzishande, uye munofanira kupfeka unhu hutsva hwakasikwa maererano nezvinodiwa naMwari.”—VaEfeso 4:23, 24.
Zvisinei, vabereki vane ruzivo vanoziva kuti hazvisi nyore kubatsira mwana kuti ‘apfeke unhu hutsva.’ Stephen, ambotaurwa, anoti, “Zvakatora nguva kuti tidzidzise vanasikana vedu kuti vataure voga kuti maita basa, tisina kuvaudza.” Asi Stephen nomudzimai wake havana kurega. Anopfuurira kuti, “Patakatsungirira, vanasikana vedu vakazokwanisa kuzviita. Iye zvino tava kudada nokuti vari kuratidza kuonga.”
Zvakadini Neshamwari Nevavakidzani?
Patinotadza kuti maita basa, hazvirevi kuti hationgi, dzinongova hanganwa. Nei zvinokosha kuti titaure mashoko okuonga pane kungoonga pasina chatinotaura? Kuti tipindure mubvunzo iwoyo, ngatimbofunga nezvenyaya yaJesu nevanhu vaiva nemaperembudzi.
Jesu paaienda kuJerusarema, akaona varume gumi vaiva nemaperembudzi. Bhaibheri rinoti: “Vakashevedzera, vakati: ‘Jesu, Murayiridzi, tinzwireiwo ngoni!’ Paakavaona akati kwavari: ‘Endai munozviratidza kuvapristi.’ Zvino pavakanga vachienda, vakabva vanatswa. Mumwe wavo, paakaona kuti aporeswa, akadzoka, achikudza Mwari nenzwi guru. Akawira pasi nechiso chake patsoka dzaJesu, achimuonga; kunze kwaizvozvo, iye akanga ari muSamariya.”—Ruka 17:11-16.
Jesu haana kuona here kuti vamwe vakanga vatadza kutaura mashoko okuonga? Nyaya yacho inopfuurira ichiti: “Achipindura, Jesu akati: ‘Hakuna kunatswa vanhu gumi here? Saka, vamwe vapfumbamwe vari kupi? Pashayikwa nomumwe chete adzoka kuzokudza Mwari kunze kwouyu murume worumwe rudzi here?’”—Ruka 17:17, 18.
Vamwe vapfumbamwe vaiva nemaperembudzi vakanga vasiri vanhu vakaipa. Vakanga varatidza kutenda muna Jesu uye vateerera nomwoyo wose zvaakanga avaudza, zvaisanganisira kuenda kuJerusarema kunozviratidza kuvapristi. Zvisinei, kunyange zvazvo pasina mubvunzo kuti vakaonga chaizvo mutsa wavakanga vaitirwa naJesu, vakatadza kumuratidza kuti vaimuonga. Zvavakaita hazvina kufadza Kristu. Zvakadini nesu? Mumwe munhu paanotiitira zvakanaka, tinokurumidza kuti maita basa here, uye kana zvakakodzera, tinonyora tsamba yokumuonga here?
Bhaibheri rinoti “rudo haruna tsika dzakaipa, haruzvitsvakiri zvinhu zvarwo.” (1 VaKorinde 13:5, Bhaibheri Dzvene Testamende Itsva) Saka, mashoko emwoyo wose okuonga haangoratidzi kuti tine tsika dzakanaka chete asiwo kuti tine rudo. Sezvatinodzidza pane zvakaitwa nevaiva nemaperembudzi, vaya vanoda kufadza Kristu vanoratidza rudo uye kuonga kwakadaro kuvanhu vose pasinei norudzi rwavo, ganda kana kuti chitendero chavo.
Zvibvunze kuti, ‘Ndirini pandakapedzisira kuonga muvakidzani wangu, wandinoshanda naye, wandinodzidza naye, mushandi wepachipatara, mushandi womuchitoro, kana kuti mumwe munhu upi zvake akandibatsira?’ Wadii kunyora pasi kwezuva rimwe chete kana kuti maviri kuti uone kuti unenge wataura kangani kuti maita basa kana kuti waratidza kuonga nedzimwewo nzira dzakakodzera? Izvozvo zvingakubatsira kuona paunofanira kugadzirisa.
Chokwadi, munhu watinofanira kuonga zvikuru ndiJehovha Mwari. Ndiye Mupi we“zvipo zvose zvakanaka nezvinopiwa zvose zvakakwana.” (Jakobho 1:17) Ndirini pawakapedzisira kutaura mashoko omwoyo wose okuonga Mwari pazvinhu zvaakanga akuitira?—1 VaTesaronika 5:17, 18.
Nei Tichiratidza Kuonga Kunyange Zvazvo Vamwe Vasingadaro?
Vamwe vangasaratidza kuonga patinovaitira zvakanaka. Saka nei tichifanira kuratidza kuonga kunyange zvazvo vamwe vasingadaro? Chimbofunga nezvechikonzero chimwe chete ichi.
Kana tikaitira zvakanaka vaya vasingaongi, tinenge tichitevedzera Musiki wedu ane nyasha, Jehovha Mwari. Jehovha haaregi kuitira vamwe zvakanaka kunyange zvazvo vakawanda vasingaongi rudo rwake. (VaRoma 5:8; 1 Johani 4:9, 10) ‘Anoita kuti zuva rake ribudire vanhu vakaipa nevakanaka uye achiita kuti kunaye pavanhu vakarurama nevasina kururama.’ Kana tikaedza kuratidza kuti tinoonga pasinei nokuti tiri kurarama munyika isingaongi, zvicharatidza kuti tiri “vanakomana vaBaba [vedu] vari kumatenga.”—Mateu 5:45.
[Mashoko Omuzasi]
a Vabereki vakawanda vakaverengera vana vavo ndokukurukura navo bhuku rinonzi Dzidza Kumudzidzisi Mukuru, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha. Chitsauko 18 chine musoro unoti: “Unoyeuka Kuti Mazvita Here?”
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 15]
Nyora pasi kwezuva rimwe chete kana kuti maviri kuti uone kuti unenge wataura kangani kuti maita basa
[Mufananidzo uri papeji 15]
Iva muenzaniso wokuti vana vako vatevedzere pakuratidza kuonga
[Mufananidzo uri papeji 15]
Kunyange vana vaduku vanogona kurovedzwa kuti vataure mashoko okuonga