Jesu ndiMwari Wemasimbaose Here?
Mhinduro dzinowanzotaurwa:
▪ “Hungu, Jesu ndiMwari Wemasimbaose.”
▪ “Jesu ndiMwari akauya aine muviri wenyama.”
Jesu akati kudii?
▪ “Kudai maindida, maizofara kuti ndiri kuenda kuna Baba, nokuti Baba vakuru kwandiri.” (Johani 14:28) Jesu akataura kuti iye naBaba vake havana kuenzana.
▪ “Ndiri kukwira kuna Baba vangu naBaba venyu uye kuna Mwari wangu naMwari wenyu.” (Johani 20:17) Jesu haana kutaura nezvake saMwari asi akataura nezvaMwari somumwe Munhu.
▪ “Handina kutaura zvangu pachangu, asi ivo Baba vakandituma vakandipa murayiro pamusoro pezvandichazivisa nezvandichataura.” (Johani 12:49) Zvaidzidziswa naJesu zvakanga zvisiri zvake, zvaibva kuna Baba.
JESU akati aiva Mwanakomana waMwari, kwete Mwari Wemasimbaose. Jesu ainyengetera kuna ani paakanga ari panyika kudai akanga ari Mwari? (Mateu 14:23; 26:26-29) Hazvina musoro kufunga kuti Jesu akanga achingonyepera kutaura nomumwe munhu!
Vamwe vadzidzi vaJesu vaviri pavakamukumbira kuti vawane zvigaro zvepamusoro muUmambo hwake, Jesu akapindura kuti: “Izvi zvokugara pasi kuruoko rwangu rworudyi nokuruboshwe rwangu handisi ini ndinopa izvozvo, asi ndezvevaya vakazvigadzirirwa naBaba vangu.” (Mateu 20:23) Jesu ainyepa here paakataura kuti akanga asina simba rokuvapa zvavaikumbira? Kwete! Asi, akataura nokuzvininipisa kuti Mwari chete ndiye ane simba rokusarudza izvozvo. Jesu akatotsanangura kuti pane zvimwe zvinhu zvaaisaziva uye zvaisazivikanwa nengirozi asi zvaizivikanwa naBaba vake chete.—Mako 13:32.
Jesu akanga ari pasi paMwari paakanga ari pasi pano chete here? Kwete. Kunyange pashure pokunge afa uye amutswa, Bhaibheri rinoti Jesu akanga ari pasi paMwari. Muapostora Pauro anotiyeuchidza kuti, “Musoro waKristu ndiMwari.” (1 VaKorinde 11:3, Bhaibheri Rinoera) Bhaibheri rinoti munguva iri mberi “kana zvinhu zvose zvaiswa pasi pokutonga kwaKristu, iye pachake, mwanakomana, achazviisa pasi paMwari, uyo akaisa zvinhu zvose pasi pake, uye Mwari achanyatsotonga zvinhu zvose.”—1 VaKorinde 15:28, TEV.
Zviri pachena kuti Jesu haasi Mwari Wemasimbaose. Ndosaka akataura nezvaBaba vake achiti, “Mwari wangu.”—Zvakazarurwa 3:2, 12; 2 VaKorinde 1:3, 4.a
[Mashoko Omuzasi]
a Kana uchida mamwe mashoko anotaura nezvenyaya iyi, ona mapeji 201-204 ebhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 7]
Jesu akati pane zvimwe zvinhu zvaaisaziva uye zvaisazivikanwa nengirozi asi zvaizivikanwa naBaba vake chete