Hondo yeAmagedhoni Ichauya Rini?
“Ndakaona, uye, tarira! boka guru revanhu, vakanga vasingakwanisi kuverengwa nomunhu, vanobva kumarudzi ose nemadzinza nevanhu nendimi . . . vanobuda mukutambudzika kukuru.”—ZVAKAZARURWA 7:9, 14.
HONDO yeAmagedhoni yava kuda kurwiwa. Tinoziva sei izvozvo?
Iye zvino munyika yose matova nevanhu vanonamata Jehovha vakabatana uye vanotevedzera mitemo yeBhaibheri panyaya dzetsika. Mamiriyoni evanhu vanobva kumarudzi ose, nemadzinza nemitauro yakasiyana-siyana ari kuumba sangano rakabatana rehama dzinodanana, achibatsirwa naMwari. Zvapupu zvaJehovha ndivo vanhu ava vakabatana.—Johani 13:35.
Munguva pfupi iri kuuya, Satani achaunganidza uto rake obva atanga kurwisa vanhu ava vane rugare vanoita sevasingagoni kuzvidzivirira. (Ezekieri 38:8-12; Zvakazarurwa 16:13, 14, 16) Ungava sei nechokwadi chokuti izvi ndizvo zvichaitika? Bhaibheri rinorondedzera zvinhu chaizvo zvinotibatsira kuziva pachauya hondo yeAmagedhoni. Zvakawanda zvarinotaura zvakatozadzika.
Zviitiko Zvauri Kuona Zvichizadzika
Vadzidzi vaJesu vakamubvunza kuti vanhu vaizoziva sei kuti “kuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho” kwava kutosvika. (Mateu 24:3) Mumhinduro yake, Jesu akataura kuti: “Rudzi ruchamukira rudzi noumambo huchamukira umambo, uye kuchava nokushomeka kwezvokudya nokudengenyeka kwenyika munzvimbo nenzvimbo.” Akazowedzera kuti: “Zvinhu zvose izvi zvichava kutanga kwemarwadzo enhamo.” (Mateu 24:7, 8) Pauro akarondedzera nguva iyi achiiti “mazuva okupedzisira” uye kuti mazuva acho aizova “nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo.” (2 Timoti 3:1) Haufungi here kuti uprofita ihwohwo huri kutaura nezvezvinhu zviri kuitika iye zvino?
Chii chaizoita kuti zvinhu zviome chaizvo panguva iyi? Muapostora Johani akataura chikonzero chacho. Akafanozivisa kuti Satani nemadhimoni ake vaizova ‘nenguva pfupi’ yokuita mabasa avo panyika. Satani anonziwo aizenge “akatsamwa kwazvo” panguva yacho. (Zvakazarurwa 12:7-12) Uri kuona here kuti munyika yose vanhu vava kugara vachirwisana uye vaine hasha?
Jesu akatiwo mumazuva aya ekunyanya kuoma kwezvinhu, paizoitwawo basa rakakura chaizvo. Akati: “Aya mashoko akanaka oumambo [hwaMwari] achaparidzwa munyika yose inogarwa kuti ave uchapupu kumarudzi ose; uye zvadaro kuguma kuchasvika.” (Mateu 24:14) Mazuva ano Zvapupu zvaJehovha zviri kuparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari munyika dzinopfuura 235 uye mumitauro inopfuura 500. Magazini anotsanangura Bhaibheri eNharireyomurindi neMukai! avanobudisa, ndiwo ari kuparadzirwa mupasi rose kupfuura chero magazini ipi neipi. Zvapupu zvakashandurirawo Bhabheri mumitauro inoda kusvika 100. Basa ravo rinoitwa nevanhu vasingabhadharwi uye mari yacho yose inobva kuvanhu vanopa vasina kukumbirwa. Kuparidzira uku kunoshamisa hakusi kuzadzika kweuprofita hwaJesu here?
Bhaibheri rinotaurawo zviitiko zvaizotungamirira kutanga kwehondo pakati paJehovha Mwari nevanopikisana naye. Ona uprofita ihwohwo utatu hwauchaona huchizadzika.
Uprofita Hwauchaona Huchizadzika Nokukurumidza
Uprofita 1. Bhaibheri rinoti vatongi venyika vachashevedzera zvakajeka ‘nezverugare nokuchengeteka.’ Vanogona kufunga kuti vava kuzokwanisa kupedza matambudziko akakura panyika. Asi zvichaitika pashure pokushevedzera ikoko zvicharatidza kuti havazobudiriri.—1 VaTesaronika 5:1-3.
Uprofita 2. Hurumende dzakasiyana-siyana dzichatanga kurwisana nemasangano ezvitendero ari munyika yose. Bhaibheri rinofananidza hurumende idzi nechikara uye rinofananidzawo zvitendero zvose zvenhema zviri panyika nemukadzi akatasva chikara. (Zvakazarurwa 17:3, 15-18) Chikara ichi chokufananidzira chichaita kuda kwaMwari chisingazvizive pachichaparadza zvitendero zvinonyepedzera kumiririra Mwari.
Muapostora Johani akashandisa mashoko okufananidzira paairondedzera maitikiro azvo achiti: “Nyanga gumi dzawaona, nechikara, izvi zvichavenga hure uye zvichariparadza nokuripfekenura, uye zvichadya nhengo dzaro dzine nyama uye zvichariroromesa nomoto. Nokuti Mwari akaisa izvi mumwoyo mazvo kuti zviite kufunga kwake.”—Zvakazarurwa 17:16, 17.
Uprofita 3. Pashure pokuparadzwa kwezvitendero zvenhema, Satani achafurira hurumende nemauto adzo kuti dzitange kurwisa vanamati vaJehovha Mwari.—Zvakazarurwa 7:14; Mateu 24:21.
Iwe Uchaitei?
Kana usina kumbobvira wawana nguva yokunyatsodzidza Bhaibheri, zvingakuomera kubvuma kuti zvinhu zvataurwa pamusoro apa zvichaitika. Asi pane chikonzero chakanaka chokubvuma kuti zvinhu zvose zvataurwa pamusoro apa zvichaitika munguva pfupi iri kuuya. Uprofita hweBhaibheri hwava nenguva refu huchizadzika hunoita kuti tive nechokwadi kuti zvinhu izvi zvichaitika.a
Wadii kutsvaka nguva yokudzidza kuti nei Zvapupu zvaJehovha zviine chokwadi chokuti “hondo yezuva guru raMwari Wemasimbaose” yaswedera pedyo, uye kuti nei usingafaniri kuitya? Vakumbire kuti vakurukure newe zvinhu zvaunonzi neBhaibheri unofanira kuita kuti uzova mumwe wevaya vachadzivirirwa naJehovha Mwari. (Zvakazarurwa 16:14) Zvauchadzidza zvingachinja maonero aunoita remangwana.
[Mashoko Omuzasi]
a Kuti uone uchapupu hunoratidza kuti uprofita hweBhaibheri hwagara huchizadzika, ona zvitsauko 2 ne9 zvebhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 8]
Basa riri kuitwa neZvapupu zvaJehovha ringava riri kuzadzisa uprofita hweBhaibheri here?