RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w22 July pp. 2-7
  • Umambo hwaMwari Huri Kutonga!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Umambo hwaMwari Huri Kutonga!
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2022
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • MAZIVIRO ATINOITA NGUVA YAKAGADZWA UMAMBO HWAMWARI
  • MAZIVIRO ATINOITA KUTI KRISTU AVA MAMBO WEUMAMBO HWAMWARI
  • KUPARADZWA KUCHAITWA VAVENGI VEUMAMBO HWAMWARI
  • IVA NECHIVIMBO CHEKUTI JEHOVHA ACHACHENGETEDZA VANHU VAKE MUNE RAMANGWANA
  • Dzidza Pauprofita hweBhaibheri
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2023
  • Uporofita Hwakazadzika
    Bhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu?
  • Kusagadzikana Mune Zvematongerwo Enyika Kuri Kuzadzisa Uprofita hweBhaibheri
    Dzimwe Nyaya
  • Umambo Hwenyika Hwochinja
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2022
w22 July pp. 2-7

NYAYA YEKUDZIDZA 28

Umambo hwaMwari Huri Kutonga!

“Umambo hwenyika hwava Umambo hwaShe wedu nehwaKristu wake.”—ZVAK. 11:15.

RWIYO 22 Umambo Hwavapo—Ngahuuye!

ZVICHADZIDZWAa

1. Tine chokwadi chei, uye nei zvakadaro?

PAUNOTARISA matambudziko ari kuitika munyika, zvinokuomera here kubvuma kuti zvinhu zvichanaka? Mumhuri vanhu havachadanani sezvavaimboita. Vamwewo vanhu vari kuwedzera kuita zvemhirizhonga, uye kuita zvinhu zvakangonakira ivo chete. Vakawanda zviri kuvaomera kuti vavimbe nevanhu vane masimba. Asi zvinhu izvi zvinogona kuita kuti uve nechivimbo chekuti zvinhu zvichanaka. Nei zvakadaro? Nekuti vanhu vari kuita chaizvo zvakataurwa neuprofita hune chekuita ‘nemazuva ekupedzisira.’ (2 Tim. 3:1-5) Kuzadzika kweuprofita uhwu, uko kusingarambiki, kunopa uchapupu hwekuti Kristu Jesu akatanga kutonga saMambo weUmambo hwaMwari. Asi uhwu hunongova uprofita humwe chete pauprofita hwakawanda hunotaura nezveUmambo. Ngatimbosimbisai kutenda kwedu nekudzokorora humwe uprofita hwakazadzika mumakore achangopfuura.

Mumwe munhu achiisa chidimbu chekupedzisira chejigsaw. Chidimbu chacho chinoratidza dombo pashure pekurova chifananidzo chakakura chesimbi. Jigsaw yacho inoratidza uprofita hwakasiyana-siyana hwemumabhuku eBhaibheri anoti Dhanieri naZvakazarurwa. 1. Dombo rinomviririka richibva mugomo rorova tsoka dzechifananidzo chakakura. 2. Muti wakakura. 3. Mabhiza mana ari kugagadika uye vatasvi vawo. 4. Pfambi yakagara pamusoro pechikara chitsvuku.

Uprofita huri mubhuku raDhanieri neraZvakazarurwa hunonyatsobatana zvekuti tinobva tanyatsoona kuti mugumo wava pedyo sezvakavimbiswa naJehovha (Ona ndima 2)

2. Tichakurukurei munyaya ino, uye nechikonzero chei? (Taurawo nezvemufananidzo uri pakavha.)

2 Munyaya ino tichakurukura zvinhu zvitatu zvinoti, (1) uprofita hunotibatsira kunzwisisa kuti Umambo hwaMwari hwakagadzwa riini, (2) uprofita hunotibatsira kunzwisisa kuti Jesu ava Mambo weUmambo hwaMwari kudenga, uye (3) uprofita hunoratidza kuti vavengi veUmambo hwaMwari vachaparadzwa sei. Tichaona kuti uprofita uhwu hunobatana sei zvekuti tinobva tanyatsoona kuti mugumo wava pedyo sezvakavimbiswa naJehovha.

MAZIVIRO ATINOITA NGUVA YAKAGADZWA UMAMBO HWAMWARI

3. Uprofita hunowanika pana Dhanieri 7:13, 14 hunoita kuti tive nechivimbo chei nezvaMambo weUmambo hwaMwari?

3 Uprofita hunowanika pana Dhanieri 7:13, 14 hunoita kuti tive nechokwadi chekuti Kristu Jesu achava Mutongi akanaka chaizvo weUmambo hwaMwari. Vanhu vemarudzi ese ‘vachamushumira’ vachifara uye hapana achazombomutsiva pakuva Mutongi. Humwe uprofita huri mubhuku raDhanieri hwakataura kuti Jesu aizotanga kutonga muUmambo ihwohwo pakupera kwenguva inonzi neuprofita nguva nomwe. Zvinoita here kuti tizive kuti Jesu akava Mambo riini?

4. Tsanangura kuti Dhanieri 4:10-17 inotibatsira sei kuziva gore raizogadzwa Kristu kuti ave Mambo. (Onawo mashoko emuzasi.)

4 Verenga Dhanieri 4:10-17. “Nguva nomwe” dzinomiririra makore 2 520. Nguva iyoyo yakatanga muna 607 B.C.E., vaBhabhironi pavakabvisa mambo wekupedzisira pachigaro cheUmambo chaJehovha muJerusarema. Yakaguma muna 1914 C.E., Jehovha paakagadza Jesu, uyo “ane kodzero yepamutemo,” kuti ave Mambo weUmambo hwaMwari.b—Ezek. 21:25-27.

5. Tinobatsirwa sei neuprofita hune chekuita ‘nenguva nomwe’?

5 Uprofita uhwu hunotibatsira sei? Kuziva ‘nezvenguva nomwe’ kunoita kuti tive nechokwadi chekuti Jehovha anozadzisa zvaakavimbisa panguva chaiyo. Jehovha akasarudza nguva yaaizogadza Jesu saMambo uye nguva iyoyo payakasvika akamugadza. Saka tinoziva kuti achaita kuti humwe uprofita hwese huzadzike panguva yaakasarudza. Zuva raJehovha ‘harizononoki!’—Hab. 2:3.

MAZIVIRO ATINOITA KUTI KRISTU AVA MAMBO WEUMAMBO HWAMWARI

6. (a) Zvii zvatiri kuona panyika zvinoratidza kuti Kristu ava kutonga kudenga? (b) Uchapupu uhwu hunotsigirwa sei neuprofita huri pana Zvakazarurwa 6:2-8?

6 Ava pedyo nekupedza ushumiri hwake hwepanyika, Jesu akataura zvimwe zvinhu zvaizoitika munyika zvaizobatsira vateveri vake kuziva kuti akanga atanga kutonga kudenga. Zvimwe zvezvinhu zvaakataura zvinoti hondo, nzara, uye kudengenyeka kwenyika. Akataurawo kuti paizova nezvirwere, kana kuti matenda, “munzvimbo dzakawanda,” uye denda reCOVID-19 ndemumwe muenzaniso wacho. Zviitiko izvi ndezvimwe zvezvinhu zvinoumba chinonzi neBhaibheri “chiratidzo” chekuvapo kwaKristu. (Mat. 24:3, 7; Ruka 21:7, 10, 11) Makore anopfuura 60 pashure pekunge afa uye adzokera kudenga, Jesu akapa muapostora Johani humwe uchapupu hwekuti zviitiko izvi zvaizoitika. (Verenga Zvakazarurwa 6:2-8.) Zviitiko zvese izvi zvakaitika kubva Jesu paakatanga kutonga saMambo muna 1914.

7. Nei zvinhu zvakawanda zvakaipa zvakatanga kuitika panyika Jesu paakatanga kutonga?

7 Nei zvinhu zvakawedzera kuipa panyika Jesu paakava Mambo? Zvakazarurwa 6:2 inotipa mashoko anokosha ekuti Jesu achangogadzwa saMambo, akatanga hondo. Achirwa naani? Achirwa naDhiyabhorosi nemadhimoni ake. Maererano naZvakazarurwa chitsauko 12, Satani akakundwa muhondo yacho, uye iye nemadhimoni ake vakakandwa panyika. Akatsamwa kwazvo, Satani akatanga kuratidza hasha dzake pavanhu, zvichiita kuti ‘panyika pave nenhamo.’—Zvak. 12:7-12.

Murume nemudzimai vakatarisa TV vachiona nhau dzinoratidza kusagadzikana kwezvinhu munyika. Vane Bhaibheri nemamwe mabhuku patafura iri pamberi pavo.

Hatifadzwi nekuona zvinhu zvakaipa zvichiitika, asi patinoona kuti zviri kuzadzisa uprofita hweBhaibheri tinova nechivimbo chekuti Umambo hwaMwari huri kutonga (Ona ndima 8)

8. Tinobatsirwa sei patinoona uprofita hune chekuita neUmambo huchizadzika?

8 Uprofita uhwu hunotibatsira sei? Zviri kuitika munyika uye kuchinja kuri kuita mafungiro nemaitiro evanhu zvinotibatsira kunzwisisa kuti Jesu ava Mambo. Saka pane kuti tigumbuke patinoona vanhu vachiita utsinye uye vachiita zvinhu zvakangovanakira, tinoyeuka kuti zvavari kuita zviri kuzadzisa uprofita hweBhaibheri. Umambo hwaMwari huri kutonga! (Pis. 37:1) Uye tinotarisira kuti zvinhu zvichawedzera kuoma munyika Amagedhoni zvairi kuswedera pedyo. (Mako 13:8; 2 Tim. 3:13) Tinotenda kuti Baba vedu vekudenga vane rudo vanotibatsira kunzwisisa kuti nei panyika paine matambudziko akawanda.

KUPARADZWA KUCHAITWA VAVENGI VEUMAMBO HWAMWARI

9. Uprofita huri pana Dhanieri 2:28, 31-35, hunotsanangura sei umambo hwekupedzisira hune simba kupfuura humwe hwese panyika, uye hwakavapo rini?

9 Verenga Dhanieri 2:28, 31-35. Tiri kuona uprofita uhwu huchizadzika mazuva ano. Hope dzaNebhukadhinezari dzakaratidza zvaizoitika “mumazuva ekupedzisira,” pashure pekunge Kristu atanga kutonga. Vavengi vaJesu vepanyika vaizosanganisira umambo hwekupedzisira hwenyika hwakataurwa muBhaibheri, uye umambo ihwohwo hunomiririrwa ‘netsoka dzesimbi nevhu.’ Umambo uhwu huri kutotonga. Hwakavapo muHondo Yenyika I, Britain neAmerica padzakatanga kushanda dzakabatana. Chifananidzo chakarotwa naNebhukadhinezari chakaratidzawo zvinhu zviviri nezveumambo uhwu zvaizohusiyanisa nehumwe umambo hwakambovapo.

10. (a) Chii chatinoona mazuva ano paumambo hweBritain neAmerica chakataurwa muuprofita hwaDhanieri? (b) Ingozi ipi yatinofanira kutambira kure nayo? (Ona bhokisi rakanzi “Ngwarira Ivhu!”)

10 Chekutanga ndechekuti dzimwe hurumende dzaimbovapo idzo dzinotaurwa muhope dzaNebhukadhinezari dzaimiririrwa nezvinhu zvakadai segoridhe kana kuti sirivha, zvisina kusanganiswa nezvimwe zvinhu. Asi umambo hweBritain neAmerica hunomiririrwa nesimbi yakasanganiswa nevhu. Ivhu rinomiririra “vanhu.” (Dhan. 2:43) Sezvatinonyatsoona mazuva ano, zvinoitwa nevanhu musarudzo, pakurwira kodzero dzevanhu, pakuratidzira, uye pakurwira kodzero dzevashandi, zvinoita kuti vatungamiriri veumambo hweBritain neAmerica vasakwanisa kunyatsoita zvese zvavanenge vachida kuita.   

Ngwarira Ivhu!

Tsoka dzesimbi neivhu dzechifananidzo chikuru chakaonekwa naDhanieri. Tsoka dzacho dzakapoteredzwa nevanhu vari kuratidzira zvichiita kuti pasave nekugadzikana, magadhi akabata zvekuvharidzira, vatungamiriri venyika vakaungana pamwe chete, uye nhengo dzeUnited Nations dziri pamusangano.

Muuprofita hwaDhanieri, ivhu riri mutsoka dzechifananidzo chakakura kwazvo rinomiririra vanhu. Vanhu ava vane simba pane zvinoitwa nevatungamiriri venyika uye pamatongero avo. (Dhan. 2:41-43) Izvozvo zvine ngozi kwatiri here? Hongu! Kana tikasachengetedza mwoyo wedu, tinogona kupedzisira tava nedivi ratinotsigira. Semuenzaniso, tinogona kuva pamuedzo wekutsigira maonero evaya vanoedza kuchinja zvinhu kuburikidza nekuratidzira kana kuti nekuita zvematongerwo enyika. (Zvir. 4:23; 24:21, mashoko emuzasi) Tingaitei kuti tisakanganiswa naizvozvo? Tinofanira kuyeuka kuti Satani ndiye mutongi wenyika. (1 Joh. 5:19) Uye Umambo hwaMwari ndihwo chete huchapedza matambudziko edu.—Pis. 146:3-5.

11. Kuziva kuti umambo hweBritain neAmerica huri kutonga kunosimbisa sei chivimbo chedu chekuti tiri kurarama munguva yekuguma?

11 Chechipiri ndechekuti umambo hweBritain neAmerica uhwo hunomiririrwa netsoka pachifananidzo chakakura kwazvo ndihwo umambo hwenyika hwekupedzisira hunotaurwa muBhaibheri. Hapana imwe hurumende yevanhu ichahutsiva. Asi huchaparadzwa neUmambo hwaMwari paAmagedhoni pamwe chete nedzimwe hurumende dzevanhu.c—Zvak. 16:13, 14, 16; 19:19, 20.

12. Ndehupi humwe uchapupu huri muuprofita hwaDhanieri hunotinyaradza uye hunotipa tariro?

12 Uprofita uhwu hunotibatsira sei? Uprofita hwaDhanieri hunotipa humwe uchapupu hunoratidza kuti tiri kurarama munguva yekuguma. Makore anopfuura 2 500 adarika, Dhanieri akataura kuti pashure peBhabhironi paizova nehumwe umambo huna hwenyika hwaizova nezvahunoita pavanhu vaMwari. Uyewo akaratidza kuti umambo hweBritain neAmerica ndihwo hwaizova hwekupedzisira paumambo uhwu. Izvi zvinotinyaradza uye zvinotipa tariro yekuti munguva pfupi iri kuuya Umambo hwaMwari huchaparadza hurumende dzese dzevanhu uye huchatonga nyika yese.—Dhan. 2:44.

13. Mambo “wechisere” uye “madzimambo gumi,” anotaurwa pana Zvakazarurwa 17:9-12 anomiririrei, uye uprofita uhwu hwakazadzika sei?

13 Verenga Zvakazarurwa 17:9-12. Kuparadza kwakaita Hondo Yenyika I kwakazadzisa humwe uprofita hweBhaibheri hunotaura nezvemazuva ekupedzisira. Vatungamiriri venyika vaida kuti panyika pave nerugare. Saka muna January 1920, vakaumba Sangano Renyika Dzakabatana (League of Nations), iro rakazotsiviwa muna October 1945 neSangano Remubatanidzwa Wenyika Dzepasi Rese (United Nations). Sangano iri rinonzi “mambo wechisere.” Asi harisi umambo hwenyika. Simba raro rinobva pahurumende dzinoritsigira. Bhaibheri rinodana hurumende idzodzo kuti “madzimambo gumi.”

14-15. (a) Zvakazarurwa 17:3-5 inotiudzei ‘nezveBhabhironi Guru’? (b) Chii chiri kuitwa nevatsigiri vakawanda vechitendero chenhema?

14 Verenga Zvakazarurwa 17:3-5. Pane zvaakaratidzwa naMwari, muapostora Johani akaona pfambi, “Bhabhironi Guru,” iyo inomiririra zvitendero zvese zvenhema. Chiratidzo ichi chiri kuzadzika sei? Zvitendero zvenhema zvine nguva yakareba zvichishanda pamwe chete nehurumende dzenyika uye zvichidzitsigira. Asi munguva pfupi iri kuuya, Jehovha achaita kuti hurumende dziite ‘zvaari kufunga.’ Izvi zvichaguma nei? Hurumende idzodzo, “madzimambo gumi,” dzicharwisa masangano ezvitendero zvenhema dzoaparadza.—Zvak. 17:1, 2, 16, 17.

15 Tinoziva sei kuti kuguma kweBhabhironi Guru kwava pedyo? Kuti tipindure mubvunzo iwoyo, zvinobatsira kuyeuka kuti guta reBhabhironi rekare rainge rakadzivirirwa nemvura yerwizi rukuru rwaYufratesi. Bhuku raZvakazarurwa rinofananidza mamiriyoni evatsigiri veBhabhironi Guru ‘nemvura’ inodzivirira. (Zvak. 17:15) Asi rinobudisawo pachena kuti mvura yacho ‘yaizooma,’ zvichiratidza kuti zvitendero zvenhema zvaizorasikirwa nevatsigiri vazvo vakawanda. (Zvak. 16:12) Mazuva ano uprofita uhwu huri kuzadzika nekuti vanhu vakawanda vari kusiya chitendero chenhema vachitsvaga mhinduro dzemibvunzo yavo kumwewo.

16. Tinobatsirwa sei nekunzwisisa uprofita hune chekuita nekuumbwa kweUnited Nations uye kuguma kweBhabhironi Guru?

16 Uprofita uhwu hunotibatsira sei? Kuumbwa kweUnited Nations uye kudzikira kwevanhu vanotsigira chitendero chenhema zvinoratidza kuti tiri kurarama mumazuva ekupedzisira. Kunyange zvazvo vanhu vakawanda vasingachatsigiri Bhabhironi Guru, handizvo zvichaita kuti masangano ezvitendero zvenhema aparare. Sezvambotaurwa, Jehovha achaita kuti “madzimambo gumi,” kureva hurumende dzinotsigira United Nations, ‘aite zvaari kufunga.’ Nyika idzodzo dzichangoerekana dzaparadza Bhabhironi Guru, uye izvozvo zvichashamisa vanhu.d (Zvak. 18:8-10) Kuparadzwa kweBhabhironi Guru kuchaita kuti nyika ivhiringidzike uye kungangokonzera matambudziko, asi pane zvikonzero zviviri zvichaita kuti vanhu vaMwari vafare. Chitendero chenhema icho chava nenguva refu chiri muvengi waJehovha Mwari chichange chisisipo, uye tichange tava pedyo kununurwa munyika ino yakaipa!—Ruka 21:28.

IVA NECHIVIMBO CHEKUTI JEHOVHA ACHACHENGETEDZA VANHU VAKE MUNE RAMANGWANA

17-18. (a) Tingaitei kuti tirambe tichisimbisa kutenda kwedu? (b) Tichakurukurei munyaya inotevera?

17 Dhanieri akataura kuti ‘ruzivo rwechokwadi rwaizowanda.’ Uye izvi ndizvo chaizvo zviri kuitika! Tava kunzwisisa uprofita hune chekuita nenguva yatiri kurarama. (Dhan. 12:4, 9, 10) Kuzadzika kuri kuita uprofita uhwu kunoita kuti tiremekedze chaizvo Jehovha neShoko rake rakafemerwa. (Isa. 46:10; 55:11) Saka ramba uchisimbisa kutenda kwako nekunyatsodzidza Bhaibheri uye nekubatsira vamwe kuti vave neushamwari hwakanaka naJehovha. Achachengetedza vese vanonyatsovimba naye, uye achaita kuti ‘varambe vaine rugare.’—Isa. 26:3.

18 Munyaya inotevera, tichakurukura nezveuprofita hunotaura nezveungano yechiKristu munguva yekuguma. Sezvatichadzidza, uprofita uhwu hunonyatsopindirana nehumwe uprofita hunoratidza kuti tiri kurarama mumazuva ekupedzisira. Tichaona humwe uchapupu hunoratidza kuti Mambo wedu Jesu, uyo ari kutonga, ari kutungamirira vateveri vake vakavimbika.

UPROFITA UHWU HUNORATIDZA SEI KUTI UMAMBO HWAMWARI HURI KUTONGA?

  • Dhanieri 4:10-17

  • Zvakazarurwa 6:2-8

  • Dhanieri 2:28, 31-35; Zvakazarurwa 17:3-5, 9-12

RWIYO 61 Shingai, Imi Zvapupu!

a Tiri kurarama panguva iri kuitika zvinhu zvakawanda chaizvo munhoroondo yevanhu. Umambo hwaMwari hwakagadzwa sezvakataurwa neuprofita hwakawanda hweBhaibheri. Munyaya ino tichaongorora humwe hweuprofita ihwohwo kuti tisimbise kutenda kwedu muna Jehovha uye kuti hutibatsire kuramba takadzikama tichivimba naye iye zvino uye mumazuva ari kutevera.

b Ona chidzidzo 32 pfungwa 4 mubhuku rinonzi Rarama Nekusingaperi Uchifara!, uye pajw.org, ona vhidhiyo yakanzi Umambo hwaMwari Hwakatanga Kutonga Muna 1914.

c Kuti uwane mamwe mashoko ane chekuita neuprofita hwaDhanieri, ona Nharireyomurindi yaJune 15, 2012, mapeji 14-19.

d Kuti uwane mamwe mashoko anotaura zvichaitika munguva pfupi iri kuuya, ona chitsauko 21 chebhuku rinonzi Umambo hwaMwari Huri Kutonga!

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe