RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w13 5/1 p. 15
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Mashoko Akafanana
  • Mwari Achandikanganwira Here?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Mwari “Akagadzirira Kukanganwira”
    Swedera Pedyo naJehovha
  • Kana Mwari Aregerera, Anobva Atokanganwa Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Jehovha, Mwari “Akagadzirira Kukanganwira”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
w13 5/1 p. 15

MIBVUNZO YEBHAIBHERI INOPINDURWA

Zvivi zvedu zvinogona kuregererwa here?

Hazvina kumbooma kuti tifarirwe naMwari

Maererano nezvinotaurwa neBhaibheri, vanhu vose vane zvivi. Tagara tichingoda kutadza nokuti takabva kumunhu wokutanga, Adhamu. Saka dzimwe nguva tinoita zvakaipa uye tinogona kuzozvidemba. Mwanakomana waMwari, Jesu Kristu akatifira kuti abhadhare zvivi zvedu. Chibayiro chake chorudzikinuro chakaita kuti tikwanise kuregererwa. Chipo chakabva kuna Mwari.—Verenga VaRoma 3:23, 24.

Vamwe vanhu vakaita zvivi zvakakura uye vanonetseka kana Mwari achikwanisa kuvaregerera. Zvinofadza kuti Shoko raMwari rinoti: “Ropa raJesu Mwanakomana wake rinotichenesa pazvivi zvose.” (1 Johani 1:7) Jehovha anoda chaizvo kukanganwira zvivi zvakakura kana tichipfidza zvechokwadi.—Verenga Isaya 1:18.

Tinofanira kuitei kuti tiregererwe?

Kana tichida kuti Jehovha Mwari atiregerere, tinofanira kudzidza nezvake. Izvi zvinosanganisira kunzwisisa nzira dzake, mazano ake, uye zvaanoda. (Johani 17:3) Jehovha anoregerera vaya vanopfidza zvakaipa zvavo voedza kusazviita zvakare.—Verenga Mabasa 3:19.

Hazvina kumbooma kuti tifarirwe naMwari. Jehovha anonzwisisa zvatinotadza. Ane ngoni uye ane mutsa. Mutsa wake worudo hauiti here kuti ude kuziva zvakawanda nezvokuti ungamufadza sei?—Verenga Pisarema 103:13, 14.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe