RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w13 10/1 p. 16
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Mashoko Akafanana
  • Pane Tariro Here Yokuti Vakafa Vachamutswa?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Tichazomboona Vakafa Here?
    Mashoko Akanaka Anobva Kuna Mwari!
  • Zvinorevei Kuti Vakafa Vachamutswa?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
w13 10/1 p. 16

MIBVUNZO YEBHAIBHERI INOPINDURWA

Pane tariro here yokuti vakafa vachamutswa?

Rufu rwakafanana nokurara pakuti vakafa havana chavanoziva uye havana chavanokwanisa kuita. Asi Musiki anogona kumutsa vakafa. Achiratidza izvi, Mwari akapa Jesu simba, zvikaita kuti agone kumutsa vanhu vainge vafa.—Verenga Muparidzi 9:5; Johani 11:11, 43, 44.

Rufu rwakafanana papi nokurara?

Mwari akavimbisa kuti achamutsa vaya vaanosarudza kuyeuka kuti vazorarama munyika itsva ichange iine kururama. Asi vanofanira kuramba vari murufu kusvikira Mwari avamutsa. Mwari Wemasimbaose anoda chaizvo kushandisa simba rake kumutsa vakafa.—Verenga Jobho 14:14, 15.

Vaya vachamutswa vachange vakaita sei uye vachagara kupi?

Mwari paachamutsa vanhu, vanhu vacho vachange vachiziva kuti ivo ndivanaani, uye vachayeuka hama neshamwari dzavo. Kunyange zvazvo muviri womunhu uchiora, Mwari anokwanisa kumutsa munhu iyeye aine muviri mutsva.—Verenga 1 VaKorinde 15:35, 38.

Vashoma chete ndivo vachamutsirwa kunorarama kudenga. (Zvakazarurwa 20:6) Vakawanda vachamutswa vachararama munyika inenge yava paradhiso. Vachapiwa mukana wokutanga patsva vaine tariro yokurarama nokusingaperi.—Verenga Pisarema 37:29; Mabasa 24:15.

Kuti uwane mamwe mashoko, ona zvitsauko 6 ne7 zvebhuku iri raBhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha

Unogona kurikopa pawww.pr2711.com

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe