RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w13 9/15 pp. 3-6
  • Batsirwa Nendima dzeBhaibheri Dzinoratidza Musiyano Wezvinhu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Batsirwa Nendima dzeBhaibheri Dzinoratidza Musiyano Wezvinhu
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • BATSIRWA NOKUSIYANISA
  • Wedzera Mano Somudzidzisi
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • “Rambai Muchifamba Savana Vechiedza”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • “Jehovha Mumwe chete” Anounganidza Mhuri Yake
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • “Ita Ushumiri Hwako Kwazvo”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
w13 9/15 pp. 3-6

Batsirwa Nendima dzeBhaibheri Dzinoratidza Musiyano Wezvinhu

Haubvumi here kuti hakuna mumwe Mudzidzisi akamborarama panyika anopfuura Jesu? Zvimwe wakamboedza kutevedzera madzidzisiro aaiita akadai sokushandisa mibvunzo uye mifananidzo. Asi wakambofunga here kuti kakawanda aidzidzisa achiratidza kusiyana kwakaita zvinhu?

Vanhu vakawanda pavanenge vachitaura vanoratidza kusiyana kwakaita zvinhu. Zvimwe unotombozviitawo usiri kuzvifunga. Ungati, “Vakati michero yose yakaibva; asi iyi haina.” Kana kuti, “Ainyara chaizvo achiri mudiki, asi iye zvino asununguka chaizvo.”

Paunotaura seizvi, unotanga wataura pfungwa yacho; woshandisa mashoko akadai sokuti asi, kana kuti zvisinei, wozoratidza musiyano wacho nokuwedzera mamwe mashoko. Paunotaura uchidaro, zvinonyatsonzwika uye zvinogona kubatsira vamwe kunzwisisa zvauri kutaura.

Kunyange zvazvo mune mimwe mitauro kana kuti tsika, vanhu vasingatauri vachiratidza kusiyana kwakaita zvinhu, zvakanaka kuti tizive kukosha kwematauriro aya. Nei tichidaro? Nokuti matauriro aya akazara muShoko raMwari rakafemerwa. Jesu aiwanzotaura achiratidza kusiyana kwakaita zvinhu. Somuenzaniso akati: “Vanhu havabatidzi rambi voriisa pasi pedengu rokuyeresa, asi pamusoro pechigadziko cherambi.” “Handina kuuya kuzoparadza [Mutemo], asi kuzozadzisa.” “Makanzwa kuti zvakanzi, ‘Usaita upombwe.’ Asi ini ndinoti kwamuri, munhu wose anoramba akatarira mukadzi . . . ” “Zvakanzi, ‘Ziso rinotsiviwa neziso uye zino nezino.’ Zvisinei, ini ndinoti kwamuri: Musadzivisa munhu akaipa; asi munhu wose anokurova nembama padama rako rokurudyi, umupewo rimwe racho.”—Mat. 5:15, 17, 27, 28, 38, 39.

Mune mamwe mabhuku eBhaibheri munoshandiswawo misiyano yakadaro. Matauriro aya anogona kukubatsira kunzwisisa pfungwa iri kutaurwa kana kuti kusimbisa nzira iri nani yokuita chimwe chinhu. Kana uri mubereki, funga nezverugwaro urwu: “Imi vanababa, musatsamwisa vana venyu, asi rambai muchivarera mukuranga nokutungamirira pfungwa kunoitwa naJehovha.” (VaEf. 6:4) Zano romuapostora Pauro raizongova rouchenjeri uye rechokwadi kudai akagumira pakuti baba (kana kuti amai) vanofanira kurera mwana mukuranga kwaMwari. Asi pfungwa yacho inonyatsojeka nokusiyanisa kwaakaita kuti ‘musavatsamwisa asi varerei mukuranga nokutungamirira pfungwa kunoitwa naJehovha.’

Muchitsauko ichocho, Pauro akazonyora kuti: “Hatirwi neropa nenyama, asi . . . nemasimba emidzimu yakaipa ari munzvimbo dzomumatenga.” (VaEf. 6:12) Musiyano uyu unogona kukubatsira kunzwisisa kuti uri muhondo huru. Haisi hondo yokurwisana nevanhu; asi ndeyokurwisana nemidzimu yakaipa.

BATSIRWA NOKUSIYANISA

Mubhuku reBhaibheri iroro raVaEfeso, uchaona kuti Pauro akashandisa unyanzvi uhwu hwokusiyanisa pfungwa mbiri. Kufunga nezvekusiyanisa kwaaiita zvinhu kunogona kutibatsira kunyatsonzwisisa zvaaireva uye zvatinofanira kuita.

Chati iri munyaya ino ine ndima dziri muna VaEfeso chitsauko 4 ne5 dzinoratidza kusiyana kwakaita zvinhu. Unogona kunakidzwa uye kubatsirwa nokuongorora chati iyi. Paunoverenga ndima imwe neimwe, funga nezveupenyu hwako. Zvibvunze kuti: ‘Mafungiro angu akamboita sei? Ndinoita sei pamamiriro ezvinhu akadai kana kuti akada kufanana nawo? Vamwe vangafunga kuti idivi ripi rinoratidza zvandiri?’ Kana ukaona kuti pane paunofanira kugadzirisa edza kupagadzirisa. Kusiyanisa ikoko ngakukubatsire.

Kana kuti munogona kushandisa chati iyi pakunamata kwemhuri. Munogona kutanga nokuverenga magwaro acho ose. Zvadaro, mumwe wenyu anogona kutaura chikamu chokutanga chorugwaro, vamwe vobva vataura pfungwa iri kusimbiswa muchikamu chechipiri. Izvi zvingaita kuti munakidzwe semhuri nokukurukura kuti mungabatsirwa sei nechikamu chechipiri. Chokwadi kuongorora kusiyanisa pfungwa uku kunogona kubatsira vaduku nevakuru kuti varambe vaine mararamiro echiKristu mumhuri uye kumwewo.

Unogona here kuyeuka chikamu chechipiri chemusiyano?

Paunoziva kubatsira kunoita unyanzvi hwokusiyanisa, zvichakuitira nyore kuona pahunenge hwakashandiswa muBhaibheri uye unogona kuona kuti hunobatsira chaizvo muushumiri hwechiKristu. Somuenzaniso, unogona kutaura kuna saimba kuti: “Vanhu vakawanda vanoti mweya womunhu haufi, asi onai kuti Shoko raMwari rinoti chii pano.” Kana kuti paunenge uchiitisa chidzidzo cheBhaibheri, unogona kubvunza kuti: “Vanhu vakawanda vari munzvimbo ino vanoti Mwari naJesu munhu mumwe; asi taonei muBhaibheri? Imi munodavira kuti chii?”

Chokwadi Magwaro ane misiyano yakawanda inodzidzisa, inogona kutibatsira kufamba munzira yaMwari. Uye tinogona kuishandisa kubatsira vamwe kuti vazive chokwadi chiri muBhaibheri.

Dzimwe Ndima Dziri Muna VaEfeso Chitsauko 4 ne5 Dzinoratidza Misiyano Yezvinhu

Edzai kushandisa chati iyi pakunamata kwenyu kwemhuri!

“[Hatifaniri kuramba] tichitakurirwa kuno nokoko . . . nounyengeri hwevanhu, nemanomano okuruka mazano okukanganisa.”​—⁠4:14.

“Asi nokutaura chokwadi, isu ngatikurei norudo muzvinhu zvose muna Kristu, uyo ari musoro.”​—⁠4:15.

“[Marudzi] ari murima mupfungwa, . . . nokuda kwokuoma kwemwoyo yawo.”​—⁠4:18, 19.

“Asi imi hamuna kudzidza Kristu kuti akadaro, chokwadi, chero bedzi makamunzwa uye makadzidziswa naye.”​—⁠4:20, 21.

“Munofanira kubvisa unhu hwekare hunotsinhirana nowaimbova mufambiro wenyu.”​—⁠4:22.

“Asi . . . munofanira kuitwa vatsva musimba rinoita kuti pfungwa dzenyu dzishande, uye munofanira kupfeka unhu hutsva.”​—⁠4:23, 24.

“Anoba ngaachirega kubazve.”​—⁠4:28.

“Asi ngaashande nesimba, achiita basa rakanaka nemaoko ake.”​—⁠4:28.

“Shoko rakaora ngarirege kubuda mumuromo menyu.”​—⁠4:29.

“Asi shoko chero ripi zvaro rakanaka, kuti rivake.”​—⁠4:29.

“Pfini dzose nokutsamwa nehasha nokupopota nokutuka ngazvibviswe kwamuri pamwe chete nezvakaipa zvose.”​—⁠4:31.

“Asi itiranai mutsa, muchinzwirana tsitsi kwazvo, muchikanganwirana nomwoyo wose.”​—⁠4:32.

“Ufeve nezvinhu zvisina kuchena zvemarudzi ose kana kukara ngazvirege kumbotaurwa nezvazvo pakati penyu.”​—⁠5:3.

“Asi panzvimbo paizvozvo kuonga.”​—⁠5:4.

“Maimbova rima.”​—⁠5:8.

“Asi zvino mava chiedza munaShe.”​—⁠5:8.

“Regai kugoverana navo mumabasa asina zvibereko erima.”​—⁠5:11.

“Asi, itoashorai.”​—⁠5:11.

“Naizvozvo rambai muchinyatsochenjerera kuti kufamba kwamunoita kurege kuita sezvinoita vanhu vasina kuchenjera.”​—⁠5:15.

“Asi sezvinoita vakachenjera, muchizvitengera nguva yakakodzera.”​—⁠5:15, 16.

“Nokuda kweizvi musava mapenzi.”​—⁠5:17.

“Asi rambai muchinzwisisa kuti zvinodiwa naJehovha ndezvipi.”​—⁠5:17.

“Musadhakwa newaini, nokuti pakudhakwa ndipo pane zvakaipa.”​—⁠5:18.

“Asi rambai muchizadzwa nomudzimu.”​—⁠5:18.

“Kuti [Kristu] aise ungano kwaari iine runako rwayo, isina ruvara kana kuunyana kana kuti chero chimwe chezvinhu zvakadaro.”​—⁠5:27.

“Asi kuti ive tsvene isina gwapa.”​—⁠5:27.

“Hapana murume akambovenga nyama yake.”​—⁠5:29.

“Asi anoipa zvokudya uye anoitarisira, sezvinoitirawo Kristu ungano.”​—⁠5:29.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe