MIBVUNZO YEBHAIBHERI INOPINDURWA
Chii chinoita kuti munhu ave mubereki akanaka?
Uri kudzidzisa mwana wako kuti ade Mwari here?
Mwana anokura zvakanaka kana mumba muine vabereki vanodanana uye vanoremekedzana. (VaKorose 3:14, 19) Vabereki vakanaka ndevaya vanoda vana vavo, uye vanovarumbidza sezvakaitwa naJehovha Mwari paakarumbidza Mwanakomana wake.—Verenga Mateu 3:17.
Baba vedu vekudenga vanoteerera vashumiri vavo, uye vanofungawo zvavanofarira. Zvakanaka kuti vabereki vaitewo saizvozvo. Vanofanira kuteerera vana vavo pavanenge vachitaura. (Jakobho 1:19) Vanofanira kuratidza kuti vari kunzwisisa zviri kufungwa nevana vavo, kunyange kana zvichiita sezvisina musoro.—Verenga Numeri 11:11, 15.
Ungabatsira sei vana vako kuti vazogona kuzvisarudzira voga?
Somubereki, une simba rekupa vana vako mitemo. (VaEfeso 6:1) Tevedzera zvinoitwa naMwari. Anoratidza kuti anoda vana vake nekuti anovatsanangurira mitemo yake uye zvinoitika kana vakasateerera. (Genesisi 3:3) Haamanikidzi vanhu kuti vamuteerere, asi anovadzidzisa kuti vazive kuti kuteerera kwakanakirei.—Verenga Isaya 48:18, 19.
Iva nechinangwa chekubatsira vana vako kuti vade Mwari. Izvi zvichavabatsira kuti vaite zvinhu nekuchenjera kunyange paunenge usipo. Mwari anoratidza vanhu kuti zvaanovadzidzisa zvinoitwa sei. Saka paunodzidzisa vana vako kuti vade Mwari, ita kuti vaone kuti newewo unomuda.—Verenga Dheuteronomio 6:5-7; VaEfeso 4:32; 5:1.