Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri
Mibvunzo inotevera ichakurukurwa muvhiki inotanga naOctober 29, 2012. Musi unenge uchikurukurwa pfungwa imwe neimwe waiswa kuitira kuti mugone kutsvakurudza panguva yamunenge muchigadzirira chikoro vhiki imwe neimwe.
1. Atari yakaratidzwa Ezekieri inofananidzirei? (Ezek. 43:13-20) [Sept. 10, w07 8/1 p. 10 ndima 4]
2. Chii chinofananidzirwa nemvura yorwizi rwakaratidzwa Ezekieri? (Ezek. 47:1-5) [Sept. 17, w07 8/1 p. 11 ndima 2]
3. Mashoko okuti “akatsunga mumwoyo make” anoratidzei nezvokudzidziswa zvinhu zvine chokuita nokunamata kwakaitwa Dhanieri achiri muduku? (Dhan. 1:8) [Sept. 24, dp p. 32 ndima 4-6; p. 37 ndima 16]
4. Muti mukuru wakarotwa naNebhukadhinezari waimiririrei? (Dhan. 4:10, 11, 20-22) [Oct. 1, w07 9/1 p. 18 ndima 5]
5. Dhanieri 9:17-19 inotidzidzisei nezvemunyengetero? [Oct. 8, w07 9/1 p. 20 ndima 5-6]
6. Isungano ipi ‘yakaramba iine simba nokuda kwevazhinji’ kusvikira pakupera kwevhiki 70 dzemakore, kana kuti muna 36 C.E.? (Dhan. 9:27) [Oct. 8, w07 9/1 p. 20 ndima 4]
7. Kuudzwa kwakaitwa Dhanieri nengirozi kuti “muchinda woumambo hwePezhiya akandirwisa” kunoratidzei? (Dhan. 10:13) [Oct. 15, w11 9/1 p. 8 ndima 1-2]
8. Dhanieri 11:20 inotaura nezveuprofita hupi hweBhaibheri hwakazadziswa hune chokuita naMesiya? [Oct. 15, dp map. 232-233 ndima 5-6]
9. Maererano naHosiya 4:11, ndechipi chimwe chakaipira kushapira doro? [Oct. 22, w10 1/1 map. 4-5]
10. Chidzidzo chipi chinokosha chatinofanira kudzidza pana Hosiya 6:6? [Oct. 22, w07 9/15 p. 16 ndima 8; w05 11/15 p. 24 ndima 11-12]