Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri
Mibvunzo inotevera ichakurukurwa paChikoro chaMwari Choushumiri muvhiki inotanga naDecember 31, 2012. Musi unenge uchikurukurwa pfungwa imwe neimwe waiswa kuitira kuti mugone kutsvakurudza panguva yamunenge muchigadzirira chikoro vhiki imwe neimwe.
1. Uprofita hwakanyorwa pana Joeri 2:1-10, 28 hwemakonye nezvipembenene zvakapinda nesimba hwave huchizadzika sei? [Nov. 5, w07 10/1 p. 13 ndima 1]
2. Mashoko ari pana Amosi 8:11 anozadzika pana vanaani, uye mibvunzo ipi yatinofanira kuzvibvunza sezvo tiri kuwana zvokudya zvakawanda zvokunamata? [Nov. 12, jd p. 61 ndima 9]
3. Chii chingava chakaita kuti vaEdhomu vazvikudze vachizvinyengera, uye ichokwadi chipi chatisingafaniri kufa takakanganwa? (Obha. 3, 4) [Nov. 19, w07 11/1 p. 14 ndima 1]
4. Zvinorevei kuti Jehovha akazvidemba nezvedambudziko raakanga ataura kuti raizowira vaNinivhi? (Jona 3:8, 10) [Nov. 19, w07 11/1 p. 15 ndima 1]
5. Kufamba muzita raMwari kungasimbisa sei ukama hwedu naye? (Mika 4:5) [Nov. 26, jd p. 88 ndima 12]
6. Kuzadzika kwakaita uprofita huri pana Nahumi 2:6-10 kunoita kuti tive nechivimbo chei? [Dec. 3, w07 11/15 p. 9 ndima 2; w88 2/15 p. 28 ndima 8]
7. Hagai 1:6 inorevei uye chidzidzo chipi chiripo? [Dec. 10, w06 4/15 p. 22 ndima 12-15]
8. Tingashandisa sei zano riri pana Zekariya 7:10 rokuti “regai kurongerana chinhu chakaipa mumwoyo menyu”? [Dec. 17, jd p. 113 ndima 6; w07 12/1 p. 11 ndima 3]
9. Sei mashoko ari pana Zekariya 4:6, 7 achinyaradza vanamati vaJehovha mazuva ano? [Dec. 17, w07 12/1 p. 11 ndima 1]
10. Tichifunga nezvezvinotaurwa pana Maraki 3:16, sei tisingafaniri kuneta pakutsunga kwedu kuramba takavimbika kuna Mwari? [Dec. 31, w07 12/15 p. 29 ndima 3]