KURARAMA KWECHIKRISTU
Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri—Kukurudzira Vanofarira Kuti Vapinde Misangano
NEI ZVICHIKOSHA? Patinoenda kumisangano tinowana mikana ‘yekuimbira Jehovha’ uye ‘kumurumbidza.’ (Pis 149:1) Tinodzidziswawo kuita zvinodiwa naMwari. (Pis 143:10) Vanhu vanofarira uye vatinodzidza navo Bhaibheri vanowanzokurumidza kufambira mberi pavanotanga kupinda misangano.
MAITIRWO AZVO:
Kurumidza kumukoka. Haufaniri kumirira kuti mutange mava kunyatsodzidza Bhaibheri zvakarongeka.—Zva 22:17
Mutsanangurire kuti kuchange kwakadii uye kuti zvii zvichadzidzwa pamusangano unotevera. Unogona kushandisa pepa rekukoka munhu kumisangano, vhidhiyo inonzi Chii Chinoitwa paImba yoUmambo?, uye bhurocha raKuda kwaJehovha pachidzidzo 5 ne7
Mubatsire. Anoda here kuti upfuure uchimutora kana kubatsirwa kusarudza hembe dzakakodzera? Garai pamwe chete pamusangano wacho, moona mose mabhuku anenge achishandiswa. Ita kuti azivane nevamwe vanhu vemuungano