Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
Munyori wemapisarema Dhavhidhi aiwedzeredza here paakanyora kuti aizorumbidza zita raMwari “nekusingaperi” sezvakanyorwa pana Pisarema 61:8?
Aiwa. Zvaakanyora ndezvechokwadi.
Funga zvaakanyora muvhesi iyoyo uye mune mamwe mavhesi akaita saiyoyo. Akati: “Ndichabva ndaimba ndichirumbidza zita renyu nekusingaperi, ndichiripa mhiko dzangu zuva nezuva.” “Ndinokurumbidzai, haiwa Jehovha Mwari wangu, nemwoyo wangu wese, ndichakudza zita renyu nekusingaperi.” “Ndicharumbidza zita renyu nariini nariini.”—Pis. 61:8; 86:12; 145:1, 2.
Dhavhidhi paakanyora mashoko iwayo akanga asiri kufunga kuti aisazombofa. Aiziva kuti Jehovha akanga ati vanhu vaizofa nemhaka yechivi uye akabvuma kuti aiva nechivi. (Gen. 3:3, 17-19; Pis. 51:4, 5) Aiziva kuti kunyange varume vaifarirwa naMwari vakadai saAbrahamu, Isaka uye Jakobho vakanga vafa. Dhavhidhi aizivawo kuti upenyu hwake hwaizoguma. (Pis. 37:25; 39:4) Asi mashoko ake ari pana Pisarema 61:8 anoratidza chido chake chekurumbidza Mwari nekusingaperi, kureva kuti chero bedzi Dhavhidhi aiva mupenyu.—2 Sam. 7:12.
Dzimwe nguva Dhavhidhi ainyora zvaiitika muupenyu hwake sezvatinogona kuona mumashoko ekusuma Pisarema 18, 51, ne52. MuPisarema 23, Dhavhidhi anotsanangura Jehovha semufudzi anotungamirira, anozorodza, uye anodzivirira. Dhavhidhi aiva mufudzi akadaro. Uye aida kushumira Mwari ‘mazuva ese eupenyu hwake.’—Pis. 23:6.
Yeukawo kuti Jehovha ndiye akafemera Dhavhidhi kuti anyore zvese zvaakanyora. Zvaakanyora zvaisanganisira uprofita hune chekuita nezvaizoitika papera nguva yakareba. Semuenzaniso, muPisarema 110, Dhavhidhi akataura nezvenguva ‘yaizogara Ishe wake kuruoko rwerudyi rwaMwari’ kudenga opiwa simba rakakura. Simba rekuitei? Rekukunda vavengi vaMwari uye ‘rekupa mutongo kumarudzi’ ari panyika. Dhavhidhi aiva tateguru waMesiya, uyo aizotonga ari kudenga uye aizova “mupristi nekusingaperi.” (Pis. 110:1-6) Jesu akataura kuti uprofita huri muna Pisarema 110 hwaitaura nezvake uye kuti hwaizozadziswa mune ramangwana.—Mat. 22:41-45.
Dhavhidhi akafemerwa kunyora zvinhu zvemunguva yake uye zvemune ramangwana, paaizomutswa okwanisa kurumbidza Jehovha nekusingaperi. Izvi zvinotibatsira kuona kuti Pisarema 37:10, 11, 29 rinogona kunzwisiswa seriri kutsanangura mamiriro ezvinhu aiva muIsraeri uyewo mamiriro ezvinhu achavapo pasi rese mune ramangwana, Mwari paachazadzisa vimbiso dzake.—Ona ndima 8 yenyaya inoti, “Uchava Neni muParadhiso” mumagazini ino.
Saka Pisarema 61:8 uye mamwe mavhesi akafanana neiyoyo anoratidza kuti Dhavhidhi aida kurumbidza Jehovha munyika yeIsraeri kusvikira afa. Uye mavhesi aya anonyatsoratidza zvichakwanisa kuitwa naDhavhidhi mune ramangwana paanenge amutswa naJehovha.