1 Johani
4 Vadiwa, musatenda kutaura kwose kwakafuridzirwa,+ asi edzai kutaura kwakafuridzirwa kuti muone kana kuchibva kuna Mwari,+ nokuti vaprofita venhema vazhinji vakaoneka munyika.+
2 Munoziva kutaura kwakafuridzirwa kunobva kuna Mwari+ neizvi: Kutaura kwose kwakafuridzirwa kunobvuma kuti Jesu Kristu akauya ari munhu wenyama kunobva kuna Mwari,+ 3 asi kutaura kwose kwakafuridzirwa kusingabvumi Jesu hakubvi kuna Mwari.+ Uyezve, uku ndiko kutaura kwakafuridzirwa kwomunhu anopesana naKristu kwamakanzwa kuti kwakanga kuchiuya,+ uye zvino kwatova munyika.+
4 Imi munobva kuna Mwari, vana vaduku, uye makakunda vanhu ivavo,+ nokuti iye ari pamwe nemi+ mukuru+ kune uya ari pamwe nenyika.+ 5 Ivo vanobva munyika;+ ndokusaka vachitaura zvinobva munyika uye nyika ichivateerera.+ 6 Isu tinobva kuna Mwari.+ Uyo anowana zivo pamusoro paMwari anotiteerera;+ uyo asingabvi kuna Mwari haatiteereri.+ Aya ndiwo maziviro atinoita kutaura kwakafuridzirwa kwechokwadi nokutaura kwakafuridzirwa kwokukanganisa.+
7 Vadiwa, ngatirambei tichidanana,+ nokuti rudo+ runobva kuna Mwari, uye munhu wose anoda akaberekwa naMwari+ uye anowana zivo pamusoro paMwari.+ 8 Uyo asina rudo haasati asvika pakuziva Mwari, nokuti Mwari rudo.+ 9 Neizvi rudo rwaMwari rwakaratidzwa pachena kwatiri,+ kuti Mwari akatuma Mwanakomana wake munyika, iye akaberekwa ari mumwe oga,+ kuti tiwane upenyu pachishandiswa iye.+ 10 Rudo ruri pachinhu ichi, kwete kuti isu takada Mwari, asi kuti iye akatida, akatuma Mwanakomana wake kuti ave chibayiro+ chokuyananisira+ zvivi zvedu.+
11 Vadiwa, kana Mwari akatida zvakadai, saka isu tinosungirwawo kuti tidanane.+ 12 Hapana munhu akamboona Mwari chero panguva ipi zvayo.+ Kana tikaramba tichidanana, Mwari anoramba ari matiri uye rudo rwake runoitwa kuti rukwane matiri.+ 13 Neizvi tinoziva kuti tiri kuramba tiri pamwe naye+ uye iye ari pamwe nesu,+ nokuti akatipa mudzimu wake.+ 14 Uyewo, isu takaona+ uye tiri kupupurira+ kuti Baba vakatuma Mwanakomana wavo kuti ave Muponesi wenyika.+ 15 Munhu wose anobvuma kuti Jesu Kristu ndiye Mwanakomana waMwari,+ Mwari anoramba ari pamwe nomunhu akadaro uye iye ari pamwe naMwari.+ 16 Isu takasvika pakuziva uye takatenda rudo+ urwo Mwari anarwo kwatiri.
Mwari rudo,+ uye uyo anoramba ari murudo+ anoramba ari pamwe naMwari uye Mwari anoramba ari pamwe+ naye. 17 Uku ndiko kukwaniswa kwakaitwa rudo kwatiri, kuti tive norusununguko rwokutaura+ pazuva rokutongwa,+ nokuti, munyika ino isu pachedu takaita sezvaakaitawo.+ 18 Murudo hamuna kutya,+ asi rudo rwakakwana runodzingira kutya kunze,+ nokuti kutya kunodzivisa. Chokwadi, uyo anotya haana kuitwa akakwana murudo.+ 19 Kana tiri isu, tine rudo, nokuti Mwari akatanga kutida.+
20 Kana munhu achitaura kuti: “Ndinoda Mwari,” asi achivenga hama yake, iye murevi wenhema.+ Nokuti uyo asingadi hama yake,+ yaakaona, haangavi achida Mwari, waasina kumboona.+ 21 Uyu murayiro tinawo kubva kwaari,+ kuti uyo anoda Mwari anofanira kunge achidawo hama yake.+