RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Dhanieri 5
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku Dhanieri

      • Mabiko aMambo Bheshazari (1-4)

      • Pamadziro panonyorwa (5-12)

      • Dhanieri anonzi adudzire mashoko acho (13-25)

      • Kududzirwa kwacho: Bhabhironi richakundwa (26-31)

Dhanieri 5:1

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dha 7:1; 8:1
  • +Isa 21:5; Jer 51:39

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    “Rugwaro Rwose,” pp. 138-140

    Shoko raMwari, pp. 44-46

    Nharireyomurindi,

    3/1/1988, pp. 30-31

Dhanieri 5:2

Mashoko Emuzasi

  • *

    Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 25:15; 2Mak 36:18; Ezr 1:7; Jer 52:19; Dha 1:1, 2

Dhanieri 5:3

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    2/1/1988, pp. 12-13

Dhanieri 5:4

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    2/1/1988, pp. 12-13

Dhanieri 5:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 21:2, 3

Dhanieri 5:7

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kureva, vanhu vaiva neunyanzvi hwekushopera nekududzira nyeredzi.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dha 2:2; 4:6
  • +Ge 41:39, 42; Es 8:15
  • +Dha 2:6, 48

Dhanieri 5:8

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dha 2:27; 4:7

Dhanieri 5:9

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 13:1, 7

Dhanieri 5:11

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kureva, vanhu vaiva neunyanzvi hwekushopera nekududzira nyeredzi.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dha 4:8, 9
  • +Dha 2:47, 48

Dhanieri 5:12

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dha 1:7; 4:8
  • +Dha 1:17, 20; 6:3

Dhanieri 5:13

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 24:11, 14; Dha 1:3, 6; 2:25

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi (Yekudzidza),

    10/2016, p. 14

Dhanieri 5:14

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dha 4:9
  • +Dha 1:17, 20

Dhanieri 5:15

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 47:12, 13; Dha 2:10, 11; 5:8

Dhanieri 5:16

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dha 2:28
  • +Dha 2:6; 5:7

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Shoko raMwari, pp. 44-46

Dhanieri 5:17

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    10/1/1988, p. 30

Dhanieri 5:18

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dha 2:37, 38

Dhanieri 5:19

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 25:9; Dha 3:4, 5; 4:22
  • +Dha 2:12; 3:6, 29

Dhanieri 5:20

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 14:13, 14; Dha 4:30

Dhanieri 5:21

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dha 4:31-35

Dhanieri 5:23

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 50:29
  • +Dha 5:2, 3
  • +Pis 115:4-7; Isa 46:6, 7
  • +Pis 104:29

Dhanieri 5:24

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dha 5:5

Dhanieri 5:26

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 13:11; Jer 25:12; 27:6, 7; 50:1, 2; 51:11

Dhanieri 5:28

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ezr 1:1, 2; Isa 21:2; 45:1; Jer 50:9; Dha 6:28; 9:1

Dhanieri 5:29

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dha 5:7, 16

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    “Rugwaro Rwose,” pp. 138-139

    Nharireyomurindi,

    10/1/1988, p. 30

Dhanieri 5:30

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 21:9; Jer 51:8, 31, 39, 57

Dhanieri 5:31

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dha 6:1; 9:1

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Dhan. 5:1Dha 7:1; 8:1
Dhan. 5:1Isa 21:5; Jer 51:39
Dhan. 5:22Mad 25:15; 2Mak 36:18; Ezr 1:7; Jer 52:19; Dha 1:1, 2
Dhan. 5:6Isa 21:2, 3
Dhan. 5:7Dha 2:2; 4:6
Dhan. 5:7Ge 41:39, 42; Es 8:15
Dhan. 5:7Dha 2:6, 48
Dhan. 5:8Dha 2:27; 4:7
Dhan. 5:9Isa 13:1, 7
Dhan. 5:11Dha 4:8, 9
Dhan. 5:11Dha 2:47, 48
Dhan. 5:12Dha 1:7; 4:8
Dhan. 5:12Dha 1:17, 20; 6:3
Dhan. 5:132Mad 24:11, 14; Dha 1:3, 6; 2:25
Dhan. 5:14Dha 4:9
Dhan. 5:14Dha 1:17, 20
Dhan. 5:15Isa 47:12, 13; Dha 2:10, 11; 5:8
Dhan. 5:16Dha 2:28
Dhan. 5:16Dha 2:6; 5:7
Dhan. 5:18Dha 2:37, 38
Dhan. 5:19Jer 25:9; Dha 3:4, 5; 4:22
Dhan. 5:19Dha 2:12; 3:6, 29
Dhan. 5:20Isa 14:13, 14; Dha 4:30
Dhan. 5:21Dha 4:31-35
Dhan. 5:23Jer 50:29
Dhan. 5:23Dha 5:2, 3
Dhan. 5:23Pis 115:4-7; Isa 46:6, 7
Dhan. 5:23Pis 104:29
Dhan. 5:24Dha 5:5
Dhan. 5:26Isa 13:11; Jer 25:12; 27:6, 7; 50:1, 2; 51:11
Dhan. 5:28Ezr 1:1, 2; Isa 21:2; 45:1; Jer 50:9; Dha 6:28; 9:1
Dhan. 5:29Dha 5:7, 16
Dhan. 5:30Isa 21:9; Jer 51:8, 31, 39, 57
Dhan. 5:31Dha 6:1; 9:1
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
  • 28
  • 29
  • 30
  • 31
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Dhanieri 5:1-31

Dhanieri

5 Zvino Mambo Bheshazari+ akaitira makurukota ake ane chiuru mabiko makuru, uye ainwa waini ari pamberi pavo.+ 2 Bheshazari paakanga adhakwa newaini, akarayira kuti vauye nemidziyo yegoridhe neyesirivha yakanga yatorwa nababa vake Nebhukadhinezari kutemberi yaiva muJerusarema,+ kuti mambo nemakurukota ake, nevarongo* vake nemamwe madzimai ake vanwire imomo. 3 Vakabva vauya nemidziyo yegoridhe yakanga yatorwa munzvimbo tsvene yeimba yaMwari yaiva muJerusarema, uye mambo nemakurukota ake, nevarongo vake nemamwe madzimai ake vakanwira imomo. 4 Vakanwa waini, vakarumbidza vanamwari vegoridhe nevesirivha, nevemhangura, nevesimbi, nevematanda, nevematombo.

5 Pakangoerekana pava neminwe yeruoko rwemunhu uye yakatanga kunyora pamadziro akadzururwa emuzinda wamambo pedyo nechigadziko cherambi, uye mambo aiona ruoko rwacho ruchinyora. 6 Chiso chamambo chakabva chachinja, uye akatanga kutya, uye makumbo ake akatanga kudedera,+ mabvi ake achirovana.

7 Mambo akashevedzera kuti vaunganidze n’anga, nevaKadheya* nevazivi venyeredzi.+ Mambo akati kuvarume vakachenjera veBhabhironi: “Munhu achaverenga zvinhu izvi zvakanyorwa, ondiudza zvazvinoreva, achapfekedzwa nguo dzepepuru, nechishongo chegoridhe muhuro make,+ uye achatonga muumambo huno ari wechitatu.”+

8 Varume vese vakachenjera vamambo vakabva vapinda, asi havana kukwanisa kuverenga zvakanga zvakanyorwa kana kuudza mambo kuti zvairevei.+ 9 Saka Mambo Bheshazari akatya kwazvo, chiso chake chikachinja; uye makurukota ake akavhiringidzika.+

10 Mambokadzi paakanzwa mashoko amambo neemakurukota ake, akabva apinda muimba yaiitirwa mabiko. Mambokadzi akati: “Raramai nekusingaperi imi mambo. Musatya henyu, uye musanetseka. 11 Pane mumwe murume ari muumambo hwenyu ane mweya wavanamwari vatsvene. Mumazuva ababa venyu, murume wacho akaonekwa kuti ane nzwisiso nenjere neuchenjeri hwakangoita seuchenjeri hwavanamwari.+ Baba venyu Mambo Nebhukadhinezari, vakagadza murume wacho kuti ave mukuru wevapristi vanoita zvemashiripiti, nen’anga, nevaKadheya,* nevazivi venyeredzi.+ Ndizvo zvakaitwa nababa venyu imi mambo. 12 Nekuti Dhanieri, uyo akatumidzwa kuti Bheteshazari+ namambo, aiva nepfungwa dzakapinza, neruzivo nenjere dzekududzira hope, nekududzira zvirahwe, nekujekesa zvinhu zvakaoma kunzwisisa.+ Saka shevedzai Dhanieri, uye achakuudzai kududzirwa kwacho.”

13 Dhanieri akabva aunzwa pamberi pamambo. Mambo akabvunza Dhanieri kuti: “Ndiwe Dhanieri mumwe wenhapwa dzakatorwa nababa vangu mambo kuJudha here?+ 14 Ndanzwa kuti une mweya wavanamwari+ uye kuti une nzwisiso nenjere, neuchenjeri hunoshamisa.+ 15 Varume vakachenjera nen’anga vaunzwa pamberi pangu kuti vaverenge zvinhu izvi zvakanyorwa vondiudza kuti zvinorevei; asi havasi kukwanisa kundiudza kuti mashoko acho anorevei.+ 16 Asi ndanzwa kuti iwe unokwanisa kududzira+ nekujekesa zvinhu zvakaoma kunzwisisa. Kana ukakwanisa kuverenga zvinhu izvi zvakanyorwa nekundiudza zvazvinoreva, uchapfekedzwa nguo dzepepuru, nechishongo chegoridhe muhuro mako, uye uchatonga muumambo huno uri wechitatu.”+

17 Dhanieri akabva apindura mambo achiti: “Musandipa zvipo zvenyu, zvipei henyu vamwe. Zvisinei, ndichaverengera mambo mashoko acho, uye ndichamuudza zvaanoreva. 18 Kana murimi mambo, Mwari Wekumusorosoro akapa baba venyu Nebhukadhinezari umambo nemasimba nekukudzwa neukuru.+ 19 Nemhaka yeukuru hwaakamupa, vanhu vemarudzi ese nenyika nemitauro vaidedera nekutya pamberi pake.+ Aiuraya chero waanenge ada achisiya chero waada kusiya ari mupenyu uye aikudza kana kuninipisa chero waada.+ 20 Asi paakatanga kuzvikwidziridza achiomesa musoro, zvikaita kuti azvikudze,+ akabva abviswa pachigaro chake cheumambo, uye akatorerwa rukudzo rwake. 21 Akadzingwa pakati pevanhu, mwoyo wake ukaita sewemhuka, uye akagara pamwe chete nemadhongi emusango. Akadya uswa semombe uye muviri wake wakanyoroveswa nedova redenga, kusvikira aziva kuti Mwari Wekumusorosoro ndiye Mutongi muumambo hwevanhu, uye kuti anogadza waanoda pahuri.+

22 “Asi imi mwanakomana wake Bheshazari hamuna kuzvininipisa, kunyange zvazvo maiziva zvese izvi. 23 Asi makazvikwidziridza pamberi paIshe wekudenga,+ uye marayira kuti vakuunzirei midziyo yeimba yake.+ Imi nemakurukota enyu, nevarongo venyu nemamwe madzimai enyu mabva manwira mairi, mukarumbidza vanamwari vesirivha nevegoridhe, nevemhangura, nevesimbi, nevematanda, nevematombo, ivo vanamwari vasingaoni kana kunzwa uye vasina chavanoziva.+ Asi hamuna kukudza Mwari anokupai mweya wekufema+ uye ane simba pane zvese zvamunoita. 24 Saka atuma ruoko rukanyora mashoko aya.+ 25 Mashoko acho anyorwa ndeaya: MENE, MENE, TEKERI, uye PASINI.

26 “Uku ndiko kududzirwa kwemashoko acho: MENE, Mwari averenga mazuva eumambo hwenyu akahugumisa.+

27 “TEKERI, mayerwa pachikero mukawanikwa makareruka.

28 “PERESI, umambo hwenyu hwapatsanurwa hukapiwa vaMedhiya nevaPezhiya.”+

29 Bheshazari akabva apa murayiro, vachibva vapfekedza Dhanieri nguo dzepepuru, nechishongo chegoridhe muhuro make; uye vakazivisa kuti aizova mutongi wechitatu muumambo hwacho.+

30 Bheshazari mambo wevaKadheya akabva aurayiwa usiku ihwohwo.+ 31 Uye umambo hwacho hwakapiwa Dhariyasi+ muMedhiya; aiva nemakore anenge 62.

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe