RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Jeremiya 48
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri mubhuku Jeremiya

      • Uprofita pamusoro peMoabhi (1-47)

Jeremiya 48:1

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “yakakwirira yakachengeteka.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 19:36, 37; Isa 15:1
  • +Nu 32:37, 38
  • +Jos 13:15, 19; Eze 25:9
  • +Isa 15:2

Jeremiya 48:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 32:37; Isa 16:8

Jeremiya 48:3

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 15:5; Jer 48:34

Jeremiya 48:5

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 15:5

Jeremiya 48:6

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “muponese mweya yenyu.”

Jeremiya 48:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 21:29; 1Mad 11:7

Jeremiya 48:8

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 25:9

Jeremiya 48:9

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Zef 2:9

Jeremiya 48:13

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 12:28, 29; Ho 10:15; Amo 5:5

Jeremiya 48:14

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 16:6

Jeremiya 48:15

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 48:8
  • +Isa 34:2
  • +Pis 24:8

Jeremiya 48:16

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 25:11

Jeremiya 48:18

Mashoko Emuzasi

  • *

    Dzimwe shanduro dzinoti, “panyika yakaoma.”

  • *

    Iyi inzvimbo yaishandiswa kuhwanda uchitiza muvengi.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 21:30; Jos 13:15, 17; Isa 15:2
  • +Jer 48:8

Jeremiya 48:19

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 32:34; Dhe 2:36

Jeremiya 48:20

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 21:13; Jos 13:8, 9

Jeremiya 48:21

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Zef 2:9
  • +Nu 21:23; Isa 15:4
  • +Jos 13:15, 18

Jeremiya 48:22

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 32:34
  • +Nu 32:3, 4

Jeremiya 48:23

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 32:37; Jer 48:1
  • +Nu 32:37, 38; Jos 13:15, 17; Eze 25:9

Jeremiya 48:24

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Amo 2:2

Jeremiya 48:25

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “Nyanga.”

Jeremiya 48:26

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 25:15, 16
  • +Jer 48:42

Jeremiya 48:27

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Mari 2:15; Zef 2:8

Jeremiya 48:29

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 16:6; 25:10, 11; Zef 2:9, 10

Jeremiya 48:31

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 3:24, 25; Isa 16:7

Jeremiya 48:32

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 21:32; 32:34, 35; Jos 21:8, 39
  • +Nu 32:37, 38; Jos 13:15, 19
  • +Isa 16:8, 9; Jer 48:8

Jeremiya 48:33

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 25:10
  • +Isa 16:10

Jeremiya 48:34

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 21:25; Jos 13:15, 17
  • +Nu 32:37; Isa 16:9
  • +Nu 21:23
  • +Jer 48:2, 3
  • +Isa 15:4-6

Jeremiya 48:36

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “usingazogadzikani pamusoro peMoabhi.”

  • *

    Kureva, nyere yairidzwa pamariro.

  • *

    Kana kuti “usingazogadzikani pamusoro pevarume.”

  • *

    Kureva, nyere yairidzwa pamariro.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 16:11

Jeremiya 48:37

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 16:6
  • +Re 19:28
  • +Ge 37:34; Isa 15:2, 3

Jeremiya 48:40

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Mari 4:19; Ha 1:8
  • +Jer 49:22

Jeremiya 48:42

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 30:11
  • +Jer 48:29

Jeremiya 48:45

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 21:26, 28
  • +Nu 24:17; Amo 2:2

Jeremiya 48:46

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 21:29; 1Mad 11:7
  • +Jer 48:7

Jeremiya 48:47

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 25:11

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Jer. 48:1Ge 19:36, 37; Isa 15:1
Jer. 48:1Nu 32:37, 38
Jer. 48:1Jos 13:15, 19; Eze 25:9
Jer. 48:1Isa 15:2
Jer. 48:2Nu 32:37; Isa 16:8
Jer. 48:3Isa 15:5; Jer 48:34
Jer. 48:5Isa 15:5
Jer. 48:7Nu 21:29; 1Mad 11:7
Jer. 48:8Eze 25:9
Jer. 48:9Zef 2:9
Jer. 48:131Mad 12:28, 29; Ho 10:15; Amo 5:5
Jer. 48:14Isa 16:6
Jer. 48:15Jer 48:8
Jer. 48:15Isa 34:2
Jer. 48:15Pis 24:8
Jer. 48:16Eze 25:11
Jer. 48:18Nu 21:30; Jos 13:15, 17; Isa 15:2
Jer. 48:18Jer 48:8
Jer. 48:19Nu 32:34; Dhe 2:36
Jer. 48:20Nu 21:13; Jos 13:8, 9
Jer. 48:21Zef 2:9
Jer. 48:21Nu 21:23; Isa 15:4
Jer. 48:21Jos 13:15, 18
Jer. 48:22Nu 32:34
Jer. 48:22Nu 32:3, 4
Jer. 48:23Nu 32:37; Jer 48:1
Jer. 48:23Nu 32:37, 38; Jos 13:15, 17; Eze 25:9
Jer. 48:24Amo 2:2
Jer. 48:26Jer 25:15, 16
Jer. 48:26Jer 48:42
Jer. 48:27Mari 2:15; Zef 2:8
Jer. 48:29Isa 16:6; 25:10, 11; Zef 2:9, 10
Jer. 48:312Mad 3:24, 25; Isa 16:7
Jer. 48:32Nu 21:32; 32:34, 35; Jos 21:8, 39
Jer. 48:32Nu 32:37, 38; Jos 13:15, 19
Jer. 48:32Isa 16:8, 9; Jer 48:8
Jer. 48:33Jer 25:10
Jer. 48:33Isa 16:10
Jer. 48:34Nu 21:25; Jos 13:15, 17
Jer. 48:34Nu 32:37; Isa 16:9
Jer. 48:34Nu 21:23
Jer. 48:34Jer 48:2, 3
Jer. 48:34Isa 15:4-6
Jer. 48:36Isa 16:11
Jer. 48:37Jer 16:6
Jer. 48:37Re 19:28
Jer. 48:37Ge 37:34; Isa 15:2, 3
Jer. 48:40Mari 4:19; Ha 1:8
Jer. 48:40Jer 49:22
Jer. 48:42Jer 30:11
Jer. 48:42Jer 48:29
Jer. 48:45Nu 21:26, 28
Jer. 48:45Nu 24:17; Amo 2:2
Jer. 48:46Nu 21:29; 1Mad 11:7
Jer. 48:46Jer 48:7
Jer. 48:47Eze 25:11
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
  • 28
  • 29
  • 30
  • 31
  • 32
  • 33
  • 34
  • 35
  • 36
  • 37
  • 38
  • 39
  • 40
  • 41
  • 42
  • 43
  • 44
  • 45
  • 46
  • 47
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Jeremiya 48:1-47

Jeremiya

48 Zvanzi naJehovha wemauto, Mwari waIsraeri, pamusoro peMoabhi:+

“Nebho+ ine nhamo, nekuti yaparadzwa!

Kiriyataimu+ yanyadziswa uye yatorwa.

Nzvimbo yekupotera* yanyadziswa uye yavhundutswa.+

 2 Havacharumbidzi Moabhi.

Vakairongera muHeshbhoni+ kuti iparare vachiti:

‘Uyai, ngatiiparadze irege kuva rudzi.’

Newewo Madmeni, ramba wakanyarara,

Nekuti bakatwa riri kukutevera.

 3 Pane mhere iri kubva kuHoronaimu+

Yekuparadza nekuwondomoka kukuru.

 4 Moabhi yaputswa.

Vana vayo vari kuchema.

 5 Vari kukwidza mukwidza wekuRuhiti vachingochema.

Uye pamateru ekubva kuHoronaimu vari kunzwa kuchema kwekurwadziwa nemhaka yedambudziko.+

 6 Tizai kuti mupone!*

Munofanira kuita semujunipa uri murenje.

 7 Unovimba nemabasa ako nepfuma yako,

Saka iwewo uchakundwa.

Uye Kemoshi+ achatapwa

Pamwe chete nevapristi vake nemachinda ake.

 8 Muparadzi achauya pamaguta ese,

Uye hapana guta richapona.+

Bani richaparara,

Uye nyika yakati sandara ichaparadzwa sezvataurwa naJehovha.

 9 Misirai Moabhi chiratidzo,

Nekuti paichange ichiparara kuita matongo ichatiza,

Uye maguta ayo achava chinhu chinotyisa,

Asina anogaramo.+

10 Ngaatukwe uya anoita basa raJehovha asi asingaiti nemwoyo wese!

Ngaatukwe uya anodzora bakatwa rake kuti risadeura ropa!

11 Kubva vachiri vadiki, vaMoabhi vanga vakagara zvakanaka,

Sewaini yakagara pamasese.

Havasati vambodururwa kubva mune mumwe mudziyo vachiiswa mune mumwe,

Uye havana kumbobvira vatapwa.

Ndokusaka manakiro avo parurimi asina kumbochinja,

Uye kunhuhwirira kwavo kusina kuchinja.

12 “‘Saka inzwa! mazuva achauya,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha, ‘andichavatumira varume kuti vavapidigure. Vachavakutura vosiya midziyo yavo isina chinhu, uye vachaputsa-putsa makate avo. 13 VaMoabhi vachanyara naKemoshi, sekunyara kunoita imba yaIsraeri neBheteri yayaivimba nayo.+

14 Mungashinga here kuti: “Tiri varwi vane simba vakagadzirira kurwa”?’+

15 ‘Moabhi yaparadzwa,

Maguta ayo apindwa nemuvengi,+

Uye majaya avo anopfuura mamwe ese aurayiwa,’+

Ndizvo zvataurwa naMambo, ane zita rekuti Jehovha wemauto.+

16 Dambudziko revaMoabhi rava kutouya,

Uye kuparara kwavo kwava kutosvika.+

17 Vaya vese vakavapoteredza vachatovanzwira tsitsi,

Vaya vese vanoziva zita ravo.

Vaudzei kuti: ‘Inga tsvimbo yakasimba yatyorwa, iwo mudonzvo werunako!’

18 Dzika pasi uchibva pakukudzwa kwako,

Ugare pasi uine nyota,* haiwa iwe mwanasikana ari kugara muDhibhoni,+

Nekuti muparadzi weMoabhi auya kuzokurwisa,

Uye achaparadza nhare* dzako.+

19 Mira pamugwagwa urambe wakatarisa, iwe mugari wemuAroeri.+

Bvunza murume ari kutiza nemukadzi ari kupukunyuka kuti, ‘Chii chaitika?’

20 Moabhi yanyadziswa uye yavhundutswa.

Ridzai mhere uye shevedzerai.

Zivisai muAnoni+ kuti Moabhi yaparadzwa.

21 “Kutonga kwauya panyika yakati sandara,+ paHoroni, Jahazi,+ neMefaati;+ 22 paDhibhoni,+ Nebho,+ neBheti-dhibrataimu; 23 paKiriyataimu,+ Bheti-gamuri, neBheti-miyoni;+ 24 paKeriyoti+ neBhozra; nepamaguta ese enyika yeMoabhi, ari pedyo neari kure.

25 ‘Simba* reMoabhi ragurwa;

Ruoko rwayo rwatyorwa,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.

26 ‘Mudhakisei,+ nekuti azvikudza pamberi paJehovha,+

Moabhi ari kuumburuka pamarutsi ake,

Uye ava chiseko.

27 Israeri haana kuva chiseko kwauri here?+

Akawanikwa pakati pembavha here,

Zvekuti ungamudzungudzira musoro uchitaura zvakaipa nezvake?

28 Ibvai mumaguta mugare padombo, imi vagari vemuMoabhi,

Uye itai senjiva inovaka dendere rayo pamawere.’”

29 “Takanzwa nezvekudada kwaMoabhi, uyo anozvikudza kwazvo,

Uye takanzwa nezvekuzvitutumadza kwake, kudada kwake, nekuzvikudza kwake, uye kuzvikwidziridza kwemwoyo wake.”+

30 “‘Ndinoziva nezvekushatirwa kwake kukuru,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha,

‘Asi mashoko ake asina maturo achashaya basa.

Hapana chavachaita.

31 Ndokusaka ndichachema Moabhi;

Ndichashevedzera pamusoro pevaMoabhi vese

Uye ndichachema varume vekuKiri-heresi.+

32 Ndichakuchema kupfuura kuchema kwangu Jazeri,+

Haiwa iwe muzambiringa weSibma.+

Nhungirwa dzako idzo dziri kukura zvakanaka dzayambuka gungwa.

Dzasvika kugungwa, kuJazeri.

Michero yako yemuzhizha negoho rako remazambiringa

Zvasvikirwa nemuparadzi.+

33 Mufaro mukuru nekupembera nemufaro zvabviswa mumunda wemichero

Uye munyika yeMoabhi.+

Ndaita kuti waini imire kuyerera ichibva muchisviniro chewaini.

Hapana achange achitsika-tsika achishevedzera nemufaro.

Kushevedzera kwacho kuchange kuri kumwewo kushevedzera.’”+

34 “‘Pane kushevedzera kuri kubva kuHeshbhoni+ kuchinonzwika kuEreyare.+

Vanosimudza manzwi avo achinzwika kuJahazi,+

Kubva kuZoari kusvika kuHoronaimu,+ kusvika kuEgrati-sherishiya.

Kunyange mvura yeNimrimu ichaoma.+

35 Ndichaita kuti muMoabhi musare musina munhu

Anouya nemupiro panzvimbo yakakwirira,

Neuya anopa zvibayiro kunamwari wake,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.

36 ‘Ndokusaka mwoyo wangu uchachema Moabhi* senyere,*+

Uye mwoyo wangu uchachema varume* vekuKiri-heresi senyere.*

Nekuti pfuma yaakawana ichaparara.

37 Nekuti misoro yese ine mhanza,+

Uye ndebvu dzese dzakadimburirwa.

Maoko ese akachekwa-chekwa,+

Uye muhudyu mavo mune masaga!’”+

38 “‘Pamatenga ese edzimba dzeMoabhi

Nemumisika yayo yese

Inongova mhere yega yega.

Nekuti ndaputsa Moabhi

Sehari yaraswa,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.

39 ‘Yavhundutswa chaizvo! Ridzai mhere!

Moabhi yatendeuka ichinyara!

Moabhi yava chiseko,

Chinhu chinotyisa kune vese vakaipoteredza.’”

40 “Nekuti zvanzi naJehovha:

‘Sezvinoita gondo parinodzika nekukurumidza richibva mudenga,+

Achatambanudza mapapiro ake pamusoro peMoabhi.+

41 Maguta achatorwa,

Uye nhare dzayo dzichatorwa nechisimba.

Zuva iroro, mwoyo yevarwi veMoabhi

Ichaita semwoyo wemukadzi ari kusununguka.’”

42 “‘Uye Moabhi achaparadzwa kuti arege kuva rudzi,+

Nekuti azvitutumadza pamberi paJehovha.+

43 Pamberi pako pane zvinhu zvinotyisa, negomba nechiteyeso,

Haiwa iwe mugari wemuMoabhi,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.

44 ‘Wese anenge achitiza zvinhu zvinotyisa achawira mugomba,

Uye wese anenge achibuda mugomba achabatwa nechiteyeso.’

‘Nekuti ndichaunzira vaMoabhi gore rekurangwa kwavo,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.

45 ‘Vaya vari kutiza vamira mumumvuri weHeshbhoni vasisina simba.

Nekuti muHeshbhoni muchabuda moto

Uye muSihoni muchabuda rimi remoto.+

Uchaparadza huma yeMoabhi

Nedehenya revanakomana vemheremhere.’+

46 ‘Une nhamo iwe Moabhi!

Vanhu vaKemoshi+ vaparara.

Nekuti vanakomana vako vatapwa,

Uye vanasikana vako vaendeswa kuutapwa.+

47 Asi ndichaunganidza nhapwa dzeMoabhi mumazuva ekupedzisira,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.

‘Mutongo weMoabhi unogumira pano.’”+

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe