Munyengetero wemunhu akadzvinyirirwa paanenge akaora mwoyo, odururira zvinomunetsa pamberi paJehovha.+
102 Haiwa Jehovha, inzwai munyengetero wangu;+
Kuchemera kwangu kubatsirwa ngakusvike kwamuri.+
2 Musandivanzira chiso chenyu pandinenge ndichitambudzika.+
Rerekerai nzeve yenyu kwandiri;
Ndipindureiwo nekukurumidza pandinoshevedzera.+
3 Nekuti mazuva angu ari kunyangarika seutsi,
Uye mapfupa angu asviba kuti ndo-o sechoto.+
4 Mwoyo wangu warohwa nezuva seuswa uye wasvava,+
Nekuti ndinokanganwa kudya zvekudya zvangu.
5 Mapfupa angu anamatirana nenyama yangu+
Nemhaka yekugomera kwangu.+
6 Ndava sedhadha remusango;
Ndafanana nekazizi kari mumatongo.
7 Ndinorara ndakasvinura;
Ndakaita seshiri iri yega iri padenga remba.+
8 Vavengi vangu vanoswera vachindishora.+
Vaya vanondizvidza vanotuka vachishandisa zita rangu.
9 Nekuti ndinodya madota sechingwa,+
Uye chinwiwa changu chinosanganiswa nemisodzi,+
10 Pamusana pekutsamwa kwenyu nehasha dzenyu,
Nekuti makandisimudza mukazongondirasira kure.
11 Mazuva angu ari kuita semumvuri uri kupera,+
Uye ndiri kusvava seuswa.+
12 Asi imi munoramba muriko nekusingaperi, haiwa Jehovha,+
Uye mbiri yenyu ichagara kwezvizvarwa zvese.+
13 Chokwadi muchasimuka monzwira Ziyoni tsitsi,+
Nekuti yava nguva yekuti murinzwire nyasha;+
Nguva yacho yasvika.+
14 Nekuti vashumiri venyu vanofarira matombo aro+
Uye vanoda kunyange guruva raro.+
15 Marudzi achatya zita raJehovha,
Uye madzimambo ese epanyika achatya kubwinya kwenyu.+
16 Nekuti Jehovha achavakazve Ziyoni;+
Achaoneka achibwinya.+
17 Achateerera munyengetero wevanoshayiwa;+
Haazoshori munyengetero wavo.+
18 Izvi zvakanyorerwa chizvarwa chichauya,+
Kuti vanhu vasati vaberekwa vazorumbidza Jah.
19 Sezvo achitarisa pasi ari munzvimbo yake tsvene yakakwirira,+
Jehovha anoona nyika ari kumatenga,
20 Kuti anzwe kugomera kwemusungwa,+
Kuti asunungure vaya vakatongerwa rufu,+
21 Kuti zita raJehovha rizoziviswa muZiyoni+
Uye kurumbidzwa kwake muJerusarema,
22 Panoungana marudzi neumambo
Kuti vashumire Jehovha.+
23 Akanditorera simba rangu nguva isati yakwana;
Akadimburira mazuva angu.
24 Ndakati: “Haiwa Mwari wangu,
Musandiparadza ndava pakati peupenyu hwangu,
Imi mune makore anoramba aripo kwezvizvarwa nezvizvarwa.+
25 Makavaka nheyo dzenyika kare kare,
Uye matenga ibasa remaoko enyu.+
26 Zvichaparara, asi imi mucharamba muripo;
Zvichasakara senguo.
Muchazvitsiva sezvinongoitwa zvipfeko, uye zvichapfuura.
27 Asi imi munoramba makadaro, uye makore enyu haazomboperi.+
28 Vana vevashumiri venyu vachagara vakachengeteka,
Uye vana vavo vachasimbiswa kwazvo pamberi penyu.”+