RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Pisarema 89
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raMapisarema

      • Kuimba nezverudo rwaJehovha rusingachinji

        • Sungano naDhavhidhi (3)

        • Mwana waDhavhidhi achagara nekusingaperi (4)

        • Akazodzwa anodana Mwari kuti “Baba” (26)

        • Sungano yaDhavhidhi ndeyechokwadi (34-37)

        • Munhu haagoni kupukunyuka Guva (48)

Pisarema 89:mashoko ekusuma

Mashoko Emuzasi

  • *

    Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 4:30, 31; 1Mak 2:6

Pisarema 89:2

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “rucharamba ruripo.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mak 16:41; Isa 54:10

Pisarema 89:3

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Sa 7:8; 1Mad 8:16; Ru 1:32, 33
  • +Pis 132:11; Eze 34:23; Ho 3:5; Joh 7:42

Pisarema 89:4

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “mbeu.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mak 17:11; Zva 22:16
  • +2Sa 7:12, 13; VaH 1:8

Pisarema 89:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 40:5; 71:19
  • +Job 38:7

Pisarema 89:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 6:2, 3
  • +Dha 7:9, 10

Pisarema 89:8

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 2:2; Pis 84:12
  • +Dhe 32:4

Pisarema 89:9

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 31:35
  • +Pis 65:7; 107:29

Pisarema 89:10

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 30:7
  • +Eks 14:26; 15:4
  • +Eks 3:20; Dhe 4:34; Ru 1:51

Pisarema 89:11

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1VaK 10:26
  • +1Mak 29:11; Pis 50:12

Pisarema 89:12

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jos 19:22, 23
  • +Dhe 3:8; Jos 12:1

Pisarema 89:13

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 6:6
  • +Eks 13:3
  • +Pis 44:3

Pisarema 89:14

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 32:4; Pis 71:19; Zva 15:3
  • +Eks 34:6; Jer 9:24

Pisarema 89:15

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 10:10; Pis 98:6

Pisarema 89:17

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “nyanga yedu.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 28:7
  • +1Sa 2:10

Pisarema 89:18

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 2:6

Pisarema 89:19

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 18:14
  • +2Sa 7:8

Pisarema 89:20

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Mab 13:22
  • +1Sa 16:12, 13; Mab 10:38

Pisarema 89:21

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 80:17; Isa 42:1

Pisarema 89:22

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mak 17:9

Pisarema 89:23

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Sa 3:1; 7:9
  • +Pis 110:1

Pisarema 89:24

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “nyanga yake ichakwidziridzwa.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Sa 7:15; 1Mak 17:13; Mab 13:34

Pisarema 89:25

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “Ndichaita kuti ave nesimba.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 4:21; Pis 72:8

Pisarema 89:26

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Sa 22:47; Pis 18:2

Pisarema 89:27

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 2:7; VaH 1:5
  • +1Ti 6:15; Zva 1:5; 19:16

Pisarema 89:28

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Mab 13:34
  • +2Sa 23:5; Pis 89:34

Pisarema 89:29

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “mbeu.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 9:7; Jer 33:17; VaH 1:8

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    12/15/2006, p. 4

Pisarema 89:30

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “nemirau.”

Pisarema 89:32

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “kupanduka.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Sa 7:14; 1Mad 11:14, 31

Pisarema 89:33

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “Kana kukundikana pakutendeka kwangu.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Sa 7:15; 1Mad 11:32, 36

Pisarema 89:34

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 33:20, 21
  • +Jak 1:17

Pisarema 89:35

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 23:19; Pis 132:11

Pisarema 89:36

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “mbeu.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Sa 7:16, 17; Pis 72:17; Isa 11:1; Jer 23:5; Joh 12:34; Zva 22:16
  • +Dha 7:14; Ru 1:32, 33

Pisarema 89:37

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    7/15/2007, p. 32

    1/1/1993, p. 32

Pisarema 89:38

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mak 28:9

Pisarema 89:40

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “dzimba dzake dzese dzematombo.”

Pisarema 89:41

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 28:37

Pisarema 89:42

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “Makasimudza ruoko rwerudyi rwemhandu dzake.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 28:25

Pisarema 89:46

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 13:1

Pisarema 89:47

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Job 7:7; Pis 39:5

Pisarema 89:48

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “kuponesa mweya wake.”

  • *

    ChiHeb., “paruoko rweSheori.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Job 30:23; Pis 49:7, 9

Pisarema 89:49

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Sa 7:12-15; Pis 132:11; Isa 55:3

Pisarema 89:50

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “kuita muchipfuva changu.”

Pisarema 89:52

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 41:13; 72:18

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Pis. 89:mashoko ekusuma1Mad 4:30, 31; 1Mak 2:6
Pis. 89:21Mak 16:41; Isa 54:10
Pis. 89:32Sa 7:8; 1Mad 8:16; Ru 1:32, 33
Pis. 89:3Pis 132:11; Eze 34:23; Ho 3:5; Joh 7:42
Pis. 89:41Mak 17:11; Zva 22:16
Pis. 89:42Sa 7:12, 13; VaH 1:8
Pis. 89:6Pis 40:5; 71:19
Pis. 89:6Job 38:7
Pis. 89:7Isa 6:2, 3
Pis. 89:7Dha 7:9, 10
Pis. 89:81Sa 2:2; Pis 84:12
Pis. 89:8Dhe 32:4
Pis. 89:9Jer 31:35
Pis. 89:9Pis 65:7; 107:29
Pis. 89:10Isa 30:7
Pis. 89:10Eks 14:26; 15:4
Pis. 89:10Eks 3:20; Dhe 4:34; Ru 1:51
Pis. 89:111VaK 10:26
Pis. 89:111Mak 29:11; Pis 50:12
Pis. 89:12Jos 19:22, 23
Pis. 89:12Dhe 3:8; Jos 12:1
Pis. 89:13Eks 6:6
Pis. 89:13Eks 13:3
Pis. 89:13Pis 44:3
Pis. 89:14Dhe 32:4; Pis 71:19; Zva 15:3
Pis. 89:14Eks 34:6; Jer 9:24
Pis. 89:15Nu 10:10; Pis 98:6
Pis. 89:17Pis 28:7
Pis. 89:171Sa 2:10
Pis. 89:18Pis 2:6
Pis. 89:191Sa 18:14
Pis. 89:192Sa 7:8
Pis. 89:20Mab 13:22
Pis. 89:201Sa 16:12, 13; Mab 10:38
Pis. 89:21Pis 80:17; Isa 42:1
Pis. 89:221Mak 17:9
Pis. 89:232Sa 3:1; 7:9
Pis. 89:23Pis 110:1
Pis. 89:242Sa 7:15; 1Mak 17:13; Mab 13:34
Pis. 89:251Mad 4:21; Pis 72:8
Pis. 89:262Sa 22:47; Pis 18:2
Pis. 89:27Pis 2:7; VaH 1:5
Pis. 89:271Ti 6:15; Zva 1:5; 19:16
Pis. 89:28Mab 13:34
Pis. 89:282Sa 23:5; Pis 89:34
Pis. 89:29Isa 9:7; Jer 33:17; VaH 1:8
Pis. 89:322Sa 7:14; 1Mad 11:14, 31
Pis. 89:332Sa 7:15; 1Mad 11:32, 36
Pis. 89:34Jer 33:20, 21
Pis. 89:34Jak 1:17
Pis. 89:35Nu 23:19; Pis 132:11
Pis. 89:362Sa 7:16, 17; Pis 72:17; Isa 11:1; Jer 23:5; Joh 12:34; Zva 22:16
Pis. 89:36Dha 7:14; Ru 1:32, 33
Pis. 89:381Mak 28:9
Pis. 89:41Dhe 28:37
Pis. 89:42Dhe 28:25
Pis. 89:46Pis 13:1
Pis. 89:47Job 7:7; Pis 39:5
Pis. 89:48Job 30:23; Pis 49:7, 9
Pis. 89:492Sa 7:12-15; Pis 132:11; Isa 55:3
Pis. 89:52Pis 41:13; 72:18
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
  • 28
  • 29
  • 30
  • 31
  • 32
  • 33
  • 34
  • 35
  • 36
  • 37
  • 38
  • 39
  • 40
  • 41
  • 42
  • 43
  • 44
  • 45
  • 46
  • 47
  • 48
  • 49
  • 50
  • 51
  • 52
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Pisarema 89:1-52

Mapisarema

Maskiri.* Rwiyo rwaEtani+ muEzrahi.

89 Ndichaimba nekusingaperi pamusoro pekuratidza kunoita Jehovha rudo rusingachinji.

Nemuromo wangu ndichazivisa zvizvarwa zvese kutendeka kwenyu.

 2 Nekuti ndakati: “Rudo rusingachinji ruchavakwa* nekusingaperi,+

Uye makasimbisa kutendeka kwenyu kumatenga.”

 3 “Ndakaita sungano newandakasarudza;+

Ndakapikira mushumiri wangu Dhavhidhi ndichiti:+

 4 ‘Ndichasimbisa kwazvo mwana*+ wako nekusingaperi,

Uye ndichavaka chigaro chako cheumambo kwezvizvarwa nezvizvarwa.’”+ (Sera)

 5 Matenga anorumbidza mabasa enyu anoshamisa, haiwa Jehovha,

Chokwadi, anorumbidza kutendeka kwenyu muungano yevatsvene.

 6 Nekuti ndiani ari kumatenga angaenzaniswa naJehovha?+

Ndiani akaita saJehovha pakati pevanakomana vaMwari?+

 7 Mwari anotyiwa neungano yevatsvene;+

Mukuru uye anoshamisa kune vese vakamupoteredza.+

 8 Haiwa Jehovha Mwari wemauto,

Ndiani ane simba semi, haiwa Jah?+

Kutendeka kwenyu kwakakupoteredzai.+

 9 Munotonga gungwa riri kuviruka;+

Mafungu aro paanosimuka nesimba, munoadzikamisa.+

10 Makakunda Rahabhi,+ akaita semunhu aurayiwa.+

Makaparadzira vavengi venyu neruoko rwenyu rune simba.+

11 Matenga ndeenyu, uye pasi ndepenyu;+

Ndimi makaita nyika nezvakazara pairi.+

12 Ndimi makasika kuchamhembe nekumaodzanyemba;

Tabhori+ neHemoni+ zvinorumbidza zita renyu zvichifara.

13 Ruoko rwenyu rune simba guru;+

Ruoko rwenyu rwakasimba;+

Ruoko rwenyu rwerudyi runokudzwa.+

14 Kururama uye kutonga zvakarurama ndizvo nheyo dzechigaro chenyu cheumambo;+

Rudo rusingachinji uye kutendeka zvinomira pamberi penyu.+

15 Vanofara vanhu vanoziva kupembera nemufaro.+

Haiwa Jehovha, vanofamba muchiedza chechiso chenyu.

16 Vanoswera vachipembera muzita renyu,

Uye vanokwidziridzwa mukururama kwenyu.

17 Nekuti ndimi kukudzwa kwesimba ravo,+

Uye kutifarira kwenyu kunokwidziridza simba redu.*+

18 Nekuti nhoo yedu ndeyaJehovha,

Mambo wedu ndeweMutsvene waIsraeri.+

19 Panguva iyoyo makataura muchiratidzo kuvanhu venyu vakavimbika muchiti:

“Ndakapa munhu ane simba guru, simba raainaro;+

Ndakakwidziridza munhu wandakasarudza pakati pevanhu.+

20 Ndakawana mushumiri wangu Dhavhidhi;+

Ndakamuzodza nemafuta angu matsvene.+

21 Ruoko rwangu ruchamutsigira,+

Uye ruoko rwangu ruchamusimbisa.

22 Hapana muvengi achamubvisisa mutero,

Uye hapana munhu asina kururama achamudzvinyirira.+

23 Ndichapwanya-pwanya mhandu dzake pamberi pake+

Uye ndichauraya vaya vanomuvenga.+

24 Kutendeka kwangu nerudo rwangu rusingachinji zvinaye,+

Uye simba rake richakwidziridzwa* muzita rangu.

25 Ndichaisa ruoko rwake* pamusoro pegungwa

Uye ruoko rwake rwerudyi pamusoro penzizi.+

26 Achashevedzera kwandiri achiti: ‘Ndimi Baba vangu,

Mwari wangu neDombo reruponeso rwangu.’+

27 Uye ndichaita kuti ave dangwe,+

Ave pamusoro pemadzimambo ese epanyika.+

28 Kusvikira nariini, ndicharamba ndichimuratidza rudo rwangu rusingachinji,+

Uye sungano yangu naye haizomboperi.+

29 Ndichasimbisa mwana* wake nekusingaperi,

Ndoita kuti chigaro chake cheumambo chirambe chiripo sematenga.+

30 Kana vanakomana vake vakasiya mutemo wangu

Vorega kufamba maererano nemitongo* yangu,

31 Kana vakatyora mirau yangu

Uye vakasachengeta mirayiro yangu,

32 Ndichabva ndavarova neshamhu ndichivarangira kusateerera* kwavo+

Uye ndichavazvambura pamusana pekukanganisa kwavo.

33 Asi handizoregi kumuratidza rudo rwangu rusingachinji+

Kana kurega kuita zvandakavimbisa.*

34 Handizotyori sungano yangu+

Kana kuchinja zvakataurwa nemiromo yangu.+

35 Ndakapika kamwe chete muutsvene hwangu;

Handizotauri nhema kuna Dhavhidhi.+

36 Mwana* wake acharamba aripo nekusingaperi;+

Chigaro chake chicharamba chiripo sezuva pamberi pangu.+

37 Chichasimbiswa nekusingaperi semwedzi,

Sechapupu chakatendeka chiri kudenga.” (Sera)

38 Asi imi makamurasa uye makamuramba;+

Makashatirirwa muzodziwa wenyu.

39 Makaramba sungano yamakaita nemushumiri wenyu;

Makasvibisa korona yake nekuikanda pasi.

40 Makaputsa madziro ake ese ematombo;*

Makaita kuti masvingo ake ave matongo.

41 Vese vanopfuura nemunzira vakapamba zvinhu zvake;

Ava kuzvidzwa nevavakidzani vake.+

42 Makaita kuti mhandu dzake dzikunde;*+

Makaita kuti vavengi vake vese vafare.

43 Makadzosawo bakatwa rake,

Uye makaita kuti akundwe muhondo.

44 Makagumisa kubwinya kwake,

Uye makakanda pasi chigaro chake cheumambo.

45 Makatapudza mazuva eudiki hwake;

Makamupfekedza nyadzi. (Sera)

46 Haiwa Jehovha, mucharamba makahwanda kusvikira riini? Nekusingaperi here?+

Hasha dzenyu dzicharamba dzichibvira semoto here?

47 Yeukai kuti upenyu hwangu hupfupi zvakadii!+

Makasika vanhu vese musina chinangwa here?

48 Ndiani munhu angararama asingazooni rufu?+

Anogona kuzviponesa* pasimba reGuva* here? (Sera)

49 Haiwa Jehovha, mabasa enyu erudo rusingachinji amaimboita ari kupi,

Amakapika nezvawo kuna Dhavhidhi mukutendeka kwenyu?+

50 Haiwa Jehovha, yeukai kuzvidzwa kuri kuitwa vashumiri venyu;

Kutakura kwandiri kufanira kuita* kuzvidza kwemarudzi ese;

51 Kutuka kwakaita vavengi venyu, haiwa Jehovha;

Kutuka kwavaiita pese paitsikwa nemuzodziwa wenyu.

52 Jehovha ngaarumbidzwe nekusingaperi. Ameni, Ameni.+

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe