RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Jeremiya 42
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri mubhuku Jeremiya

      • Vanhu vanokumbira Jeremiya kuti anyengetere, kuti vazive zvekuita (1-6)

      • Jehovha anopindura kuti: “Musaenda kuIjipiti” (7-22)

Jeremiya 42:1

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 40:13, 14

Jeremiya 42:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 28:62

Jeremiya 42:8

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 41:16

Jeremiya 42:10

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “ndicharwadziwa.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 32:36; Jer 18:7, 8; Mik 7:18

Jeremiya 42:11

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 41:17, 18

Jeremiya 42:12

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 34:6

Jeremiya 42:14

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 43:4, 7

Jeremiya 42:15

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “kunogara ikoko kwenguva pfupi.”

Jeremiya 42:16

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 28:45; Jer 44:12-14, 27, 28

Jeremiya 42:17

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “nechirwere.”

Jeremiya 42:18

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 25:8-10; 2Mak 34:24, 25; 36:16, 17; Mari 2:4
  • +Jer 29:18

Jeremiya 42:20

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “kuchaurayisa mweya yenyu.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 42:1, 2

Jeremiya 42:21

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 24:19; Ne 9:26; Zek 7:11

Jeremiya 42:22

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 43:10, 11

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Jer. 42:1Jer 40:13, 14
Jer. 42:2Dhe 28:62
Jer. 42:8Jer 41:16
Jer. 42:10Dhe 32:36; Jer 18:7, 8; Mik 7:18
Jer. 42:11Jer 41:17, 18
Jer. 42:12Eks 34:6
Jer. 42:14Jer 43:4, 7
Jer. 42:16Dhe 28:45; Jer 44:12-14, 27, 28
Jer. 42:182Mad 25:8-10; 2Mak 34:24, 25; 36:16, 17; Mari 2:4
Jer. 42:18Jer 29:18
Jer. 42:20Jer 42:1, 2
Jer. 42:212Mak 24:19; Ne 9:26; Zek 7:11
Jer. 42:22Jer 43:10, 11
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Jeremiya 42:1-22

Jeremiya

42 Vakuru vese vemauto, naJohanani+ mwanakomana waKareya, naJezaniya mwanakomana waHoshaya, nevanhu vese, kubva kumudiki kusvika kumukuru, vakabva vaenda 2 kumuprofita Jeremiya vakati: “Tapota inzwai kukumbira kwedu kunzwirwa nyasha mutinyengeterere kuna Jehovha Mwari wenyu, muchimiririra vanhu vese ava vakasara, nekuti pangosara vashoma paruzhinji rwese rwevanhu,+ sezvamuri kuona. 3 Jehovha Mwari wenyu ngaatiudze nzira yatinofanira kufamba nayo uye zvatinofanira kuita.”

4 Muprofita Jeremiya akapindura achiti: “Ndazvinzwa, uye ndiri kunyengetera kuna Jehovha Mwari wenyu sezvamakumbira. Ndichakuudzai mashoko ese amuchapindurwa naJehovha. Hapana kana shoko randicharega kukuudzai.”

5 Ivo vakati kuna Jeremiya: “Jehovha ngaave chapupu chechokwadi uye chakavimbika kwatiri kana tikasanyatsoita zvatichaudzwa naJehovha Mwari wenyu kuburikidza nemi. 6 Ringava shoko rakanaka kana kuti rakaipa, tichateerera inzwi raJehovha Mwari wedu watiri kukutumai kwaari, kuti zvitifambire zvakanaka nekuti tinenge tichiteerera inzwi raJehovha Mwari wedu.”

7 Papera mazuva gumi, shoko raJehovha rakauya kuna Jeremiya. 8 Saka akashevedza Johanani mwanakomana waKareya nevakuru vese vemauto vaaiva navo nevamwe vanhu vese, kubva kumudiki kusvika kumukuru.+ 9 Akati kwavari: “Zvanzi naJehovha Mwari waIsraeri, wamakandituma kwaari kuti ndisvitse chikumbiro chenyu chekunzwirwa nyasha pamberi pake: 10 ‘Kana imi mukaramba muri munyika ino, ndichakuvakai uye handizokuputsii, ndichakudyarai uye handizokudzurii, nekuti ndichazvidemba* nedambudziko randakakuunzirai.+ 11 Musatya mambo weBhabhironi, wamuri kutya.’+

“‘Musamutya,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha, ‘nekuti ndinemi, kuti ndikuponesei uye ndikununurei muruoko rwake. 12 Ndichakunzwirai tsitsi,+ uye iye achakunzwirai tsitsi, okudzorerai kunyika yenyu.

13 “‘Asi kana mukati: “Aiwa, hatisi kuzoramba tiri munyika ino!” morega kuteerera inzwi raJehovha Mwari wenyu 14 muchiti, “Aiwa, tichaenda kunyika yeIjipiti,+ kwatisingazooni hondo kana kunzwa kurira kwehwamanda kana kushaya zvekudya; uye tichagara ikoko,” 15 inzwai shoko raJehovha, haiwa imi vaJudha vakasara. Zvanzi naJehovha wemauto, Mwari waIsraeri: “Kana mukashinga kuenda kuIjipiti, mobva maenda kunogara ikoko,* 16 bakatwa racho ramuri kutya richakuwanai ikoko kunyika yeIjipiti, naiyo nzara yamuri kutya ichakuteverai kuIjipiti, uye muchafira ikoko.+ 17 Uye varume vese avo vari kushinga kuda kuenda kuIjipiti kuti vagare ikoko vachaurayiwa nebakatwa, nenzara, nedenda.* Hapana kana mumwe chete wavo achapukunyuka dambudziko randichavaunzira.”’

18 “Nekuti zvanzi naJehovha wemauto, Mwari waIsraeri: ‘Sekudururwa kwakaitwa kutsamwa kwangu nehasha dzangu pavagari vemuJerusarema,+ hasha dzangu dzichadururwawo pamuri kana mukaenda kuIjipiti, uye muchava chinhu chakatukwa, chinotyisa, chinomhurwa, uye chinozvidzwa,+ uye hamuzofi makaonazve nzvimbo ino.’

19 “Jehovha ataura pamusoro penyu, haiwa imi vaJudha vakasara. Musaenda kuIjipiti. Chokwadi zivai kuti ndakuyambirai nhasi 20 kuti kukanganisa kwenyu kuchakuurayisai.* Nekuti makandituma kuna Jehovha Mwari wenyu, muchiti, ‘Tinyengetererei kuna Jehovha Mwari wedu, motiudza zvese zvinotaurwa naJehovha Mwari wedu, uye tichazviita.’+ 21 Ini ndakuudzai nhasi, asi hamusi kuzoteerera inzwi raJehovha Mwari wenyu kana kuva nechamunoita pane zvese zvaandituma kuti ndikuudzei.+ 22 Saka zivai kuti chokwadi muchaurayiwa nebakatwa, nenzara, uye nedenda munzvimbo yamuri kuda kuenda kunogara.”+

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe