RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g92 1/8 pp. 21-22
  • Chinoitika cheChile Chinokuchidzira Rudo rwechiKristu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chinoitika cheChile Chinokuchidzira Rudo rwechiKristu
  • Mukai!—1992
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Shungu Mugungwa Ramatope
  • Chimwe Chinhu Chinokosha Zvikuru Kupinda Pfuma
  • Kushanda Kworudo rwechiKristu
  • Ngwavaira—Nguva Yamabasa Orudo
    Mukai!—1988
  • Kukura Pamwe Chete Murudo
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Chimwe Chinhu Chakatadza Kukukurwa Nedutu
    Mukai!—2003
  • Kugovera Yamuro Pakati Pedzimba Dzakoromoka
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
Ona Zvimwe
Mukai!—1992
g92 1/8 pp. 21-22

Chinoitika cheChile Chinokuchidzira Rudo rwechiKristu

Yakanyorwa nomunyori waMukai! muChile

NORTHERN CHILE inozivikanwa nokuda kweAtacama Desert rayo rakaoma, nenharaunda dzaro refu dzisingagarwi dzinonyangarikira mudaro. Kunaya kwemvura hakuna kurovedzeka zvikuru zvokuti icho vanhu vazhinjisa vangatumidza kuti imhute chinorangarirwa semvura mune iyi nharaunda isina chinhu iri pakati pePacific Ocean neAndes Mountains. Nokuda kweiyi migariro yomwaka, misha mizhinji haina kugadzirira nokuda kwemvura, uye kunyange uko kune kunaya kwemvura kwapanhambo nenhambo—zvimwe kamwe chete pamakore mashanu ari ose—vazhinji havatongonetseki nokunzvera bviro yedenga rinodonha kutozosvikira mvura yasvika. Zvimwe iri idi rakaponesa upenyu hwavazhinji vomuAntofagasta, guta ravagari vane 250 000.

PaMuvhuro usiku, June 17, 1991, vanhu vazhinji vakanga vachigadzirira kurara usiku, apo mvura zhinji yakavamba kutsvotsvoma. Matenga edzimba zhinji akanga achidonha, naizvozvo panzvimbo pokundorara, vanhu vakanga vachiedza kuvhara kudonha kana kuti kuganhurira kuvadziko—vasingakariri kuti chimwe chinhu chakaipisisa chaizoitika mukati mamaawa mashomanene.

Murungwanani mangwanani akatevera, kuondomoka kwamatope kutatu, kunosunda mamirioni amatani apasi pasipidhi yamakiromita 30 paawa, kwakaparira rufu rwavanenge vanhu 85, kuchikuvadza vanenge 700, uye kuchiparadza kana kuti kukuvadza misha inopfuura 30 000!

Shungu Mugungwa Ramatope

MuAntofagasta mune ungano gumi dzeZvapupu zvaJehovha, neinenge mitezo 1 400, nokudaro kwakanga kune kuitira hanya chaizvo nokuda kwegarikano yadzo. Takafara sei kunzwa kuti hapana vakanga varasikirwa noupenyu hwavo, kunyange zvazvo hanzvadzi imwe yakatambura kuvadziko yakakomba apo iyo yakakukurwa namatope kwedaro rinenge makiromita matatu. Apo iyo yakawanwa nechikwata chinonunura, vakafunga kuti akanga afa kutozosvikira mukoti acherekedza kuti akanga achifema uye, vachiswedera pedyo, vakamunzwa achidanidzira kuti “Jehová, Jehová.” Akanga amedza huwandu hwakati kuti hwamatope, naizvozvo vakamuendesa nokuchimbidzika kuchipatara kundomurapa nokuda kwokutapurwa nehosha.

Muungano yeOriente, 70 muzana yemhuri vakarasikirwa nemisha yavo kana kuti vakakuvadzwa zvakakomba. Dzimwe mhuri muUngano yeCostanera neyomuCorvallis dzakatamburawo kuvadziko huru yemisha yadzo, sezvo matope akasvika ukwiriri hwamatenga mune dzimwe nharaunda kana kuti kupinda mudzimba, achizadza makamuri kusvikira kumamita 1,5 amatope. Mune mumwe musha amai navana vavo vaduku vaviri vakanga vachiyanguruka pahuvato hwavo mugungwa ramatope, matope achivasundira pashoma napashoma kusiringi; vakanunurwa apo baba vomukadzi wacho vakakwanisa kuputsa denga. Vamwe vari munzvimbo dzakati kotsekanei vakarangarira kuti mugumo wakanga wava pedyo sezvavakateerera mubvumo wokuondomoka kwamatope achibvarura chinhu chiri chose chiri munzira yawo uye vachinzwa kudanidzira kweshungu mudaro rakati kuti murima rinotonhora rousiku.

Chimwe Chinhu Chinokosha Zvikuru Kupinda Pfuma

Kunyange zvazvo zvakarasikirwa nepfuma yazvo yakawanda, Zvapupu zvakaratidzira mudzimu unoshamisa. Chimwe Chapupu chakatsinhira pamusoro pokuti shamwari navashandi biyamwe vakashamiswa sei pakuona mudzimu wake wokufara pasinei hapo nokurasikirwa kukuru kwokunyama. Akavaudza kuti kudai zvinhu zvokunyama zvaizorongwa mumaarufabheti mukuwirirana noukoshi, zvaizova munzvimbo yebhii z. Iye akanga achifara kuve akapukunyuka uye kuva mupenyu nemhuri yake yose.

Vamwe amai, vakaparadzaniswa navanasikana vavo uye vakadokurasikirwa navaviri vavo pamwe chete noupenyu hwavo vakanga vanyengetera norushingairo kuna Jehovha kuti kudai vangadzokera kuupenyu kutanga murumuko, vangada kubatira somubiki apo vamwe vanoshanda kudzorera pasi! Vakapukunyuka, uye unofunga kuti vakakumbirwa kubatira kupi mumazuva apashure pokuondomoka kwamatope? Hungu, muimba yokubikira Zvapupu zvakarongwa kubatira mazana ezvokudya kuZvapupu zvaJehovha nemhuri dzavavakidzani dzakanga dzarasikirwa nemisha yadzo!

Kushanda Kworudo rwechiKristu

Zvapupu zvine rudo muCalama nomuIquique zvakaita gadziriro dzokutumira chingwa, mvura, zvipfeko, uye zvimwe zvinhu zviri madikanwa kuAntofagasta. Bazu rehofisi reWatch Tower Society rakagadzirirawo betsero, uye nokukurumidza zvipfeko, magumbeze, mibhedha, midziyo yomuimba yokubikira, zvokudya, uye zvimwe zvinhu zvakavamba kusvika. Kwaiorora sei kuona kuti zvinhu zvizhinji zvakapirwa zvakanga zvisati zviri zvakamboshandiswa kana kuti zvisaririra asi zvichangobva kutengwa! Nokukurumidza marori maviri eSosaiti nerechitatu rakabva kuRancagua akatanga kuenda kuAntofagasta, anenge makiromita 1 400 kuchamhembe, namatani 14 ezvinhu. Kunyange zvazvo shoko rakatumirwa rokuti kwakanga kusichiri madikanwa kupira zvinhu zvomuraudzo, izvo zvakapfuurira kusvika. Somuuyo, rimwe rori romuraudzo raitofanira kurendwa kuti ritakure mamwe matani 16! Iyi migove yakagoveranwa murupo navavakidzani vakanga vasati vari Zvapupu.

Kunyange zvazvo waiva mune imwe yenharaunda dzakatambura zvikurusa, musha weimwe mhuri yeZvapupu wakapukunyuka uri muchimiro chakanaka. Zvakakurumidza kuratidzira rudo nokuda kwomuvakidzani, zvichigamuchira mumusha wazvo mhuri 9 dzeZvapupu pamwe chete navamwe vavakidzani 70 vakanga vasiri Zvapupu, vazhinji vavo vakasvika vakafukidzwa namatope uye vasina zvipfeko. Zvapupu zvakaita kuti zvipfeko zvose namagumbeze zvinowanika zvavakanga vanazvo zvishandiswe navo.

Vazhinji vakapa nguva yavo, pfuma, namasimba kuti zvibetsere. Kunyange zvazvo yave iri ngwavaira yemwero mikuru nokuda kweChile, vanhu vaJehovha zvakare vakaratidzira chinzwano chavo nokuitira hanya kwouhama, kunyange kutumira mipiro yemari kubva kure sokuTexas muUnited States. Mumwe munhu akapeta mavhiki maviri oruyamuro rwengwavaira muAntofagasta: “Hatina kutongova negungano ramazuva 13, rine zvinoitika chaizvoizvo zvizhinji zvikuru, rine kuoneka kwakawanda zvikuru kworudo, rina vakawanda zvikuru vanozvipa vamene sezvakaratidzirwa mukati mamazuva anoverengeka akapfuura.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe