RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g03 8/8 pp. 10-15
  • Chimwe Chinhu Chakatadza Kukukurwa Nedutu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chimwe Chinhu Chakatadza Kukukurwa Nedutu
  • Mukai!—2003
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Vabatsiri Vane Chido muGermany
  • Austria—Chiito Chokukurumidzira Panjodzi
  • Isidore Inorova Mexico
  • Dutu Rinoparadza Korea
  • Kukura Pamwe Chete Murudo
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Mabasa Anoponesa aJehovha Zvino
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Zvinhu Izvo Hurricane Andrew Aisagona Kuparadza
    Mukai!—1993
  • Mafashamo muMozambique—Nzira iyo vaKristu Vakatarisira Nayo Vakawirwa Nawo
    Mukai!—2001
Ona Zvimwe
Mukai!—2003
g03 8/8 pp. 10-15

Chimwe Chinhu Chakatadza Kukukurwa Nedutu

NEVANYORI VEMUKAI! MUGERMANY, AUSTRIA, MEXICO, NEKOREA

MUKATI megore ra2002, zviitiko zvemamiriro okunze ane ngozi zvakaitika munyika dzakawanda. Europe yakarohwa nemafashamo anoparadza akatevedzana. Mune dzimwe nzvimbo dzenyika, Mexico yakarohwa nedutu raiparadza, uye Korea nechamupupuri chine simba. Kunyange zvazvo zviitiko izvi zvaiva nhamo, zvakabatsira kusimbisa zvisungo zvorudo zviripo pakati pevaKristu vechokwadi.

Pashure pemafashamo a2002 muEurope aichimbova mutungamiriri weWest Germany Helmut Schmidt akabvunzwa kuti vainge vapinda mutsaona vaida rubatsiro rworudzii. Akapindura kuti: “Vanhu vanoda zvokudya nepokugara, vanoda mari yokushandisa, uye vanoda kutarisirwa pakunamata.” Zvapupu zvaJehovha zvakaita basa rinokosha mukugovera ruyamuro rwezvinhu chaizvo nerwokunamata kune vakawirwa netsaona yedutu. Funga nezvebasa rokuyamura ravakaita muGermany, Austria, Mexico, uye Korea.

Vabatsiri Vane Chido muGermany

Pakazivikanwa kuti kwakanga kuchiuya ngwavaira yedutu, Zvapupu zvaJehovha zvizhinji muGermany zvakabatsirana nevoruzhinji kudzivirira mvura yemafashamo. Kathleen ane makore 19 anogara muDresden anoti: “Ndaisagona kungogara pasina zvandiri kuita. Pandakangonzwa kuti vamwe vanhu vakanga vari pangozi yokurasikirwa nezvinhu zvavo zvose, ndaitofanira kuendawo kunobatsira.”

Zvapupu zvomuGermany zvakatanga kurongana kuti zvibatsire nokukurumidza uye nenzira inobudirira. SevaKristu, vakanzwa riri basa ravo chairo kubatsira hama dzavo nehanzvadzi dzavo. Asi vakaratidzawo kuda kwavanoita vavakidzani vavo. (Mako 12:31) Vazvipiri vanopfuura 2 000 naizvozvo vakabatanidzwa mumapoka evanhu vari pakati pe8 ne12, boka rimwe nerimwe richipiwa basa chairo rokuita munzvimbo yakanga yawirwa netsaona. Pahofisi yebazi yeZvapupu zvaJehovha muSelters, Germany, maraini orunhare 13 akachengeterwa kugamuchira zviuru zvenhare dzaibva kuvanhu vaibvunza nezvenjodzi yacho uye vachida kubatsira.

Ronnie naDina vashumiri venguva yakazara veZvapupu zvaJehovah, avo vanopedza nguva yavo vachibatsira shamwari nevavakidzani kudzidza chokwadi cheBhaibheri. Pavakaziva nezvemafashamo akanga achiuya, vakatanga kuenda pakati peguta reDresden kuti vanobatsira kutamburira kwakanga kuchiitwa kudzivirira zvivako zvaro zvinokosha. Pakangoderera mafashamo, Ronnie naDina vakabatana nezvimwe Zvapupu kuchenesa Imba yoUmambo muFreital, iyo yakanga yafashamirwa nemvura yakasviba. Boka racho rakabva ratanga kubatsira vavakidzani varo. Muridzi wechitoro chokudyira chakatarisana neimba yoUmambo akatura befu apo Zvapupu zvakachenesa imba yake yepasi pevhu neyepamusoro pacho zvichibvisa marara nemadhaka.

Siegfried naHannelore vanogara muColmnitz, musha uri anenge makiromita 40 nechokumaodzanyemba kwakadziva kumavirira kweDresden. Kakova kanowanzoerera nomumusha wacho kakazara kakava rwizi rukuru, kachifashamira imba yavo nebindu. Mvura yacho payakangoserera, vavakidzani vakashamiswa kuona Zvapupu zvinenge 30, vaenzi munharaunda iyoyo vachisvika kuzobatsira kuchenesa musha waSiegfried naHannelore. Kubva ipapo boka racho rakatanga kuchenesa mapindu akapoteredza. Vagari vomumusha iwoyo vakawanda vakavabvunza kuti chii chakavaita kuti vafambe anenge makiromita 100 kuzobatsira vanhu vavakanga vasati vamboona. Naizvozvo Zvapupu zvakakwanisa kukurudzira vakanga vawirwa netsaona muColmnitz neBhaibheri.

Misha yetaundi reWittenberg yakarohwawo nemafashamo. Mumwe murume nomudzimai wake Zvapupu vanonzi Frank naElfriede vakashanda pamwe chete nevavakidzani vavo kwemazuva mafashamo asati aitika, vachitutira masaga ejecha nokuaronga mumhenderekedzo morwizi kuti musimbe. Pakangoderera mafashamo chete, Frank naElfriede vakashanyira vakanga vawirwa netsaona vachivaunzira zvokudya nokuvanyaradza. Frank anoyeuka kuti: “Mumwe mukadzi watakashanyira akanga asingagoni kudavira kuti isu sevaeni takamuunzira zvokudya tisingadi kana kubhadharwa. Akatiudza kuti hapana chero munhu wokuchechi kwake akanga auya kuzomuona. Uye sangano rakanga ramuunzira zvokudya rakanga ramubhadharisa nguva imwe neimwe. Vanhu vakashamisika kuona Zvapupu zvaJehovha zvine zvokudya zvinopisa mumaoko azvo panzvimbo pemabhuku eBhaibheri.”

Austria—Chiito Chokukurumidzira Panjodzi

Mvura yemafashamo yakaparadzawo Austria iri pedyo. Matare matatu akarongwa kuti atarisire mabasa okuyamura. Basa rakaiswa munzvimbo yokutanga nderokugadzira Dzimba dzoUmambo nhatu dzakanga dzaparadzwa zvakakomba. Uyewo, pakati peZvapupu mhuri dzinenge 100 dzakavhiringidzwa nemafashamo, uye misha 50 yakanyura mumafashamo. Vamwe vakarasikirwa nezvinhu zvose kunze kwembatya dzavakanga vakapfeka. Hofisi yebazi iri muAustria yakazivisa ungano dzemo nezvemamiriro acho ezvinhu, uye homwe yokuyamura yakarongwa. Pakasvika September inopfuura US$34 000 [Z$28 424 000] yomupiro yakanga yaunganidzwa.

Vamwe amai vakanyora kuti: “Mwanakomana wangu ane makore masere anochengetedza mari zvikuru uye akanga achengeta US$14 [Z$11 704]. Zvisinei, paakanzwa kuti dzimwe hama dzedu dzakanga dzarasikirwa nezvinhu zvadzo zvose, akapira mari yake yose kuhomwe yokuyamura panjodzi.”

Achitungamirirwa neMatare Okuvaka Omunharaunda (RBC), ayo anowanzotungamirira kuvakwa kweDzimba dzoUmambo dzeZvapupu zvaJehovha, mapoka akarongwa kuti abatsire kuvaka dzimba dzakanga dzaparadzwa nemafashamo. “Mapepanhau anofanira kutaura pamusoro pezvamuri kuita pano vanhu imi,” akadaro mumwe akazviona. Vamwe vakatochinja maonero avanoita Zvapupu zvaJehovha. “Kusvika panguva ino,” anodaro mumwe mubereki Chapupu, “vana vangu, avo vasiri Zvapupu, vaisazvifarira pandaiedza kuvaudza nezvokutenda kwangu. Asi iye zvino vava kuteerera kokutanga!”

Vazhinji vakanga vasiri Zvapupu vakaedzawo kubatsirwa. Somuenzaniso, mumwe mukadzi akashaya romuromo apo chimwe Chapupu chakauya pamba pake na7:30 mangwanani ndokumubvunza kana aida rubatsiro. Mukadzi wacho akatozotamiswa, nokuti mvura yakanga yava kutanga kupinda mumusha make. Zvisinei, paakadzokera akawana tsamba pagedhe rake kubva kuZvapupu. Yaiti: “Kana uchida rubatsiro, tizivise nokukurumidza.” Zvapupu zvakamubatsira kuchenesa imba yake nepachivanze paiva nemarara nemadhaka.

Boka reZvapupu 100 rakaenda kutaundishipi yeAu kunobatsira Zvapupu zveko nevavakidzani vazvo. Vatungamiriri vemapoka acho vakaenda paimba neimba vachibvunza kana vagari veko vaida rubatsiro. Vanhu vaishamiswa kuona kuti Zvapupu zvaiuya zvine midziyo yokubvisa mvura nokuchenesa, zvakadai sepombi, mitsvairo nefoshoro. Basa raizodai rakatorera varidzi vedzimba vhiki yose kupedza rakapedzwa mumaawa mashomanana. Vanhu vakatarisa nemisodzi mumaziso.

Zvapupu zvemo zvinenge 400 zvakaita basa rokuyamura—kazhinji zvichishanda siku nesikati. Kune vaiona, hwaiva uchapupu hwakasimba kwazvo hwesimba rechiKristu chechokwadi.

Isidore Inorova Mexico

Isidore yakatanga sedutu romunyika dzinopisa nechokumusoro kweVenezuela. Musi waSeptember 22, 2002, Isidore yakarova Yucatán Peninsula yeMexico iri dutu reboka rechitatu. Yaiva nemhepo yaimhanya makiromita 190 paawa nemvura yakasimba, yakaparadza zvakaipisisa nzvimbo dzeMexico dzinoti Yucatán neCampeche uyewo yakaparadza nharaunda yeQuintana Roo. MuYucatán moga, misha inenge 95 000 yakaparadzwa zvakakomba, zvichikanganisa vanhu vanenge 500 000.

Zvapupu zvaJehovha zvakaita basa guru kwazvo rokuyamura zvokuti musoro wepepanhau rokuchamhembe kweMexico wakazivisa kuti: “Zvapupu zvaJehovha Zvinonunura.” Dare rokuyamura rakaumbwa dutu racho risati rasvika. Urongwa hwokukurumidzira hwakaitwa kuwanira pokugara mazana eZvapupu zvemo. Ungano dzepedyo dzakapa mari yokukurumidzira. Zvipfeko, mushonga, uye matani anopfuura 22 ezvokudya akapiwa kune vakapukunyuka padutu, kusanganisira vakawanda vakanga vasiri Zvapupu. Vakuru vemo vakapiwa basa rokushanyira nokukurudzira vakawirwa nenjodzi yedutu reIsidore.

Pashure pokunge dutu raparadza, matare okuyamura emo akaumbwa kuti abatsire kutsvaka Zvapupu zvakanga zvisingaonekwi. Vanoverengeka vakanga vaenda kwavo voga musango nedzimwe nzvimbo kwemazuva anosvika matatu vasina zvokudya kana mvura yokunwa. Mune dzimwe nzvimbo mvura yakanga yakwira chaizvo zvokuti yakavhara mapango emagetsi! Saka, kwakawanikwa zvikepe zvine injini kuti zvishandiswe kunotsvaka vakanga varasika, kuvapa zvokudya nokuvatakura kuenda kunzvimbo dzakachengeteka.

Zviremera zvemo zvakarendesa zvikepe nemimwe midziyo kuZvapupu, izvo zvakati zvaida kuenda kunzvimbo idzo vazhinji vakanga vasingadi kuenda. Pakutanga mumwe mukuru mukuru wemauto akaramba kubvumira Zvapupu kupinda mukutsvaka kune ngozi kudaro. Zvisinei, paakaona kusatya kwavo akati: “Ndine chokwadi chokuti mungatoenda nemaherikoputa, kana zvichidiwa kuti mununure vanhu venyu. Motokari dzedu dziripo kuti dziendese vanhu venyu chero kwamunoda.”

Mumwe muridzi wechitoro akashamisika kuona zvimwe Zvapupu zvichitenga mvura yomumabhodhoro yakawanda. Zvakatsanangura kuti yakanga iri yehama dzavo dzechiKristu nevamwe vaiida. Murume wacho akasarudza kuvapa mvura yomumabhodhoro yose yaaiva nayo—pasina muripo. Zuva rakatevera racho akapazve imwe mvura—yakawanda kwazvo. Pane chimwe chitoro, mumwe mutengi akabvunza Zvapupu kuti nei zvakanga zviri kutenga zvokudya zvakawanda kudaro. Paakanzwa kuti zvakanga zviri zvevakanga vawirwa netsaona yemafashamo, akavapa mari yokuti vatenge zvimwe.

Kunyange zvazvo mhuri dzeZvapupu dzinenge 3 500 dzakarasikirwa nezvinhu nemhaka yeIsidore, zvakazoonekwa kuti hapana chero mumwe weZvapupu zvaJehovha akanga asipo kana kuti akanga afa. Kunyange zvakadaro, nemisha 331 yeZvapupu yakanga yaparadzwa, purogiramu yokuvakazve yaidiwa. Vamwe veZvapupu vane ruzivo rwokuvaka vakashanyira musha mumwe nomumwe neDzimba dzoUmambo kuti vaone kuti dzakaparara zvakadini. Kusvika nhasi, misha inenge 258 yakagadzirwa uye dzimba dzokutsiva 172 dzakavakwa. Uyewo Dzimba dzoUmambo 19 dzakaparadzwa dziri pakati pokuvakwazve.

Mumwe mukuru mune imwe ungano yomuruwa rweYucatán akati: “Ndakaverenga mumabhuku edu nezvebasa rokuyamura rakaitwa mune dzimwe nyika. Zvisinei, kuzvionera kwakasiyana zvikuru. Kutenda kwangu pamwe nokwehama zhinji kwasimbiswa nokuona kukurumidza kuuya kuzotibatsira nokuva nehanya kwesangano raJehovha pamwe nehama dzedu.”

Mumwe mukadzi akati: “Ndaizofara kudai chechi yangu yakanga yabatsira sezvamakaita imi Zvapupu.” Uye mumwe mukadzi, uyo akanunurwa neZvapupu akati: “Tinoonga Zvapupu zvaJehovha, hatina kufa. Varatidza rudo rwavo, vachiisa upenyu hwavo mungozi kuti vatinunure imba yedu payanga iri mumvura.”

Dutu Rinoparadza Korea

Musi waAugust 31 naSeptember 1, 2002, Dutu rinonzi Rusa rakaparadza chikamu chikuru cheKorea. Song-pil Cho mumwe mukuru muungano akati: “Zvaiita sokuti umire pasi pepombi yokugezera. Kwakaramba kuchinaya kuchingonaya.” Mvura inopfuura mamirimita 870 yakanaya mumaawa asingasviki 24—mvura yakawandisa yezuva rimwe yati yambonaya ikoko.

Maererano neThe Korea Herald, munyika yacho yose dzimba 28 100 nemaeka 210 000 eminda akafukidzwa nemvura. Vanhu vanenge 70 000 vakamanikidzwa kusiya misha yavo. Dutu racho rakauraya zvipfuwo 301 000, rikanyudza ngarava 126 nokuwisa mazana emapango emagetsi. Vanhu vanopfuura 180 vakashumwa kuti vakanga vafa kana kuti vakanga vasingaonekwi. Pakati pavo paiva neZvapupu zvaJehovha zviviri.

Sezvakaitika muEurope nokuMexico, Zvapupu zvaJehovha zvakaita chiito nokukurumidza. Mipiro yaibva kuZvapupu yakauya ichibva munyika yacho yose. Izvi zvaisanganisira mbatya, magumbeze, nezvimwe zvinhu zvinokosha. Kunyange zvakadaro, dzimwe nhengo dzeungano dzaiva munzvimbo dzakanga dzisingachasvikiki. Migwagwa yakanga yaparadzwa, uye mazambuko akukurwa. Kwakanga kusina magetsi kana runhare. Naizvozvo kwakarongwa mapoka kuti aende kunopa rubatsiro rwaidiwa. Song-pil Cho, uyo akashanda nerimwe remapoka okuyamura, anorondedzera imwe nzvimbo yavakabatsira: “Mazambuko manomwe nezvikamu zvikuru zvomugwagwa zvakanga zvakukurwa. Patakazosvika mutaundi racho, dzimba dzakanga dzaparadzwa dzaiva pose pose. Kwainhuwa zvikuru, uye mhuka dzakafa dzaiva dzakapoteredza kwose kwose. Asi hakusi kufara kwatakaita patakasangana nehama nehanzvadzi dzedu dzechiKristu nhanhatu! Vakanga varasikirwa nezvinhu zvavo, asi vose vakanga vari vapenyu uye vakasimba.”

Chaizvo, Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvakanyatsogadzirira njodzi yacho. Sezvo mafashamo achiwanzoitika mumwaka wemvura, RBC yavo muSeoul yakanga yatotanga kuronga nokuda kwezvinhu zvokuyamura panjodzi munguva yemberi. Kutanga muna 1997, yakapa mari yokurovedza kwegore negore kuitira kuti vazvipiri vave vakagadzirira kuita chiito kana paizoda kuita zvokukurumidzira.

Musi waSeptember 2, vashandi vokuyamura veRBC vakasvika paguta repamhenderekedzo yokumabvazuva rinonzi Kangnŭng ndokuvaka muzinda paImba yeMagungano yeZvapupu zvaJehovha yomunharaunda iyoyo. Chii chavakatanga nacho? Kupa mvura yakachena kune vakanga vapukunyuka. Panoitika mafashamo akasimba, mapaipi emvura kazhinji anoparadzwa; mvura yemafashamo inenge ine tsvina zvikuru. RBC yakaronga kuti marori mahombe ane matangi azere nemvura atumirwe munzvimbo dzakanga dzawirwa nedambudziko.

Mvura yemafashamo yaderera, zvinhu zvose zvinenge zvakazara madhaka anonhuwa. Kunyange zvakadaro, pakafungwa nzira yokuchenesa nayo inobudirira. Sezvo inenge misha yose iri munharaunda yacho yakavakwa nesamende, inogona kucheneswa nokubvisa mapepa anonamirwa kumadziro sependi neanonamirwa pauriri ofafaidzwa nemvura inenge ichibuda nesimba mupaipi.

Mafashamo anoita kuti midziyo yemagetsi mizhinji ishaye basa. Zvisinei, kana mumazuva mashomanana, midziyo yakadai sefiriji nemagiza zvikagurunurwa nenyanzvi dzemagetsi, zvonyatsocheneswa, zvoomeswa zvozodzorerwa, muzviitiko zvizhinji inoramba ichishanda. RBC yakarongedzera kuita basa rakadaro. Magiza asingadi kuchinjwa anoshandiswa kuomesa mumba. Basa iroro rinotora vhiki mbiri kusvika kunhatu.

Mbatya dzakaparadzwa nemafashamo nemagumbeze zvinofanira kugezwawo zvakasimba mumazuva mashomanana kana zvichizoramba zvichishandisika. Vazvipiri vakabva muungano yemo yeZvapupu zvaJehovha vakabatsira kuunganidza zvinhu zvehama dzavo dzechiKristu zvakanga zvakasviba. Tsvina yakanga iri pambatya idzi yakanga yakaoma zvikuru kubvisa—uye kuwacha kwacho kwaifanira kuitwa nemaoko murukova rwaitonhora zvikuru. Pashure pokunge mumwe mutori wenhau aziva nezvebasa rorudo iri, mufananidzo mukuru weZvapupu zvichiita basa racho wakabuda mupepanhau romunzvimbo iyoyo.

Mafashamo aiparadza muEurope, North America, uye Asia akakukura misha, midziyo, noupenyu hwevanhu vasina mhosva vasingaverengeki. Kunyange zvazvo iyi iri njodzi, zviitiko zvakadaro zvakazara muano “mazuva okupedzisira” enyika ino, ayo anoratidzwa ne“nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo.” (2 Timoti 3:1) Ngwavaira dzakadaro dzingashandawo sechiyeuchidzo chakasimba chokuti: VaKristu vechokwadi vanodanana uye vanoda vavakidzani vavo. Rudo rusina udyire rwakadaro ndechimwe chinhu chisingagoni kukukurwa nedutu.

[Mufananidzo uri papeji 10]

GERMANY​—Imba yakaparadzwa nedutu

[Mifananidzo iri papeji 11]

GERMANY​—Vazvipiri vanopfuura 2 000 vakapa ruyamuro nokukurumidza

[Mifananidzo iri papeji 12]

AUSTRIA​—Vachigadzira Imba yavo yoUmambo muOttensheim

Kuruboshwe: Boka revazvipiri rinodzoka kubva kuAu, uko rakabatsira Zvapupu zvemo nevavakidzani vazvo

[Mifananidzo iri papeji 13]

MEXICO​—Kurudyi: Dare rokuyamura rinogovera mvura yokunwa kune vakapona padutu

Pasi: Kuvaka imba yokutsiva

[Mifananidzo iri papeji 15]

KOREA​—Kubva kuruboshwe kuenda kurudyi: Chikamu cheguta chakanyudzwa; mvura ine simba ichichenesa; kugeza mbatya murukova ruri pedyo

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe