RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g96 11/8 pp. 3-4
  • Marudzidziso Enyika Ava Pedyo Nomugumo Wawo Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Marudzidziso Enyika Ava Pedyo Nomugumo Wawo Here?
  • Mukai!—1996
  • Mashoko Akafanana
  • Rudzidziso Rwupi Norwupi Rwakanaka Zvakakwana Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Zvitendero Zvenhema Zvinoita Kuti Mwari Aonekwe Zvisiri Izvo
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Kushandisa Rudzidziso Rwakachena Nokuda Kwokupukunyuka
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Chii Chichaitika Kuzvitendero?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
Ona Zvimwe
Mukai!—1996
g96 11/8 pp. 3-4

Marudzidziso Enyika Ava Pedyo Nomugumo Wawo Here?

YAKANYORWA NOMUNYORI WEMUKAI! MUSWEDEN

UYU musoro unokuita kuti ushamisike here, kuti: ‘Kunogona sei kuva kwakadaro? Marudzidziso enyika haasi ane simba kusvika kumwero wakati neanopesvedzera mupasi rose nhasi here?’

Hungu, pasinei zvapo nokupfuura nomuzvinetso zvizhinji zvikuru, anoratidzika kuva akadaro. Muzana rino ramakore rechi20, rudzidziso rwakadenhwa zvikuru ndokufumurwa kupfuura nakare kose munhau yomunhu. Nyanzvi dzemitumbi yomuchadenga dzakanzvera chisiko chose nemateresikopu adzo makuru, uye vanofamba muchadenga vakafamba vachigura-gura nomuchadenga; uye seizvo anofamba muchadenga weSoviet akataura, havana kuona “Mwari kana kuti ngirozi.” Nyanzvi dzephysics dzakapatsanura-patsanura zvinhu kuva mativi maduku zvikurusa pasina kuwana simba roumwari ripi neripi rinotangisa upenyu. Nyanzvi dzezvinhu zvipenyu nenyanzvi dzokudzidza upenyu hwenhambo dzakapfuura muzvisaririra dzinotaura kuva dzakaumbazve nhevedzano refu yemhindumupindu youpenyu, kubva kuamoeba kusvikira kumunhu, pasina kuwana batano dukusa yokupindira kwokusika papi nepapi munhevedzano yacho.

Zvisinei, uchenjeri hwenyika nepfungwa yokukoshesa pfuma yokunyama zvakakundikana kubvisa chose murangariro worudzidziso mupasi rino, uye masimba ezvematongerwe enyika okusatenda kuvapo kwaMwari nouzivi zvave zvisingabudiriri zvikuru kuzvipfuura. Kwamakore anopfuura 70, chiKomonizimu chekutonga kwebato rimwe, chokusatenda kuvapo kwaMwari chakazvidza rudzidziso sokutenda mashura uye “mushonga unokotsirisa wevanhu,” chakabvisa vatungamiriri vorudzidziso munzvimbo dzechiremera ndokurambidza mibato yavo, chakaparadza kana kuti kubira machechi netemberi, uye chakarasisa pfungwa ndokuponda vanamati. Bva, zviito zvakadaro hazvina kubvisa murangariro worudzidziso. Nokukurumidza sezvo hurumende idzodzo dzakawa, rudzidziso rwakamuka kubva mukuzvidzwa nesimba rairatidzika kuva rakamutsidzirwa. Munyika dzaichimbova dzechiKomonisiti, vanhu vari kuunganazve mutemberi dzavo dzekare, vachipfugama mukunamata kwokuzvipira seizvo madzitateguru avo akaita vasati vavapo.

Murangariro worudzidziso uchiri mukuru zvikuru mumamwe mativi enyika. Gore riri rose guta reMecca, muSaudi Arabia, rinogamuchira mamiriyoni avaMuslim vanoenda kunzvimbo tsvene vanobva mupasi rose. St. Peter’s Square iri muVatican inogarozadzwa kupfuura nhamba inofanira kupindamo nevatendi vechiKaturike vachitsvaka kuona zvishoma papa uye vachikarira kuwana ropafadzo yake. Mamiriyoni avashingairi veHindu vanopfuurira kudirana vachienda kuzviuru zvenzvimbo dzenzendo dzenzvimbo tsvene dziri mumhenderekedzo dzenzizi “tsvene” muIndia. VaJudha vatsvene vanodirana kuWailing Wall muJerusalem kuti vandonyengetera ndokusiya minyengetero yavo yakanyorwa mumitswe yemadziro acho.

Hungu, kunoratidzika kuva kusingabviri kubvisa rudzidziso murudzi rwomunhu. “Munhu kupfurikidza nomuumbirwo wake imhuka yorudzidziso,” akadaro Edmund Burke nyanzvi yezvehurumende yakaberekerwa kuIreland. Nokushandisa nzvero, vanhu 5 kubva mu6 vari pasi pano vakabatanidzwa kusvika kumwero wakati norudzidziso rwakati. Maererano nenhamba dzemisi ichangobva kupfuura iyi, kune vatsigiri vorudzidziso rwakabvumikiswa vanenge mabhiriyoni 4,7 munyika, nepo kuchingova nevanopfuura bhiriyoni imwe vasiri vorudzidziso.a

Tichirangarira izvozvi, kune mufungo here kudavira kuti marudzidziso enyika ava pedyo nomugumo wawo? Uye kana ari, achava nawo rini uye sei? Pachava norudzidziso rupi norupi ruchasara here? Ngatirangarirei iyi mibvunzo munyaya mbiri dzinotevera.

[Mashoko Omuzasi]

a “Vasiri vorudzidziso” vanobatanidza: “Vanhu vanoti havana rudzidziso, vasingatendi, vanoti Mwari haazivikanwi, vanoramba mifungo yorudzidziso, vezvenyika vanoramba rudzidziso rwuri rwose.”

[Mufananidzo uri papeji 3]

St. Peter’s Square, Vatican City

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe