Sitiroko!
CHINOPARIRA rufu chikuru nourema hwenguva refu munyika dzakabudirira dzoKumadokero isitiroko. Shoko chairo rokuti “sitiroko” rinoreva kukurumidza kunoita “kurohwa kweuropi.” Pane imwe nhambo, ungave uchinzwa zvakanaka, uye nhambo inotevera, unonzwa sewarohwa nemheni—sitiroko huru inogona kuchinja upenyu hwako zvikuru kamwe kamwe uye zvinoshamisa. Ichikuremadza nenzira youtsinye, ingakuita chimumumu, kukanganisa mirangariro yako, kuchinja unhu hwako nokuziva, uye kukuisa muhondo isingaperi yokuwanazve upenyu hwenguva dzose iwe nemhuri yako maimboziva.
Rangarira Ellen Morgan.a Nomusi weChitatu, Ellen akanga ari munhu ane makore 64 okukura, ane utano hwakanaka, anoshingaira. Nomusi weChina, achitenga nomurume wake, kamwe kamwe Ellen akanga asisagoni kutaura, uye chiso chake chakakanganisika. Muviri wake wakapera simba, uye akatatarika seakadhakwa. Ellen akanga ari kutambura nesitiroko huru!
Pashure pesitiroko, Ellen akanga aremara kwazvo zvokusagona kuita chero chinhu chakapfava hacho, zvakadai sokugeza kana kuti kuzvipfekedza. Asisakwanisi kunyora, kuruka kana kuti kusona, akatambudzwa nenhambo dzokuchema kusingadzoreki uye kuneta kukuru. Panguva yose iyi, kufunga kwaEllen hakuna kukanganiswa; zvisinei, kunzwa kwokukangaidzwa kwaimuka apo ainzwa kuti zvimwe vamwe vaimuona sefuza. Gare gare, Ellen akatsanangura kuti: “Vashomanene vanoziva kuti kuvhundutsa kwokuchinja uku kwakamwe kamwe kunotapura sei munhu mupfungwa nemundangariro. Ndakadokunzwa sokunge kuti ndiwo wakanga uri mugumo wokuvapo kwangu somunhu.”
Chii chinoparira sitiroko? Munhu ari wose ane sitiroko anotapurwa nenzira imwe cheteyo here? Vapukunyuki vakagonana sei nehosha iyi? Mhuri dzevanopukunyuka pakuoma mutezo dzinobata sei? Chii isu tose tinogona kuita kuti titsigire? Mukai! inonzvera mibvunzo yakadaro uye inokubetsera uye inoita kuti uzive upenyu hwevakapukunyuka sitiroko nemhuri dzavo idzo dzinogoverana hondo yavo.
[Mashoko Omuzasi]
a Mamwe mazita akachinjwa nemhaka yokurangarira vanorwara nemhuri dzavo.