Kubata Nemigumisiro Yayo
AKARARA pamubhedha wemuchipatara neruoko negumbo zvakaoma, Gilbert akabvunza chiremba wake kuti: “Ndichambozokwanisa kushandisazve ruoko rwangu negumbo rangu here?” Gilbert akanzwa mhinduro inodenha yokuti: “Ukashanda nesimba zvikuru, uchanaya nokukurumidza zvikuru, uye uchakurumbidza kuita kudaro.” Akapindura kuti: “Ndakagadzirira!” Kurapwa pamwe nokuva netariro zvakamubetsera, pazera ramakore 65, kubva pakushandisa wiricheya kuenda kukushandisa chokubetsera kufamba, tevere tsvimbo uye pakupedzisira kubasa.
“Kurapa kwepashure pesitiroko kuzhinjisa kwanhasi kunotsigira pfungwa yokuti kana rutivi rumwe rweuropi rwakuvadzwa, dzimwe nharaunda dzinogona kuita basa remasero akakuvadzwa. Rimwe donzo rokurapa nderokuita zvose zviri zviviri kukudziridza nharaunda idzi dzinenge dzisingashandi uye kunyandura uropi kugadzikana nokuchinjika,” vanotaura kudaro vanzveri Weiner, Lee, uye Bell. Zvisinei, kunaya kunotsamira pane zvimwe zvinhuwo, zvakadai senzvimbo nokukomba kwesitiroko yacho, utano hwemunhu wacho, rudzi rwokurapa, uye tsigiro yevamwe.
Tsigiro Yemhuri Neshamwari
Erikka akatanga kurovedza muviri kwokurapa kwemakore matatu, achidzidza kufamba uye kushandisa ruoko rwake rworudyi kutsiva ruoko rwake rworuboshwe rwakaremara. Anotaura chakamuita kuti akwanise kubudirira: “Chinhu chinokosha zvikurusa chakanga chiri chokuti murume wangu neshamwari dzangu vakaramba vakavimbika kwandiri. Kuziva kuti vaindida kwakandipa simba, uye apo vakandikurudzira kusaneta, izvozvo zvakandisunda.”
Mitezo yemhuri inova shamwari mukunaya kwevadiwa vayo. Vanofanira kubvunza mibvunzo varapi ndokucherechedza kurapa kungafanira kupfuuridzirwa kumba kuitira kuti musarasikirwa nekuvandudzika kwakatoitwa. Kushivirira, mutsa, kunzwisisa, uye chidakadaka zvinoratidzwa nemitezo yemhuri neshamwari zvinogovera mhoteredzo yokuchengeteka mumurangariro wokudzidzazve kutaura, kurava, uye humwe unyanzvi hwokurarama kwezuva nezuva.
Achiedza kuva akadzikama pakati pokusunda nokunyatsobata, John akashanda zvakaoma kubetsera mudzimai wake Ellen nokurovedza muviri nokurapa. Anorondedzera nhamburiko dzemhuri yake achiti: “Taisarega Ellen achinyura mukuzvinzwira tsitsi. Pane dzimwe nguva taiva vaitisi vebasa vakaoma, asi nguva dzose taiongorora zvaaigona ndokumubetsera. Anotapurika zvikuru, naizvozvo ndinoita nhamburiko yokusamunetsa.”
Ellen sezvaaidzidzazve kutaura achibetserwa nomurapi wezvekutaura, John aimubetsera. “Kuita zvinhu pamwe chete wakanga uri mutoo wokukurudzira, naizvozvo tairavirana Bhaibheri zvinonzwika, izvo zvakabetsera kuvandudza kutaura kwake. Uyewo, pashoma nepashoma pakutanga, takapinda muushumiri, sezvo tiri Zvapupu zvaJehovha. Neiyi nzira Ellen aigona kugoverana nevamwe tariro yatinayo yenguva yemberi. Uku kwakanga kuri kurapa pachako nokuda Ellen.” Pakaguma makore matatu, Ellen akanga avandudzika zvikuru kwazvo.
Kurudziro nesimba izvo shamwari dzinogona kupa hazvifaniri kutongorerutswa, sezvazvinogona kuva nomugumisiro mukuru pakunaya kwewakapukunyuka sitiroko. Magazini yezvekurapa inonzi Stroke yakashuma kuti “mwero” yakakwira “yetsigiro yenzanga yakawanwa kuti inoreva kunaya nokukurumidza uye mwero mukuru wokuvandudzika kwose zvako mukushanda, kunyange pakati pevarwere vane sitiroko yakakomba.”
Bernie akaonga zvikuru kwazvo tsigiro iyo shamwari dzake dzakamupa. Anotiyeuchidza kuti: “Kushanya kweshamwari kunokosha mukubudirira. Inzwi rokunzwira ngoni nomurangariro wokuitira hanya zvinokurudzira. Kunyange zvazvo munhu asingafaniri kufungisisa urema hwemunhu, kubvuma kuti pane kuvandudzika kupi nokupi kunokurudzira.” Chii icho isu tose tingaita kutsigira avo vari kubata nemigumisiro yesitiroko? “Enda nemaruva,” anokarakadza kudaro Bernie, “kana kuti goverana mufungo weMagwaro kana kuti chakaitika. Izvozvo zvakandibetsera zvikuru.”
Melva, akwegura akapukunyuka sitiroko, akazviwana zvichibetsera kuva nomumwe wehama dzake dzomudzimu dzainyengetera naye. Gilbert anorumbidzawo izvozvo, achitsanangura kuti: “Zvinoratidza kuti unoitira hanya chaizvoizvo zvakakwana apo unonyengetera nomumwe munhu.” Peter, ane sitiroko yakamusiya ave kuona madzerere, anozvionga apo vamwe vanonzwisisa ganhuriro dzake uye vachiwana nguva yokumuravira.
Kubetsera munhu kuenda nokudzoka kunzvimbo yaanorapirwa chiitowo cherudo. Kuva nechokwadi chokuti musha womunhu ane sitiroko inzvimbo yakachengeteka kuri madikanwa. Kuwa kunogara kuchityisa apo kudzikama kunenge kuri chinetso. Gilbert, somuenzaniso, akaonga betsero yomutsa yeshamwari idzo, pakati pezvimwe zvinhu, dzakaisa simbi yokubatira mushawa yake nokuda kwechengeteko.
Kudzidza Kupa Tsigiro
Kuchinja kwemirangariro uye muitiro wokugaronzwa kuda kuchema zvinogona kukangaidza munhu ane sitiroko, pamwe chete nokuvhiringidza vanoona vangasaziva chokuita. Zvisinei, dzichidzidza kuva dzinotsigira, shamwari dzinogona kununura ane sitiroko mukuparadzaniswa nevamwe kungaguma kwaitika. Kazhinji kazhinji, nhambo dzokuchema dzinova shoma. Asi apo misodzi inouya, ramba wakadzikama uye ramba une munhu wacho, uchitaura zvawaizoda kunzwa kudai wanga uri iwe.
Kupfuura zvose, sakurira rudo rwaMwari nokuda kweavo kukanganisika kwavo kungave kwakachinja unhu hwawaiziva. Vanonzwa manzwire ako, uye izvozvowo, zvinotapura zvavanoita kwauri. Erikka anotsinhira kuti: “Ndingasatongova munhu mumwe chete iyeye zvekare. Asi hapana anofanira kukarira izvozvo ane sitiroko. Hama dzokunyama neshamwari vanofanira kudzidza kuda munhu sezvaari. Kana vakanyatsonzvera unhu hwake, vachawana kuti mavara anokwezva zvikurusa emunguva yapfuura achiripo.”
Kuzviremekedza kunoderera apo munhu anenge asingakwanisi kutaura kana kuti kunzwisiswa. Kupfurikidza nokuita nhamburiko yokutaura nadzo, shamwari dzinogona kusimbisa kukosha kweavo vasingachatauri zvakanaka. Takashi anoti: “Zvandinofunga nokunzwa pamwoyo hazvina kuchinja. Zvisinei, vanhu vanodzivisa kuonana neni nemhaka yokuti havagoni kuita kurukurirano yenguva dzose neni. Zvakandiomera kusvika vanhu, asi apo mumwe munhu anouya kuzotaura neni, ikurudziro huru zvikuru uye zvinondifadza zvikuru!”
Dzinotevera ndedzimwe nhungamiro dzinogona kutibetsera tose kutsigira nokukurudzira avo vanotambura nokunyatsotaura zvakanaka.
Sitiroko zhinjisa hadzitapuri ungwaru. Vanhu vazhinjisa vanopukunyuka sitiroko vanoramba vakamuka mundangariro, kunyange zvazvo kutaura kwavo kungave kwakaoma kunzwisisa. Usatongotaura navo uchivazvidza kana kuti kutaura navo sevana. Vabate nechiremera.
Teerera neshiviriro. Vangada nguva yokurongazve pfungwa kana kuti yokupedza shoko, chikamu chemashoko, kana kuti mutsetse. Yeuka, muteereri anoitira hanya zvikurusa haadi kukurumidza kunzwa.
Usanyepedzera kunzwisisa kana usati. Bvuma nomutsa kuti: “Ndine urombo. Handiiti sendiri kunzwisisa chaizvo. Ngatiedze zvakare gare gare.”
Taura zvishoma nezvishoma uye zvakajeka nenzwi renguva dzose.
Shandisa mitsetse mipfupi nemashoko akarovedzeka.
Shandisa mibvunzo inoda hungu kana kuti kwete, uye kurudzira mhinduro. Yeuka kuti vangasakwanisa kunzwisisa mashoko ako.
Ita kuti rumwe ruzha rwuripo rurambe rwakaderera.
Kubudirira, Netsigiro Yerudo yaJehovha
Kunyange zvazvo zvichikosha kuziva chinoparira sitiroko yako, sezvo izvozvo zvichikugonesa kuita chiito ndokuderedza ngozi yako yesitiroko dzomunguva yemberi, kugona kudzora kutya kunobatanidzwa kunokoshawo. Ellen anorondedzera: “Mashoko aMwari ari pana Isaya 41:10 zvikuru anondinyaradza. Ipapo anoti: ‘Usatya, nokuti ndinewe. Usavhunduka, nokuti ndiri Mwari wako. Ndichakusimbisa, zvirokwazvo, ndichakubetsera; zvirokwazvo ndichakutsigira noruoko rwangu rworudyi rwokururama.’ Jehovha akava chaiyeiye kwazvo kwandiri, achindiita kuti ndisatye.”
Bhaibheri rinobetserawo Anand kubata nokupera mwoyo kwaanonzwa: “Rinondigovera tsigiro yakakurisa, sezvo richigara richindimutsiridza nokundizorodza.” Chinetso chaHiroyuki chakanga chiri chokuti angabetserwa sei neMagwaro, sezvo akanga asingagoni kupa ngwariro. Anoti: “Ndakawana nyaradzo mukuteerera mabhuku eBhaibheri ari pamakaseti okuteerera.”
Muapostora Pauro akati: “Kana ndine utera ipapo ndine simba.” (2 VaKorinte 12:10) Wakanga uri mudzimu waJehovha wakabetsera Pauro kuita zvaaisagona kuita ari oga. Avo vanopukunyuka pasitiroko vanogonawo kuvimba naJehovha nokuda kwesimba romudzimu. Erikka anotsanangura kuti: “Apo tinenge tine utano hwakanaka uye tichiita zvinhu zvose nesimba redu timene, tingasapa Jehovha mukana mukuru wokutibetsera. Asi urema hwangu hwakandigonesa kusimbisa ukama hwangu naye nenzira chaiyo zvikuru.”
Vatarisiri Vanowana Tsigiro
Vatarisiri vanoda tsigiro mubasa ravo rinokosha. Vanogona kutendeukira kupi nokuda kwetsigiro? Imwe nzvimbo mumhuri. Mutezo mumwe nomumwe unofanira kugoverana mutoro wokutarisira. Yoshiko anotaura kuti vanakomana vake vakamupa sei tsigiro mumurangariro wake achiti: “Vaiteerera zvinetso zvangu sokunge kuti zvaiva zvavo vamene.” Mitezo yemhuri inofanira kuwana mashoko ose anowanika kwavari kuitira kuti vadzidze nzira yokutarisira nayo ane sitiroko uyewo nzira yokubata nayo nechinjo dzeunhu hwomudiwa wavo.
Ndianizve angabetsera vatarisiri? David nemhuri yake vakasvika kumhuri yavo yomudzimu iri muungano yeZvapupu zvaJehovha nokuda kwokubetsera Victor: “Vakatibetsera nezvataida. Vachiita majana, pane dzimwe nguva vanouya kuzorara kumba kwedu kuti vatarisire Victor usiku hwose nokuda kwedu.”
Mutarisiri ari wose anoda kunzwa rudo rwoushamwari netsigiro zvemhuri yake yomudzimu. Asi vamwe vangazviwana zvakaoma kukumbira betsero. Haruko anotsanangura kuti: “Ndinowanzoudzwa kuti: ‘Kana pane chinhu chipi nechipi chaunoda kubetserwa nacho, usazeza kutizivisa.’ Asi ndichiziva kuti munhu wose akabatikana sei, handigoni kukumbira kubetserwa. Ndaizofara zvikuru kudai vanhu vaizopa betsero nenzira dzakananga: ‘Ndinogona kukubetsera kuchenesa. Izuva ripi rakakunakira zvikuru?’ ‘Ndinogona kunokutengera, zvingaita here kana ndikauyako izvozvi?’”
Mudzimai waKenji akava nesitiroko; zvisinei, akakwanisa kugovera tarisiro yaaida. Akawana kuti kupfurikidza nomunyengetero aigona kukandira mitoro yake pana Jehovha. Pakupedzisira, mudzimai wake akatadza kutaura, uye naizvozvo, Kenji akarasikirwa nomumwe wokutaura naye. Asi anorava Bhaibheri mazuva ose. Anoti: “Zvinondiyeuchidza nezvekutarisira kwetsitsi kwaJehovha nokuda kweavo vakaputsika mwoyo, uye izvi zvakandidzivirira pakuora mwoyo nokusurukirwa.”
Kuvimba nomudzimu waJehovha kunogona kutibetsera apo kunoratidzika sokuti mirangariro yave kutikunda. Yoshiko, ari kubata nekuchinja kweunhu hwemurume wake uye kuita hasha pashure pesitiroko yake, anorondedzera kuti: “Pane dzimwe nguva ndinonzwa ndichimanikidzwa kuridza mhere nenzwi rangu rose. Panguva idzodzo ndainyengetera nguva dzose kuna Jehovha mudzimu wake waindiunzira rugare.” Achionga kuvimbika kwaJehovha kwaari, haabvumiri chinhu chipi nechipi kuvhiringidza mararamire ake echiKristu. Anopinda misangano yechiKristu nguva dzose, anopinda muushumiri, uye anofunda Bhaibheri somunhu oga. “Kupfurikidza nokuita rutivi rwangu,” Yoshiko anoti, “Ninoziva kuti Jehovha haasati achizotongondisiya.”
Apo funganyo dzinouya, Jehovha anenge aripo nguva dzose kuti ateerere. Midori, ane murume akapukunyuka sitiroko, anonyaradzwa neidi rokuti, nenzira yokufananidzira, Jehovha akaisa misodzi yose yaakabudisa “mumudziyo.” (Pisarema 56:8) Anoyeuka mashoko aJesu okuti: “Musafunganya pamusoro pezvamangwana.” Anoti: “Ndakasarudza kushivirira kusvika nyika itsva yauya.”—Mateo 6:31-34.
Kutarisana Neganhuriro Dzakakomba
Ichokwadi kuti mukurapwa kwavo vamwe vanonaya zvikuru, asi vamwe vanobudirira zvishoma mukudzokerazve kune zvavaikwanisa vasati vave nesitiroko. Chii chinogona kubetsera vapedzisira kududzwa kutarisana nedenho yokugamuchira ganhuriro dzavo, kunyange zvazvo dzingava dzakakomba uye dzichigara kwenguva refu?
Bernie, uyo asingachakwanisi kufamba zvikuru nemhaka yesitiroko, anopindura kuti: “Mufaro wetariro yangu yeupenyu husingagumi muparadhiso yapasi ichauya uye munyengetero kuna Baba vangu vokudenga, Jehovha, zvakandibetsera kugamuchira ganhuriro dzangu nedzikamo.”
Tariro iyoyo yakabetsera Erikka nomurume wake, Georg, kugamuchira ganhuriro dzake uye achingofarikanya upenyu. Georg anotsanangura kuti: “Tine chipikirwa chaMwari chokuporesa kwakakwana rimwe zuva. Naizvozvo hatipi ngwariro paurema. Chokwadika, tichiri kuita zvose zvatinogona nokuda kweutano hwaErikka. Asi unogona kudzidza kurarama netsandanyama dzisingawirirani zvakanaka ndokupa ngwariro pazvinhu zvakanaka zvikuru.”—Isaya 33:24; 35:5, 6; Zvakazarurwa 21:4.
Muzvinoitika umo kunaya kwakaganhurirwa zvikuru, tsigiro yemhuri neshamwari inotokosha zvikuru. Vanogona kubetsera ane sitiroko kubudirira kutozosvikira yave nguva yaMwari yokupedza zvinetso zvose zvoutano.
Kuziva kuti kune nguva yemberi yakaisvonaka nokuda kwevane sitiroko nemhuri dzavo apo utano huchadzorerwa kunovagonesa kubata noupenyu zuva rimwe panguva. Vanogona nokudaro kumirira nokushivirira kusunungurwa pakutambura kwose, munyika itsva yaMwari ichauya nokukurumidza. (Jeremia 29:11; 2 Petro 3:13) Panguva ino, vose vanotendeukira kuna Jehovha vanogona kuva nechivimbo chokuti kunyange zvino achavabetsera ndokuvatsigira mukubata nemigumisiro inoremadza yesitiroko.—Pisarema 33:22; 55:22.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 12]
Mhuri neshamwari dzinogona kubetsera nyajambwa kubata nayo kutozosvikira yava nguva yaMwari yokugadzirisa zvinetso zvose zvoutano
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 10]
Kudzivirira Sitiroko
“NZIRA yakanakisisa yokubata nayo nesitiroko kuedza kuidzivirira,” anodaro Dr. David Levine. Uye chinhu chinowanzoparira sitiroko zhinjisa iBP.
Nokuda kwevanhu vazhinji, BP inogona kudzorwa nezvokudya zvine potassium yakawanda nemunyu mushoma, mafuta mashoma, uye cholesterol. Kuderedza kunwa zvinodhaka kungakoshawo. Chirongwa chokurovedza muviri nguva dzose chakakodzera zera romunhu nokugwinya zvinogona kubetsera kubvisa uremu hwemuraudzo, izvo zvinogona kuzoderedzawo BP. Mushonga ungafanira kushandiswa—mukutarisira kwachiremba, sezvo pane mirimo yakawanda inowanika.
Hosha yetsinga inonzi carotid artery inovhara nzira inouya neropa rakawanda richienda kuuropi uye ndiyo inowanzoparira sitiroko zvikuru. Zvichitsamira kuti yavhara sei, kuvhiya kunonzi carotid endarterectomy kuvhura tsinga dzakavharwa kungakurudzirwa. Nzvero dzakaratidza kuti vanhu vakanga vachiratidza zviratidzo zvacho uye vakanga vane tsinga dzakavharwa zvikuru vakabetserwa nokuvhiyiwa nokurapwa. Zvisinei, panogona kuva nezvinetso zvine chokuita nokuvhiya, naizvozvo zvinofanira kurangarirwa nokungwarira.
Hosha yemwoyo inogona kuwedzera ngozi yesitiroko. Atrial fibrillation (kurova kwemwoyo zvisina kuenzana), uko kunogona kuparira ropa kugwamba rofamba richienda kuuropi, kunogona kurapwa neanticoagulants. Zvimwe zvinetso zvemwoyo zvingada kuvhiya nokurapwa kuderedza ngozi yesitiroko. Chirwere cheshuga chinoparirawo sitiroko dzakawanda, naizvozvo kuchidzora kunobetsera kudzivirira sitiroko.
Kudenha kunopfuura nokukurumidza kweischemia, TIA, inyevero dzakajeka dzokuti sitiroko ingaitika. Iva nechokwadi chokuti hadzifuratirwi. Ona chiremba wako ndokubata nechinoparira chikuru chacho, TIA sezvainowedzera ngozi yesitiroko inowedzera zvakanyanya.
Upenyu hune utano, hwakanaka, hune mwero hunogona kuita zvakawanda kudzivirira sitiroko. Zvokudya zvakakwana nokurovedza muviri nguva dzose pamwe chete nokunwa zvinodhaka zvishoma nokurega kuputa zvinogona kubetsera kuchengeta tsinga dzine utano uye zvinogona kutsigira kuchinja kwakanaka mune dzakatokuvadzwa. Kuwedzera kudya michero isina kubikwa nemirivo nezvirimwa, zvakabetsera kuderedza ngozi yesitiroko, maererano nenzvero dzakasiyana-siyana.