RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g01 8/8 pp. 26-29
  • Svorenyama—Shiri Inofungirwa Zvakaipa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Svorenyama—Shiri Inofungirwa Zvakaipa
  • Mukai!—2001
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zishiri Pane Dzimwe
  • Vabereki Vakavimbika
  • Vashandi Vanokurudzira Utsanana
  • Remangwana reSvorenyama
  • Zviri Mukati
    Mukai!—2001
Mukai!—2001
g01 8/8 pp. 26-29

Svorenyama—Shiri Inofungirwa Zvakaipa

NOMUNYORI WEMUKAI! MUKENYA

“Handisati ndamboona shiri inonzi inofanoratidza rombo rakaipa kupfuura zvinoitwa svorenyama.”—The World’s Wild Places—Africa’s Rift Valley.

PASHIRI zhinji dzinowanika muAfrica, ishoma dzinonyanya kushorwa sezvinoitwa svorenyama. Shiri yacho inowanzonzi ine utsinye uye haina chitarisiko chakanaka uye inovavarira zvakaipa. Zviri pachena kuti svorenyama haina ushamwari nezvimwe zvisikwa.

Unofadzwa neshiri dzinoyevedza uye dzinoimba zvakaisvonaka here? Svorenyama haina zvose. Nomusoro wepingi usina minhenga, shiri yacho inoita seisingafari uye seisingayevedzi. Hombe dzacho dzine chihomwe chitsvuku chinokwanisa kuzara mweya chinoita setai yemuhuro hobvu yakasungirirwa mumutsipa. Vamwe vanofunga kuti chihomwe chacho hachinakisi chisikwa ichi. Zvisinei, Dr. Leon Benun, mukuru mukuru weDhipatimendi Rinoona Nezveshiri kuNational Museums muKenya, anotiyeuchidza kuti: “Isu zvatisingayevedzwi nechihomwe ichi, hazvirevi kuti hachiyevedzi svorenyama.” Kunyange zvakadaro, hapana ati aziva kuti chihomwe ichi chinoita basa rei muupenyu hwayo.

Uyewo madyiro anoita shiri iyi haayevedzi vacherechedzi. Nokuti inodya zvitunha zvakaora. Kana zvitunha zvisingawaniki, yave ichizivikanwa nokuuraya dzimwe shiri kuti izvigutise. Saka hazvishamisi kuti inoita seinosemwa kwazvo nevanhu vakawanda.

Asi, pasinei nokuipa kwechitarisiko chayo uye maitiro, svorenyama ine zvakawanda zvainoita zvinoyemurika. Ngatienderanei sezvatava kuda kunyatsoziva shiri iyi inonyanya kufungirwa zvakaipa.

Zishiri Pane Dzimwe

Hazvina chokwadi kana svorenyama iri iyo shiri huru kupfuura dzose dzorudzi rweshuramurove. Hono inenge yanyatsokura ingareba masendimita 150 yova nouremu hwemakirogiramu masere. Hadzi dzakati dukupei. Muromo wakasimba weshiri yacho, wakapinza, ungareba masendimita anopfuura 30—chishandiso chakasimba pakubvambura nhindi dzenyama yechitunha.

Kunyange zvazvo yakakura kwazvo, shiri iyi inyanzvi yokubhururuka. Nemapapiro ayo akareba mamita 2,5 svorenyama inogona kubhururuka sezvinongoita dzimwe shiri dzine unyanzvi. Pakubhururuka inotaridzika zvakanaka kwazvo iwo musoro uri mumapendekete zvishomanana uye makumbo akatambarara kupfuura besu. Inoziva kubhururuka ichishandisa mhepo dzinodziya, uye inogona kubhururuka zvokusvika kudenga-denga zvokuti dzimwe nguva ingatotadza kuonekwa nomunhu ari pasi! Svorenyama dzave dzichitozivikanwa kuti dzinobhururuka zvokusvika mamita 4 000 mudenga!

Vabereki Vakavimbika

Zvisinei, chinonyanya kuyemurika pasvorenyama ibasa rainoita somubereki. Chokwadi, kurera ibasa rakaoma rinotanga nokuvaka dendere. Yasarudza nzvimbo yakakodzera, hono ndiyo inotanga basa rokuvaka, hadzi yozobatsiranawo nayo. Dzimwe nguva dendere racho rinenge riri mamita 30 kubva pasi, harisi chinhu chinoshamisira. Dendere iri rakapamhama mita imwe, rinenge rakangoti sandara rakavakwa nezvimiti zvakaoma, mapazi emiti uye mashizha. Zvechokwadi, dzimwe nguva shiri inenge ichikandira mazai inogara mudendere rekare mushure mokunge yarivandudza uye yawedzera tumiti nezvimwewo zvinhu. Mamwe mapoka esvorenyama ave achizivikanwa nokuramba achivaka matendere panzvimbo imwe chete kwemakore 50.

Musha mutsva paunenge uchivakwa, mukono wesvorenyama unotanga kutsvaka hadzi. Kusiyana nezvakajairika zvinoitwa nedzimwe shiri dzakawanda, mukono unomirira kuvingwa nehadzi. Hadzi dzakawanda dzinoenda kune mukono uyu dzichitarisirawo kudiwa. Mukono wacho unowanzoramba hadzi idzi. Asi kutsungirira kunobatsira, uye imwe hadzi inozodiwa pakupedzisira. Shiri dzacho padzinenge dzava kuda kudanana, dzinozadza zvihomwe zvadzo nomweya dzorira nechinangwa chokuvhundutsa dzimwe shiri dzadzisingadi. Kurira uku kwakanzi kunoita sokukuma kwemombe, kutinhira kwemhepo, uye miridzo—mitinhimira chete yesvorenyama inozivikanwa, kungosara kwomutinhimira unobuda nokurovanisa miromo yayo mihombe kunoitwa nenguva dziri kure. Ukama hwakasimba hunotanga, hwosimbiswa nokukwazisana kwakajairika panodzoka imwe yacho yambenge isipo kudendere. Kukwazisa kwacho kunosanganisira kusimudza musoro nokuudzikisa, uye kuridza miromo nguva yakati kuti.

Shiri mbiri idzi dzinozobatsirana kupedzisa dendere racho. Dzose dzinobatsiranawo pakurarira mazai. Dzaararira kwemwedzi, mazai machena maviri kana kuti matatu anochechenywa, pobuda manyana epingi, ane minhenga isina kunyanyowanda zvokuti vabereki vacho vose vanonakidzwa nawo. Manyana esvorenyama aya anotarisirwa zvakazonaka. Purogiramu yakasimba yokuadyisa inotanga inosanganisira zvokudya zvinovaka muviri zvakadai sehove. Svorenyama dzinowanzoshanyira nzvimbo dzine mvura yakawanda, madzinokwanisa kuwana matatya akati wandei, kuri kumwe kudya kwenguva dzose kweshiri idzi. Manyana acho anokwanisa kudya nokutora nhindi dzinenge dzadonhedzerwa mudendere kubva mumukanwa nevabereki vawo. Shiri idzi padzinenge dzichiri duku dzinokura zvishoma nezvishoma, uye dzinoramba dzichidaro kusvikira dzasvitsa mwedzi mina—padzinenge dzava kukwanisawo kubhururuka kubva padendere—dzobva dzatanga kuzviraramira.

Vashandi Vanokurudzira Utsanana

Kunyange zvazvo svorenyama ichiwanzoshorwa kuti inodya zvitunha zvakaora, chaizvoizvo inoita basa rinokosha kwazvo. Mhuka dzinodya dzimwe dzinosiya mapani omuAfrica azere nezvitunha zvakaora. Kudai zvaisiyiwa zvakadai, zvitunha izvi zvaizoparadzira hosha nyore nyore zvokanganisa zvose vanhu nemhuka. Zvisinei, svorenyama inoita basa rinokosha rokubvisa tsvina. Pamwe chete nemagora—shiri dzinodyawo nyama kwazvo—dzinofamba mumapani acho dzichitsvaka mitumbi inenge yasiyiwa yemhuka dzakaurayiwa. Kana mutumbi umwe ukawanikwa, svorenyama dzinomirira magora ane simba zvikuru kuti abvambure mutumbi wacho nemiromo yawo yakasimba. Panguva yakakodzera, svorenyama, ichishandisa muromo wayo unenge banga rokuvhiyisa, inokurumidza kuenda pane chitunha yobvambura nhindi yenyama, yodzokera pakachengeteka ichimirira mumwe mukana. Kana magora aguta, inguva yesvorenyama yokudya nhindi dzinenge dzasara. Svorenyama dzinozodya chero chinhu chadzinogona kumedza kusara kwemapfupa. Nhindi dzenyama dzinorema magiramu anenge 600 dzinomedzwa pasina kana chinetso.

Mumakore ano svorenyama haichachenesi musango chete. Shiri iyi haichatyi vanhu uye yava kugaroshanyira kunorasirwa tsvina dzomumaguta uye dzomumisha. Mugumisiro wacho? Mhoteredzo yakachena. Svorenyama inototambira mumvura dzisina basa dzinobva munourayirwa mhuka, ichitsvaka nhindi dzenyama dzinenge dzasara. Kuratidza kuti shiri iyi inogona sei kutsungirira mamiriro ezvinhu akaoma zvinooneka muchiitiko chinotevera. Payaitsvaka zvinhindi zvenyama zvakaraswa panourayirwa mhuka kumadokero kweKenya, imwe svorenyama yakamedza banga rokuvhiyisa. Mazuva matatu gare gare, banga racho rakaonekwa pedyo nenzvimbo iyoyo—rakachena uye richipenya—nepo svorenyama yakanga yarimedza yakatopfuurira kurarama semazuva ose, isina kana kukuvara!

Remangwana reSvorenyama

Kunyange zvazvo iri muboka rimwe chete neshuramurove huru yokuAsia iyo iri kupera, svorenyama yomuAfrica iri kutowedzera. Haina vavengi vanozivikanwa musango mainogara. Kare, munhu ndiye aiva muvengi wesvorenyama ane utsinye kwazvo. Svorenyama huru yaiurayiwa, uye minhenga yayo yomumapapiro yaibvurwa yoshandiswa kunakisa ngowani dzevakadzi. “Zvinoita sezvisingadaviriki,” rinodaro bhuku rinonzi Storks, Ibises and Spoonbills of the World, “kuti minhenga iyi isina kusimba uye yakanaka, kana yagadzirwa kuva chinhu chokufefetedzesa mhepo kana chinhu chipi nechipi chakaisvonaka chinodiwa nomwoyo womukadzi, inenge yabva pashiri iyi isingataridziki zvakanaka inodya zvitunha.” Sezvineiwo, kana dziri shiri idzi, kuparara kwadzange dzoita kwakadzikira mumakore achangopfuura, uye nhamba yadzo yava kuwedzerazve. Hapana mubvunzo kuti kumboongorora kwataita svorenyama kwaratidza kuti haikodzeri kushorwa uye kufungirwa zvakaipa. Kushanda kwainoita nesimba kuchenesa masango kunotibatsira kwazvo. Kunyange isiri shiri yakanyanya kunaka pane dzimwe, inongopa mbiri kuMusiki wayo nezvairiwo.—Pisarema 148:7, 10.

[Mufananidzo uri papeji 26]

Muromo mukobvu weshiri yacho, wakapinza, ungareba masendimita anopfuura 30

[Mufananidzo uri papeji 26, 27]

Mapapiro esvorenyama akareba mamita anopfuura 2,5

[Kwazvakatorwa]

© Joe McDonald

[Mufananidzo uri papeji 27]

Manyana esvorenyama anotarisirwa zvakazonaka

[Kwazvakatorwa]

© M.P. Kahl/VIREO

[Mufananidzo uri papeji 28]

Chihomwe chesvorenyama hachizivikanwi kuti chinoita basa rei muupenyu hwayo

[Mufananidzo uri papeji 29]

Dzimwe nguva dendere racho rinovakwa mamita 40 kubva pasi

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe