RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g03 10/8 pp. 3-4
  • Matambudziko Ari Kutarisana Nevarimi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Matambudziko Ari Kutarisana Nevarimi
  • Mukai!—2003
  • Mashoko Akafanana
  • Matambudziko Evarimi Anokonzerwa Nei?
    Mukai!—2003
  • Matambudziko Evarimi Achapera
    Mukai!—2003
  • Zviri Mukati
    Mukai!—2003
  • Kusanaya Kwemvura Kunoparadzanya muMaodzanyemba eAfrica
    Mukai!—1994
Ona Zvimwe
Mukai!—2003
g03 10/8 pp. 3-4

Matambudziko Ari Kutarisana Nevarimi

RICHARD anorima minda yairimwawo natateguru vake makore 100 adarika. Asi, muna 2001 murimi uyu wokuCanada akanga ari wokutanga pazvizvarwa zvina zvemhuri yake kukundikana kukohwa. Zvakatsva pamusana pokusanaya kwemvura. Mitengo yakadarera yezvirimwa mumakore achangodarika uye kudhura kwokurima kwakawedzera nhamo yake. Richard akachema-chema achiti: “Mamiriro acho ezvinhu ari kuwedzera kuipa uye hapana nzira yokubuda nayo.”

MuCorn Belt of the United States, Larry aiva nepurazi rainge ragara riri remhuri yake kwemakore 115. “Ndainzwa kuti ndaiva nomutoro wokuramba ndichirima purazi racho, kuti ndiwane mari, . . . , uye ndakanga ndisiri kuzvikwanisa,” anodaro. Larry nomudzimai wake vakarasikirwa nepurazi ravo.

Larry naRichard havasi ivo voga. MuBritain kuvapo kwechirwere chemahwanda pamhuka dzepapurazi kwakakonzera kuparara kukuru kwemari uye kutambudzika mupfungwa kwevarimi. Mumwe mushumo wenhau wakati: “Upenyu hwezuva nezuva papurazi rokuBritain—kunyange pasina kusvika chirwere chacho—huzere kufunganya, kusurukirwa, uye kuedza kwokupererwa nezano kuti pasauya vanopa zvikwereti.” Mudzimwe nyika dzichiri kusimukira, hondo, kusanaya kwemvura, uwandu hwevanhu huri kukurumidza kuwedzera, uye zvimwe zvikonzero zvakawanda zvakaodza mwoyo varimi pabasa ravo. Hurumende dziri kumanikidzwa kutenga zvokudya kunze kwenyika—zvokudya izvo mhuri dzakawanda dzisingagoni kutenga.

Saka, zvinetso zvevarimi zvinokanganisa vakawanda zvikuru. Kunyange zvakadaro, vagari vashomanana vomumaguta vanombofunga nezvezvinetso zvokurima. Anoda kusvika makore 50 adarika, Purezidhendi wokuUnited States Dwight D. Eisenhower akataura nomazvo kuti: “Kurima kunoratidzika sokuri nyore kwazvo apo chokurimisa chako chinenge chiri penzura, uye uri zviuru zvemakiromita kubva kumunda wechibage.” Saizvozvowo varimi vakawanda nhasi vanonzwa sokuti vanhu vakawanda munyika havambozivi zvokurima uye basa rinokosha revarimi. Hatina kana basa nokunobva zvokudya zvedu,” anodaro mumwe murimi wokuCanada. “Zvokudya zvisati zvaiswa mupurasitiki uye mumasherufu ezvitoro, zvinenge zvashandwa nevanhu vakawanda.”

Sezvo tose tichiraramiswa nevarimi, zvinetso zvevarimi hazvigoni kungotariswa. Nyanzvi dzezvemagariro evanhu Don A. Dillman naDaryl J. Hobbs dzinoyambira kuti: “Munzanga yedu yokutsigirana kukuru, zvinetso zvokumaruwa zvinokurumidza kuva zvinetso zvomumaguta kana kuti zvomumaguta zvova zvokumaruwa. Hakuna chikamu chevanhu vomumaguta kana vokumaruwa chinogona kubudirira kwenguva refu uku chimwe chichisaririra.” Uyezve, munyika yanhasi inogona kukurukurirana, kuderera kwoupfumi kweimwe nyika kunogona kukanganisa kutengeswa kwezvirimwa uye mari inoshandiswa pakuzvirima mune dzimwe nyika.

Saka, hazvishamisi kuti New York Center for Agricultural Medicine and Health yakati: “Kurima nderimwe remabasa gumi anokonzera kuzvidya mwoyo kukuru muUnited States.” Zvii zvimwe zvinokonzera matambudziko evarimi? Varimi vanogona sei kurarama nawo? Pane chikonzero chipi nechipi here chokudavira kuti matambudziko acho anogona kugadziriswa?

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 4]

“Kurima kunoratidzika sokuri nyore kwazvo apo chokurimisa chako chinenge chiri penzura, uye uri zviuru zvemakiromita kubva kumunda wechibage”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe