Basa Raamai Rinokudzwa
BASA raamai rave risingakosheswi uye richitoonekwa serenhando. Makumi emakore mashomanana apfuura, vamwe vanhu vakatanga kusakoshesa basa rokutarisira vana. Vaifunga kuti zvakanga zvisinganyanyi kukosha kudarika basa uye kuti zvaitodzvinyirira. Kunyange zvazvo vakawanda vachiwana kuti mafungiro iwayo ndeokunyanyisa, vanaamai vanowanzoitwa kuti vanzwe sokuti basa repamba uye rokutarisira vana ibasa rinouya pechipiri. Vamwe vanotofunga kuti mukadzi anofanira kushanda rimwe basa risiri repamba kuitira kuti azive zvaanokwanisa kuita.
Asi, varume vakawanda nevana vava kukoshesa basa raamai mumhuri. Carlo, uyo anoshumira pahofisi yebazi reZvapupu zvaJehovha muPhilippines, anotsanangura kuti: “Nhasi ndiri pano pamusana pokudzidziswa kwandakaitwa naamai vangu. Baba vangu vaikurumidza kuranga, asi Amai vaitibatsira nokutsanangura uye kuita kuti tinzwisise nei zvimwe zvinhu zvaiitwa. Chokwadi ndinoonga madzidzisiro avo.”
Peter, ari kuSouth Africa, ndomumwe wevana vatanhatu vakarerwa naamai vasina kunyatsodzidza. Baba vake vakasiya mhuri yavo. Peter anoti: “Zvavaiita basa repamba uye rokuchenesa zvivako, Amai vakanga vasingawani mari yakawanda. Zvakanga zvakaoma kuti vatibhadharire tose mari yechikoro. Taiwanzorara nenzara. Zvakanga zvakaoma kuti vatibhadharire rendi. Pasinei nezvinetso zvose izvi, Amai havana kumbokanda mapfumo pasi. Vaitidzidzisa kuti tisazvienzanisa nevamwe. Kudai pasina ushingi hwavo nokuzvipira, tingadai tisina kubudirira muupenyu sezvatiri.”
Mumwe murume wokuNigeria, Ahmed, anotaura manzwiro ake nezvokubatsira kwomudzimai wake pakurera vana vavo, achiti: “Ndinokoshesa basa rinoitwa nomudzimai wangu. Kana ndisiri pamba, ndinenge ndichine chivimbo chokuti vana vari kutarisirwa zvakanaka. Pane kunzwa sendiri kukwikwidzwa nomudzimai wangu, ndinomutenda uye ndinoita kuti vana vazive kuti vanofanira kumuremekedza sezvavanondiita.”
Mumwe murume wokuPalestine agara achirumbidza kubudirira kwomudzimai wake saamai achiti: “Lina akaitira mwanasikana wedu zvakawanda uye anoitira mhuri yedu zvakawanda mune zvokunamata. Kubva mune zvandinokwanisa kuona, kubudirira kwake kunobva pane zvaanotenda.” Lina ndomumwe weZvapupu zvaJehovha uye anoshandisa chokwadi cheBhaibheri pakudzidzisa mwanasikana wake.
Chimwe chokwadi ichi ndechipi? Chii chingataurwa nezvezvinotaura Bhaibheri pamusoro pavanaamai? Vanaamai vekare vakawana sei rukudzo noruremekedzo sevadzidzisi vevana vavo?
Kuona Vanaamai Zvakanaka
Paakasikwa, mukadzi akapiwa basa rinokudzwa muurongwa hwemhuri. Bhuku reBhaibheri rokutanga rinoti: “Jehovha Mwari akatizve: Hazvina kunaka kuti munhu agare ari woga; ndichamuitira mubatsiri wakamukwanira.” (Genesi 2:18) Mukadzi wokutanga, Evha, akabva apiwa kuna Adhamu kuti ave mubatsiri. Akasikwa nenzira yakakwana chaizvo kuti amubatsire. Aifanira kuva nechokuita muchinangwa chaMwari chokuti vabereke vana uye vavatarisire nokutarisirawo pasi nemhuka dzaro. Aizobatsira nokufunga zvine musoro uye kutsigira sezvinoita shamwari yechokwadi. Chokwadi Adhamu akafara kugamuchira chipo ichi chakaisvonaka chakabva kuMusiki!—Genesi 1:26-28; 2:23.
Pava paya, Mwari akapa mirayiridzo yemabatirwe aifanira kuitwa vakadzi. Somuenzaniso, vanaamai vechiIsraeri vaifanira kukudzwa uye kwete kusaremekedzwa. Mwanakomana ‘aituka baba vake, kana amai vake,’ airangwa norufu. Vaduku vechiKristu vaikurudzirwa ‘kuteerera vabereki vavo.’—Revhitiko 19:3; 20:9; VaEfeso 6:1; Dheuteronomio 5:16; 27:16; Zvirevo 30:17.
Vachitungamirirwa nomurume, amai vaifanira kuva mudzidzisi wevanasikana nevanakomana. Mwanakomana akarayirwa kuti ‘asarasa kudzidzisa kwaamai vake.’ (Zvirevo 6:20) Uyewo, Zvirevo chitsauko 31 inopa “mashoko aMambo Remueri; zvirevo zvaakadzidziswa naamai vake.” Vakarayiridza mwanakomana wavo nokuchenjera kuti asanwa zvisina kufanira zvinwiwa zvinodhaka, vachiti: “Hazvifaniri madzimambo kunwa waini; namachinda kuti: ‘Doro riripiko?’ varege kunwa, vachizokanganwa murayiro, varege kukanganisa kururamisira vamwe vanotambudzika.”—Zvirevo 31:1, 4, 5.
Uyezve, jaya rose riri kufunga zvokuroora ringava rakachenjera kana rikambofunga nezverondedzero yo“mukadzi unoita zvakanaka” yakataurwa naamai vaMambo Remueri, avo vakati: “Mutengo wake unokunda kwazvo mutengo wamaparera.” Vapedza kurondedzera zvinhu zvinokosha zvinoitwa nomukadzi akadaro kune veimba yake, amai vamambo vakati: “Zvinofadza zvinonyengedzera, unaku hauna maturo; asi mukadzi unotya Jehovha, ndiye unofanira kurumbidzwa.” (Zvirevo 31:10-31) Zviri pachena kuti Musiki wedu akasika vakadzi kuti vave nebasa rokuita nenzvimbo inokudzwa mumhuri.
Muungano yechiKristu, madzimai navanaamai vanokudzwawo nokukosheswa. VaEfeso 5:25 inoti: “Varume, rambai muchida vakadzi venyu.” Kuna Timoti aiva jaya rechiduku, uyo akarerwa naamai naambuya vake kuti aremekedze “zvinyorwa zvitsvene,” akapiwa zano iri rakafuridzirwa: “On[a] . . . vakadzi vakura sevanaamai.” (2 Timoti 3:15; 1 Timoti 5:1, 2) Saka murume anofanira kuremekedza mukadzi akura sokunge kuti ndiamai vake. Chokwadi, Mwari anokoshesa vakadzi uye anovakudza.
Varatidze Kuti Vanokosha
Mumwe murume akakura nevanhu vaiva netsika yokuona vakadzi sevasingakoshi anoti: “Ndakawana dzidzo inonyanya kukoshesa murume, uye ndakaona vakadzi vachibatwa zvisina kufanira uye vasingaremekedzwi. Saka ndaifanira kushanda zvakaoma kuti ndione vakadzi semaonerwe avanoitwa noMusiki—sevabatsiri mumusha uye sevanhu vanobatsirawo kudzidzisa vana. Kunyange zvazvo zvakandiomera kutaura mashoko okuonga kune mudzimai wangu, ndinoziva kuti zvakanaka zvinoitwa nevana vangu ibasa rake.”
Chokwadi, vanaamai vanoita basa ravo sevadzidzisi vanogona kunzwa manyemwe nebasa ravo. Ibasa rinokosha. Zvechokwadi vakakodzera kurumbidzwa uye kuratidzwa nomwoyo wose kuti vanokosha. Tinodzidza zvakawanda kubva kuna vanaamai—tsika dzinobatsira kwazvo muupenyu hwose, unhu hunokosha kuti tive noukama hwakanaka nevamwe, uye kazhinji kacho kurerwa mutsika nomukunamata izvo zvinochengeta vaduku vari mugwara. Wakamboonga amai vako munguva ichangopfuura nokuda kwezvavakakuitira here?
[Mufananidzo uri papeji 9]
Amai vaPeter vakamudzidzisa kuti asakanda mapfumo pasi
[Mufananidzo uri papeji 10]
Ahmed anoonga chaizvo kubatsirwa kwaakaitwa nomukadzi wake pakurera vana vavo
[Mufananidzo uri papeji 10]
Murume waLina anoti unhu hwakanaka hwomwanasikana wavo hunokonzerwa nezvinotendwa nomudzimai wake