Kubva Pakuva Mutungamiriri Wemauto Kusvika Pakuva “Musoja waKristu”
Yakataurwa naMark Lewis
“Mangwanani, Changamire.” “Masikati, Shefu.” “Manheru, Puraiminisita.” Ndiko kukwazisa kwandaiita pandaiva mutyairi wendege uye Mutungamiriri wechikwata cheuto cheRoyal Australian Air Force VIP. Ndaitakura vatungamiriri veHurumende uye maminisita ehurumende nendege muAustralia nomunyika yose. Zvisinei, iye zvino ndava kuita chimwe chinhu chinogutsa kwazvo kupfuura zvandaiita. Regai nditsanangure.
NDAKABEREKERWA muPerth, kuWestern Australia muna 1951 uye ndakakurira mumhuri yaiita zvechiuto. Ndava nemakore 15, ndakava nhengo yesangano rinodzidzisa zvokubhururuka nendege. Ndiwo matangiro andakaita kufarira kutyaira ndege muupenyu hwangu.
Nguva pfupi zvadaro, vabereki vangu vakaparadzana, uye mhuri yedu yakaparadzanawo. Mutungamiriri weMauto Omudenga aishandisa ndege dzejeti nemhuri yake vakanditora kuti vagare neni sezvandaipedzisa chikoro. Kuva naye kwakandikurudzira kuti ndidzidzire zvechiuto paRoyal Australian Air Force Academy.
Ndakapedza Kudzidza “Ndokuva Mutyairi Wendege”
Papera makore matanhatu, ndakapedza kudzidza somusoja weMauto Omudenga ndava nedhigirii refizikisi uye ndava mutyairi wendege. Basa rangu rokutanga raisanganisira kutakura nendege zvombo muAustralia, kuSouth Pacific, uye kuSoutheast Asia. Taiwanzopfuura nepamusoro pemakomo uye mumipata yakadzika pataimhara nendege mumigwagwa yaiva neuswa. Raiva basa rine ngozi. Ndege dzinoverengeka dzechikwata chedu nevamwe vanhu vakanaka zvakaparara mumakore iwayo. Kunyange zvakadaro, zvataiita zvaibatsira vaigara mumatunhu iwayo aiva kure. Taitakura zvinhu zvokuvakisa mabhiriji, zvikatapira zvokushandisa kugadzira migwagwa, zvokudya zvokuyamura panguva dzenjodzi, uye zvikwata zvevarapi. Taitakurawo varwere kana vanhu vainge vakuvara vaida kurapwa nokukurumidza.
Muna 1978, ndakava murayiridzi wokudzidzisa kutyaira ndege ndokudzokera kuAir Force Academy ndokuva nhengo yeboka revadzidzisi. Kuno ndiko kwandakatangazve kushamwaridzana naDiane, imwe chirikadzi yechiduku yaiva nemwanasikana aiva nemakore matatu. Ndakanga ndambodzidza nomurume waDiane pachikoro chemauto asi akazofa mutsaona yendege. Pandakakumbira kuti ndimuroore, akandikumbira kuti ambofunga. Akanga asina chokwadi kuti aida here kuroorwazve nomutyairi wendege.
Panguva iyi, ndakabvuma chinzvimbo chokushanda somubatsiri waGavhuna mukuru weAustralia kwemwedzi 12. Upenyu Muimba yeHurumende, muCanberra, hwakaita kuti ndinzwisise zvinoitwa nevezvematongerwo enyika uye zvakaita kuti ndinyatsoziva vashandi vehurumende, vechiuto uye vezvitendero. Basa rangu parakapera ikoko, ndakadzokera kunodzidzisa vatyairi vendege. Zvadaro, ini naDiane takabva taroorana muna 1980.
Muna 1982, ndakabvuma kunodzidza kwemakore maviri ndichishanda nemauto eUnited States Air Force ndichiongorora kuchengeteka kwendege uye tsaona dzendege. Basa iri rakaita kuti ndifambe United States yose uye kusvika kure kuNorthern Ireland. Raisanganisira kuongorora tsaona dzendege uye magadzirirwo endege uye mabasa okutyaira ndege nechinangwa chokuti tsaona dzisanyanye kuitika.
Kudzokera kuAustralia
Pandakadzokera kuAustralia, mhuri yedu yakawedzera kusvika pavanhu vana, pakazvarwa mwanasikana wedu Kerry. Pamusana pokuwanda kwebasa rangu, Diane akava amai uye baba kuvanasikana vedu, uye upenyu hwemhuri yedu hwakava nezvinetso. Makore matatu gare gare ndakapiwa chinzvimbo chokutarisira chikwata cheRoyal Australian Air Force VIP chambotaurwa. Pakagundika Hondo yokuPersian Gulf muna 1991, chikwata changu chakabatsira muurongwa uhwu hweUN uye humwe hwomuPakistan, Afghanistan, Africa, neIsrael.
Muna 1992, ndakava musoja anobatsira Mutungamiriri Mukuru weMauto. Kushanda nomukuru mukuru wemauto muAustralia kwakaita kuti ndinyatsoziva ukama huri pakati pemauto, zvematongerwo enyika, neUN. Ndakaona kuti UN ine zvinhu zvakawanda zvayakanga isingagadzirisi. Kunyange zvakadaro, ndiyo yataingotarisira kuti yaizounza nyika iri nani. Zvadaro, zvaiitika kumba zvakaita kuti ndifungezve.
Mibvunzo yaDiane Inopindurwa
Pashure pokunge murume wake wokutanga afa, Diane, aipinda chechi yeRoma, akanga atsvaka mhinduro dzemibvunzo yake asi haana kudziwana. Zvisinei, zvinhu zvakatonyanya kuoma musikana wedu mukuru Renee, paakatanga kufarira zvemashiripiti. Paaiva pamba peshamwari yake, Diane akaona magazini yeAwake! yairatidza kuti yaitevera yacho yaizobudisa nyaya yokunamata Satani.a Akanga asati amboona Awake! Ari munzira kudzokera kumba, aizvibvunza kuti, ‘Ndingawana sei magazini iyi?’
Mazuva matatu gare gare Zvapupu zvaJehovha zvakasvika pamba pedu, uye Diane akazowana magazini yacho. Gare gare akabvuma kudzidza Bhaibheri ndokutanga kupinda misangano yechiKristu. Ndaifarira kuti iye adzidze uye ndaitombomuperekedza kune mimwe misangano, asi handina kunzwa ndichida kudzidzawo. Handina kumbofunga kuti ndaizoda zvokunamata. Ndaidavira kuti kuna Mwari asi ndakanga ndaona unyengeri hwakawanda chaizvo izvo zvaiita kuti ndisakoshese zvechitendero. Somuenzaniso, ndakanga ndisinganzwisisi kuti nei vafundisi vanoshandira muchiuto vachiparidza nezvorudo norunyararo asi vachitsigira hondo.
Diane aisiya pachena noungwaru magazini eNharireyomurindi neAwake! kuti ndiverenge. Ndaiverenga mamwe acho ndobva ndanyatsoadzorera panzvimbo yawo sezvaainge akaita. Ndakanga ndisingadi kuti afunge kuti ndingangozofarira. Zivo yangu yeBhaibheri payaiwedzera, pane magwaro maviri akandinetsa. Rumwe rwacho rwaiva Zvakazarurwa 19:17, 18, runotaura nezveshiri dzichidya nhengo dzine nyama “dzemadzimambo.” Rumwe rwacho rwaiva Zvakazarurwa 17:3, runotaura nezve“chikara chitsvuku.” Zvapupu zvaiona chikara ichi sechaimiririra UN, zvaipesana nemaonero andaiita sangano iri romunyika yose.b Asi ndaingoti mhinduro dzacho ndichazodziwana nokufamba kwenguva.
Muna 1993, Diane akandikumbira kuti ndizovapo pakubhabhatidzwa kwake. Chikumbiro chake chakandishamisa. Ndakamubvunza kuti, “Kudai waizofanira kusarudza, waizosarudza Jehovha here kana kuti ini?” Akapindura kuti: “Jehovha. Asi handifaniri kusarudza. Mose ndinokudai muupenyu hwangu.” Apa ndakaona kuti ndaifanira kudzidza zvakawanda nezvomumwe munhu uyu waaikoshesa muupenyu hwake. Mumwe mukuru wechiKristu womungano yacho akati aida kuti andidzidzise Bhaibheri, uye ndakabvuma.
Ndakafarira chaizvo uprofita hweBhaibheri, kunyanya huya hwaitaura nezvehondo uye nhoroondo dzezvematongerwo enyika. Somuenzaniso, pandaidzidziswa ndiri muMauto Omudenga, ndakadzidza nzira dzaishandiswa nemauto ekare echiGiriki pakurwa. Apa ndakadzidza kuti zvakawanda zvinotaura nezvenhoroondo iyi zvakanga zvakanyorwa muchitsauko 8 chaDhanieri chitsauko 8 pachiine mazana emakore zvisati zvaitika. Uprofita uhwu nohumwe, hwakaita kuti zvishoma nezvishoma ndibvume kuti Bhaibheri rakafuridzirwa naMwari.
Ndakatangawo kuongororazve UN. Ndakaziva kuti mauto akanga asiri kuzogadzirisa zvinetso zvevanhu, kuti rugare rwechokwadi rwakanga rusiri kuzounzwa nokutyisidzirana nehondo, uye kuti UN yakanga isiri kuzogadzirisa kukamukana kwevanhu mune zvematongerwo enyika, kwezvitendero, uye kwemadzinza kwaikonzera hondo. Ndakatanga kuona kuti Mwari chete ndiye aizogadzirisa zvinetso zvevanhu. Chokwadi, zvaiita sokuti akanga atotanga kuzviita paZvapupu zvaJehovha zviri munyika yose. (Pisarema 133:1; Isaya 2:2-4) Ndakazvibvunza kuti, ‘Ndinofanira kusiya basa rangu rechiuto kuti ndishumire Mwari here?’
Kutsigira Chokwadi Chinotaurwa muBhaibheri
Nguva yandaifanira kusarudza zvandaida yakasvika muna 1994 pandakapinda gungano reruwa reZvapupu zvaJehovha muSydney. Purogiramu yacho yaiva nomutambo womuBhaibheri wairatidza zvaifanira kuitwa nevaIsraeri kuti vosarudza kushumira Jehovha here kana kuti Bhaari mwari wevaKenani. Muprofita waJehovha Eriya akati kuvaIsraeri: “Mucharamba muine mwoyo miviri kusvikira rini? Kana Jehovha ari iye Mwari wechokwadi, muteverei; asi kana ari Bhaari, muteverei.” (1 Madzimambo 18:21) Mashoko iwayo akandibaya mwoyo. Kufanana nevaIsraeri, ndakanga ndava kushaya kuti ndosarudza zvipi. Asi ndaifanira kusarudza chinhu chimwe chete: Ndaizoshumira Jehovha here kana kuti kuramba ndiri muchiuto?
Pandaityaira motokari ndichidzokera kumba usiku ihwohwo, ndakaudza Diane kuti ndaizosiya basa muMauto Omudenga kuti ndive mumwe weZvapupu zvaJehovha. Kukurumidza kusarudza kwandakaita kwakamushamisa asi akanditsigira zvikuru. Papera mazuva anoverengeka ndakanga ndisati ndachinja mafungiro angu, saka ndakaendesa gwaro rangu rokurega basa.
Panguva iyoyo ndini ndaiva Mutungamiriri weCorps of Officer Cadets paAustralian Defence Force Academy muCanberra, guta guru renyika. Ndaitarisira kudzidziswa kweMauto aisvika 1 300 Omumvura neOmudenga. Pazuva rokupedzisira rokudzidza gore iroro, ndakaudza vadzidzi vechiduku 400 nemamwewo masoja vakanga vakaungana kuti ndakanga ndava kusiya chiuto kuti ndinoita basa repamba nemba ndichidzidzisa vanhu Bhaibheri ndiri mushumiri wechiKristu akazvipira. Izvi zvakaita kuti ndikurukure mashoko akanaka nevamwe vavo.
Kuva Mushumiri Wenguva Yakazara
Ndakatanga kuita basa rokuparidza zuva rakatevera racho ndaregera basa. Papera mwedzi mitatu, muna April 1995, ndakabhabhatidzwa. Pandakangowana mukana, ndakabva ndanyoresa kuva piyona wenguva dzose, zvichireva kuti ndaifanira kupedza nguva yakawanda ndiri muushumiri.
Kuchinja kwandakaita kubva pakuva mutungamiriri wemauto ndichiva “musoja waKristu” kwaireva kuti ndaifanira kuchinja zvinhu zvakawanda. (2 Timoti 2:3) Basa randakatanga kupiwa raiva rokufambisa maikorofoni pamisangano yechiKristu. Pane kuudza vanhu zvokuita, ndaifanira kudzidza kukumbira kuti zvinhu zviitwe. Kuva nehanya uye rudo zvainyanya kukosha kupfuura kukurumidza kuita zvinhu, kunyange zvazvo zvichiri kundiomera kuratidza unhu uhwu. Uye sezvo ndakanga ndava kuwana mari shoma, taitofanira kurarama nezvinhu zvishoma.
Ndainakidzwa chaizvo nebasa rokuparidza uye ndichiri kunakidzwa naro. Pane imwe nguva pandaiparidzira naKerry, mwanasikana wedu ane makore mapfumbamwe, ndakamukumbira kuti acherechedze zvinoitwa navanasaimba. Pasina nguva, takaona kuti vanhu vakawanda vakanga vasingafariri asi vamwe vavo vaiva noushamwari uye vachitofarira. Izvi zvakatikurudzira. Mumwe mwanasikana wedu akadzidza Bhaibheri kwekanguva asi akasarudza kusashumira Jehovha panguva iyi.
Ini naDiane takakurudzira Kerry kuti avavarire kuita basa renguva yakazara. Munguva pfupi yapfuura, ndakafara zvikuru kupinda naye Chikoro Chebasa Roupiyona. Iye aipinda kokutanga uye ini kechipiri. Zvinofadza chaizvo kumuona nevamwe vechiduku vachifambira mberi pakunamata uye vachiita ushumiri hwechiKristu!—Pisarema 110:3.
Zvikomborero Zvakawanda
Ndichifunga zvakaitika kare, ndinoona kufanana nokusiyana kwakaita kushanda muchiuto nokuva musoja waKristu. Mabasa acho ose anoda kutendeseka, kuteerera, kuvimbika, kuzviranga, uye kuzvipira. Asi kunyange zvazvo vakawanda vari muchiuto vangada kufira nyika neshamwari dzavo, vaKristu vechokwadi vanorayirwa kuti vade kunyange vavengi vavo. (Mateu 5:43-48) Uye kunyange zvazvo magamba echiuto achirumbidzwa nokuda kwoushingi hwaanenge akaratidza kamwe chete, vaKristu vechokwadi vanofarirwa naMwari pamusana pokuita basa ravo nokutsungirira vakatendeka, izvi zvingareva kuratidza ushingi pavanenge vachitambudzwa, vachinyombwa uye pavanenge vachisangana nemimwe miedzo gore negore. (VaHebheru 10:36-39) VaKristu vatinonamata navo ndivo vanhu vane unhu hwakanaka kwazvo vandinoziva.
Kusiyana nemakwazisire andamboita sezvandataura pakutanga, iye zvino ndava kukwazisa ndichiti “Mangwanani, Hanzvadzi,” kana kuti “Manheru, Hama.” Zvinonzwisa manyukunyuku chaizvo kushanda nevanhu vanoda Mwari zvechokwadi! Zvisinei, rukudzo rukuru rwatinarwo nderwokuti tinoshumira Jehovha, Wokumusorosoro! Hapana mamwe mararamiro anogutsa anopfuura kushumira Mwari.
[Mashoko Omuzasi]
a Yakabudiswa muAwake! yaOctober 22, 1989, mapeji 2-10.
b Ona mapeji 240-3 ebhuku rinonzi Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo! rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.
[Mashoko Okukwezva Vaverengi ari papeji 22]
Kunyange zvazvo vakawanda vari muchiuto vangada kufira nyika neshamwari dzavo, vaKristu vechokwadi vanorayirwa kuti vade kunyange vavengi vavo
[Mufananidzo uri papeji 20, 21]
Ndichityaira ndege yeAir Force VIP pamusoro peImba yeParamende, muCanberra
[Mufananidzo uri papeji 23]
Mutambo womuBhaibheri, gungano reruwa romuna 1994 muSydney, kuAustralia
[Mufananidzo uri papeji 23]
Ndiina Kerry paChikoro Chebasa Roupiyona
[Mufananidzo uri papeji 23]
Ndiina Diane naKerry nhasi