Bhaibheri Rinochinja Upenyu
CHII chakaonekwa nomumwe murume wokuScotland sechinokosha kupfuura kuva nebhizimisi rinobhadhara? Chii chakabatsira mumwe murume wokuBrazil kuti asiye upenyu hwounzenza hwaairarama uye arege kusvuta crack cocaine? Mumwe murume wokuSlovenia akakwanisa sei kurega kuraradza? Verenga uzvinzwire kuti vanhu vacho vanotii.
“Zvaiita sokuti upenyu hwangu hwaingondifambira zvakanaka.”—JOHN RICKETTS
GORE ROKUBEREKWA: 1958
NYIKA: SCOTLAND
NHOROONDO YOUPENYU: MUZVINABHIZIMISI AIBUDIRIRA
MARARAMIRO ANDAIITA: Pandaikura ndaiva noupenyu hwakanaka. Baba vangu vaiva mukuru mukuru weuto rokuBritain, saka taigara tichingotama-tama. Takambogara kuEngland, Germany, Kenya, Malaysia, Ireland, Cyprus, ndokuzodzokera kuScotland. Kubvira ndiine makore masere, ndaipinda zvikoro zvebhodhin’i zviri muScotland. Ndakazogirajuweta payunivhesiti yeCambridge iri kuBritain.
Ndava nemakore 20, ndakawana basa mubhizimisi rokutengesa mafuta emotokari ndikashanda kwemakore 8. Ndakatanga ndichishandira kuSouth America, ndikazoenda kuAfrica, ndokuzopedzisira ndava kuWestern Australia. Patakatamira kuAustralia, ndakavhura kambani yaindipinzira mari chaizvo, asi ndakazoguma ndaitengesa.
Ndakatengesa kambani iyi ndikawana mari ndichibva ndaenda pamudyandigere ndiine makore 40. Sezvandakanga ndava nenguva yakawanda, ndakatanga kuita nzendo zhinji. Ndakambotenderera nyika dzakawanda ndikazotenderera Australia nechimudhudhudhu kaviri. Zvaiita sokuti upenyu hwangu hwaingondifambira zvakanaka.
KUCHINJWA KWAKAITWA UPENYU HWANGU NEBHAIBHERI: Ndisati ndatomboenda pamudyandigere, ndaida kuwana nzira yokutenda nayo Mwari nokuda kwoupenyu hwandairarama. Ndakatanga kuenda kuchechi yeAnglican, yandakanga ndakurira. Asi yaisambonyanya kutaura zvaibva muBhaibheri. Ndakazotanga kudzidza nevaipinda chechi yevaMormon, asi ndakaodzwa mwoyo nokuti zvakawanda zvavaidzidzisa zvakanga zvisingabvi muBhaibheri.
Mumwe musi Zvapupu zvaJehovha zvakagogodza pasuo rangu. Ndakabva ndangoona kuti vanotora dzidziso dzavo dzose muBhaibheri. Vakandiverengera 1 Timoti 2:3, 4. Ndima idzodzo dzinoti Mwari anoda kuti “vanhu vemarudzi ose vaponeswe uye vasvike pakuva nezivo yakarurama pamusoro pechokwadi.” Ndakayemura Zvapupu nokuti zvakasimbisa kuti zivo iyi haisi zivo chete, asi izivo yakarurama inobva muBhaibheri.
Kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha kwakandibatsira kuwana zivo iyoyo yakarurama. Somuenzaniso, ndakadzidza kuti Mwari naJesu havasi Utatu husinganzwisisiki; asi vanhu vaviri vakatosiyana. (Johani 14:28; 1 VaKorinde 11:3) Ndakafara chaizvo kuziva pfungwa iyoyo yechokwadi isina kuoma kunzwisisa. Asiwo ndakarwadziwa kuti ndakanga ndatambisa nguva yakawanda ndichiedza kunzwisisa dzidziso iyi yenhema uye isinganzwisisiki!
Pasina nguva ndakatanga kupinda misangano yeZvapupu zvaJehovha. Ndakayemura ushamwari hwomunhu wose aivapo uye tsika dzakanaka dzavairatidza. Ndaitovaona sevasande chaivo. Rudo rwavakandiratidza nomwoyo wose rwakaita kuti ndive nechokwadi kuti ndakanga ndawana chitendero chechokwadi.—Johani 13:35.
KUBATSIRWA KWANDAKAITWA: Mushure mokubhabhatidzwa, ndakaonana nomumwe musikana akanaka chaizvo ainzi Diane. Akarerwa nevabereki vaiva Zvapupu zvaJehovha, uye aiva nounhu hwakanaka kwazvo hwandaiyemura. Nokufamba kwenguva, takaroorana. Ushamwari hwaDiane norutsigiro rwake chikomborero chaicho chinobva kuna Jehovha.
Ini naDiane takava nechido chakasimba chokutamira kune imwe nzvimbo yaidiwa vaparidzi vemashoko akanaka omuBhaibheri. Muna 2010, takatamira kuBelize, iri kuCentral America. Kuno tinoparidzira vanhu vanoda Mwari uye vanoda chaizvo kudzidza zvakawanda nezvake muBhaibheri.
Kuziva chokwadi pamusoro paMwari neShoko rake Bhaibheri kunoita kuti ndidekare chaizvo mupfungwa. Sezvo ndichiita basa iri rokuparidza nguva yakazara, ndinofara kuti ndakadzidzisa vanhu vakati wandei Bhaibheri. Hapana chinhu chinofadza sokuona chokwadi chiri muBhaibheri chichivandudza upenyu hwomunhu, sezvachakandiita. Ndakazowana nzira yakanakisisa yokutenda nayo Mwari nokuda kwoupenyu hwangu.
“Vakandiitira mutsa chaizvo.”—MAURÍCIO ARAÚJO
GORE ROKUBEREKWA: 1967
NYIKA: BRAZIL
NHOROONDO YOUPENYU: UPENYU HWOUNZENZA
MARARAMIRO ANDAIITA: Ndakakurira kuAvaré, kataundi kari munharaunda yeSão Paulo, kuBrazil. Vakawanda vanogaramo vanhu vanoenda kumabasa.
Baba vangu vakafa amai vachine pamuviri pangu. Ndichiri muduku, ndaipfeka mbatya dzaamai vangu pavainge vasipo. Ndakatanga kuita zvinhu zvinoitwa nevanhukadzi, uye vanhu vakatanga kundiona sengochani. Nokufamba kwenguva, ndakatanga kuita zvechingochani nevarume nevakomana vechidiki.
Ndava kusvitsa makore 20, ndakanga ndava kugara ndichivhima vanhurume nevanhukadzi vokuita navo bonde kwose kwandaikwanisa kuvawana, zvakadai somumabhawa, kunyange mumachechi. Panguva yaiitwa dzimwe mhemberero dzomunyika iyi, ndaipfeka semunhukadzi ndotamba musambo wokuBrazil unonzi samba. Ndakava nomukurumbira chaizvo.
Ndaishamwaridzana nengochani, pfambi, uye vanhu vakapindwa muropa nezvinodhaka. Vamwe vacho vakandifurira kuti ndiedze kusvuta crack cocaine, uye pasina nguva ndakanga ndatopindwa muropa. Dzimwe nguva taipedza usiku hwose tichisvuta. Pamwe pacho ndaienda kwangu ndoga ndopedza zuva rose ndichingosvuta crack cocaine. Ndakaonda zvokuti vanhu vakatanga kufambisa karunyerekupe kokuti ndaiva neAIDS.
KUCHINJWA KWAKAITWA UPENYU HWANGU NEBHAIBHERI: Panguva iyi ndakaonana neZvapupu zvaJehovha. Vakandiitira mutsa chaizvo. Imwe ndima yeBhaibheri yavakandiverengera ndiVaRoma 10:13, iyo inoti: “Munhu wose anodana zita raJehovha achaponeswa.” Mashoko iwayo akandibatsira kunzwisisa kuti zvinokosha kushandisa zita raJehovha. Kakawanda ndaiti ndikapedza usiku hwose ndichisvuta crack cocaine, ndaivhura hwindo, ndotarira kudenga, ndonyengetera kuna Jehovha ndichichema, ndichimuteterera kuti andibatsire.
Ndakazotsidza kuti handichasvutizve zvinodhaka nokuti ndakaona kuti amai vangu vaishungurudzika pavaiona ndichiparadza upenyu hwangu nezvinodhaka. Ndichangotsidza kudaro, ndakabvuma kudzidza Bhaibheri neZvapupu. Zvakandivimbisa kuti kudzidza Bhaibheri kwaizondibatsira kuti ndisadzokera shure pachitsidzo changu chokurega kusvuta zvinodhaka, uye ndizvo zvakaitika.
Pandakaramba ndichidzidza Bhaibheri ndakazoona kuti ndaifanira kuchinja mararamiro angu. Pane zvose chakanga chakanyanya kundiomera kusiyana nechingochani, nokuti ndakanga ndazvitanga ndichiri muduku. Ndakabatsirwa nokurega kushamwaridzana nevanhu vandaimboshamwaridzana navo uye kurega kuenda kumabhawa.
Kunyange zvakanga zvisiri nyore kuchinja zvose izvi, ndakanyaradzwa nokuziva kuti Jehovha aiva nehanya neni uye kuti ainzwisisa hondo yandaiva nayo. (1 Johani 3:19, 20) Pakazosvika 2002, ndakanga ndarega zvose zvechingochani, uye mugore iroro ndakabhabhatidzwa ndikava mumwe weZvapupu zvaJehovha.
KUBATSIRWA KWANDAKAITWA: Amai vangu vakafara chaizvo nokuchinja kwandakaita zvokuti vakatangawo kudzidza Bhaibheri. Zvisinei, vakabva varohwa nesitiroko. Asi vachiri kuda Jehovha nechokwadi cheBhaibheri.
Ndava nemakore masere ndichiita basa rokuparidzira nguva yakazara, ndichishandisa nguva yangu yakawanda kudzidzisa vamwe Bhaibheri. Handinyari kutaura kuti dzimwe nguva ndinofanira kurwisana nezvido zvisina kunaka. Asi ndinoshingiswa nokuziva kuti pandinosarudza kusazvitevedzera, ndinenge ndichifadza Jehovha.
Kuswedera pedyo naJehovha uye kurarama nenzira inomufadza kwakaita kuti ndiwedzere kuzviremekedza. Iye zvino ndava munhu anofara.
“Ndaiva dhiramu risingazari.”—LUKA ŠUC
GORE ROKUBEREKWA: 1975
NYIKA: SLOVENIA
NHOROONDO YOUPENYU: MUSIYADZASUKWA
MARARAMIRO ANDAIITA: Ndakaberekerwa kuLjubljana, guta guru reSlovenia. Ndichiri muduku zvinhu zvaiva zvakandinakira chaizvo. Asi ndava nemakore mana baba vangu vakazviuraya. Amai vakanga vava kufanira kushanda nesimba kuti variritire ini nomukoma wangu.
Ndava nemakore 15, ndakanogara naambuya vangu. Ndainakidzwa nokugara navo, nokuti shamwari dzangu dzakawanda dzaigara munharaunda yavo. Kwaambuya ndaiita madiro kupfuura zvandaiita ndiri kumba. Ndava nemakore 16, ndakatanga kushamwaridzana nevanhu vainwa pakupera kwevhiki. Ndaichengeta bvudzi rakareba, ndakatanga kupfeka zvounhubu, uye pave paya ndakazotanga kusvuta.
Kunyange zvazvo ndakashandisa zvinodhaka zvakasiyana-siyana, ndakaramba ndichinwa doro, nokuti ndiro raindinakira kupfuura zvimwe zvose. Ndaingonwa magirazi mashomanana ewaini, asi pasina nguva ndakanga ndava kunwa bhodhoro rose kana kudarika. Ndainwa zvokudhakwa asi ndaiita kuti vanhu vasatombozviona kuti ndadhakwa. Kazhinji, munhuhwi wedoro ndiwo waitozonditengesa. Pamwe pacho ndaidutira waini, vodka, nerimwewo doro asi hapana aimboziva kuti ndainge ndanwa rakawanda zvakadini.
Kazhinji taiti tapedza usiku hwose tiri kudhindindi, kana tava kubvako ndini ndaitobatsira shamwari dzangu dzainge dzichidzedzereka, kunyange zvazvo ndainge ndanwa doro rakapetwa kaviri pane ravainge vanwa. Rimwe zuva ndakanzwa imwe shamwari yangu ichinditi ndaiva dhiramu risingazari. Mashoko aya chirevo chechiSlovenia chokutsvinyira munhu anonwa kudarika vamwe vose. Izvi zvakandirwadza zvikuru.
Ndakatanga kuongorora zvandaiita muupenyu hwangu. Ndakabva ndatanga kuona sokuti hapana zvandaibatsira. Zvaiita sokuti hapana chandaiita muupenyu chaikosha.
KUCHINJWA KWAKAITWA UPENYU HWANGU NEBHAIBHERI: Panguva iyi ndakacherechedza kuti mumwe wandaidzidza naye kuchikoro akanga achinja unhu hwake, ava munhu munyoro. Ndakamuti tisangane kuresitorendi, ndichida kuziva chakanga chaita kuti achinje saizvozvo. Pataikurukura, akatsanangura kuti akanga atanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Akandiudza zvimwe zvaakanga achidzidza, uye kwandiri zvose zvaiva zvitsva, sezvandakanga ndisina kumbokura ndichienda kuchechi. Ndakatanga kupinda misangano yeZvapupu uye kudzidza Bhaibheri navo.
Kudzidza Bhaibheri kwakavhura maziso angu kuti ndione chokwadi chine simba, chinokurudzira. Somuenzaniso, ndakadzidza kuti tiri kurarama munguva inonzi neBhaibheri “mazuva okupedzisira.” (2 Timoti 3:1-5) Ndakadzidzawo kuti munguva pfupi iri kuuya Mwari achabvisa vakaipa pasi pano, uyewo achapa vakanaka mukana wokurarama upenyu husingaperi muParadhiso. (Pisarema 37:29) Ndakava nechido chakasimba chokuchinja upenyu hwangu kuti ndive mumwe wevanhu ivavo.
Ndakatanga kuudza shamwari dzangu chokwadi chomuBhaibheri chandakanga ndichidzidza. Vakawanda vacho vakandiseka, asi kusiyana nezvavaifunga, izvi zvakatondibatsira. Kundiseka kwavakaita kwakandibatsira kuona kuti vakanga vasiri shamwari dzechokwadi. Ndakazoona kuti dambudziko rangu rokudhakwa raikonzerwa neshamwari dzisina kunaka. Vaingogara vachiti dai vhiki ikapera tidhakwezve.
Ndakagura ukama nevanhu vakadaro ndikatsvaka shamwari dzinovaka paZvapupu zvaJehovha. Kushamwaridzana neZvapupu kwakandikurudzira zvikuru, nokuti vainyatsoda Mwari nomwoyo wose uye vaiedza nepavanogona napo kurarama zvinoenderana nemitemo yake. Zvishoma nezvishoma, ndakakwanisa kukunda dambudziko rangu rokuraradza.
KUBATSIRWA KWANDAKAITWA: Ndinotenda Jehovha kuti akandibatsira kuti ndione kuti doro harisiro rinoita kuti ndifare. Handimbozivi kuti zvinhu zvingadai zvakandifambira sei kudai ndakaramba ndichirarama sezvandaiita. Asi chandinoziva ndechokuti iye zvino upenyu hwangu hwavandudzika chaizvo.
Kwemakore manomwe apfuura, ndine ropafadzo yokushanda pahofisi yebazi reZvapupu zvaJehovha riri muSlovenia. Kuziva Jehovha uye kumushumira kwakaita kuti upenyu hwangu huve nechinangwa chechokwadi.