RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g08 April pp. 27-28
  • Ndiani Anofanira Kusarudza Kuti Ichi Ndicho Chitendero Chechokwadi?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndiani Anofanira Kusarudza Kuti Ichi Ndicho Chitendero Chechokwadi?
  • Mukai!—2008
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvinoratidzwa neBhaibheri
  • Pashure Pokunge Jesu Auya Pasi
  • Kunamata Kunobvumirwa naMwari
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Kunamata Mwari Nenzira Yaanoda
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
  • Mwari Anogamuchira Kunamata Kwaani?
    Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi
  • Nezvokunamata Kwechokwadi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
Ona Zvimwe
Mukai!—2008
g08 April pp. 27-28

Ndiani Anofanira Kusarudza Kuti Ichi Ndicho Chitendero Chechokwadi?

JESU akataura pachena kuti mamwe manamatiro haadiwi naMwari. Akataura nezve“vaprofita venhema,” achivafananidza nomuti usingabereki zvibereko zvakanaka uye “unotemerwa pasi wokandwa mumoto.” Akatiwo: “Haasi munhu wose anoti kwandiri, ‘Ishe, Ishe,’ achapinda muumambo hwokumatenga.”—Mateu 7:15-22.

Kutaura zvazviri, nezvevamwe vaiti vaimutevera, Jesu akati: “Ndichabva ndavataurira pachena kuti: Handina kumbokuzivai! Ibvai kwandiri, imi vasingateereri mutemo.” (Mateu 7:23) Uyezve, paaitaura nevatungamiriri vezvitendero vomuzuva rake, Jesu akataura mashoko akataurwa naMwari kuvaIsraeri vakanga varamba kutenda achiti: “Vanoramba vachindinamata pasina, nokuti vanodzidzisa mirayiro yevanhu sedzidziso.”—Mako 7:6, 7.

Zviri pachena kuti haasi manamatiro ose anonzi naMwari noMwanakomana wake akarurama. Saka hakusi kunamata kwose kunonzi ndokwechokwadi. Izvi zvinoreva here kuti chitendero chimwe chete bedzi ndicho chinodzidzisa chokwadi? Mwari haasi kushandisa zvitendero zvinoverengeka here, asi achisiya zvimwe? Kana kuti Mwari angave ari kubvuma kana kuti kuramba manamatiro evanhu vamwe navamwe vari muzvitendero zvakasiyana-siyana pasinei nokuti masangano avo anodzidzisei here?

Afuridzirwa naMwari, muapostora Pauro akanyora kuti: “Zvino ndinokurayirai, hama, nezita raShe wedu Jesu Kristu kuti imi mose mutaure muchibvumirana, uye kuti hapafaniri kuva nokupesana pakati penyu, asi kuti munyatsobatanidzwa mupfungwa imwe chete nomukufunga kumwe chete.” (1 VaKorinde 1:10) Bhaibheri rinokurudzirawo vaKristu kuti vave ‘nokufunga kwakafanana uye rudo rwakafanana, vabatanidzwe mumweya, vachiva nokufunga kwakafanana.’—VaFiripi 2:2.

Kana paine kubatana kwakadaro, panoguma pava nechitendero chimwe chete. Ndosaka Bhaibheri richiti kuna “Ishe mumwe chete, kutenda kumwe chete, rubhabhatidzo rumwe chete.”—VaEfeso 4:4, 5.

Zvinoratidzwa neBhaibheri

Kuratidza kuti zvataurwa pamusoro apa zvinotsigirwa chaizvo neMagwaro, zvinooneka zvakajeka muBhaibheri. Kana ukatsvakurudza mariri, uchawana kuti vanhu vake vaingova nemanamatiro mamwe chete. Kare, Mwari akashandisa madzitateguru, kana kuti misoro yemhuri kuti vamumiririre. Vaakanyanya kushandisa vaiva Noa, Abramu (Abrahamu), Isaka naJakobho.—Genesisi 8:18-20; 12:1-3; 26:1-4; 28:10-15.

Vana vaJakobho vakava varanda muIjipiti. Vari ikoko, vakadzvinyirirwa zvakaoma asi vakaramba vachiwanda kusvika vava mamiriyoni. Mwari akavanunura kubva muuranda, achivayambutsa paGungwa Dzvuku nenzira inoshamisa. Akabva avaita vanhu vake, ndokuvapa mitemo achishandisa Mosesi murevereri. Vakava rudzi rwaIsraeri wekare, rudzi rwaMwari.—Eksodho 14:21-28; 19:1-6; 20:1-17.

Sezvineiwo, Mwari akanga asingadi manamatiro aiitwa nevanhu vemarudzi akanga akavakidzana nevaIsraeri. Kutaura zvazviri, akaranga vanhu vake pavaitsauka vachisiya mitemo yake vobva vanamata vamwe vanamwari.—Revhitiko 18:21-30; Dheuteronomio 18:9-12.

Zvakadini nevanhu vemamwe marudzi vaida kunamata Mwari wechokwadi? Vaifanira kutanga vasiya manamatiro avaiita enhema vobva vabatana nevaIsraeri pakunamata Jehovha Mwari. Vakawanda vakagamuchirwa naMwari vachibva vava vashumiri vake vakavimbika. Ava vaisanganisira vakadzi, vakadai saRakabhi muKenani naRute muMoabhi; varume vakadai saUriya muHiti naEbhedhi-mereki wokuItiopiya; uye mapoka evanhu, vakadai sevaGibhiyoni. Soromoni Mambo weIsraeri akanyengeterera nomwoyo wose vanhu vose vakanga vabatana nevanhu vaMwari pakunamata kwechokwadi.a—2 Makoronike 6:32, 33.

Pashure Pokunge Jesu Auya Pasi

Pave paya, Jesu atumwa pasi pano, kunamata kwechokwadi kwakatangwa kuchibva padzidziso dzake, uye zvinangwa zvaMwari zvakanyatsojekeswa. Nokufamba kwenguva, vanamati vechokwadi vakasvika pakunzi “vaKristu.” (Mabasa 11:26) Saka, vaJudha vaida kufarirwa naMwari vaifanira kusiya manamatiro avaimboita. Vakanga vasina nzira mbiri dzokunamata uye vakanga vasingafaniri kunamata voga somunhu mumwe nomumwe. Sezvataona muShoko raMwari, vanamati vechokwadi vakanga vakabatana mu“kutenda kumwe chete.”—VaEfeso 4:4, 5.

Mazuva ano pfungwa yokuti vanhu vanogona bedzi kunamata Mwari vari muchitendero chimwe chete ingaratidzika seyokunyanyisa uye inosembura vamwe. Asi ndizvo zvinodzidziswa neBhaibheri. Kare, vanhu vakawanda vaimbonamata nenzira yavaida vakazonzwisisa izvi. Vakabva vatanga kunamata pamwe chete nevanhu vainamata Jehovha zvechokwadi, uye kusava nechokwadi kwavaimbova nako kwakatsiviwa nomufaro nezvikomborero zvakawanda. Somuenzaniso, Bhaibheri rinoti pashure pokunge mumwe murume wokuItiopiya agamuchira chiKristu uye abhabhatidzwa, “akaramba achienda zvake achifara.”—Mabasa 8:39.

Nhasi munhu wose ari muchitendero chechokwadi uye anobvuma zvachinodzidzisa achawana zvikomborero zvakadaro. Asi zvapaine zvitendero zvakawanda kudai, ungaziva sei chitendero chimwe chete chechokwadi?

[Mashoko Omuzasi]

a Unogona kuverenga nezvevanhu ava munhoroondo dzeBhaibheri dzinotevera: Joshua 2:1-7; 6:22-25; Rute 1:4, 14-17; 2 Samueri 11:3-11; Jeremiya 38:7-13; Joshua 9:3-9, 16-21; uye 2 Makoronike 6:32, 33.

[Mufananidzo uri papeji 27]

Chii chichaitika kuchitendero chisingabereki zvibereko zvakanaka?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe