RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g08 April pp. 25-26
  • Pane Chitendero Chimwe Chete Chechokwadi Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Pane Chitendero Chimwe Chete Chechokwadi Here?
  • Mukai!—2008
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvinoita Here Kuziva Dzidziso Dzechokwadi Dzechitendero?
  • Chokwadi Chaicho Chiripo Here?
  • Kutsvakirei Zvokwadi?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • VaKristu Vanonamata Nomudzimu Nechokwadi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • Kutevedzera Mwari Wechokwadi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • Zvokwadi Yorudzidziso Inowanika Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
Ona Zvimwe
Mukai!—2008
g08 April pp. 25-26

Pane Chitendero Chimwe Chete Chechokwadi Here?

Vamwe vanhu vanogumburwa nomubvunzo uyu. Sezvo pasi pose paine dzidziso dzechitendero dzakawanda, vanofunga kuti munhu wose anoti ndiye ari muchitendero chokwadi, ane pfungwa dzakavharika, uye anozvikudza. Chokwadi, zvingaita sokuti muzvitendero zvose kana kuti muzhinji zvacho munowanika zvinhu zvakanaka. Ndizvo zvaunofunga here?

Chokwadi, dzimwe nguva kuchenjera kubvuma mafungiro evanhu vakasiyana-siyana. Somuenzaniso, mumwe munhu angafunga kuti imwe mhando yezvokudya ingaita kuti ave noutano hwakanaka. Asi anofanira kumanikidza munhu wose kudya zvinhu izvozvo here sokunge kuti ndizvo chete zvinoita kuti munhu ave noutano hwakanaka? Zvechokwadi, zvingaratidza kuti akachenjera uye ane mwero kubvuma kuti zvinosarudzwa kudyiwa nomumwe munhu zvingava zvakanaka kupfuura zvake.

Izvi zvakafanana kana totaura nezvezvitendero here? Pane zvinhu zvakasiyana-siyana here zvinogamuchirika zvingasarudzwa nomunhu zvichienderana nokuti akarerwa sei uye anonzwisisa sei? Kana kuti pane dzidziso dzechokwadi dzechitendero dzinofanira kutevedzwa nomunhu wose here? Ngationei zvinotaura Bhaibheri. Kutanga, tichakurukura kuti zvinoita here kuwana chokwadi. Nokuti kana zvisina kudaro, hapana chikonzero chokutsvaka chitendero chimwe chete chechokwadi.

Zvinoita Here Kuziva Dzidziso Dzechokwadi Dzechitendero?

Nguva pfupi Jesu Kristu asati aurayiwa, akaudza Gavhuna weRoma Pondiyo Pirato aimubvunzurudza kuti: “Munhu wose ari kurutivi rwechokwadi anoteerera inzwi rangu.” Pirato angave aitaura zvokutsvinya paakati: “Chokwadi chii?” (Johani 18:37, 38) Ukuwo, Jesu akataura chokwadi akashinga uye asinganyari. Akanga asina mubvunzo kuti chokwadi chiripo. Somuenzaniso, chimbofunga zvinhu zvina zvakataurwa naJesu kuvanhu vakasiyana-siyana.

“Izvi ndizvo zvandakaberekerwa, uye ndizvo zvandakauyira munyika, kuti ndipupurire chokwadi.”—Johani 18:37.

“Ndini nzira nechokwadi noupenyu.”—Johani 14:6.

“Mwari Mudzimu, uye vanomunamata vanofanira kunamata nomudzimu nechokwadi.”—Johani 4:23, 24.

“Kana mukaramba muri mushoko rangu, chokwadi muri vadzidzi vangu, muchaziva chokwadi, uye chokwadi chichakusunungurai.”—Johani 8:31, 32.

Sezvo Jesu akataura aine chivimbo nezvechokwadi uye nezvokusvika pakuchiziva, hatifaniriwo here kuongorora kuti chokwadi chechitendero chiripo uye chinogona kuwanika?

Chokwadi Chaicho Chiripo Here?

Hapana mubvunzo kuti pane zvimwe zvinhu zvaunobvuma kuti zviripo. Une chokwadi chokuti uripo uye pane zvimwe zvinhu zvakakupoteredza. Zvinhu zvinooneka zvakadai semiti, makomo, makore, zuva, nemwedzi hazvisi zvokungofungidzira. Kutaura zvazviri, pangava nevanhu vashomanana vanoramba vachishandisa ruzivo rwevanhu kuti kuvapo kwezvinhu zvakadaro hakuna chokwadi. Asi ungasabvumirana nepfungwa iyi isina mwero.

Uyezve pane mitemo yezvinhu zvakasikwa. Nezvayo zvakare, une chokwadi chokuti iripo. Somuenzaniso, kana ukasvetuka uchibva pakakwirira, unodonha; kana ukaramba kudya, uchanzwa nzara; uye kana ukatora mazuva akawanda usina kudya, uchafa. Haumbonetseki kuti mitemo iyi inoshanda kune vamwe here asi kune vamwe isingashandi. Inoshanda kune vanhu vose.

Bhaibheri rinotaura nezvomumwe mutemo wezvakasikwa wakadaro parinobvunza kuti: “Munhu angatutira moto muchipfuva chake nguo dzake dzikasatsva here?” Zvechokwadi, pakanyorwa mashoko aya, zvaiva zvechokwadi kuti mbatya dzaizotsva kana dzaizoiswa moto. Zvisinei, mumashoko aya, chirevo cheBhaibheri chiri pamusoro apa chiri kutaura pfungwa yakatokura yokuti “munhu anorara nomudzimai womumwe wake” achapinda munataisireva.—Zvirevo 6:27, 29.

Tinogona kuva nechivimbo chokuti mashoko aya ndeechokwadi here? Vamwe vangaramba. Vanotaura kuti munhu mumwe nomumwe anoita zvaanoda, zvichienderana nokuti akakura sei, anotendei uye kuti zvinhu zvakamumirira sei. Asi chimbofunga mitemo yaMwari yetsika mishomanana iri muBhaibheri. Haishandi kuvanhu vose here?

Bhaibheri rinorambidza upombwe. (1 VaKorinde 6:9, 10) Vamwe vanhu havabvumi kuti mutemo uyu weBhaibheri ichokwadi, uye vanoita upombwe. Kunyange zvakadaro, vanokohwa migumisiro yakaipisisa, inowanzosanganisira hana ine mhosva, kurambana, uye kunetsekana nepfungwa zvikuru kwemhuri dzevaya vanenge vaita upombwe.

Mwari anorambidzawo kudhakwa. (Zvirevo 23:20; VaEfeso 5:18) Chii chinoitika vanhu pavanodhakwa? Kakawanda kacho vanopererwa nemabasa, vanova noutano husina kunaka, uye mhuri dzavo dzinoparara uye dzinotamburawo mupfungwa. (Zvirevo 23:29-35) Izvi zvinoitika kunyange kune vaya vanofunga kuti kudhakwa hakuna kuipa. Izvi hazviratidzi here kuti mitemo yetsika iyi ndeyechokwadi pasinei nokuti munhu anodavirei kana kuti anofungei?

Uyewo kune mirayiro yakanaka yeBhaibheri yakadai seiya inorayira murume kuti ade mudzimai wake, mukadzi aremekedze murume wake, uye kuitira vamwe zvakanaka. (Mateu 7:12; VaEfeso 5:33) Kuteerera mirayiro iyi kunobatsira chaizvo. Ungapikisa here mazano aya etsika uchiti anobatsira vamwe asi haabatsiri vamwe?

Pasinei nokuti mitemo yetsika iri muBhaibheri inotevedzerwa kana kuti kwete ine zvainoita pane vanhu. Izvi zvinongoratidza kuti mitemo iyi haasi mafungirowo zvawo akasiyana. Asi zvinongoratidza kuti ndeyechokwadi. Uchapupu hunoratidza kuti kana mitemo iyi yeBhaibheri ikatevedzerwa inobatsira asi kana ikasatevedzerwa zvinhu hazvigumi zvakanaka.

Saka chimbofunga izvi: Kana mitemo yetsika inotaurwa muBhaibheri ichishanda kuvanhu vose, zvakadini nezvemitemo iri muShoko raMwari ine chokuita nokunamata? Zvakadini nezvezvainotaura kuti ndizvo zvinoitika kana tafa uye tariro yatinayo yokurarama nokusingaperi mune ramangwana? Izvi zvinongoratidza kuti zvine musoro kuti dzidziso dzeBhaibheri idzi ndedzechokwadiwo, dziripo nokuda kwevanhu vose. Vanhu vashomanana chete handivo vanobatsirwa kana kuti vanowana migumisiro isina kunaka kana vasina kudzishandisa.

Chokwadi chinogona kuwanikwa. Jesu akati Shoko raMwari, Bhaibheri, nderechokwadi. (Johani 17:17) Kunyange zvakadaro, zvingaita sezvakaoma kuwana chokwadi. Nei? Nokuti zvitendero zvakawanda zvakasiyana-siyana zvinoti zvinodzidzisa zvinotaurwa neBhaibheri. Chitendero chipi chiri kudzidzisa chokwadi chiri muShoko raMwari? Tinofanira kungopindura kuti chitendero chimwe chete here? Chokwadi chaicho kana kuti zvimwe zvikamu zvechokwadi, hazvifaniri kuwanika muzvitendero zvakasiyana-siyana here?

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 26]

Migumisiro yokubata moto yakafanana sei nokusateerera mitemo yaMwari?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe