Kuzvipira kwakafanana nechinhu chinotsigisa chikepe pakuti kunosimbisa wanano yenyu pamunosangana nematambudziko
VAKAROORANA
1 Kuzvipira
ZVINOREVEI?
Varume nemadzimai vakazvipira vanoona wanano yavo semubatanidzwa weupenyu hwese uye izvi zvinoita kuti vasava nechekutyira. Mumwe nemumwe wavo anoziva kuti haasi kuzorambwa kunyange kana vakasangana nematambudziko muwanano yavo.
Vamwe vari kuramba vari vese nekuti hama neshamwari dzinenge dzichiti vasarambana. Asi kuzvipira kunofanira kubva pakuti munodanana uye munoremekedzana.
ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Murume haafaniri kusiya mudzimai wake.”—1 VaKorinde 7:11.
“Kana wakazvipira kune mumwe wako, unokurumidza kumuregerera kana akakukanganisira uye kana wamukanganisira unokurumidza kumukumbira ruregerero. Hauzofungi zvekurambana kana mukasangana nematambudziko.”—Micah.
NEI ZVICHIKOSHA?
Kana murume nemudzimai vasina kuzvipira vakasangana nematambudziko vanowanzofunga kuti, ‘Anga agara asiri wangu’ uye vanotsvaga nzira dzekuti varambane.
“Vakawanda vanopinda muwanano vakaronga kuti kana zvikatadza kufamba zvakanaka vanorambana. Kana vanhu vakapinda muwanano vaine pfungwa dzekuzorambana, zvinenge zvichiratidza kuti kubvira pakutanga vanenge vasina kuzvipira kune mumwe wavo.”—Jean.
ZVAUNGAITA
ZVIONGORORE
Pamunenge muchinetsana . . .
Unombozvidemba here kuti dai musina kuroorana?
Une mumwe munhu waunofunga kuti dai ari iye wawakaroorana naye here?
Unombotaura here kuti “Ndava kuenda” kana kuti “Zviri nani nditsvage mumwe anondida”?
Kana paine pawapindura kuti ehe, ino ndiyo nguva yekuti usimbise imba yako.
KURUKURA NEMUMWE WAKO
Wanano yedu ichakasimba here? Kana isisina, chii chiri kukonzera?
Zvii zvatingaita kuti tiwedzere kusimbisa imba yedu?
MAZANO
Pota uchinyorera mumwe wako mashoko erudo
Ratidza kuti unoda mumwe wako nekuisa pikicha yake padhesiki rekubasa
Fonera mumwe wako kana kumutumira meseji mazuva ese paunenge uri kubasa kana kuti usipo
ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Ngaparege kuva nomunhu anoparadzanisa zvasungwa pamwe chete pajoko naMwari.”—Mateu 19:6.