RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • es25 pp. 57-67
  • June

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • June
  • Kuongorora Magwaro Zuva Nezuva—2025
  • Misoro Midiki
  • Svondo, June 1
  • Muvhuro, June 2
  • Chipiri, June 3
  • Chitatu, June 4
  • China, June 5
  • Chishanu, June 6
  • Mugovera, June 7
  • Svondo, June 8
  • Muvhuro, June 9
  • Chipiri, June 10
  • Chitatu, June 11
  • China, June 12
  • Chishanu, June 13
  • Mugovera, June 14
  • Svondo, June 15
  • Muvhuro, June 16
  • Chipiri, June 17
  • Chitatu, June 18
  • China, June 19
  • Chishanu, June 20
  • Mugovera, June 21
  • Svondo, June 22
  • Muvhuro, June 23
  • Chipiri, June 24
  • Chitatu, June 25
  • China, June 26
  • Chishanu, June 27
  • Mugovera, June 28
  • Svondo, June 29
  • Muvhuro, June 30
Kuongorora Magwaro Zuva Nezuva—2025
es25 pp. 57-67

June

Svondo, June 1

Tinofanira kupinda muUmambo hwaMwari nemumatambudziko akawanda.—Mab. 14:22.

Jehovha akakomborera vaKristu vekutanga nekuti vakaita maererano nekuchinja kwakanga kwaita zvinhu. Vaiwanzotambudzwa, uye dzimwe nguva zvaiitika vasingatarisiri. Funga zvakaitika kuna Bhanabhasi nemuapostora Pauro pavaiparidza muRistra. Pakutanga vakagamuchirwa zvakanaka nevaya vakavateerera. Asi pave paya, vaJudha vaipikisa ‘vakafurira vanhu’ uye vanhu ivavo vakatema Pauro nematombo ndokumusiya vachifunga kuti afa. (Mab. 14:19) Pasinei neizvi, Bhanabhasi naPauro vakaenderera mberi nekuparidza kune imwe nzvimbo. Zvakaguma nei? Vakaita kuti vanhu “vakawanda vave vadzidzi” uye mashoko avo nemuenzaniso wavo zvakasimbisa hama nehanzvadzi dzavo. (Mab. 14:​21, 22) Vakawanda vakabatsirwa nekuti Bhanabhasi naPauro havana kukanda mapfumo pasi pavakangoerekana vava kutambudzwa. Isuwo tichakomborerwa kana tikasakanda mapfumo pasi pabasa ratakanzi naJehovha tiite. w23.04 16-17 ¶13-14

Muvhuro, June 2

Inzwai munyengetero wangu haiwa Jehovha; uye teererai kuchemera kwangu kubatsirwa. Ndinodana kwamuri pazuva rekutambudzika kwangu, nekuti muchandipindura.—Pis. 86:​6, 7.

Muupenyu hwake, Mambo Dhavhidhi aiva nevavengi vakawanda vaigona kumuuraya, uye aiwanzonyengetera achikumbira kubatsirwa naJehovha. Dhavhidhi aiva nechokwadi chekuti Jehovha ainzwa uye aipindura minyengetero yake. Unogona kuvawo nechivimbo chakadaro. Bhaibheri rinotivimbisa kuti Jehovha anogona kutipa uchenjeri nesimba ratinoda kuti titsungirire. Anogona kushandisa hama nehanzvadzi dzedu kunyange vaya vasingamunamati panguva ino kuti atibatsire nedzimwe nzira. Kunyange zvazvo Jehovha asingagari achipindura minyengetero yedu nenzira yatinotarisira, tinoziva kuti achaipindura. Achatipa zvatinoda chaizvo uye panguva chaiyo yatinozvida. Saka ramba uchinyengetera uine kutenda, uine chivimbo chekuti Jehovha achakuchengeta iye zvino, uye kuti ‘achagutsa zvido zvezvinhu zvese zvipenyu’ munyika itsva iri kuuya.—Pis. 145:16. w23.05 8 ¶4; 13 ¶17-18

Chipiri, June 3

Ndicharipa Jehovha nechii nekuda kwezvinhu zvese zvakanaka zvaakandiitira?—Pis. 116:12.

Zvakanaka kuramba uchifunga makomborero auchawana kana ukazadzisa chinangwa chako. Zvinhu zvipi zvakanaka zvaunogona kufunga nezvazvo? Kana chinangwa chako chiri chekuverenga Bhaibheri kana kunyengetera, funga kuti zvichasimbisa sei ushamwari hwako naJehovha. (Pis. 145:​18, 19) Kana chinangwa chako chiri chekuva nehumwe unhu hwechiKristu, funga kuti zvichakubatsira sei kuti uve neushamwari nevamwe. (VaK. 3:14) Unogona kunyora pasi zvikonzero zvese zvinoita kuti ude kuzadzisa chinangwa chako. Gara uchitarisa zvawakanyora. Uyewo, shamwaridzana nevaya vanogona kukukurudzira kuti uzadzise chinangwa chako. (Zvir. 13:20) Asi tese tine mazuva atinenge tichinzwa tisingadi kuita chimwe chinhu. Izvi zvinoreva here kuti hatikwanisi kushandira chinangwa chedu? Aiwa. Tinogona kuramba tichishandira kuzadzisa chinangwa chedu kunyange dzimwe nguva tichinzwa tisina chido. Kunyange zvazvo izvi zvisiri nyore, uchafara pauchazadzisa chinangwa chako. w23.05 27-28 ¶5-8

Chitatu, June 4

Zvinodyarwa nemunhu, ndizvo zvaachakohwa.—VaG. 6:7.

Kuziva kuti tinozvidavirira pazvisarudzo zvedu kunogona kuita kuti tireurure zvivi zvedu, tigadzirise zvatakakanganisa uye tisadzokorora zvatakatadza. Kuita izvozvo kunogona kutibatsira kuti tirambe tiri munhangemutange yekuwana upenyu. Kana usisakwanisi kuchinja chisarudzo chakaipa chawakaita, shanda nezviripo. Usapedza nguva yako nesimba uchiedza kuratidza kuti zvawakaita zvakarurama kana kuedza kupa vamwe mhosva. Pane kudaro, bvuma kuti wakakanganisa uye ita zvese zvaunogona iye zvino. Kana uchinzwa uine mhosva nezvekukanganisa kwawakaita, nyengetera kuna Jehovha uchizvininipisa, bvuma kuti wakatadza uye mukumbire ruregerero. (Pis. 25:11; 51:​3, 4) Kumbira ruregerero kune vaya vaungangodaro wakarwadzisa uye kumbira kubatsirwa nevakuru kana uchifanira kudaro. (Jak. 5:​14, 15) Dzidza pakukanganisa kwawakaita uye edza kusazvidzokorora. Paunodaro, unogona kuva nechokwadi chekuti Jehovha achakunzwira tsitsi uye achakutsigira.—Pis. 103:​8-13. w23.08 28-29 ¶8-9

China, June 5

Jehoashi akaramba achiita zvakarurama pamberi paJehovha mazuva ese aaidzidziswa nemupristi Jehoyadha.—2 Madz. 12:2.

Jehoyadha akabatsira Mambo Jehoashi kuti aite zvakarurama. Izvi zvakaita kuti mambo iyeye wechidiki ade kufadza Jehovha. Asi Jehoyadha paakangofa, Jehoashi akateerera machinda ainge atsauka pakutenda. (2 Mak. 24:​4, 17, 18) Jehovha arwadziwa zvakanyanya, “akaramba achituma vaprofita pakati pavo kuti vavadzose . . . , asi havana kuteerera.” Havana kuteerera kunyange Zekariya mwanakomana waJehoyadha, uyo aiva muprofita uye mupristi waJehovha uyewo ari muzukuru waJehoashi. Mambo Jehoashi akatoita kuti Zekariya aurayiwe. (2 Mak. 22:11; 24:​19-22) Jehoashi haana kuramba achitya Jehovha. Jehovha ainge ati: “Vaya vanondizvidza vachazvidzwa.” (1 Sam. 2:30) Uto diki revaSiriya rakakunda “uto guru kwazvo” raJehoashi uye “akakuvara zvakaipisisa.” (2 Mak. 24:​24, 25) Jehoashi akaurayiwa nevashandi vake nekuti akanga auraya Zekariya. w23.06 18 ¶16-17

Chishanu, June 6

Maimbova rima, asi iye zvino mava chiedza.—VaEf. 5:8.

Pauro akaita nguva ari muEfeso achiparidza nekudzidzisa mashoko akanaka. (Mab. 19:​1, 8-10; 20:​20, 21) Aida chaizvo hama dzake uye aida kudzibatsira kuti dzirambe dzakatendeka kuna Jehovha. Vasati vadzidza chokwadi uye vasati vava vaKristu, vaEfeso vaitenda dzidziso dzechitendero chenhema uye vaitenda mashura. Efeso yaizivikanwa neunzenza hwakanyanya uye kushaya nyadzi. Kutaura zvinonyadzisira kwainge kwakajairika munzvimbo dzekutandarira dzemuguta racho, kunyange pamitambo yechitendero. (VaEf. 5:3) Vakawanda vevagari vemuguta racho ‘vainge vasisina unhu zvachose.’ (VaEf. 4:​17-19) Mashoko akashandiswa pano akatorwa pamashoko echiGiriki anoreva kuti ‘kusanzwa marwadzo.’ VaEfeso vasati vadzidza kuti zvakanaka uye zvakaipa ndezvipi, hana dzavo dzaisambovatongesa pavaiita zvakaipa. Saka Pauro aikwanisa kutaura nezvavo sevaiva ‘murima mupfungwa uye vakaparadzaniswa neupenyu hunopiwa naMwari.’ Asi vamwe vaEfeso havana kuramba vari murima. w24.03 20 ¶2, 4; 21 ¶5-6

Mugovera, June 7

Vaya vanotarisira kuna Jehovha vachawanazve simba. . . . [Havazoneti].—Isa. 40:31.

Gidhiyoni aifanira kushanda nesimba paaishumira semutongi. VaMidhiyani pavakatiza hondo usiku, Gidhiyoni akavadzingirira kubva mubani reJezreeri kusvika kuRwizi rwaJodhani. (Vat. 7:22) Gidhiyoni akagumira paRwizi rwaJodhani here? Aiwa! Kunyange zvazvo akanga aneta, iye nevarume 300 vaaiva navo vakayambuka vakaramba vachidzingirira vaMidhiyani. Vakazovabata ndokuvakunda. (Vat. 8:​4-12) Gidhiyoni akavimba kuti Jehovha aizomupa simba uye kuti aisazomuodza mwoyo. (Vat. 6:​14, 34) Pane imwe nguva, Gidhiyoni nevarume vake vakadzingirira madzimambo maviri evaMidhiyani netsoka ayo angangodaro aiva pangamera. (Vat. 8:​12, 21) Asi vachibatsirwa naMwari, vaIsraeri vakavabata ndokuvakunda. Vakuru vanogonawo kuvimba naJehovha, uyo ‘asinganeti kana kupera simba.’ Achavapa simba pavanenge vachirida.—Isa. 40:​28, 29. w23.06 6 ¶14, 16

Svondo, June 8

[Jehovha] haazokurasiyi kana kukusiyai.—Dheut. 31:6.

Tinogona kuramba takasimba pasinei nemiedzo yatingasangana nayo. Saka vimba naJehovha. Funga nezvekubudirira kwakaita Bheraki nekuti aivimba nezvainge zvarayirwa naJehovha. Kunyange zvazvo munyika macho makanga musina nhoo kana pfumo, Jehovha akamurayira kuti aende kuhondo kuti anorwa neuto rainge riine zvombo zvakakwana raitungamirirwa naSisera, mukuru mukuru weuto revaKenani. (Vat. 5:8) Muprofitakadzi Dhibhora akaudza Bheraki kuti adzike mumakomo achienda panzvimbo yakati sandara kuti anorwa naSisera nengoro dzake dzehondo 900. Kunyange zvazvo zvaizoomera vaIsraeri kuti varwe nengoro dzehondo panzvimbo yakati sandara, Bheraki akateerera. Masoja acho paaidzika Gomo reTabhori, Jehovha akaita kuti mvura itsvotsvome. Ngoro dzehondo dzaSisera dzakanyura mumatope uye Jehovha akaita kuti Bheraki akunde. (Vat. 4:​1-7, 10, 13-16) Saizvozvowo, Jehovha achaita kuti tikunde kana tikavimba naye uye nemirayiridzo yaanotipa achishandisa sangano rake. w23.07 19 ¶17-18

Muvhuro, June 9

Anenge atsungirira kusvikira kumugumo achaponeswa.—Mat. 24:13.

Tinofanira kuva nemwoyo murefu kuti tizoponeswa. Sezvaiita vashumiri vaJehovha vekare, tinofanira kumirira Mwari nemwoyo murefu kuti azadzise zvaakavimbisa. (VaH. 6:​11, 12) Bhaibheri rinofananidza mamiriro edu ezvinhu neemurimi. (Jak. 5:​7, 8) Murimi anoshanda nesimba pakudyara uye pakudiridza zvirimwa zvake, asi haazivi kuti ndepapi chaipo pazvichamera. Saka murimi anomirira nemwoyo murefu, achivimba kuti achazokohwa zvirimwa zvake. Saizvozvowo, tinoshanda nesimba pamabasa ekunamata, kunyange zvazvo ‘tisingazivi kuti Ishe wedu ari kuuya riini.’ (Mat. 24:42) Tinomirira nemwoyo murefu tiine chokwadi chekuti panguva yakakodzera, Jehovha achazadzisa zvese zvaakavimbisa. Kana tikatadza kuva nemwoyo murefu tinogona kuneta nekumirira totanga kusiya chokwadi zvishoma nezvishoma. Tinogonawo kutanga kuita zvinhu zvingaita kuti tifare ipapo ipapo. Asi kana tiine mwoyo murefu, tinogona kutsungirira kusvikira kumugumo, toponeswa.—Mika 7:7. w23.08 22 ¶7

Chipiri, June 10

Zvigunwe zvetsoka [zvaiti] apa isimbi uye pamwe pacho ivhu.—Dhan. 2:42.

Patinoenzanisa uprofita huri pana Dhanieri 2:​41-43 nehumwe huri mumabhuku aDhanieri naZvakazarurwa, tinogona kuona kuti tsoka dzinomiririra mubatanidzwa weBritain neAmerica, hurumende dzine simba kupfuura dzimwe dzese mazuva ano. Achitaura nezvesimba iri renyika, Dhanieri anoti, “umambo hwacho huchava nepamwe pakasimba nepamwe pasina kusimba.” Nei pamwe pacho pasina kusimba? Nekuti vanhu, avo vanomiririrwa nevhu remuumbi, vanohutadzisa kunyatsoshandisa simba rahwo rakaita sesimbi. Kubva patsanangudzo yaDhanieri yechifananidzo chakaonekwa muhope, tinodzidza zvinhu zvakati kuti zvinokosha. Chekutanga, Britain neAmerica dzakaratidza simba radzo mune dzimwe nzira. Semuenzaniso, dzaiva pakati penyika dzakakunda muHondo yeNyika I uye muHondo yeNyika II. Asi simba renyika idzi raderedzwa uye riri kuramba richideredzwa nekupikisana kunoitika pakati pevanhu vadzo. Chechipiri, mubatanidzwa uyu ndiwo uchava simba renyika rekupedzisira, Umambo hwaMwari husati hwagumisa umambo hwese hwevanhu. w23.08 10-11 ¶12-13

Chitatu, June 11

Ndakashevedzera kuna Jehovha pandaitambudzika, ndakaramba ndichichemera Mwari wangu kuti andibatsire. Akanzwa inzwi rangu ari mutemberi yake.—Pis. 18:6.

Dzimwe nguva, Dhavhidhi ainetseka zvichikonzerwa nematambudziko ese aaisangana nawo uye miedzo. (Pis. 18:​4, 5) Asi rudo rwaJehovha rwakamuzorodza. Jehovha aitungamirira shamwari yake yainge yaneta ‘kumafuro akasvibirira’ uye “kunzvimbo dzekuzororera dzine mvura zhinji.” Izvi zvaiita kuti Dhavhidhi awanezve simba uye akwanise kuramba achishumira Jehovha achifara. (Pis. 18:​28-32; 23:2) Saizvozvowo, mazuva ano “rudo rusingachinji rwaJehovha ndirwo rwuchaita kuti tisapera” patinosangana nematambudziko uye miedzo. (Mari. 3:22; VaK. 1:11) Upenyu hwaDhavhidhi hwaigara huri pangozi, uye aiva nevavengi vakawanda vaiva nesimba. Asi rudo rwaJehovha rwaiita kuti Dhavhidhi asava nechaanotya uye anzwe akachengeteka. Dhavhidhi ainyatsonzwa kuti Jehovha aiva naye mumamiriro ese ezvinhu, uye izvozvo zvakamunyaradza. Ndosaka akaimba kuti: “[Jehovha] akandinunura pazvinhu zvese zvandaitya.” (Pis. 34:4) Kunyange zvazvo dzimwe nguva Dhavhidhi aitya chaizvo, akakwanisa kukunda kutya kwaaiita nekuti aiziva kuti Jehovha aimuda. w24.01 30 ¶15-17

China, June 12

Kana vatadzi vakaedza kukufurira, usabvuma.—Zvir. 1:10.

Dzidza kubva pane zvakakanganiswa naJehoashi. Mupristi Mukuru Jehoyadha paakafa, Jehoashi akafurirwa neshamwari dzake kuita zvinhu zvakaipa. (2 Mak. 24:​17, 18) Jehoashi akateerera mazano aakapiwa nemachinda eJudha ainge asingadi Jehovha. Zvimwe unobvumirana nazvo kuti Jehoashi aifanira kutambira kure nevanhu ivavo vaiita zvakaipa. Pane kuti adaro, akateerera mazano akaipa aakapiwa neshamwari dzake. Zekariya, hama yaJehoashi paakaedza kumutsiura, Jehoashi akaita kuti aurayiwe. (2 Mak. 24:​20, 21; Mat. 23:35) Izvozvo zvainge zvakaipa chaizvo uye hwaiva upenzi. Paakatanga kutonga, Jehoashi aiita zvakanaka, asi zvinosuwisa kuti akazopedzisira atsauka pakutenda uye ava mhondi. Pakupedzisira vashandi vake vakabva vamuuraya. (2 Mak. 24:​22-25) Dai akaramba achiteerera Jehovha uyewo vaya vaimushumira, zvese izvi zvingadai zvisina kuitika. w23.09 9 ¶6

Chishanu, June 13

Rega kutya.—Ruka 5:10.

Jesu aiziva kuti Petro aigona kuramba akatendeka. Saka akaudza Petro kuti ‘arege kutya.’ Jesu aivimba naPetro uye izvozvo zvakachinja upenyu hwaPetro. Petro nemunin’ina wake Andreya vakazosiya bhizinesi ravo rehove vakava vateveri vaMesiya, izvo zvakaita kuti vawane makomborero akawanda. (Mako 1:​16-18) Sezvo aiva muteveri waKristu, Petro ane zvinhu zvakawanda zvinoshamisa zvaakaona. Akaona Jesu achirapa vanorwara, achidzinga madhimoni, uye kunyange kumutsa vakafa. (Mat. 8:​14-17; Mako 5:​37, 41, 42) Petro akaonawo chiratidzo chinoshamisa chaJesu ari Mambo weUmambo hwaMwari, uye izvozvo haana kuzombozvikanganwa. (Mako 9:​1-8; 2 Pet. 1:​16-18) Petro akaonawo zvinhu zvaasina kumbobvira atarisira. Anofanira kunge akafara chaizvo kuti haana kubvumira manzwiro asina kunaka aaiita nezvake pachake achimutadzisa kuona makomborero aya. w23.09 21 ¶4-5

Mugovera, June 14

Jesu akati kwaari: “Ndinoti kwauri, kwete kanosvika ka7, asi kanosvika ka77.”—Mat. 18:22.

Mutsamba yake yekutanga, muapostora Petro akashandisa mashoko ekuti “dananai kwazvo.” Kudanana kwakadaro kunovhara “zvivi zvizhinji.” (1 Pet. 4:8) Zvichida Petro akayeuka chidzidzo chaakanga adzidziswa naJesu makore akanga adarika panyaya yekukanganwira. Panguva iyoyo, Petro anofanira kunge aifunga kuti aiva munhu anoregerera chaizvo paakataura kuti aizoregerera hama yake “kanosvika ka7.” Asi Jesu akamudzidzisa iye pamwe chete nesu kuti tiregerere “kanosvika ka77,” zvichireva kuti pasina patinogumira. (Mat. 18:21) Kana zvakambokuomera kushandisa zano iri, usaora mwoyo! Vashumiri vese vaJehovha, avo vane chivi, vanomboomerwa nekuregerera vamwe. Chinhu chinokosha iye zvino ndechekuti uite zvese zvaunogona kuti ukanganwire hama yako uye uve nerugare nayo. w23.09 29 ¶12

Svondo, June 15

Ndakashevedzera kuna Jehovha . . . uye akandipindura.—Jona 2:2.

Paaiva mudumbu rehove, Jona aiva nechivimbo chekuti Jehovha aizoteerera munyengetero wake waakapa achizvininipisa uye achiratidza kuti akanga apfidza uye kuti Jehovha aizomubatsira. Pava paya, Jona akadzoserwa panyika, uye akanga agadzirira kubvuma uye kuita basa raaizopiwa. (Jona 2:10–3:4) Paunenge uri mudambudziko, unombonetseka zvakanyanya here zvekuti unotadza kunyatsotaura zvauri kuda mumunyengetero? Kana kuti unonzwa here wakanyanya kuneta zvekuti haukwanisi kudzidza? Yeuka kuti Jehovha anonyatsonzwisisa mamiriro ako ezvinhu. Saka kunyange kana ukapa munyengetero mupfupi, unogona kuva nechokwadi chekuti achakupa zvaunoda chaizvo. (VaEf. 3:20) Kana marwadzo ako achiita kuti zvikuomere kuti uverenge kana kudzidza, unogona kuedza kuteerera Bhaibheri rakarekodhwa kana mabhuku anotsanangura Bhaibheri akarekodhwa. Zvinogonawo kukubatsira kana ukateerera imwe yenziyo dzedu kana kuona imwe vhidhiyo pajw.org. Kana ukanyengetera kuna Jehovha uye ukatsvaga mhinduro dzako muzvinhu zvaanotipa, unenge uchimukumbira kuti akusimbise. w23.10 13 ¶6; 14 ¶9

Muvhuro, June 16

Mweya mutsvene unobudisa pachena kuti nzira inopinda munzvimbo tsvene yakanga isati yaratidzwa pachena tende rekutanga richakamira.—VaH. 9:8.

Mutebhenekeri maiva nezvinhu zvakaita sezvaiva mutemberi dzakazovakwa muJerusarema. Maiva nenzvimbo mbiri, “Nzvimbo Tsvene” uye “Nzvimbo Tsvenetsvene,” idzo dzainge dzakaparadzaniswa neketeni. (VaH. 9:​2-5; Eks. 26:​31-33) Mukati meNzvimbo Tsvene maiva nechigadziko chemarambi chegoridhe, atari yekupisira rusenzi, uye tafura yechingwa chekuratidza. “Vapristi vakazodzwa” ndivo chete vaibvumirwa kupinda muNzvimbo Tsvene kuti vaite mabasa avo matsvene. (Num. 3:​3, 7, 10) Nzvimbo Tsvenetsvene yaiva neareka yesungano yakagadzirwa negoridhe iyo yaimiririra kuvapo kwaJehovha. (Eks. 25:​21, 22) Mupristi mukuru ndiye chete aibvumirwa kudarika nepaketeni achipinda muNzvimbo Tsvenetsvene kamwe chete pagore paZuva Rekuyananisira. (Revh. 16:​2, 17) Aipinda neropa remhuka kuti ayananisire zvivi zvake pachake uye zverudzi rwacho rwese. Jehovha akazojekesa zvaimiririrwa nezvinhu izvi zvaiva patebhenekeri.—VaH. 9:​6, 7. w23.10 27 ¶12

Chipiri, June 17

[Dananai].—Joh. 15:17.

MuShoko raMwari mune mavhesi akawanda anotirayira kuti ‘tidanane.’ (Joh. 15:12; VaR. 13:8; 1 VaT. 4:9; 1 Pet. 1:22; 1 Joh. 4:11) Asi rudo runobva mumwoyo uye hapana munhu anogona kuona zviri mumwoyo medu. Saka tingaratidza sei kuti tinoda hama nehanzvadzi dzedu? Tinozviratidza nezvatinotaura uye nezvatinoita. Kune nzira dzakasiyana-siyana dzatinoratidza nadzo kuti tinoda hama nehanzvadzi dzedu. Dzimwe dzacho ndeidzi: “Tauriranai chokwadi.” (Zek. 8:16) ‘Chengetai rugare pakati penyu.’ (Mako 9:50) “Pakukudzana, mumwe nemumwe wenyu ngaatange iye.” (VaR. 12:10) “Gamuchiranai.” (VaR. 15:7) “Rambai . . . muchiregererana.” (VaK. 3:13) “Rambai muchitakurirana zvinorema.” (VaG. 6:2) “Rambai muchinyaradzana.” (1 VaT. 4:18) “Rambai . . . muchivakana.” (1 VaT. 5:11) “Nyengetereranai.”—Jak. 5:16. w23.11 9 ¶7-8

Chitatu, June 18

Farai patariro.—VaR. 12:12.

Zuva nezuva tinoita zvisarudzo zvinoda kuti tive nekutenda kwakasimba. Semuenzaniso, tinoita zvisarudzo zvine chekuita neshamwari, varaidzo, dzidzo, wanano, vana, uye basa. Zvakanaka kuti tizvibvunze kuti: ‘Zvisarudzo zvandinoita zvinoratidza here kuti ndine chokwadi chekuti nyika ino iri kupfuura uye kuti yava pedyo kuti itsiviwe nenyika itsva yaMwari? Kana kuti ndinosarudza here kuita zvinhu zvakafanana nezvinoitwa nevanhu vasingatendi kuti vanogona kurarama nekusingaperi?’ (Mat. 6:​19, 20; Ruka 12:​16-21) Tichaita zvisarudzo zvakanaka kana tikasimbisa kutenda kwedu muvimbiso yekuti nyika itsva yava pedyo. Tinosanganawo nematambudziko anoda kuti tive nekutenda kwakasimba. Pamwe pacho tinogona kutambudzwa, kuva nechirwere chisingaperi, kana kuti tingasangana nezvimwe zvinhu zvingaita kuti tiore mwoyo. Pakutanga, tingatarisana nedambudziko racho neushingi. Asi kana rikaramba riripo kwenguva yakareba, tichada kutenda kwakasimba kuitira kuti titsungirire uye tirambe tichishumira Jehovha tichifara.—1 Pet. 1:​6, 7. w23.04 27 ¶4-5

China, June 19

Rambai muchinyengetera.—1 VaT. 5:17.

Jehovha anotarisira kuti tiite zvinoenderana neminyengetero yedu. Semuenzaniso, hama inogona kukumbira kubatsirwa naJehovha kuti ibvumirwe kusauya kubasa kuitira kuti ipinde gungano remunharaunda. Jehovha angapindura sei munyengetero iwoyo? Anogona kupa hama yacho ushingi hwekuti itaure newainoshandira. Asi hama yacho inenge ichiri kufanira kuenda kune wainoshandira yonokumbira zvairi kuda. Ingatofanira kukumbira kakawanda. Ingatofanirawo kutaura nemumwe wainoshanda nayo ichikumbira kuti vachinjane nguva dzekushanda kana kuti ingatofanira kukumbira kuti isabhadharwa nguva yainenge isiri pabasa. Jehovha anotarisira kuti tirambe tichinyengeterera zvinhu zvinokosha kwatiri. Kubva pane zvakataurwa naJesu zvimwe zvikumbiro zvedu zvingasapindurwa ipapo ipapo. (Ruka 11:9) Saka usakanda mapfumo pasi! Ramba uchinyengetera nemwoyo wese. (Ruka 18:​1-7) Patinodaro, tinoratidza Jehovha kuti tiri kunyatsoda chinhu ichocho. Tinoratidzawo kuti tine kutenda kuti anokwanisa kutibatsira. w23.11 22 ¶10-11

Chishanu, June 20

Tariro haiiti kuti tiore mwoyo.—VaR. 5:5.

Jehovha akavimbisa shamwari yake Abrahamu kuti marudzi ese epanyika aizozviwanira chikomborero nekumwana wake. (Gen. 15:5; 22:18) Sezvo Abrahamu aiva nekutenda kwakadzama muna Mwari, aiva nechokwadi chekuti vimbiso yaMwari yaizozadzika. Kunyange zvakadaro, Abrahamu paakanga ava nemakore 100 uye mudzimai wake aine makore 90, vaviri ava vakanga vasati vava nemwanakomana. (Gen. 21:​1-7) Asi Bhaibheri rinoti: “[Abrahamu] aiva nekutenda kwaibva patariro, kuti aizova baba vemarudzi mazhinji maererano nezvakanga zvataurwa.” (VaR. 4:18) Unoziva kuti zvaitarisirwa naAbrahamu zvakazozadzika. Akava nemwanakomana waakanga ava nenguva refu achitarisira, Isaka. Chii chakaita kuti Abrahamu ave nechivimbo chekuti Mwari aizozadzisa vimbiso yake? Sezvo Abrahamu aiva neushamwari hwepedyo naJehovha, ‘aiva nechokwadi chakazara chekuti Mwari aikwanisa kuita zvaakanga avimbisa.’ (VaR. 4:21) Jehovha akafarira Abrahamu uye akamuti akarurama nekuti aiva nekutenda.—Jak. 2:23. w23.12 8 ¶1-2

Mugovera, June 21

Munhu akatendeka pazvinhu zvidiki akatendekawo pazvinhu zvikuru, uye munhu asina kururama pazvinhu zvidiki haanawo kururama pazvinhu zvikuru.—Ruka 16:10.

Hama yechidiki inovimbwa nayo inoshanda nesimba kuti iite mabasa ayo ese. Funga nezvemuenzaniso waJesu. Aisaita zvinhu achingoitira kuti zvimubve. Asi akaita mabasa ake ese aakapiwa naJehovha kunyange pazvainge zvakaoma kuti adaro. Aida vanhu, kunyanya vadzidzi vake uye akazvipira kuvafira. (Joh. 13:1) Uchitevedzera Jesu, shanda nesimba kuti uite chero basa raunenge wapiwa. Kana usiri kuziva kuti rinoitwa sei, zvininipise uye kumbira kubatsirwa nehama dzakasimba pakunamata. Usava neusimbe. (VaR. 12:11) Asi pedza basa raunenge wapiwa, uchiriitira “Jehovha, kwete vanhu.” (VaK. 3:23) Yeuka kuti uri munhu anokanganisa, saka zvininipise uye bvuma zvaunenge wakanganisa.—Zvir. 11:2. w23.12 26 ¶8

Svondo, June 22

Akakomborerwa munhu anovimba naJehovha.—Jer. 17:7.

Tinofara patinobhabhatidzwa tova mumhuri yaJehovha. Vaya vane ropafadzo iyoyo vanobvumirana nemashoko emunyori wepisarema Dhavhidhi, uyo akati: “[Jehovha,] anofara munhu wamunosarudza uye wamunoswededza pedyo kuti agare muzvivanze zvenyu.” (Pis. 65:4) Jehovha anounza vanhu vakaita sei muzvivanze zvake? Anosarudza kuswedera pedyo nevaya vanoratidza kuti vanoda kuva neushamwari hwepedyo naye. (Jak. 4:8) Paunozvitsaurira kuna Jehovha wobhabhatidzwa, unogona kuva nechokwadi chekuti pashure pekunge wabhabhatidzwa ‘achakudururira chikomborero kusvikira usisina chaunoshayiwa. (Mar. 3:10; Jer. 17:8) Kubhabhatidzwa anongova mavambo. Uchada kuita zvese zvaunogona kuti urarame zvinoenderana nemhiko yako yekuzvitsaurira, kunyange paunoedzwa kuti uite zvakaipa kana kuti paunopinda mumatambudziko. (Mup. 5:​4, 5) Sezvo uri mudzidzi waJesu, uchaita zvese zvaunogona kuti utevedzere muenzaniso wake uye uteerere mirayiro yake.—Mat. 28:​19, 20; 1 Pet. 2:21. w24.03 8 ¶1-3

Muvhuro, June 23

Murume achasiya baba vake naamai vake uye achanamatira kumudzimai wake.—Gen. 2:24.

Ko kana iwe nemumwe wako musinganakidzwi nekuva pamwe chete? Mungaitei? Funga nezvemoto. Haungotangi nekuva zirimi rakakura. Zvinoda kutanga netutsotso wozoiswa huni dzakakura. Saizvozvowo, munogona kutanga nekuva pamwe chete kwenguva pfupi zuva rega rega. Ivai nechokwadi chekuti maita chinhu chinokunakidzai mese. (Jak. 3:18) Mukatanga nekuita mese zvinhu zvidiki, munogona kutangazve kudanana. Kuremekedzana kunokosha muwanano. Kwakafanana nemhepo inoita kuti moto ubvire. Pasina mhepo, moto unokurumidza kudzima. Saizvozvowo, pasina kuremekedzana, rudo rwevari muwanano runokurumidza kutonhora. Asi murume nemudzimai vanoita zvese zvavanogona kuti varemekedzane vanenge vachiita kuti rudo rwavo rurambe ruchibvira. Kunyange zvakadaro, yeuka kuti haisi nyaya yekuti unofunga kuti uri kuremekedza mumwe wako, asi inyaya yekuti mumwe wako ari kunzwa kuti ari kuremekedzwa here. w23.05 22 ¶9; 24 ¶14-15

Chipiri, June 24

Pandakawandirwa nezvaindidya mwoyo, makandinyaradza uye makandizorodza.—Pis. 94:19.

MuBhaibheri, vashumiri vaMwari vakatendeka vakambotaura nezvenguva dzavaishungurudzika uye dzavaidedera zvichikonzerwa nevavengi vavo kana kuti nemamwewo matambudziko. (Pis. 18:4; 55:​1, 5) Saizvozvowo, tinogona kunge tichipikiswa nevekuchikoro, kubasa, vemumhuri kana kuti nehurumende. Tinogona kunge tichitya kuti tichafa nemhaka yekurwara kwatinenge tichiita. Panguva dzakadaro, tinogona kunzwa sekunge tiri kamwana kadiki kasina zvakanogona kuita. Jehovha anotibatsira sei pakadaro? Anotinyaradza uye anotizorodza. Saka gara uchiwana nguva yekuva naJehovha kuburikidza nekunyengetera kwaari uye kuverenga Shoko rake. (Pis. 77:​1, 12-14) Kana ukagara uchidaro, chinhu chekutanga chauchaita paunenge uchinetseka, kunyengetera kuna Baba vako vekudenga. Udza Jehovha zvauri kutya uye zviri kukunetsa. Chibva wamuteerera kuburikidza nekuverenga Shoko rake, uye uchaona kuti anokunyaradza sei.—Pis. 119:28. w24.01 24-25 ¶14-16

Chitatu, June 25

Mwari . . . ndiye ari kukupai simba, achikupai chido chekuita zvinhu uye simba rekuzviita.—VaF. 2:13.

Kuva nechido kunokosha chaizvo pakuzadzisa zvinangwa zvekunamata. Kana uine chido chakasimba chekuzadzisa chinangwa chako, uchashanda nesimba kuti uchizadzise. Uye kana chido chedu chakakura, kazhinji kacho tinokwanisa kuzadzisa zvinangwa zvedu. Saka ungaitei kuti uwedzere kuva nechido? Nyengetera uchikumbira kuti chido chako chiwedzere. Jehovha anogona kukubatsira kuti uzadzise chinangwa chako achishandisa mweya wake. Dzimwe nguva tinova nezvinangwa nekuti tinoziva kuti ndizvo zvatinofanira kuita, uye izvozvowo zvakanaka. Asi tinogona kunge tisina chido chekuzadzisa chinangwa chacho. Funga zvawakaitirwa naJehovha. (Pis. 143:5) Muapostora Pauro aifunga nezvenyasha dzaakaratidzwa naJehovha, uye izvi zvakaita kuti ashandire Jehovha nesimba. (1 VaK. 15:​9, 10; 1 Tim. 1:​12-14) Saizvozvowo, paunofunga zvawakaitirwa naJehovha unova nechido chakasimba chekuzadzisa chinangwa chako.—Pis. 116:12. w23.05 27 ¶3-5

China, June 26

Rumbidzai zita raJehovha!—Pis. 113:1.

Tinofadza Baba vedu vekudenga patinorumbidza zita ravo. (Pis. 119:108) Asi izvi zvinoreva here kuti Mwari wemasimbaose akafanana nevanhu vane chivi avo vanonzwa vachida chaizvo kurumbidzwa? Aiwa. Patinorumbidza Baba vedu vekudenga, tinenge tichitobatsira pakufumura dzimwe nhema dzinotaurwa naSatani nezvemumwe nemumwe wedu. Satani anoti hapana munhu anoramba achitsigira zita raMwari akavimbika. Anotaura kuti hapana kana mumwe wedu acharamba akatendeka kuna Mwari paanosangana nemuedzo. Anoti tese tichapandukira Mwari kana tikaona sekuti izvozvo zvakatinakira. (Job. 1:​9-11; 2:4) Asi murume akatendeka Jobho akaratidza kuti Satani ainyepa. Ko iwe uchaitawo sei? Mumwe nemumwe wedu anogona kusarudza kutsigira Baba vedu uye kuita kuti vafare nekuvashumira akatendeka. (Zvir. 27:11) Iyi iropafadzo yakazonaka. w24.02 8-9 ¶3-5

Chishanu, June 27

Tendai muvaprofita vake, uye muchakunda.—2 Mak. 20:20.

Pashure pemazuva aMozisi naJoshua, Jehovha akagadza vatongi kuti vatungamirire vanhu vake. Uyewo, panguva yemadzimambo, Jehovha aitungamirira vanhu vake achishandisa vaprofita vaaigadza. Madzimambo akatendeka aiteerera mazano evaprofita. Semuenzaniso, Mambo Dhavhidhi akazvininipisa, akabvuma kururamiswa kwaakaitwa nemuprofita Natani. (2 Sam. 12:​7, 13; 1 Mak. 17:​3, 4) Mambo Jehoshafati akavimba nemuprofita Jahazieri kuti amutungamirire uye akakurudzira vanhu veJudha kuti ‘vatende muvaprofita vaMwari.’ (2 Mak. 20:​14, 15) Mambo Hezekiya paainetseka, akaenda kumuprofita Isaya. (Isa. 37:​1-6) Pese paibvuma madzimambo kutungamirirwa naJehovha, aikomborerwa uye Jehovha aidzivirira vanhu vake. (2 Mak. 20:​29, 30; 32:22) Zvaiva pachena kuti Jehovha aitungamirira vanhu vake achishandisa vaprofita. w24.02 21 ¶8

Mugovera, June 28

Musabatana navo.—VaEf. 5:7.

Satani anoda kuti tishamwaridzane nevanhu vanoita kuti zvitiomere kuramba tichiteerera mitemo yaJehovha. Tinofanira kungwarira nekuti mazuva ano tinogona kushamwaridzana nevanhu tiri pamwe chete navo uyewo tiri pasocial media. Tinofanira kurwisa mafungiro enyika ekuti upombwe hunogamuchirika. Tinoziva kuti hwakaipa. (VaEf. 4:​19, 20) Zvakanaka kuzvibvunza kuti: ‘Ndinongwarira here kuti ndisaita nguva yakawanda pasina chikonzero chine musoro ndiine vandinoshanda navo, vandinodzidza navo, kana vamwe vanhu vasingaremekedzi mitemo yaJehovha yakarurama? Ndinova neushingi hwekuteerera Jehovha here kunyange zvazvo vamwe vangataura kuti ndakaoma musoro pandinoita izvozvo?’ Sezvinoratidzwa pana 2 Timoti 2:​20-22, tingatofanirawo kungwarira patinosarudza shamwari dzedu dzepedyo muungano yechiKristu. Tinoyeuka kuti vamwe vangasatibatsira kuti tirambe takatendeka pakushumira kwatinoita Jehovha. w24.03 22-23 ¶11-12

Svondo, June 29

Jehovha ane tsitsi huru.—Jak. 5:11.

Wakamboedza kufungidzira zvakaita Jehovha here? Kunyange zvazvo Jehovha asingaoneki, Bhaibheri rinomutsanangura nenzira dzakasiyana-siyana. Jehovha anodanwa kuti “zuva nenhoo” uye “moto unoparadza.” (Pis. 84:11; VaH. 12:29) Kubva pane zvaakaratidzwa, mumwe munyori weBhaibheri akaona nzvimbo ina Jehovha yakaita sedombo resafaya, simbi inopenya, uye muraraungu unopenya. (Ezek. 1:​26-28) Sezvo tisingakwanisi kuona Jehovha, zvingatiomera kutenda kuti anotida. Nemhaka yezvavakasangana nazvo muupenyu vamwe vanofunga kuti Jehovha haambofi akavada. Jehovha anonzwisisa manzwiro akadaro uye kuti anotikanganisa sei. Kuti atibatsire, anotiratidza muShoko rake kuti ndiMwari akaita sei. Shoko rinonyatsotsanangura zvakaita Jehovha nderekuti rudo. (1 Joh. 4:8) Bhaibheri rinoti Mwari rudo. Rudo ndirwo runoita kuti aite zvese zvaanoita. Rudo rwaMwari rwakakura uye rwune simba zvekuti anotorwuratidza kunyange kune vaya vasingamudi.—Mat. 5:​44, 45. w24.01 26 ¶1-3

Muvhuro, June 30

Aitaura navo ari mushongwe yegore.—Pis. 99:7.

Jehovha akagadza Mozisi kuti atungamirire vaIsraeri pakubuda muIjipiti uye akapa vaIsraeri uchapupu hunooneka hwekuti aivatungamirira nekuita kuti pave neshongwe yegore masikati uye shongwe yemoto usiku. (Eks. 13:21) Mozisi akatevera shongwe iyoyo, zvikaita kuti iye nevaIsraeri vasvike paGungwa Dzvuku. Vanhu vakatya pavakaona sekuti vakanga vasisina kwekutizira vari pakati pegungwa neuto revaIjipiti raivatevera. Asi Mozisi ainge asina kukanganisa. Jehovha ndiye akanga amuudza kuti aendese vanhu vake neikoko. (Eks. 14:2) Mwari akazovanunura nenzira inoshamisa chaizvo. (Eks. 14:​26-28) Kwemakore anopfuura 40 akazotevera, Mozisi akaramba achivimba neshongwe iyoyo yegore kuti atungamirire vanhu vaMwari murenje. (Eks. 33:​7, 9, 10) Jehovha aitaura naMozisi ari mushongwe yacho uye Mozisi aizoudza vanhu mirayiridzo yaainge apiwa naJehovha. VaIsraeri vaiva neuchapupu hwakajeka hwekuti Jehovha aivatungamirira achishandisa Mozisi. w24.02 21 ¶4-5

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe