RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • es25 pp. 67-77
  • July

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • July
  • Kuongorora Magwaro Zuva Nezuva—2025
  • Misoro Midiki
  • Chipiri, July 1
  • Chitatu, July 2
  • China, July 3
  • Chishanu, July 4
  • Mugovera, July 5
  • Svondo, July 6
  • Muvhuro, July 7
  • Chipiri, July 8
  • Chitatu, July 9
  • China, July 10
  • Chishanu, July 11
  • Mugovera, July 12
  • Svondo, July 13
  • Muvhuro, July 14
  • Chipiri, July 15
  • Chitatu, July 16
  • China, July 17
  • Chishanu, July 18
  • Mugovera, July 19
  • Svondo, July 20
  • Muvhuro, July 21
  • Chipiri, July 22
  • Chitatu, July 23
  • China, July 24
  • Chishanu, July 25
  • Mugovera, July 26
  • Svondo, July 27
  • Muvhuro, July 28
  • Chipiri, July 29
  • Chitatu, July 30
  • China, July 31
Kuongorora Magwaro Zuva Nezuva—2025
es25 pp. 67-77

July

Chipiri, July 1

Akatenderera nenyika yacho yese achiita zvakanaka uye achiporesa.—Mab. 10:38.

Zvese zvakataurwa uye zvakaitwa naJesu, kusanganisira zvishamiso zvaakaita, zvainyatsoratidza mafungiro nemanzwiro aBaba vake. (Joh. 14:9) Zvii zvatinodzidza pazvishamiso zvaJesu? Jesu naBaba vake vanotida zvakadzama. Jesu paaiva panyika, akaratidza kuda kwaaiita vanhu nekushandisa simba rake rekuita zvishamiso kuti abatsire vaya vaitambura. Pane imwe nguva, vamwe varume vaviri vaiva mapofu vakashevedzera kwaari vachikumbira kubatsirwa. (Mat. 20:​30-34) Ona kuti Jesu ‘akasiririswa’ achibva avaporesa. Shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “asiririswa” rinoreva kunzwa tsitsi kwakadzama kunobva nechemukatikati. Tsitsi dzakadaro dzakadzama, idzo dzairatidza kuda kwaaiita vanhu, dzakaitawo kuti Jesu ape zvekudya kuvanhu vaiva nenzara, uye arape munhu aiva nemaperembudzi. (Mat. 15:32; Mako 1:41) Tinogona kuva nechokwadi chekuti Jehovha, Mwari “wetsitsi huru,” neMwanakomana wake vanotida zvikuru uye vanorwadziwa nekutambura kwedu. (Ruka 1:78; 1 Pet. 5:7) Vanoda chaizvo kubvisa matambudziko ese ari kushungurudza vanhu. w23.04 3 ¶4-5

Chitatu, July 2

Imi vanoda Jehovha, vengai zvakaipa. Iye anochengetedza upenyu hwevanhu vake vakavimbika; anovanunura mumaoko evakaipa.—Pis. 97:10.

Tinogona kutora matanho ekuti tideredze mikana yekuva nemafungiro akaipa anofarirwa nevakawanda munyika yaSatani. Tinogona kuita kuti pfungwa dzedu dzive nezvinhu zvakanaka kana tikaverenga uye kudzidza Bhaibheri. Kupinda misangano uye kuita ushumiri kuchachengetedzawo mafungiro edu. Uye Jehovha anotovimbisa kuti haazotiregi tichiedzwa kupfuura zvatinogona kutsungirira. (1 VaK. 10:​12, 13) Mumwe nemumwe wedu anofanira kuwedzera kunyengetera kuitira kuti tirambe takatendeka kuna Jehovha mumazuva ano akaoma ekupedzisira. Jehovha anoda kuti patinonyengetera ‘tidurure mwoyo yedu pamberi pake.’ (Pis. 62:8) Rumbidza Jehovha uye mutende nekuda kwezvese zvaanoita. Mukumbire kuti akubatsire kuva neushingi muushumiri. Mukumbirewo kuti akubatsire kutsungirira chero dambudziko uye kuti urwise chero muedzo waungadaro uri kutarisana nawo. Usarega chero chii zvacho kana ani zvake achikutadzisa kugara uchinyengetera kuna Jehovha. w23.05 7 ¶17-18

China, July 3

Ngativei nehanya nemumwe nemumwe . . . , tikurudzirane.—VaH. 10:​24, 25.

Nei tichipinda misangano yeungano? Chikonzero chikuru ndechekuti tirumbidze Jehovha. (Pis. 26:12; 111:1) Tinopindawo misangano kuitira kuti tikurudzirane munguva dzino dzakaoma. (1 VaT. 5:11) Patinosimudza ruoko topindura, tinenge tichiita zvinhu izvi zviri zviviri. Asi patinopindura, pane zvinogona kutiomera. Tinogona kutya kupindura kana kuti tingava nechido chakakura chekupindura asi hatipinduriswi kakawanda sezvatingada. Chii chinogona kutibatsira? Muapostora Pauro akati tinofanira kuisa pfungwa ‘pakukurudzirana.’ Patinoziva kuti vamwe vari muvateereri vanogona kukurudzirwa kunyange nemashoko mashoma anoratidza kutenda kwedu, hatizonyanyi kutya kupindura. Uye kana tikasasimudzwa kakawanda, tinogona kufara kuti vamwe vari muungano vachawana mukana wekupindura.—1 Pet. 3:8. w23.04 20 ¶1-3

Chishanu, July 4

[Endai] kuguta reJerusarema, . . . [munovakazve] imba yaJehovha.—Ezra 1:3.

Shoko rakanga raziviswa. VaJudha avo vainge vava nemakore anenge 70 vari nhapwa muBhabhironi vakanga vava nerusununguko rwekudzokera kunyika yavo yeIsraeri. (Ezra 1:​2-4) Jehovha chete ndiye aigona kuita kuti izvi zviitike. Bhabhironi yaisawanzosunungura nhapwa dzayo. (Isa. 14: 4, 17) Asi yakanga yakundwa, uye mambo mutsva akanga audza vaJudha kuti vaigona kubuda munyika yacho. MuJudha mumwe nemumwe, kunyanya misoro yemhuri, aifanira kuita chisarudzo chekuti obuda muBhabhironi here kana kuti oramba arimo. Chisarudzo ichocho chaigona kunge chisiri nyore kuita. Vamwe vainge vakura zvekuti zvaizovaomera kuita rwendo rwacho. Uye sezvo vaJudha vakawanda vakanga vaberekerwa muBhabhironi, ndiyo chete nyika yavaiziva. Kwavari, Israeri yaiva nyika yemadzitateguru avo. Kunenge kuti vamwe vaJudha vakanga vabudirira chaizvo muBhabhironi, saka vanogona kunge vakaomerwa kusiya dzimba dzakanaka kana kuti mabhizinesi avo vonogara munyika yavasina kujaira. w23.05 14 ¶1-2

Mugovera, July 5

Ivai vakagadzirira.—Mat. 24:44.

Shoko raMwari rinotikurudzira kuti tirambe tichitsungirira, tive netsitsi uye tive nerudo. Ruka 21:19 inoti: “Kana mukatsungirira, muchachengetedza upenyu hwenyu.” VaKorose 3:12 inoti: “Pfekai . . . tsitsi.” Uye 1 VaTesaronika 4:​9, 10 inoti: “Imi munodzidziswa naMwari kuti mudanane. . . . Asi tinokukurudzirai hama, kuti murambe muchiwedzera pane zvamuri kuita.” Mavhesi ese aya akanyorerwa vadzidzi vakanga vachitotsungirira, vachiratidza tsitsi uye rudo. Asi vaifanira kuramba vachiita izvozvo. Tinofanirawo kuita izvozvo. Kuti ukwanise kudaro, chimboongorora kuti vaKristu vekutanga vakaratidza sei chimwe nechimwe chezvinhu izvozvo. Uchabva waona kuti ungatevedzera sei vadzidzi ivavo, woratidza kuti wakagadzirira kutambudzika kukuru. Pachazotanga kutambudzika kukuru, uchange wadzidza kuti ungatsungirira sei uye uchava nechido chekuramba uchitsungirira. w23.07 3 ¶4, 8

Svondo, July 6

Pachava nemugwagwa mukuru, . . . Nzira yeUtsvene.—Isa. 35:8.

Tingava vakazodzwa kana kuti ‘vemamwe makwai,’ tinofanira kuramba tiri ‘muNzira yeUtsvene’ iyo inopfuura nemuparadhiso yemweya yakananga kumakomborero achaunzwa neUmambo. (Joh. 10:16) Kubva muna 1919, mamiriyoni evarume, vakadzi, nevana akasiya Bhabhironi Guru, kureva zvitendero zvese zvenhema, uye akatanga kufamba mumugwagwa iwoyo wekufananidzira. VaJudha pavakabuda muBhabhironi, Jehovha akaita kuti zvinopiringisha zvibviswe kuitira kuti vafambe zvakanaka. (Isa. 57:14) Zvakadii ‘neNzira yeUtsvene’ yemazuva ano? Kwemazana emakore 1919 asati asvika, Jehovha akashandisa varume vaitya Mwari kuti vabatsire pakuvhura nzira kuti vanhu vabude muBhabhironi Guru. (Enzanisa naIsaya 40:3.) Vakaita basa rekugadzira nzira iyi kuitira kuti vanhu vane mwoyo yakanaka vakwanise kubuda muBhabhironi Guru vopinda muparadhiso yemweya makadzorerwa kunamatwa kwakachena kwaJehovha. w23.05 16 ¶8-9

Muvhuro, July 7

Shumirai Jehovha muchifara. Uyai pamberi pake muchishevedzera nemufaro.—Pis. 100:2.

Jehovha anoda kuti timushumire tichifara uye tichida. (2 VaK. 9:7) Saka tinofanira here kuramba tichishanda kuti tizadzise chinangwa chekunamata chatingava nacho kana tisinganzwi tichida kuita izvozvo? Ona zvakaitwa nemuapostora Pauro. Akati: “Ndinoranga muviri wangu ndichiuita semuranda.” (1 VaK. 9:​25-27, mashoko emuzasi) Pauro akazvimanikidza kuita zvakarurama kunyange paainzwa asingadi kuita izvozvo. Jehovha akafarira kushumira kwaiita Pauro here? Hongu! Uye Jehovha akakomborera zvaaiita. (2 Tim. 4:​7, 8) Saizvozvowo, Jehovha anofadzwa paanoona tichishanda kuti tizadzise chinangwa chedu kunyange patinenge tichinzwa tisingadi kudaro. Anofadzwa nekuti anoziva kuti kunyange zvazvo pasiri pese patinoda zvatinenge tichiita, tinozviita nekuti tinomuda. Jehovha achakomborera zvatinoita sekukomborera kwaakaita Pauro. (Pis. 126:5) Uye patinoona kuti Jehovha ari kutikomborera, zvingaita kuti titotanga kuva nechido. w23.05 29 ¶9-10

Chipiri, July 8

Zuva raJehovha riri kuuya.—1 VaT. 5:2.

Muapostora Pauro akafananidza vaya vasiri kuzopona pazuva raJehovha nevanhu vakarara. Havazivi zvinenge zvichiitika panzvimbo yavanenge vari kana kufamba kunenge kuchiita nguva. Saka havazivi kuti chimwe chinhu chinokosha chichaitika riini uye hapana zvavanogona kuita. Vanhu vakawanda mazuva ano vakarara pakunamata. (VaR. 11:8) Havatendi uchapupu hwekuti tiri kurarama “mumazuva ekupedzisira” uye kuti kutambudzika kukuru kuri kuuya nekukurumidza. (2 Pet. 3:​3, 4) Asi kupfuura kwezuva rimwe nerimwe kunoita kuti tiwedzere kukoshesa nyaya yekuramba takamuka. (1 VaT. 5:6) Saka tinofanira kuramba takadzikama uye tisingavhunduki. Nei tichifanira kudaro? Izvozvo zvichatibatsira kuti tisapindira munyaya dzezvematongerwo enyika uye dzine chekuita nemagariro evanhu. Miedzo yekuva nedivi ratinotsigira panyaya idzi ichawedzera zuva raJehovha zvariri kuswedera pedyo. Asi hatifaniri kuzvidya mwoyo kuti tichaita sei. Mweya waMwari unogona kutibatsira kuti tidzikame uye tive nepfungwa dzakanaka tichiita zvisarudzo zvekuchenjera.—Ruka 12:​11, 12. w23.06 10 ¶6-7

Chitatu, July 9

Changamire Ishe Jehovha, ndapota ndiyeukei, uye ndisimbisei.—Vat. 16:28.

Chii chinouya mupfungwa dzako paunonzwa zita rekuti Samsoni? Zvimwe unofunga nezvemurume aiva nesimba guru. Ichocho ichokwadi. Asi Samsoni akaita chisarudzo chisina kunaka icho chakazoita kuti arwadziwe chaizvo. Kunyange zvakadaro, Jehovha akanyanya kufunga nezvekutendeka kwaSamsoni, uye akaita kuti kunyorwe muBhaibheri kuti tibatsirwe. Jehovha akashandisa Samsoni kuti aite zvinhu zvinoshamisa achibatsira vanhu vake, vaIsraeri. Mazana emakore pashure pekunge Samsoni afa, Jehovha akafemera muapostora Pauro kuti anyorewo zita raSamsoni pakati pemamwe mazita evanhu vaiva nekutenda kunoshamisa. (VaH. 11:​32-34) Muenzaniso waSamsoni unogona kutikurudzira. Aivimba naJehovha, kunyange zvinhu pazvainge zvakaoma. Tinokurudzirwa uye tinodzidza zvakawanda kubva kwaari. w23.09 2 ¶1-2

China, July 10

Zvikumbiro zvenyu ngazviziviswe Mwari.—VaF. 4:6.

Tinogona kuwedzera kutsungirira kana tikagara tichinyengetera kuna Jehovha tichimuudza zviri kutinetsa. (1 VaT. 5:17) Zvimwe hausi kusangana nematambudziko akakura pari zvino. Kunyange zvakadaro, unotsvaga kutungamirirwa naJehovha here paunenge wakaora mwoyo, wakavhiringidzika kana kuti usingachazivi zvekuita? Kana ukagara uchinyengetera kuna Mwari wedu uchikumbira kubatsirwa pamatambudziko aunosangana nawo zuva rimwe nerimwe iye zvino, hazvizokuomeri kuita izvozvo paunosangana nematambudziko akakura mune ramangwana. Uchava nechokwadi chekuti anonyatsoziva nguva yakanaka yekukubatsira uye kuti anokubatsira sei. (Pis. 27:​1, 3) Tinogona kuzotsungirira pakutambudzika kukuru kana tichitsungirira matambudziko iye zvino. (VaR. 5:3) Nei tichigona kudaro? Hama dzakawanda dzakaona kuti muedzo mumwe nemumwe wekutenda wadzinotsungirira unodzibatsira kuti dzitsungirire muedzo unotevera. Pavanotsungirira dambudziko vachibatsirwa naJehovha, vanowedzera kuva nekutenda kwekuti anoda kuvabatsira. Kutenda kunobva kwavabatsira kuti vatsungirire dambudziko rinotevera.—Jak. 1:​2-4. w23.07 3 ¶7-8

Chishanu, July 11

Ndichateerera chikumbiro chako.—Gen. 19:21.

Kuzvininipisa kwaJehovha uye tsitsi dzake zvinoita kuti ave munhu anonzwisisa. Semuenzaniso, kuzvininipisa kwaJehovha kwakaoneka paakanga ava kuda kuparadza vanhu vakaipa vemuSodhomu. Achishandisa ngirozi dzake, Jehovha akarayira Roti, uyo ainge akarurama, kuti atizire kunharaunda ine makomo. Roti aitya kuenda ikoko. Saka akateterera kuti iye nemhuri yake vabvumirwe kutizira kuZoari, rimwe guta diki iro raifanira kuparadzwa. Jehovha aigona kunge akaomerera pakuti Roti atevedzere mirayiridzo yake nemo nemo. Pane kuti aite izvozvo, akaita zvainge zvakumbirwa naRoti kunyange zvazvo zvaizoreva kuti Zoari raizosiyiwa. (Gen. 19:​18-22) Papera mazana emakore, Jehovha akanzwira tsitsi vagari vemuNinivhi. Akatuma muprofita Jona kuti azivise nezvekuparadzwa kwaizoitwa guta racho nevagari varo vainge vakaipa. Asi vaNinivhi pavakapfidza, Jehovha akavanzwira tsitsi uye haana kuparadza guta racho.—Jona 3:​1, 10; 4:​10, 11. w23.07 21 ¶5

Mugovera, July 12

[Vakauraya Jehoashi] . . . , asi havana kumuviga munzvimbo yemakuva emadzimambo.—2 Mak. 24:25.

Tinodzidzei pana Jehoashi? Ainge akaita semuti usina midzi yakadzika pasi, uyo waida kutsigirwa nebango. Jehoyadha ndiye aiita sebango racho uye paakanga asisipo, mhepo dzevakatsauka pakutenda padzakanga dzichivhuvhuta, Jehoashi akadonha. Muenzaniso uyu unoratidza kuti hatifaniri kungoteerera Mwari nekungoti chete vemumhuri medu uye vamwe vemuungano vari kuita zvakanaka. Kuti tirambe takasimba pakunamata, tinofanira kusimbisa kuzvipira kwatakaita kuna Mwari uye kumutya kwatinoita kuburikidza nekugara tichidzidza, tichifungisisa uye tichinyengetera. (Jer. 17:​7, 8; VaK. 2:​6, 7) Jehovha haatikumbiri kuti tiite zvakawandisa. Zvaanoda kuti tiite zvinopfupikiswa pana Muparidzi 12:​13, iyo inoti: “Itya Mwari wechokwadi uchengete mirayiro yake, nekuti ichi ndicho chinhu chikuru chinofanira kuitwa nemunhu.” Kana tikatya Mwari, tichakwanisa kutsungirira miedzo yatichasangana nayo mune ramangwana uye tichamira takasimba. Hapana chinozokwanisa kuparadza ushamwari hwedu naJehovha. w23.06 18-19 ¶17-19

Svondo, July 13

Inzwa! Ndiri kuita kuti zvinhu zvese zvive zvitsva.—Zvak. 21:5.

Vimbiso yaMwari inotanga ichiti: “Uya akanga agere pachigaro cheumambo akati.” (Zvak. 21:5a) Mashoko aya anotisuma kune imwe yenzvimbo nhatu dziri mubhuku raZvakazarurwa patinonzwa Jehovha pachake achitaura. Saka mashoko aya akataurwa naJehovha pachake, kwete nengirozi ine simba kana kuti naJesu ainge amutswa. Izvi zvinoratidza kuti tinogona kunyatsovimba nemashoko anotevera aanozotaura. Nei zvakadaro? Nekuti Jehovha ‘haagoni kureva nhema.’ (Tito 1:2) Saka mashoko atinoverenga pana Zvakazarurwa 21:​5, 6 achatoitika. Chimbofunga nezveshoko rekuti “Inzwa!” Shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “inzwa!” rinoshandiswa kakawanda mubhuku raZvakazarurwa. Mwari anobva ataura kutii? Anoti: “Ndiri kuita kuti zvinhu zvese zvive zvitsva.” Ichokwadi kuti Jehovha ari kutaura nezvekuchinja kuchaitika mune remangwana, asi sezvo aine chokwadi chekuti achatozadzisa vimbiso yake, anotaura nezvayo sekunge kuti iri kutozadzika.—Isa. 46:10. w23.11 3-4 ¶7-8

Muvhuro, July 14

Akabuda panze akachema zvinosiririsa.—Mat. 26:75.

Muapostora Petro aiomerwa nekuita zvakanaka. Ona mienzaniso mishoma inotevera. Jesu paakataura nezvekutambura kwaaizoita uye kuurayiwa zvichizadzisa uprofita hweBhaibheri, Petro akamutsiura. (Mako 8:​31-33) Petro nevamwe vaapostora vairamba vachiitisana nharo dzekuti ndiani aiva mukuru pakati pavo. (Mako 9:​33, 34) Usiku hwekupedzisira Jesu asati afa, Petro akacheka nzeve yemumwe murume. (Joh. 18:10) Usiku ihwohwo, achityira kuti vanhu vaizomufungirei, Petro akaramba katatu kese kuti aiziva shamwari yake Jesu. (Mako 14:​66-72) Izvi zvakaita kuti Petro acheme zvinosiririsa. Jesu haana kusiya muapostora wake uyo ainge akaora mwoyo chaizvo. Jesu paakanga amutswa, akapa Petro mukana wekuratidza kuti akanga achiri kumuda. Jesu akakumbira Petro kuti ave mufudzi wemakwai ake. (Joh. 21:​15-17) Petro akabvuma. Aivawo muJerusarema paPendekosti uye aiva pakati pevanhu vakatanga kuzodzwa nemweya mutsvene. w23.09 22 ¶6-7

Chipiri, July 15

Fudza makwai angu madiki.—Joh. 21:16.

Muapostora Petro akakurudzira vamwe vakuru kuti, “Fudzai boka raMwari.” (1 Pet 5:​1-4) Kana uri mukuru, tinoziva kuti unoda hama nehanzvadzi dzako uye unoda kudzifudza. Asi dzimwe nguva unganzwa sekuti wakanyanya kubatikana kana kuti kuneta zvekuti haukwanisi kuita basa iroro. Ungaitei pakadaro? Udza Jehovha manzwiro auri kuita. Petro akanyora kuti: “Kana munhu achishumira, ngaaite izvozvo seari kuvimba nesimba rinopiwa naMwari.” (1 Pet. 4:11) Hama nehanzvadzi dzako dzinogona kunge dziri mumatambudziko asingagoni kupera zvachose munyika ino. Asi yeuka kuti “mufudzi mukuru,” Jesu Kristu, anogona kudzibatsira kupfuura zvaunogona kuita. Anogona kuita izvozvo panguva ino uye munyika itsva. Chinongodiwa naMwari ndechekuti vakuru vade hama dzavo, vadzifudze uye kuti vave “mienzaniso kuboka.” w23.09 29-30 ¶13-14

Chitatu, July 16

Jehovha anoziva kuti kufunga kwevanhu vakachenjera hakuna zvakunobatsira.—1 VaK. 3:20.

Tinofanira kusiyana nemafungiro evanhu. Kana tikatarisa zvinhu nemaonero evanhu, tinogona kupedzisira tisisafungi nezvaJehovha uye mitemo yake. (1 VaK. 3:19) “Uchenjeri hwenyika ino” hunowanzoita kuti vanhu vasateerera Mwari. Vamwe vaKristu vaiva muPegamo nemuTiyatira vakapedzisira vava nemafungiro ekunamata zvidhori uye ekuita upombwe aiva nevanhu vemumaguta iwayo. Jesu akatumira zano rakasimba kuungano dzacho dziri mbiri nekuti dzairega vanhu vachiita upombwe. (Zvak. 2:​14, 20) Mazuva ano, tiri pamuedzo wekuva nemaonero asina kunaka. Vemumhuri nevaya vatinozivana navo vangaedza kuita kuti tifunge kuti tiri kuzviomesera uye kutikurudzira kuti tityore mitemo yaJehovha. Semuenzaniso, vangati hazvina kuipa kuti munhu aite zvinodiwa nenyama yake uye kuti zvinotaurwa neBhaibheri nezvekuzvibata ndezvechinyakare. Dzimwe nguva tingafunga kuti mirayiridzo yatinopiwa naJehovha haina kunyatsojeka. Tingatova pamuedzo ‘wekupfuura zvakanyorwa.’—1 VaK. 4:6. w23.07 16 ¶10-11

China, July 17

Shamwari yechokwadi ine rudo nguva dzese uye ihama yakaberekerwa kubatsira panguva yekutambudzika.—Zvir. 17:17.

Mariya, amai vaJesu, aida kusimbiswa. Akanga asina kuroorwa, asi aizofanira kuva nepamuviri. Akanga asina kumbobvira arera vana vake pachake, asi aizofanira kurera mukomana aizova Mesiya. Uye sezvo akanga asina kumborara nemurume, aizotsanangura sei zvese izvozvo kuna Josefa uyo aida kumuroora? (Ruka 1:​26-33) Mariya akawana sei simba? Akatsvaga kubatsirwa nevamwe. Semuenzaniso, akakumbira Gabrieri kuti amuudze mamwe mashoko ane chekuita nebasa racho. (Ruka 1:34) Akabva aita rwendo rwekuenda “kunyika yemakomo” yeJudha kunoshanyira hama yake Erizabheti. Erizabheti akarumbidza Mariya uye akafemerwa naJehovha kuti ataure uprofita hunokurudzira nezvemwanakomana waMariya ainge asati aberekwa. (Ruka 1:​39-45) Mariya akati Jehovha ainge “ashandisa simba reruoko rwake.” (Ruka 1:​46-51) Jehovha akasimbisa Mariya achishandisa Gabrieri naErizabheti. w23.10 14-15 ¶10-12

Chishanu, July 18

Iye akaita kuti tive umambo nevapristi kuna Mwari wake uye Baba vake.—Zvak. 1:6.

Vadzidzi vaKristu vashoma vakazodzwa nemweya mutsvene. Vadzidzi ava 144 000 vachashumira sevapristi kudenga naJesu. (Zvak. 14:1) Nzvimbo Tsvene yetebhenekeri inomiririra kuonekwa kwavo sevanakomana vaMwari pavanenge vachiri panyika. (VaR. 8:​15-17) Nzvimbo Tsvenetsvene yetebhenekeri inomiririra kudenga, kunogara Jehovha. “Keteni” raiparadzanisa Nzvimbo Tsvene neNzvimbo Tsvenetsvene raimiririra muviri waJesu wenyama uyo waimutadzisa kupinda mudenga seMupristi Mukuru anopfuura vamwe vese wetemberi yemweya. Nekupa kwaakaita muviri wake wenyama sechibayiro achiitira vanhu, Jesu akavhurira vaKristu vese vakazodzwa nzira yekuenda kudenga. Vanofanirawo kusiya miviri yavo yenyama kuti vagamuchire mubayiro wavo wekudenga.—VaH. 10:​19, 20; 1 VaK. 15:50. w23.10 28 ¶13

Mugovera, July 19

Nguva ichandiperera kana ndikatanga kutaura nezvaGidhiyoni.—VaH. 11:32.

Gidhiyoni akaramba akadzikama paakatsoropodzwa nevaEfremu. (Vat. 8:​1-3) Haana kupindura nehasha. Akaratidza kuti aizvininipisa paakateerera zvavaitaura uye paakataura navo neunyoro, zvikabva zvaita kuti hasha dzavo dziserere. Vakuru vakachenjera vanotevedzera Gidhiyoni nekunyatsoteerera uye kupindura neunyoro pavanotsoropodzwa. (Jak. 3:13) Izvozvo zvinoita kuti muungano muve nerugare. Gidhiyoni paakarumbidzwa nekukunda kwaakaita vaMidhiyani, akaita kuti Jehovha arumbidzwe. (Vat. 8:​22, 23) Varume vakagadzwa vangatevedzera sei Gidhiyoni? Vanofanira kuita kuti Jehovha arumbidzwe nezvavanenge vaita. (1 VaK. 4:​6, 7) Semuenzaniso, kana mukuru akarumbidzwa nekudzidzisa kwaanenge aita, anogona kutaura kuti zvaadzidzisa zvinobva muShoko raMwari uye kuti tese tinodzidziswa nesangano raJehovha. Vakuru vanogona kufunga kuti madzidzisiro avo ari kuita kuti Jehovha arumbidzwe here kana kuti anongoita kuti vanhu varumbidze ivo. w23.06 4 ¶7-8

Svondo, July 20

Kufunga kwangu hakusi kufunga kwenyu.—Isa. 55:8.

Kana tikasawana zvatinenge tanyengeterera, tinogona kuzvibvunza kuti, ‘Ndiri kunyengeterera zvinhu zvakakodzera here?’ Kakawanda kacho tinofunga kuti tinoziva zvakanyatsotinakira. Asi zvinhu zvatinokumbira zvinogona kunge zvisina kunyatsotinakira. Kana tichinyengetera nezverimwe dambudziko, panogona kunge paine nzira iri nani yekurigadzirisa inopfuura yatiri kukumbira. Uye zvimwe zvinhu zvatinokumbira zvinogona kunge zvisingaenderani nekuda kwaJehovha. (1 Joh. 5:14) Funga nezvemuenzaniso wevabereki vakakumbira Jehovha kuti aite kuti mwana wavo arambe ari muchokwadi. Chikumbiro ichocho chinoita sechakakodzera. Asi Jehovha haamanikidzi munhu kuti amushumire. Anoda kuti tese kusanganisira vana vedu, tisarudze kumunamata. (Dheut. 10:​12, 13; 30:​19, 20) Saka vabereki ava vanogona kukumbira Jehovha kuti avabatsire kuti vadzidzise mwana wavo zvinosvika pamwoyo kuitira kuti ade Jehovha uye ave shamwari yake.—Zvir. 22:6; VaEf. 6:4. w23.11 21 ¶5; 23 ¶12

Muvhuro, July 21

Rambai muchinyaradzana.—1 VaT. 4:18.

Nei kunyaradza vamwe iri nzira inokosha yekuratidza kuti tinovada? Maererano nerimwe bhuku rinotsanangura Bhaibheri, shoko rakashandiswa naPauro iro rakashandurwa kuti “kunyaradza” rinoreva “kumira padivi pemumwe munhu kuti umukurudzire paanenge ari mudambudziko rakakura.” Saka patinonyaradza mumwe munhu anenge aine dambudziko, tinomubatsira kuti asimuke oramba achifamba munzira inoenda kuupenyu. Pese patinonyaradza hama kana hanzvadzi, tinenge tichiratidza kuti tinoida. (2 VaK. 7:​6, 7, 13) Kunzwira tsitsi nekunyaradza vamwe zvinofambirana. Pakuti kudii? Munhu anonzwira vamwe tsitsi anonzwa achida kuvanyaradza uye anoedza kuvabatsira padambudziko ravo. Saka tinotanga nekunzwira tsitsi, tozonyaradza. Ona kuti Pauro akabatanidza sei kunzwira tsitsi kunoita Jehovha nekunyaradza kwaanoita. Pauro anotaura nezvaJehovha ‘saBaba vengoni huru uye Mwari wekunyaradza kwese.’—2 VaK. 1:3. w23.11 9-10 ¶8-10

Chipiri, July 22

Ngatifarei patinenge tiri mumatambudziko.—VaR. 5:3.

Vateveri vese vaKristu vanogona kutarisira kutambudzwa. Funga nezvemuenzaniso wemuapostora Pauro. Akaudza vaya vaiva muTesaronika kuti: “Pataiva nemi, taiwanzokuudzai kuti taizosangana nematambudziko, saka izvi ndizvo zvazoitika.” (1 VaT. 3:4) Uye akanyorera vaKorinde kuti: “Hama, tinoda kuti muzive nezvedambudziko ratakasangana naro . . . Takanga tisina chokwadi kana taizopona.” (2 VaK. 1:8; 11:​23-27) VaKristu mazuva ano vanogonawo kutarisira kutambudzwa. (2 Tim. 3:12) Paunotanga kutenda muna Jesu uye kumutevera, hama neshamwari dzako dzinogona kutokuitira utsinye. Chido chako chekuva munhu akatendeseka muzvinhu zvese chakaita kuti zvinhu zvikuomere kubasa here? (VaH. 13:18) Wakambopikiswa nehurumende here nekuti unoudza vamwe nezvetariro yako? Asi pasinei nekutambudzwa kwatingaitwa, Pauro akati tinofanira kufara. w23.12 10-11 ¶9-10

Chitatu, July 23

Mandiunzira dambudziko rakakura.—Gen. 34:30.

Jakobho akatsungirira matambudziko akawanda. Vamwe vanakomana vaviri vaJakobho, Simiyoni naRevhi, vakashoresa mhuri yavo uye vakazvidzisa zita raJehovha. Uyewo, mudzimai aidiwa chaizvo naJakobho, Rakeri, akafa paaisununguka mwana wavo wechipiri. Uye nzara huru yakaitika munyika yakaita kuti Jakobho atamire kuIjipiti akwegura. (Gen. 35:​16-19; 37:28; 45:​9-11, 28) Pasinei nematambudziko ese aya, Jakobho akaramba achitenda muna Jehovha uye muvimbiso dzake. Jehovha akaratidza kuti aifarira Jakobho. Semuenzaniso, Jehovha akakomborera Jakobho nepfuma. Uye Jakobho anofanira kunge akaonga Jehovha chaizvo paakaonazve mwanakomana wake Josefa, uyo waaifunga kuti akanga ava nemakore afa. Kuva neushamwari hwepedyo naJehovha, kwakaita kuti Jakobho akwanise kutsungirira matambudziko ake. (Gen. 30:43; 32:​9, 10; 46:​28-30) Patinoramba tiine ushamwari hwepedyo naJehovha, tinogonawo kutsungirira matambudziko atinoerekana tasangana nawo. w23.04 15 ¶6-7

China, July 24

Jehovha ndiye Mufudzi wangu. Hapana chandichashayiwa.—Pis. 23:1.

MuPisarema 23, Dhavhidhi akaratidza kuti aiva nechokwadi chekuti Jehovha aimuda uye kuti aiva nehanya naye. Akatsanangura ushamwari hwepedyo hwaiva pakati pake neMufudzi wake Jehovha. Dhavhidhi ainzwa akachengeteka paaitungamirirwa naJehovha uye paaivimba naye zvizere. Aiziva kuti Jehovha aizomuratidza rudo rwake zuva rimwe nerimwe kweupenyu hwake hwese. Chii chakaita kuti ave nechivimbo chakadaro? Dhavhidhi ainyatsonzwa kuti Jehovha ane hanya naye, nekuti Jehovha aigara achimupa zvese zvaaida. Dhavhidhi aizivawo kuti Jehovha aiva shamwari yake uye kuti Jehovha aimufarira. Ndosaka aiva nechokwadi chekuti chero chaizoitika mune ramangwana, Jehovha aizoramba achimupa zvese zvaaida. Dhavhidhi aiva nechokwadi chekuti Jehovha aimuda uye aiva nehanya naye. Izvozvo zvakamubatsira kuti asanetseka, afare, uye agutsikane.—Pis. 16:11. w24.01 28-29 ¶12-13

Chishanu, July 25

Ndichange ndiinemi mazuva ese kusvikira pakuguma kwenyika.—Mat. 28:20.

Kubva panguva yeHondo Yenyika II, vanhu vaJehovha munyika dzakawanda vari kuparidza vakasununguka. Basa iroro riri kubudirira. Mazuva ano, nhengo dzeDare Rinotungamirira dzinoramba dzichitsvaga kutungamirirwa naKristu. Dzinoda kuti mirayiridzo yadzinopa hama iratidze maonero aMwari naKristu. Dare Rinotungamirira rinoshandisa vatariri vematunhu nevakuru pakupa mirayiridzo kuungano. Vakuru vakazodzwa vari ‘muruoko rwerudyi’ rwaKristu. (Zvak. 2:1) Asi vakuru ava vanhuwo vane chivi uye vanokanganisa. Mozisi naJoshua vaimbokanganisa, uye ndizvo zvaiitwawo nevaapostora. (Num. 20:12; Josh. 9:​14, 15; VaR. 3:23) Kunyange zvakadaro, zviri pachena kuti Kristu ari kunyatsotungamirira muranda akatendeka uye vakuru vakagadzwa, uye acharamba achidaro. Saka tine zvikonzero zvakanaka zvekuvimba nekutungamirirwa kwatinoitwa naye achishandisa vaya vakagadzwa kuti vatungamirire. w24.02 23-24 ¶13-14

Mugovera, July 26

Ivai vatevedzeri vaMwari, sevana vanodiwa.—VaEf. 5:1.

Mazuva ano tinogona kufadza Jehovha patinotaura nezvake, tichiratidza kuti tinoonga zvaanotiitira uye kumuda kwatinoita. Patinenge tiri muushumiri, tinoramba tichiyeuka kuti chinangwa chedu chikuru ndechekuita kuti vanhu vaswedere pedyo naJehovha, tichivabatsira kuti vaone Baba vedu vane rudo sezvatinoita. (Jak. 4:8) Tinofara chaizvo kuratidza vanhu zvinotaurwa neBhaibheri nezvaJehovha. Rinotaura nezverudo rwake, kutonga zvakarurama, uchenjeri, simba, nehumwe unhu hwakanaka hwaainahwo. Tinorumbidzawo Jehovha uye tinomufadza patinoita zvese zvatinogona kuti timutevedzere. Patinodaro, tinenge tichiratidza kuti takasiyana nevanhu vari munyika ino yakaipa. Uye zvinogona kuvashamisa kuti nei takasiyana navo. (Mat. 5:​14-16) Patinotaura navo, tinogona kuvatsanangurira kuti nei tichiita zvatinoita. Izvi zvichaita kuti vanhu vane mwoyo inoda chokwadi vanzwe vari pedyo naMwari wedu. Patinorumbidza Jehovha nenzira idzi, tinoita kuti afare.—1 Tim. 2:​3, 4. w24.02 10 ¶7

Svondo, July 27

[Iva munhu anokwanisa] kukurudzira . . . uye kutsiura.—Tito 1:9.

Kuti uve murume wechiKristu akasimba pakunamata, unofanira kudzidza zvinhu zvinokubatsira muupenyu. Izvi zvichakubatsira kuti ukwanise kuita mabasa ako muungano, uwane uye uchengetedze basa rinokuwanisa cheuviri kana kuti ukwanise kuriritira mhuri, uye kuti ukwanise kugarisana nevamwe zvakanaka. Semuenzaniso, dzidza kuverenga nekunyora zvakanaka. Bhaibheri rinoti munhu anoverenga Shoko raMwari zuva nezuva uye anorifungisisa anofara uye zvinhu zvinomufambira zvakanaka. (Pis. 1:​1-3) Kana munhu achiverenga Bhaibheri zuva nezuva, achaziva mafungiro aJehovha, uye izvozvo zvichamubatsira kuti afunge zvakanaka. (Zvir. 1:​3, 4) Hama nehanzvadzi dzedu dzinoda kubatsirwa nevarume vanokwanisa kudzidzisa uye kupa mazano anobva muBhaibheri. Kana uchikwanisa kuverenga uye kunyora zvakanaka, uchakwanisa kugadzirira hurukuro nemhinduro dzinobatsira vamwe uye dzinosimbisa kutenda kwavo. Uchakwanisawo kunyora pfungwa dzichakubatsira kuti usimbise kutenda kwako uye ukurudzire vamwe. w23.12 26-27 ¶9-11

Muvhuro, July 28

Uya ari pamwe nemi mukuru kune uya ari pamwe nenyika.—1 Joh. 4:4.

Paunenge uchitya, fungisisa zvichaitwa naJehovha mune ramangwana. Funga nezvemanzwiro auchaita Satani paanenge asisipo. Muenzaniso wakaitwa pagungano remunharaunda ra2014 wakaratidza vamwe baba vachikurukura nemhuri yavo kuti 2 Timoti 3:​1-5 yaizonyorwa sei kudai kuri kuti mavhesi iwayo aitaura zvichange zvakaita upenyu muParadhiso. Mavhesi acho aizoti: “Munyika itsva, nguva dzinofadza zvekufadza zviya dzichasvika. Nekuti vanhu vachava vanoda vamwe, vanoda kunamata, vanozvininipisa, vanorumbidza Mwari, vanoteerera vabereki, vanoonga, vakavimbika, vanoda mhuri dzavo, vanobvumirana, vanogara vachitaura zvakanaka nezvevamwe, vanozvidzora, vanyoro, vanoda zvakanaka, vakatendeseka, vanobvuma zvinodiwa nevamwe, vane pfungwa dzinozvininipisa, vanoda Mwari panzvimbo pekuda mafaro, vanonyatsozvipira kuna Mwari; usatombosiyana nevanhu vakadaro.” Munombokurukura here nevemumhuri menyu kana nevamunonamata navo zvichange zvakaita upenyu munyika itsva? w24.01 6 ¶13-14

Chipiri, July 29

Ndakufarira.—Ruka 3:22.

Zvinonyaradza kuziva kuti Jehovha anofarira vanhu vake seboka! Bhaibheri rinoti: “Jehovha anofarira vanhu vake.” (Pis. 149:4) Asi dzimwe nguva, vamwe vanogona kuodzwa mwoyo zvakanyanya, zvekuti vanganetseka kuti, ‘Jehovha anondifarira here?’ Vamwe vashumiri vaJehovha vakatendeka vanotaurwa muBhaibheri vaimboomerwa nekubvuma kuti Jehovha anovafarira. (1 Sam. 1:​6-10; Job. 29:​2, 4; Pis. 51:11) Bhaibheri rinotaura zvakajeka kuti vanhu vane chivi vanogona kufarirwa naJehovha. Zvingaitika sei izvozvo? Tinofanira kuva nekutenda muna Jesu Kristu, tobhabhatidzwa. (Joh. 3:16) Patinoita izvozvo, tinoratidza pachena kuti takapfidza zvivi zvedu uye kuti takavimbisa Mwari kuti tichaita kuda kwake. (Mab. 2:38; 3:19) Jehovha anofara patinotora matanho aya kuti tive neushamwari naye. Kana tikaita zvese zvatinogona kuti tirarame zvinoenderana nemhiko yedu yekuzvitsaurira, Jehovha anotifarira uye anotiona seshamwari dzake dzepedyo.—Pis. 25:14. w24.03 26 ¶1-2

Chitatu, July 30

Hatingaregi kutaura pamusoro pezvinhu zvatakaona nezvatakanzwa.—Mab. 4:20.

Tinogona kutevedzera vadzidzi vaJesu nekuramba tichiparidza kunyange hurumende ikarayira kuti tirege kuparidza. Tinogona kuva nechivimbo chekuti Jehovha achatibatsira kuti tiite ushumiri hwedu. Saka nyengetera kuti uve neushingi neuchenjeri uye kumbira Jehovha kuti akubatsire kutsungirira matambudziko. Vakawanda vedu tiri kutambura pamusana pekurwara kana kuti zvimwe zvinhu zvinotishungurudza, zvakadai sekufirwa, matambudziko emhuri, kutambudzwa, kana kuti mamwewo matambudziko. Uye zvinhu zvakadai sezvirwere zvinopararira uye hondo zvakaita kuti matambudziko akadai awedzere kuoma. Durura mwoyo wako kuna Jehovha. Muudze nezvedambudziko rako sekuudza kwawaizoita shamwari yepedyo. Iva nechokwadi chekuti Jehovha “achagadzirisa zvinhu.” (Pis. 37:​3, 5) Kuramba tichinyengetera kuchatibatsira kuti ‘titsungirire pakutambudzika.’ (VaR. 12:12) Jehovha anoziva zviri kusangana nevanamati vake. “Anonzwa kuchemera kwavo kubatsirwa.”—Pis. 145:​18, 19. w23.05 5-6 ¶12-15

China, July 31

Rambai muchiva nechokwadi chezvinhu zvinogamuchirika kunaShe.—VaEf. 5:10.

Kana tiine zvisarudzo zvinokosha zvatinoda kuita, tinofanira kunzwisisa “kuti kuda kwaJehovha ndekupi” tobva taita maererano nakwo. (VaEf. 5:17) Kana tikatsvaga mazano eBhaibheri anoshanda pamamiriro edu ezvinhu, tinenge tichiratidza kuti tinoda kuva nemafungiro aMwari panyaya yacho. Uye patinoshandisa mazano ake, kakawanda kacho tinoita zvisarudzo zvakanaka. Muvengi wedu Satani, uyo “akaipa,” anoda kuti tirambe takanyura mukuita zvinhu zviri munyika ino kuitira kuti tishaye nguva yekushumira Mwari. (1 Joh. 5:19) Zviri nyore chaizvo kuti muKristu atange kuisa pfungwa pakutsvaga pfuma, padzidzo, kana kuti pabasa, pane kuti adziise pamikana yaainayo yekushumira Jehovha. Kana izvozvo zvikaitika, zvinenge zvichiratidza kuti muKristu iyeye ari kukanganiswa nemafungiro enyika. Zvinhu izvi hazvina hazvo kuipa, asi hazvifaniri kuva pekutanga muupenyu hwedu. w24.03 24 ¶16-17

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe