Iwe Unoyeuka Here?
Wakawana zvinyorwa zvazvino uno zveNharireyomurindi kuva zvoukoshi hunoshanda kwauri here? Ipapo huregererei kuedza yeuko yako nemibvunzo inotevera:
▫ Neiko Zvapupu zvaJehovha zvichipfuurira kushanyira vavakidzani vazvo?
Zvapupu zvaJehovha izvo zvimene zvinoda chikomborero chaMwari kupfurikidza noUmambo hwakapikirwa, uye zvichisundwa nokuda vavakidzani vazvo, zvinoda chikomborero chimwe chetecho nokuda kwavo. Nokudaro, zvichitevera muenzaniso waJesu, zvinonzwa zvichisundwa norudo rusina udyire kushanyira vavakidzani vazvo. (Mateo 6:9, 10; 22:37-39)—8/15, mapeji 8, 9.
▫ Neiko kutenda mhindumupindu iri nhau yokutenda?
Vasayendisiti havana kutongoona chinjo—kunyange dzinobetsera—dzinoparira zvimiro zvitsva zvoupenyu, bva vezvemhindumupindu vanotaura kuti iyi ndiyo nzira marudzi matsva akavapo nayo. Vezvemhindumupindu havana kupupurira mavambo omuzvarirwo oupenyu, bva vanotaura kuti iyi ndiyo nzira iyo upenyu hwakavamba nayo.—9/1, peji 5.
▫ Tinogona sei kukurira zvakanakisisa kuodzwa mwoyo uko kungabva muganhuriro muupenyu?
Api kana api angava mamiriro edu ezvinhu, kana tikanangidzira ngwariro pane zvatinogona kuita panzvimbo pokuzvinetsa pamusoro pezvatisingagoni kuita, upenyu huchava hunogutsa zvikuru, uye tichawana mufaro mubasa raJehovha. (Pisarema 126:5, 6)—9/1, peji 28.
▫ Ndedzipi dziri betsero dzokukanganwira?
Kukanganwira vamwe kunotsigira ukama hwakanaka (VaEfeso 4:32); kunounza kwete bedzi rugare navanhu biyedu asi rugare rwomukatiwo (VaRoma 14:19; VaKorose 3:13-15); kukanganwira vamwe kunozarura nzira kuti zvivi zvedu zvikanganwirwe (Mateo 6:14); uyewo, kunotibetsera kuyeuka kuti isu timene tinoda kanganwiro. (VaRoma 3:23)—9/15, peji 7.
▫ Muenzaniso womuporofita Amosi unotibetsera sei mumubato wedu wokuparidza?
Kufanana naAmosi, hatichinji kana kuti kurerutsa shoko raMwari. Panzvimbo pezvo, tinorizivisa nenzira yokuteerera pasinei zvapo nokuita kwavanzwi vedu.—9/15, peji 17.
▫ Mavarai aMwari atinofanira kutevedzera?
Maviri anokosha ndeemano aJehovha okuronga uye mufarwa wake. (1 VaKorinte 14:33; 1 Timotio 1:11) Aya mavara aMwari akadzikamiswa, zvokuti rimwe rawo hariitwi guru kukukuvara kwerimwe.—10/1, peji 10.
▫ Matanhoi akanaka ayo vabereki vakaita kuti vabetsere vana vavo kubatira Jehovha?
Chinhu chinokosha kukurumidza kutanga. Mifungo inogamuchirwa uye zvidzidzo zvinodzidzwa mukati memakore ouduku zvichagara kwoupenyu hwose. (Zvirevo 22:6) Kunokosha kuvadzidzisa kuteerera uye kuremekedza Jehovha nokunamatwa kwake pamisangano yose. Vabereki vanobudirira vanodzidza kuziva miitiro isina kururama, uye vanobetsera vana vavo kuiruramisa. (Zvirevo 22:15) Pakupedzisira, kurumidza kutanga kugadzira mwana wako nharidzano dzoubati ushe hwaMwari idzo anogona kusvika nenzira ine mufungo.—10/1, mapeji 27-8.
▫ Chinhui chinotsauranisa chokukanganwira kwaJehovha chatinofanira kuedza kushandisa?
Jehovha anoita zvose zviri zviviri kukanganwira nokukanganwa. (Jeremia 31:34) Ikoku kwakaomera zvisikwa zvavanhu kuita. Ukoshi hwokuita saizvozvo hwakasimbiswa naJesu, sezvakanyorwa pana Mateo 6:14, 15.—10/15, mapeji 25-6.
▫ Imhinganidzoi nhatu kukuva kwedu vanonzwira tsitsi?
Nemhaka yomusikirwo wounhu hwedu hwokutadza, mirangariro yeshanje inogona kusimba. Kana tikaitira mumwe munhu shanje, tinogona sei kumubata netsitsi nyoro? Kuratidzirwa kusiri madikanwa kumasimba masimba ndeimwe mhinganidzo. Ikoku kunotiita vasinganzwiri tsitsi kutambura kwavamwe. Kupfuurirazve, munhu ane udyire sezvingabvira achashaiwa tsitsi. (1 Johane 3:17)—11/1, mapeji 19, 20.
▫ Zvidzidzoi zvinogona kudzidzwa munhoroondo yapaMagwaro pamusoro paJobho?
Nhoroondo yaJobho inotiita kuti tizive zvikuru nezvemazano aSatani uye inotibetsera kuona kuti uchangamire hwechisiko chose hwaJehovha hune chokuitai neperero yomunhu. Kufanana naJobho, avo vose vanoda Mwari vanofanira kuedzwa. Isuwo tinogona kutsungirira sezvakaita Jobho, kubvumikisa Satani kuva murevi wenhema, uye kufarikanya zvikomborero zvoUmambo hwaMwari.—11/15, peji 20.
▫ Sachigaro womutumbi wavakuru anogona sei kuratidza kuonga kwakafanira kumukuru mumwe nomumwe?
Panguva ipi kana ipi apo kunobvira sachigaro anofanira kugovera ndaza yezvichakurukurwa pachine nguva mberi yakakwana zvikuru kuti abvumire vamwe vakuru nguva yokurangarira kwokungwarira nomunyengetero kupfundo rimwe nerimwe rinoratidzwa. Pamusangano wavakuru, haasati achizoedza kuumba mifungo yavakuru asi kuvakurudzira kushandisa “rusununguko rwokutaura” panhau dziri kukurukurwa. (1 Timotio 3:13, NW)—12/1, peji 30.