RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w01 1/15 p. 3
  • Nei Tichifanira Kukudziridza Kunaka?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nei Tichifanira Kukudziridza Kunaka?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Mashoko Akafanana
  • Kukudziridza Kwatingaita Kunaka
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Uri Kuronda Kunaka Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Tingagovera Sei Kunaka Kukutenda Kwedu?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Gamuchira Zvipikirwa zvaMwari Kupfurikidza Nokushandisa Kutenda
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
w01 1/15 p. 3

Nei Tichifanira Kukudziridza Kunaka?

MURUME womuJapan wezera rapakati anonzi Kunihito akatamira kuUnited States nguva pfupi yapfuura.a Vhiki shomanana asvika, akanangana nemamiriro ezvinhu angadai akakanganisa basa rake. Kunihito anorondedzera kuti: “Apo mukuru wangu akandikumbira kana ndaigona kuita rimwe basa, ndakanzwa ndine chivimbo chokuribvuma. Asi, sezvo ndakarerwa ndichiona kuzvininipisa sechinhu chakanaka, ndakapindura kuti: ‘Handina chokwadi kana ndichikwanisa kuriita, asi ndichaedza nepandinogona napo.’ Kumukuru wangu wokuAmerica, izvi zvakaita sokuti ndakanga ndisingakwanisi uye kuti ndakanga ndisina chivimbo. Pandakaziva izvozvo, ndakaona kuti ndaifanira kuchinja.”

Maria, anogara muNew York City, akanga ari mudzidzi anogona zvikuru, nguva dzose achida kubatsira vaanodzidza navo. Juan akanga ari mumwe mudzidzi aiwanzobatsirwa naMaria. Asi akatangawo kuda Maria uye akaedza kumuorora. Pasinei zvapo nokuda kwake kuramba akachena mutsika, Maria akabvuma zvaidiwa naJuan uye akatanga kuita muitiro usina kunaka wokurara naye.

Kuratidza kunaka munyika yanhasi iri kusiyana netsika uye yakashatiswa mumufambiro zvechokwadi kwakaoma. Nokudaro nei tichifanira kukudziridza kunaka? Nokuti mufambiro wakanaka unofadza Mwari, uye vakawanda vedu zvechokwadi tinoda kuwana nyasha dzake.

Shoko raMwari, Bhaibheri, rinokurudzira vaverengi varo kukudziridza kunaka. Somuenzaniso, muapostora Pauro anonyora kuti: “Kunaka kwose kungavapo, zvinhu zvose zvinorumbidzwa zvingavapo, rambai muchifunga zvinhu izvi.” (VaFiripi 4:8) Uye muapostora Petro anotikurudzira kuti ti‘shingaire nomwoyo wose kuwedzera kunaka pakutenda kwedu.’ (2 Petro 1:5) Asi kunaka chii? Kungadzidziswa muchikoro here? Tingakukudziridza sei?

[Mashoko Omuzasi]

a Mamwe mazita akachinjwa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe