RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w05 1/15 pp. 3-4
  • Zvinozoitika Muupenyu Hwako Zvinodzorwa Nei?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvinozoitika Muupenyu Hwako Zvinodzorwa Nei?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Mashoko Akafanana
  • Ungadzora Zvinozoitika Muupenyu Hwako Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Kutsvaka Zvakafanosarudzirwa Munhu
    Mukai!—1999
  • “Nguva Yangu Yokufa Yanga Isati Yakwana”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Nguva Yedu Yemberi Yakanyorwa Pachine Nguva Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
w05 1/15 pp. 3-4

Zvinozoitika Muupenyu Hwako Zvinodzorwa Nei?

“VANHU havachambogoni kudzora zvinozoitika muupenyu hwavo kungofanana nemhuka ipi neipi,” anonyora kudaro mumwe anodavira kuti zvinhu zvakashanduka shanduka anonzi John Gray. Mumwe munyori anonzi Shmuley Boteach anotaura pfungwa yakanyatsosiyana neiyi mubhuku rake rinonzi An Intelligent Person’s Guide to Judaism. Anoti: “Munhu haasi mhuka, naizvozvo agara achidzora zvinozoitika muupenyu hwake.”

Vanhu vakawanda vanobvumirana naGray uye vanodavira kuti midzimu isingaoneki yezvinhu zvose zvakasikwa ndiyo inodzora zvinozoitika muupenyu hwemhuri yevanhu. Vamwe vanoona munhu sechisikwa chaMwari chakapiwa simba rokukwanisa kudzora zvinozoitika mune ramangwana racho.

Vamwe vanofunga kuti ramangwana ravo rinodzorwa nevanhu vane simba. Maererano nomumwe munyori anonzi Roy Weatherford, “vanhu vazhinji munyika yose—uye zvikurukuru vakadzi vakawanda kubva munhoroondo yezvakaitika—havana . . . simba kana kuti havakwanisi kudzora zvinozoitika muupenyu hwavo pamusana pezvikonzero zvakajeka zvoudzvinyiriri hwevanhu uye kushandisa vamwe zvisina kufanira.” (The Implications of Determinism) Vakawanda vakawana zvavaida kuti zviitike mune ramangwana ravo rinofadza zvichikanganiswa nemasimba ezvematongerwe enyika kana kuti echiuto anokwikwidzana.

Vamwe kubva mune zvakaitika kare vakanzwa vasingabatsiri nokuti vakafunga kuti masimba emidzimu akadzora zvakazoitika kwavari muupenyu. “VaGiriki vekare vaiva nepfungwa yakadzika midzi yokuti zvose zvinoitwa nevanhu hazvina zvazvinobatsira sezvo vasingagoni kukunda zvavakafanosarudzirwa zvinozoitika kwavari muupenyu,” anodaro Boteach. Vaifunga kuti zvinozoitika muupenyu hwomunhu mumwe nomumwe zvaisarudzwa navanamwarikadzi vaingoerekana vachinja pfungwa. Vaidavira kuti vanamwarikadzi ava vaisarudza kuti munhu achafa rini uyewo kuora mwoyo kwaanofanira kuva nako nemarwadzo zvaaizofanira kutsungirira muupenyu hwake hwose.

Kudavira kuti zvinozoitika muupenyu hwomunhu zvinodzorwa nerimwe simba risiri munhu kwakapararira nhasi. Somuenzaniso, vanhu vakawanda vanodavira Kismet, kana kuti dzidziso yokutemerwa mugumo. Vanotaura kuti Mwari akafanosarudza zvinozoitika pazvinhu zvose zvinoitwa nevanhu nenguva inofa munhu. Panewo dzidziso yokuti zvose zvinoitika zvakagara zvarongwa, inosimudzira pfungwa yokuti “kuponeswa kana kuti kutambudzwa muhero kunozoitwa munhu mumwe nomumwe kwakafanorongwa” naMwari Wamasimbaose. Vakawanda vanozviti vaKristu vanotsigira dzidziso iyi.

Unofungei? Zvinozoitika muupenyu hwako zvakatorongwa nemasimba ausingagoni kudzora zvachose here? Kana kuti mashoko akanyorwa nomunyori wemitambo yeChirungu William Shakespeare, ndeechokwadi here paakanyora kuti: “Pane imwe nguva vanhu vanodzora zvinozoguma zvaitika kwavari”? Chimbofunga zvinotaurwa neBhaibheri panyaya iyi.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe