RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w09 3/1 p. 3
  • “Nguva Yangu Yokufa Yanga Isati Yakwana”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Nguva Yangu Yokufa Yanga Isati Yakwana”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Mashoko Akafanana
  • Kutsvaka Zvakafanosarudzirwa Munhu
    Mukai!—1999
  • Tsaona—Ijambwa Kana Kuti Migariro Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Kufanorongerwa Here Kana Kuti Zvinongozviitikira Zvega?
    Mukai!—1999
  • Chinhu Chimwe Nechimwe Chine Nguva Yacho
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
w09 3/1 p. 3

“Nguva Yangu Yokufa Yanga Isati Yakwana”

Mumwe mutyairi wemotokari hombe yemarara akatadza kudzora motokari yake. Motokari yacho yakabuda mumugwagwa, ndokunorova mumwe murume nomudzimai wake nerimwe jaya raiva nemakore 23 vaizvifambira zvavo. Maererano nerimwe pepanhau rokuNew York City, murume nomudzimai wacho vakangofira ipapo uye jaya racho rakangoti zii asi risina kufa. Parakamuka ndokuona zvakanga zvaitika, rakatanga kufunga kuti: ‘Inga zvinoshamisa. Ndapota Mwari, ndibatsireiwo ndipone.’ Rakati, “Nguva yangu yokufa yanga isati yakwana.”

ZVIMWE wakambonzwa nezvenyaya dzakada kudai. Munhu paanopona nepaburi retsono, vanhu vanoti, ‘Nguva yake yanga isati yakwana,’ asi panofa munhu mutsaona isinganzwisisiki vanoti, ‘Nguva yake yanga yakwana’ kana kuti ‘Mwari aita kuda kwake.’ Chero vakati zvanga zvakarongwa, irombo rakanaka, kana kuti ndiMwari, pfungwa yacho yakafanana. Vanhu vakawanda vanodavira kuti zvinoitika muupenyu hwavo zvakafanorongwa uye kuti hapana zvavanokwanisa kuita kuti zvichinje. Vanhu havangofungi izvi panoitika rufu kana kuti tsaona chete; uye havana kutanga mazuva ano.

Somuenzaniso, vaBhabhironi vekare vaidavira kuti zvinhu zvinoitwa nevanhu zvinotemwa nenyeredzi uye kufamba kwadzinoita. Saka vaitarisa mudenga vachitsvaka zviratidzo zvokuvatungamirira. VaGiriki uye vaRoma vainamata vanamwarikadzi vainzi vaifanoronga zvinozoitika muupenyu hwomunhu, avo vaiva nesimba rokuti vanhu vave nerombo rakanaka kana kuti rakaipa, dzimwe nguva vaiita simba rinopfuura kunyange ravanamwari vaiva pamusoro, Zeus naJupiter.

Vanhu vokumabvazuva, vaHindu uye vaBhudha vanodavira kuti zvinenge zvichiitika kumunhu zvinobva pane zvaakaita paaimborarama, uye zvaanenge achiita panguva iyoyo zvinotema kuti achararama sei mune humwe upenyu. Zvimwe zvitendero, kusanganisira machechi akawanda echiKristudhomu zvinotsigirawo pfungwa iyoyo pazvinodzidzisa kuti zvose zvinoitika muupenyu hwomunhu zvakagara zvarongwa naMwari.

Saka, hazvimboshamisi kuti kunyange panguva yatiri kurarama iyo vanhu vanotenda zvinhu zvichienderana nouchapupu hwavanoona, vakawanda vachiri kudavira kuti mamiriro avo ezvinhu muupenyu, zvinoitika muupenyu hwavo zuva nezuva, uye zvinozoguma zvaitika kwavari, zvose zvinenge zvakafanorongwa uye kuti hapana zvavanogona kuita kuti zvisaitika. Aya ndiwo mafungiro ako pamusoro poupenyu here? Ichokwadi here kuti zvinoitika muupenyu, kubudirira uye kusabudirira, kunyange kuberekwa norufu zvakagara zvarongwa? Upenyu hwako hwakafanorongwa here? Ngationei kuti Bhaibheri ringatibatsira sei kupindura mibvunzo iyi.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 3]

Ken Murray/New York Daily News

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe