Chikumbiro Chiri Kuitwa Pasi Rose
FUNGIDZIRA mazana emamiriyoni kana kutoti mabhiriyoni evanhu, vose vachikumbira chinhu chimwe chete. Vari kukumbira munhu ane simba kupfuura vose kuti avaitire chimwe chinhu. Asi vashomanana vavo ndivo vanonyatsoziva zvavari kukumbira. Zvinhu zvakadaro zvingaitika zvechokwadi here? Kutaura zvazviri, izvozvo zviri kuitika zuva nezuva. Vanhu vose ava vari kukumbirei? Kuuya kwoUmambo hwaMwari!
Zvinofungidzirwa kuti kune machechi angada kusvika 37 000 anozviti vaKristu, achiti Jesu Kristu ndiye Mutungamiriri wawo. Vanhu vanopinda machechi iwayo vanodarika mabhiriyoni maviri. Vazhinji vavo vanoita munamato unowanzonzi Baba Vedu kana kuti Munamato waShe. Munamato uyu unouziva here? Jesu akaudzidzisa vateveri vake seizvi: “Baba vedu vari kumatenga, zita renyu ngaritsveneswe. Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitwe panyika, sezvakunoitwa kudenga.”—Mateu 6:9, 10.
Kwemazana emakore, vanamati vave vachinamata vachidzokorora mashoko iwayo mumachechi. Vanoadzokororawo semhuri uye somunhu mumwe nomumwe, munguva dzinofadza nedzinotambudza. Vanotaura mashoko acho nomwoyo wose, vakaperera. Vamwe vakawanda vakaaisa mumusoro uye vanoataura vasingatombofungi zvaanoreva. Ava vanozviti vaKristu havasi voga vanotarisira uye vanonamatira kuuya kwoUmambo hwaMwari.
Chikumbiro Chinoitwawo Nevasiri vaKristu
Munamato unozivikanwa zvikuru wechitendero chechiJudha, munamato wemariro unonzi Kaddish. Kunyange zvazvo usingatauri zvakawanda nezvorufu kana kuchema, kazhinji unoitwa munguva dzokufirwa. Munamato wacho unoti: “[Mwari] ngaagadze Umambo hwake muupenyu hwako . . . , kana kutoti nokukurumidza.”a Mumwe munamato waiitwa kare musinagogi unotaura nezvetariro yoUmambo hwaMesiya weimba yaDhavhidhi.
Vamwe vezvitendero zvisiri zvechiKristu vanofarira nyaya yokuuya kwoUmambo hwaMwari. Maererano nerimwe pepanhau rinonzi The Times of India, mumwe mutungamiriri wechitendero wokuIndia aiva akakurumbira muzana remakore rechi19, uyo aifarira kutsvaga zvinobvumiranwa pakati pechiHindu, chiMuslim, uye chiKristu, akati: “Umambo hwaMwari hwechokwadi hauzombouyi kutoti mabvazuva nemadokero zvabatana.” Uye munguva ichangobva kudarika mukuru wepakoreji yechiIslam muStrathfield, Australia, akanyorera rimwe pepanhau kuti: “Sevamwe vechiMuslim vose ini ndinotenda kuti Jesu achadzoka ogadza Umambo hwaMwari hwechokwadi.”
Pasina mubvunzo, iye zvino vanhu vane tariro yoUmambo hwaMwari uye vanohukumbira vava kusvika mabhiriyoni. Asi chimbofunga nezvechimwe chinhu chinonakidza.
Ungave uchiziva kuti isu Zvapupu zvaJehovha, vabudisi vemagazini ino, tinoenda paimba neimba munharaunda yenyu tichikurukura Bhaibheri nevanhu. Kutaura kuno, tiri kuita basa iri pasi rose munyika 236 uye mumitauro inopfuura 400. Tinonyanya kuparidza nezvoUmambo hwaMwari. Ona kuti zita rakazara remagazini ino rinotonzi Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha. Tinowanzobvunza vanhu kana vachinamatira Umambo ihwohwo. Vakawanda vanoti vanodaro. Asi pavanobvunzwa kuti Umambo ihwohwo chii, ruzhinji rwavo runopindura kuti, “Handizivi,” kana kuti zvavanopindura hazvina kujeka uye havana chokwadi.
Nei vakawanda kudaro vachikumbira chinhu chavasingazivi kuti chii? Imhaka here yokuti Umambo hwaMwari chinhu chisinganzwisisiki, chisina kujeka? Kwete. Umambo hunotsanangurwa zvizere uye zvakajeka muBhaibheri. Uyezve, mashoko eBhaibheri pamusoro peUmambo anogona kukupa tariro chaiyo munguva dzino dzinotambudza. Munyaya inotevera tichaona kutsanangurwa kunoitwa tariro iyoyo neBhaibheri. Zvadaro tozoona kuti munamato waJesu wokuti Umambo huuye uchapindurwa rini.
[Mashoko Omuzasi]
a Sezvakaita munamato womuenzaniso wakapiwa naJesu, munamato wemariro unonzi Kaddish unokumbirawo kuti zita raMwari ritsveneswe. Kunyange paine makakatanwa okuti munamato uyu ndewenguva dzaKristu kana kuti asati auya, hatifaniri kushamiswa nokufanana kwawakaita nomunamato womuenzaniso. Munamato waJesu hauna kuitirwa kuchinja zvinhu. Chikumbiro chimwe nechimwe chaibva paMagwaro aiwanika nevaJudha vose panguva iyoyo. Jesu aikurudzira vaJudha kunamatira zvinhu zvavaifanira kunge vaitonamatira nechekare.