RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w08 1/1 pp. 5-7
  • Umambo hwaMwari Chii?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Umambo hwaMwari Chii?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Mashoko Akafanana
  • Umambo hwaMwari Chii?
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Chii Chinonzi Umambo hwaMwari?
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
  • Zvakadzidziswa naJesu NezveUmambo hwaMwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Umambo hwaMwari Chii?
    Mwari Anodei Kwatiri?
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
w08 1/1 pp. 5-7

Umambo hwaMwari Chii?

JESU ainyanya kuparidza nezvechii? Maererano naiye pachake, Umambo hwaMwari. (Ruka 4:43) Vanhu pavaimuteerera achitaura, chokwadi vakamunzwa kakawanda achitaura nezvoUmambo ihwohwo. Zvakavatenderedza musoro here kana kuvashamisa? Vakamubvunza here kuti Umambo ihwohwo chaimbova chii? Aiwa. MuEvhangeri hamuna kunyorwa mibvunzo yakadaro. Saka Umambo hwaMwari inyaya yaizivikanwa nevanhu ivavo here?

Chokwadi ndechokuti, Magwaro ekare airemekedzwa nevaJudha sematsvene aitsanangura Umambo ihwohwo, achirondedzera nemashoko akajeka uye echokwadi zvahuri nezvahuchaita. Nhasi, tinogonawo kudzidza zvakawanda nezvoUmambo ihwohwo nokuverenga Bhaibheri. Ngatimbotarisa pfungwa nomwe dzechokwadi dzinodzidziswa neBhaibheri nezvoUmambo hwaMwari. Nhatu dzokutanga dzaizivikanwa nevaJudha vomunguva yaJesu uye nevakararama asati auya. Nhatu dzinotevera dzakabudiswa pachena naKristu kana kuti nevaapostora vake muzana remakore rokutanga. Yechinomwe yakava pachena mazuva ano.

1. Umambo hwaMwari ihurumende chaiyo, iyo ichavapo nokusingaperi. Uprofita hwokutanga huri muBhaibheri hunotaura kuti Mwari aizotuma mununuri kuvanhu vanotenda. Achidaidzwa kuti “mwana,” Iyeyu aizogadzirisa matambudziko akakoromorwa nokupanduka kwaAdhamu, Evha uye Satani. (Genesisi 3:15) Papera nguva yakawanda, Mambo Dhavhidhi aiva akatendeka akaudzwa chimwe chinhu chinofadza nezvo“mwana” uyu kana kuti Mesiya. Aizova mambo. Hurumende yake yaizosiyana nedzimwe dzose. Yaizovapo nokusingaperi.—2 Samueri 7:12-14.

2. Umambo hwaMwari huchaparadza hurumende dzose dzevanhu. Muprofita Dhanieri akaratidzwa kutevedzana kwenyika dzine masimba okutonga pasi rose, kusvika munguva ino yatiri. Chinzwa kuti zvaakaratidzwa zvacho zvinopera sei: “Zvino mumazuva emadzimambo iwayo [okupedzisira evanhu], Mwari wokudenga achamutsa umambo husingazomboparadzwi. Umambo hwacho hahuzopfuudzwi kune vamwe vanhu. Huchapwanya, hwogumisa umambo hwose uhwu, uye ihwo huchamira nokusingagumi.” Saka umambo hwose, kana kuti hurumende dzenyika ino, hondo, udzvanyiriri nouori, zvose zvichaparadzwa nokusingaperi. Sezvinotaurwa nouprofita hwaDhanieri, munguva pfupi Umambo hwaMwari huchatonga pasi rose. (Dhanieri 2:44, 45) Umambo ihwohwo ndohwechokwadi uye ndiyo hurumende chete ichavapo nokusingaperi.a

3. Umambo hwaMwari huchapedza hondo, zvirwere, nzara, kunyange rufu chairwo. Uprofita hunofadza hweBhaibheri hunotaura zvichaitwa noUmambo hwaMwari pasi pano. Hurumende iyoyo ichaita zvisina kumboitwa nemasangano evanhu uye zvaasingambofi akaita. Pafunge, kuparadza zvachose zvombo zvose zvehondo! “Anogumisa hondo kusvikira kumugumo wenyika.” (Pisarema 46:9) Hapasisina vanachiremba, zvipatara chero zvirwere zvakaita sei. “Hakuna mugari wemo achati: ‘Ndiri kurwara.’” (Isaya 33:24) Hapasisina nzara, kushomeka kwezvokudya kana kushaya zvokudya zvinovaka muviri. “Panyika pachava nezviyo zvizhinji kwazvo.” (Pisarema 72:16) Hapasisina mariro, kupupudza, makuva, mamochari kana kusuruvara kunokonzerwa nazvo. Rufu, muvengi anongoti nangananga nesu, achatsakatiswa pakupedzisira. Mwari “achaparadza rufu nokusingaperi, uye Changamire Ishe Jehovha achapukuta misodzi pazviso zvose.”—Isaya 25:8.

4. Umambo hwaMwari hune Mutongi akasarudzwa naMwari. Mesiya haana kuzviisa pachigaro uye haana kusarudzwa nevanhu. Akasarudzwa naJehovha Mwari. Izvozvo ndizvo zvinoreva mazita okuti Mesiya uye Kristu. Mazita aya ari maviri anoreva kuti “Akazodzwa.” Saka Mambo uyu akazodzwa kana kuti akasarudzwa naJehovha kuti aite basa iri rinokosha. Mwari anoti nezvake: “Tarirai! Mushumiri wangu, wandinoramba ndakabata zvakasimba! Wandakasarudza, akafarirwa nomweya wangu! Ndaisa mudzimu wangu maari. Iye achaunzira marudzi kururamisira.” (Isaya 42:1; Mateu 12:17, 18) Ndiani angapfuura Musiki wedu pakunyatsoziva Mutongi akatikodzera?

5. Mutongi woUmambo hwaMwari akaratidza vanhu vose kuti akakodzera kutonga. Jesu wokuNazareta akaratidza kuti ndiye Mesiya akanga akafanotaurwa. Akaberekerwa mudzinza rakanga rataurwa naMwari. (Genesisi 22:18; 1 Makoronike 17:11; Mateu 1:1) Ari pasi pano, akazadzisa uprofita gumi nefararira hwaitaura nezvaMesiya hwakanga hwanyorwa mazana emakore akanga adarika. Inzwi rakabva kudenga rakati aiva Mesiya. Sei zvakadaro? Nokuti Mwari akataura ari kudenga, achimuzivisa soMwanakomana wake; ngirozi dzakataura kuti Jesu ndiye aiva Mesiya akanga akafanotaurwa; uye Jesu akaita zvishamiso, kakawanda paine mazana kana zviuru zvevaiona uye zviri pachena kuti zvose zvaiitwa nesimba raMwari.b Jesu akaratidza aratidzazve kuti aizova Mutongi akaita sei. Aiva nesimba nechido chokubatsira vanhu. (Mateu 8:1-3) Aisangoda zvakamunakira asi ainzwira ngoni, aiva akashinga uye aizvininipisa. Zvaakaita ari pasi pano zvirimo muBhaibheri kuti vanhu vose vaverenge.

6. Umambo hwaMwari hune vanhu 144- 000 vachatonga naKristu. Jesu akati vamwe vanhu, kusanganisira vaapostora vake, vaizotonga naye vari kudenga. Vanhu ava akavati i“boka duku.” (Ruka 12:32) Papera nguva, muapostora Johani akazoudzwa kuti boka duku iri raizova nevanhu 144 000. Vachava nebasa rinofadza kudenga, rokutonga naKristu semadzimambo uye sevapristi.—Zvakazarurwa 5:9, 10; 14:1, 3.

7. Umambo hwaMwari huri kutonga kudenga iye zvino, uye hwagadzirira kutanga kutonga pasi rose. Pfungwa iyi yokupedzisira ndeimwe inofadza zvikuru yatingadzidza. Bhaibheri rinopa uchapupu hwakawanda hwokuti Jesu akapiwa masimba okuti ave Mambo kudenga. Iye zvino ari kutonga ari ikoko, zvokuti pasina nguva achatonga pasi pano uye achazadzisa uprofita hunoshamisa hwatambotaura nezvahwo. Asi tingaziva sei kuti izvozvi Umambo hwaMwari huri kutotonga? Uye huchatanga rini kutonga pasi pano?

[Mashoko Omuzasi]

a Uprofita hwakadai sohuno hunoratidza kuti Umambo hwaMwari hachisi chinhu chiri mumwoyo yedu sokudzidziswa kwave kuchiitwa vanhu vakawanda. Ona nyaya inoti “Vaverengi Vanobvunza Kuti,” iri papeji 13.

b Somuenzaniso, verenga Mateu 3:17; Ruka 2:10-14; Johani 6:5-14.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe