RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w09 2/1 pp. 24-25
  • Josiya Akasarudza Kuita Zvakanaka

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Josiya Akasarudza Kuita Zvakanaka
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Mashoko Akafanana
  • Josiya Aiva Neshamwari Dzakanaka
    Dzidzisai Vana Venyu
  • Josia Anozvininipisa Aidiwa naJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • Josiya Aida Mutemo waMwari
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Unogona Kubudirira Pasinei Nokurerwa Kwawakaitwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
w09 2/1 pp. 24-25

Dzidzisa Vana Vako

Josiya Akasarudza Kuita Zvakanaka

UNOFUNGA kuti zvakaoma here kuita zvakanaka?a— Kana uchifunga kudaro, hausi woga. Kunyange vanhu vakuru vanoomerwawo nokuita zvavanoziva kuti zvakanaka. Ngationei kuti nei zvakanga zvakaoma kuti Josiya asarudze kuita zvakanaka. Unoziva here kuti Josiya aiva ani?—

Josiya akanga ari mwanakomana waAmoni, mambo wevaJudha, uyo aingova nemakore 16 apo Josiya akaberekwa. Amoni akanga akaipa kwazvo, kungofanana nezvakanga zvakaita baba vake, Mambo Manase. Chokwadi, Manase aiva mutongi akaipa kwemakore akawanda. Asi akazosungwa nevaAsiriya akaendeswa ari musungwa kure kuBhabhironi. Paaiva mujeri, Manase akakumbira Jehovha kuti amukanganwire, uye Jehovha akamukanganwira.

Manase paakasunungurwa, akadzokera kuJerusarema uye akatanga kutongazve samambo. Akagadzirisa zvakaipa zvaakanga aita nokukurumidza uye akabatsira vanhu pakushumira Jehovha. Zvinofanira kunge zvakamushungurudza mwanakomana wake Amoni paasina kutevedzera muenzaniso wake wakanaka. Iyi ndiyo inenge nguva yakaberekwa Josiya. Bhaibheri haritauri kuti Manase akapedza nguva yakawanda sei aine muzukuru wake Josiya. Asi unofunga kuti Manase angave akaedza kumubatsira kuti ashumire Jehovha here?—

Manase akafa Josiya ava nemakore matanhatu chete, uye baba vaJosiya, Amoni, vakava mambo. Amoni akatonga kwemakore maviri chete vashandi vake vachibva vamuuraya. Saka Josiya akava mambo wevaJudha aine makore masere. (2 Makoronike, chitsauko 33) Unofunga kuti chii chakaitika? Josiya akatevedzera here muenzaniso wakashata wababa vake Amoni, kana kuti akatevedzera muenzaniso wakanaka wasekuru vake vakapfidza, Manase?—

Kunyange Josiya akanga ari muduku, aiziva kuti aida kushumira Jehovha. Saka akateerera vaya vaida Jehovha pane kuti ateerere vaya vaimbova shamwari dzababa vake. Josiya aingova nemakore masere, asi aiziva kuti zvakanga zvakanaka kuteerera vanhu vaida Mwari. (2 Makoronike 34:1, 2) Ungada here kuziva nezvevaya vaipa Josiya mazano uye vaiva mienzaniso yakanaka kwaari?—

Muprofita Zefaniya ndemumwe akava muenzaniso wakanaka kuna Josiya. Aiva hama yaJosiya nokuti angangove aiva muzukuru wababa vaManase, Mambo aiva akanaka Hezekiya. Josiya achangotanga kutonga, Zefaniya akanyora bhuku romuBhaibheri rine zita rake. Zefaniya akanyevera nezvezvakaipa zvaizoitika kune vaya vakanga vasarudza kuita zvakaipa, uye zviri pachena kuti Josiya akateerera mashoko iwayo.

Mumwe wacho ndiJeremiya, ungangove wakambonzwa nezvake. Jeremiya naJosiya vaiva majaya vose uye vakakurira munzvimbo dzaiva pedyo nepedyo. Jehovha akafuridzira Jeremiya kuti anyore bhuku romuBhaibheri rine zita rake. Josiya paakafa kuhondo, Jeremiya akanyora rwiyo rwemariro achiratidza kuti akanga arwadziwa zvikuru. (2 Makoronike 35:25) Chokwadi, tinogona kufungidzira kukurudzirana kwavaiita kuti varambe vakatendeka kuna Jehovha!

Unofunga kuti unodzidzei kuna Josiya?— Kana usina baba vanonamata Jehovha, sezvaakanga akaita, pane mumwe munhu angakubatsira kuti udzidze nezvaMwari here? Munhu iyeye angangova amai vako, ambuya kana sekuru vako, kana imwewo hama yako. Pamwe angangova munhu ari kushumira Jehovha, anobvumirwa naamai vako kuti adzidze newe Bhaibheri.

Chero zvazvingava, kunyange zvazvo Josiya aiva mwana, akanga akura zvokuziva kuti aifanira kushamwaridzana nevanhu vaishumira Jehovha. Itawo zvakafanana wosarudza kuita zvakanaka!

a Kana uri kuverenga nomwana, kamutsetse ako kari kungokuyeuchidza kumbotura befu uye kukurudzira mwana kuti ataure zvaanofunga.

Mibvunzo:

  • Ungataura here zita rababa vaJosiya nerasekuru vake, uye kuti vaiva varume vakaita sei?

  • Sekuru vaJosiya vakachinja sei mararamiro avaiita?

  • Vaprofita vaviri vangangove vakabatsira Josiya vainzi vanaani, uye nei uchifunga kuti zvinokosha kuva neshamwari dzakadaro?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe