RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • yc chidzidzo 8 pp. 18-19
  • Josiya Aiva Neshamwari Dzakanaka

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Josiya Aiva Neshamwari Dzakanaka
  • Dzidzisai Vana Venyu
  • Mashoko Akafanana
  • Josiya Akasarudza Kuita Zvakanaka
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Josiya Aida Mutemo waMwari
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Josia Anozvininipisa Aidiwa naJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • Mambo Wokugumisira waIsraeri
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
Ona Zvimwe
Dzidzisai Vana Venyu
yc chidzidzo 8 pp. 18-19
Mambo Josiya ari kuteerera shamwari yake Jeremiya

CHIDZIDZO 8

Josiya Aiva Neshamwari Dzakanaka

Unofunga kuti zvakaoma here kuita zvakanaka?— Vanhu vakawanda vanofunga kuti zvakaoma. Bhaibheri rinotiudza kuti zvainge zvakanyanya kuomera mukomana ainzi Josiya kuti aite zvakanaka. Asi aiva neshamwari dzakanaka dzaimubatsira. Ngatidzidzei zvakawanda nezvaJosiya neshamwari dzake.

Baba vaJosiya vainzi Amoni, mambo waJudha. Amoni ainge akaipa zvikuru uye ainamata zvidhori. Baba vaJosiya pavakafa, Josiya akava mambo waJudha. Asi aingova nemakore 8 chete! Unofunga kuti ainge akaipa sababa vake here?— Ainge asina!

Muprofita Zefaniya ari kuudza vaJudha mashoko abva kuna Jehovha

Zefaniya akaudza vanhu kuti vasanamate zvidhori

Kunyange paakanga ari mudiki zvikuru, Josiya aida kuteerera Jehovha. Saka akasarudza kungoshamwaridzana chete nevanhu vaida Jehovha. Uye vakabatsira Josiya kuti aite zvakanaka. Ndivanaani vaiva dzimwe shamwari dzaJosiya?

Mumwe weshamwari dzake aiva Zefaniya. Zefaniya aiva muprofita akaudza vanhu veJudha kuti zvakaipa zvaizoitika kwavari kana vakanamata zvidhori. Josiya akateerera Zefaniya uye akanamata Jehovha, kwete zvidhori.

Mumwe weshamwari dzaJosiya aiva Jeremiya. Aiva wezera rakada kuenzana naJosiya, uye vaigara pedyo nepedyo pavaikura. Vaiva neushamwari hwakanaka zvokuti pakafa Josiya, Jeremiya akanyora rwiyo rwunotaura nezvekusuwa kwaaiita Josiya. Jeremiya naJosiya vaibatsirana kuti vaite zvakanaka uye kuti vateerere Jehovha.

Josiya naJeremiya vakabatsirana kuti vaite zvakanaka

Ungadzidzei pane zvakaitwa naJosiya?— Kunyange Josiya paaingova mukomana mudiki, aida kuita zvakanaka. Aiziva kuti aifanira kushamwaridzana nevanhu vanoda Jehovha. Iva nechokwadi chokuti wasarudza shamwari dzinoda Jehovha dzinogona kukubatsira kuti uite zvakanaka!

VERENGA MUBHAIBHERI RAKO

  • 2 Makoronike 33:21-25; 34:1, 2; 35:25

MIBVUNZO:

  • Baba vaJosiya vaiva ani? Vaiita zvakanaka here?

  • Josiya aida kuitei kunyange paaingova mukomana mudiki?

  • Dzimwe shamwari mbiri dzaJosiya dzainzi vanaani?

  • Ungadzidzei pane zvakaitwa naJosiya?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe