RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lfb chidzidzo 56 p. 134-p. 135 ndim. 1
  • Josiya Aida Mutemo waMwari

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Josiya Aida Mutemo waMwari
  • Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Josiya Aiva Neshamwari Dzakanaka
    Dzidzisai Vana Venyu
  • Josia Anozvininipisa Aidiwa naJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • Mambo Wokugumisira waIsraeri
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Josiya Akasarudza Kuita Zvakanaka
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
Ona Zvimwe
Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
lfb chidzidzo 56 p. 134-p. 135 ndim. 1
Shafani ari kuverengera Mambo Josiya mupumburu

CHIDZIDZO 56

Josiya Aida Mutemo waMwari

Josiya akava mambo weJudha aine makore 8. Mumazuva iwayo, vanhu vaiita zvemashiripiti uye vainamata zvidhori. Josiya paakanga ava nemakore 16, akatsvaka kuti anganamata sei Jehovha zvakarurama. Paakanga ava nemakore 20, akatanga kuparadza zvidhori zvaiva munyika yacho uye atari dzaivamo. Josiya paakanga ava nemakore 26, akaronga kuti temberi yaJehovha igadziridzwe.

Mupristi mukuru ainzi Hirikiya akaona mupumburu weMutemo waJehovha mutemberi—anofanira kunge akaona uya wakanyorwa naMozisi. Shafani uyo aiva munyori wamambo, akauya negwaro wacho kuna Josiya achibva atanga kuverenga Mutemo waivamo nenzwi riri pamusoro. Josiya paainzwa uchiverengwa, akabva aona kuti vanhu vakanga vava nemakore akawanda chaizvo vasingateereri Jehovha. Mambo Josiya akabva ati kuna Hirikiya: ‘Jehovha akatitsamwira chaizvo. Enda unotaura naye. Jehovha achatiudza zvatinofanira kuita.’ Jehovha akapindura achishandisa muprofitakadzi ainzi Huridha achiti: ‘Vanhu veJudha vakandisiya. Vanofanira kurangwa, asi kwete munguva yekutonga kwaJosiya nekuti azvininipisa.’

Hirikiya aona mupumburu une Mutemo waJehovha

Mambo Josiya paakanzwa mashoko acho, akaenda kutemberi, ndokushevedza vanhu veJudha kuti vaungane ikoko. Akabva averengera vanhu vese Mutemo waJehovha. Josiya nevanhu vacho vakavimbisa kuti vaizoteerera Jehovha nemwoyo wese.

VaJudha vakanga vava nemakore akawanda vasingaiti Paseka. Asi Josiya paakaverenga muMutemo ndokuona kuti Paseka yaifanira kuitwa gore negore, akaudza rudzi rwacho kuti: ‘Tichaitira Jehovha Paseka.’ Josiya akabva agadzirira kupa zvibayiro zvakawanda uye akaronga kuti patemberi pave nevaimbi. Vanhu vakaita Paseka, uye kwemazuva 7 akatevera, vakabva vaita Mutambo Wemakeke Asina Kuviriswa. Kubva mumazuva aSamueri, hapana kumboitwa imwe Paseka yakafanana nayo. Josiya ainyatsoda Mutemo waMwari. Unonakidzwa nekudzidza nezvaJehovha here?

“Shoko renyu irambi retsoka dzangu, uye chiedza panzira yangu.”—Pisarema 119:105

Mibvunzo: Mambo Josiya akaita sei paakanzwa mutemo waMwari? Jehovha akaona sei zvakanaka zvaiitwa naJosiya?

2 Madzimambo 21:26; 22:1–23:30; 2 Makoronike 34:1–35:25

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe