Vaverengi Vanobvunza Kuti . . .
Zvapupu zvaJehovha Zvinotii Nezvokuwadzana Nemamwe Machechi?
▪ Maererano nezvinotaurwa neWorld Christian Encyclopedia, pasi rose kune “machechi akasiyana-siyana angasvika 10 000.” Pamusana pematambudziko anokonzerwa nokusiyana kwezvaanodzidzisa, pfungwa yokuti apote achiwadzana pamwe chete inoita kuti vatendi vakawanda vafunge kuti matambudziko aya angagadzirisika. Vanofunga kuti kuwadzana uku kungaita kuti pasi rose ribatane uye rive norugare.
Bhaibheri rinokurudzira kubatana. Muapostora Pauro akafananidza ungano yechiKristu nemuviri wemunhu, nhengo imwe neimwe ‘ichinyatsobatanidzwa pamwe chete uye ichiitwa kuti ishandire pamwe chete.’ (VaEfeso 4:16) Muapostora Petro akakurudzirawo vaainamata navo panyaya iyoyi achiti: “Imi mose ivai nokufunga kwakafanana.”—1 Petro 3:8.
VaKristu vokutanga vaigara nevanhu vane tsika dzakasiyana-siyana uye vaiva nezvitendero zvakawanda. Asi paainyora nezvokuwadzana nezvimwe zvitendero, Pauro akabvunza kuti: “Munhu akatendeka ane mugove wei nomunhu asingatendi?” Zvadaro akanyevera vaKristu kuti “ibvai pakati pavo.” (2 VaKorinde 6:15, 17) Zviri pachena kuti Pauro aishora kuwadzana nezvimwe zvitendero. Sei aizvishora?
Muapostora wacho akatsanangura kuti kuwadzana kwemuKristu wechokwadi nowenhema kusungwa pamwe chete pajoko zvisina kukodzera. (2 VaKorinde 6:14) Zvinopedzisira zvavhiringa kutenda kwemuKristu wacho. Kushushikana kwaPauro kwakangofanana nokwababa vanoziva kuti pane tumwe tuvana twundururani twuri mumaraini mavo. Semubereki anoda mwana wake, achamuudza vokutamba navo. Zvinotaurwa nomubereki uyu zvingasafarirwa nevamwe. Zvisinei, pasinei nokuti vangasazvifarira, kurambidza kwaanenge aita mwana wake kuti asatamba nendururani idzi kuchadzivirira mwana wacho. Saizvozvowo, Pauro aiziva kuti kusawadzana nezvimwe zvitendero kunodzivirira vaKristu kuti vasakanganiswa nedzidziso dzenhema.
Pauro paaitaura izvi aitevedzera Jesu. Kunyange zvazvo Jesu akaratidza muenzaniso wakanaka pakuva nerugare nevamwe vanhu, haana kuwadzana nevezvimwe zvitendero. Munguva yaiita Jesu ushumiri hwake pasi pano, kwaiva nemapoka akawanda ezvitendero aishingaira akadai seevaFarisi nevaSadhusi. Kutaura zvazviri, mapoka aya ezvitendero akatobatana kuti apikise Jesu, kusvika pakutoronga kuti vamuuraye. Asi Jesu akarayira vateveri vake kuti “vachenjerere . . . dzidziso yevaFarisi nevaSadhusi.”—Mateu 16:12.
Ko mazuva ano zvakamira sei? Nyevero yeBhaibheri nezvokuwadzana nezvimwe zvitendero ichiri kushanda here? Zvakanyanya. Imhaka yokuti dzidziso dzezvitendero dzakasiyana-siyana hadzifi dzakawirirana pavanowadzana sezvinongoita mafuta nemvura zvisingafi zvakasangana nokuti zvaiswa mupoto imwe chete. Somuenzaniso, vanhu vemachechi akasiyana-siyana pavanowadzana pamwe chete vachinamatira kuti kuve norugare, ndimwari upi anenge achikumbirwa? Ndivanamwari vatatu here vanonamatwa nevanozviti vaKristu? NdiBrahma mwari wevaHindu here? NdiBuddha here? Kana kuti ndemumwewo?
Muprofita Mika akagara ataura kuti “nemazuva okupedzisira,’ vanhu vemarudzi ose vachati: “Uyai, ngatikwirei kugomo raJehovha nokuimba yaMwari waJakobho; iye achatirayiridza nezvenzira dzake, uye isu tichafamba mumakwara ake.” (Mika 4:1-4) Zvichapedzisira zvaita kuti pasi rose vanhu vabatane uye pave norugare, kwete nokuti zvitendero zvinenge zvichizowadzana asi kuti vanhu vose vanenge vava kutenda chinhu chimwe chete.
[Mufananidzo uri papeji 27]
Vanhu vemachechi makuru vachiwadzana muna 2008
[Kwazvakatorwa]
REUTERS/Andreas Manolis