Musangano waMarudzidziso Enyika Uchabudirira Here?
MAZANA avatungamiriri vorudzidziso akaungana paMusangano wechipiri waMarudzidziso Enyika wakaitwa muChicago, Illinois, U.S.A., muzhizha ra 1993. ChiBuddha, chiKristudhomu, chiHindu, chiJudha, uye chiIslam akamirirwa ose. Varoyi navanamati vavamwarikadzi vaivapowo. Vakakurukura basa ravo mukugumisa hondo. Sachigaro womusangano wacho akabvuma kuti “zvikamu zviviri zvezvitatu zverwisano huru munyika nhasi zvinobatanidza rudzidziso.”
Makore Ane Zana Akapfuura
Musangano wacho wakabudirira here? Rangarira zvakaitika makore ane zana akapfuura paMusangano wokutanga waMarudzidziso Enyika. Iwowo wakaitwa muChicago, muzhizha ra 1893, uye marudzidziso anopfuura 40 akamirirwa. Dare roMusangano waMarudzidziso Enyika rinobvuma kuti avo vakapinda muna 1893 “vaidavira kuti waizova wokutanga wenhevedzano yokuungana kwokutenda kwakavhengana kwamarudzi ose uko kwaizobetsera kunzwisiso, rugare nefambiro mberi. Kwaisazova kwakadaro. Kusashivirira kworudzidziso namasimba masimba zvave zviri rutivi rwehondo dzamakore 100 akapfuura, uye zvinopfuurira saizvozvo nhasi.” Neiko kukundikana? Nemhaka yokuti mufungo wose wokutenda kwakavhengana hautenderwi naMwari. Bhaibheri rinoti: “Musasungwa zvisina kufanira pajoko pamwe chete navasingatendi.”—2 VaKorinte 6:14-17.
Nenzira yakakodzera, chinyorwa chaSeptember 1893 cheZion’s Watch Tower chakasimbisa kushaiwa tsigiro yapaMagwaro kwoMusangano waMarudzidziso Enyika apo chakati, nokunyomba: “Ivo vakafukunura zviumbwa zvedongo zvakatenderera zvakapiswa zvinoshamisa mumatongo eBhabhironi namamwe maguta akare, asi kune zvichigere kuwanwa. . . . Ivo havasati vawana zvipi nezvipi zvinotaura nezvaMosesi naJoshua savakaita kuti kuve no‘Musangano waMarudzidziso,’ wavaMoabhi navaAmoni, uye vaEdhomi . . . Havasati vawana zvipi nezvipi zvinotaura nezvaSamueri wekare akasimba saakatumwa kuGati neEkroni kuti awane nhume dzavaprista vaDhagoni kuti dzikwire kuShiro ndokuva nomusangano navaprista vaJehovha . . . Havasati vawana zvipi nezvipi zvinotaura nezvaEria aiva nebhanhire rekare redehwe sezvakarakadza ‘musangano’ navaprista vaBhaari naMoreki nokuda kwekurukurirano yevhiki yavatsigiri vokutenda kwavo kwakatsaukana, nomurangariro wokusimudzirwa kwokuremekedzwa kworudzidziso rwomumwe nomumwe.”
Umambo hwaMwari—Tariro Bedzi
Musangano waMarudzidziso Enyika hausati uchizobudirira. Mapepanhau nenhume zvakashandisa mashoko akadai sa“nyongano,” “nyonganyonga,” uye “vhiringidziko” pamusoro pomusangano wacho. Mukuwirirana nomumwe mushumo, kunyange mapurisa akabatanidzwa mukunyaradza dzongonyedzo mbiri dzakaparirwa namapoka maviri ezvamatongerwe enyika. Mugwaro ra 1952, Musangano wacho wakaronga serimwe ramadonzo awo: “Kutanga Musangano weNyika waMarudzidziso wechigarire kuti ushande neCHIBATANWA CHAMARUDZI kukuwanwa kworugare rwenyika nenzwisiso pakati pamarudzi ose.” Mukupesana, Jesu akataura kuti Umambo hwake hwakanga husati huri rutivi rwenyika ino. Bhaibheri rinonongedzera kuUmambo hwaMwari semhinduro bedzi kuzvinetso zvorudzi rwomunhu.—Dhanieri 2:44; Johane 18:36.