Unovenga Kusateerera Mutemo Here?
‘Iwe [Jesu] wakavenga kusateerera mutemo.’—VAH. 1:9.
1. Jesu akadzidzisei nezverudo?
ACHITAURA nezvokukosha kwerudo, Jesu Kristu akaudza vadzidzi vake kuti: “Ndiri kukupai murayiro mutsva, kuti mudanane; sokuda kwandakakuitai, kuti nemiwo mudanane. Vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu neizvi, kana muine rudo pakati penyu.” (Joh. 13:34, 35) Jesu akapa vateveri vake murayiro wokuti vadanane zvokuisa upenyu hwevamwe pokutanga. Izvozvo ndizvo zvavaizozivikanwa nazvo kuti vadzidzi vake. Jesu akavakurudzirawo kuti: “Rambai muchida vavengi venyu uye muchinyengeterera vaya vanokutambudzai.”—Mat. 5:44.
2. Vateveri vaKristu vanofanira kudzidza kuvenga chii?
2 Zvisinei, kuwedzera pakudzidzisa vadzidzi vake nezverudo, Jesu akavadzidzisawo zvavanofanira kuvenga. Magwaro akagara ataura nezvaJesu kuti: “Iwe wakada kururama, ukavenga kusateerera mutemo [uipi].” (VaH. 1:9; Pis. 45:7) Izvi zvinoratidza kuti hatifaniri kungoda kururama chete asiwo tinofanira kuvenga chivi, kana kuti kusateerera mutemo. Muapostora Johani akataura nemazvo paakati: “Munhu wose ane tsika yokuita chivi ari kuvawo netsika yokusateerera mutemo, naizvozvo chivi kusateerera mutemo.”—1 Joh. 3:4.
3. Panyaya yokuvenga kusateerera mutemo, zvinhu zvipi zvatichakurukura?
3 Saka sevaKristu tinofanira kuzvibvunza kuti, ‘Ndinovenga kusateerera mutemo here?’ Ngationgororei kuti tingaratidza sei kuti tinovenga zvakaipa pazvinhu zvina zvinotevera: (1) maonero atinoita nyaya yokunwisa, (2) maonero atinoita zvemidzimu, (3) maonero atinoita unzenza, uye (4) maonero atinoita vaya vanoda kusateerera mutemo.
Usava Muranda Wedoro
4. Chii chaiita kuti Jesu ave norusununguko rwokutaura paainyevera nezvokunwisa?
4 Jesu aimbonwawo waini, achiziva kuti chipo chinobva kuna Mwari. (Pis. 104:14, 15) Zvisinei, haana kumbobvira ashandisa chipo ichi zvisizvo nokunwisa. (Zvir. 23:29-33) Izvi zvaiita kuti Jesu ave norusununguko rwokutaura achishora manwiro akadaro. (Verenga Ruka 21:34.) Kunwisa kunogona kupinza munhu mune zvimwe zvivi zvakakura. Ndosaka muapostora Pauro akanyora kuti: “Musadhakwa newaini, nokuti pakudhakwa ndipo pane zvakaipa, asi rambai muchizadzwa nomudzimu.” (VaEf. 5:18) Akakurudzirawo vakadzi vechikuru vari muungano kuti vasaitwa “varanda newaini zhinji.”—Tito 2:3.
5. Vaya vanosarudza kunwa vangazvibvunza mibvunzo ipi?
5 Kana uchisarudza kunwa doro, unofanira kuzvibvunza kuti: ‘Ndinofunga sezvaiita Jesu panyaya yokunwisa here? Kana ndichida kupa vamwe zano panyaya iyi, ndine rusununguko rwokutaura here? Ndinonwa zvokuti ndikanganwe nhamo nematambudziko here? Ndinonwa doro rakawanda zvakadini pavhiki? Ndinoita sei kana mumwe munhu akataura zvinoratidza kuti ndingangova ndiri kunwisa? Ndinotanga kuramba here kana kuti kutomushatirirwa?’ Kuva varanda vewaini yakawanda kunokanganisa mafungiro edu kwotitadzisa kuita zvisarudzo noungwaru. Vateveri vaKristu vanovavarira kuti vasakanganisa mafungiro avo.—Zvir. 3:21, 22.
Usaita Zvemidzimu
6, 7. (a) Jesu akaita sei naSatani nemadhimoni? (b) Sei zvemidzimu zvakapararira nhasi uno?
6 Paaive pasi pano Jesu akapikisana zvakasimba naSatani nemadhimoni. Akaramba kukanganiswa kuvimbika kwake naSatani. (Ruka 4:1-13) Satani paaida kumuvandira nerweseri kuti akanganise kufunga kwake nezviito Jesu akazvizivawo ndokuramba. (Mat. 16:21-23) Jesu akabatsira vaaiona vakakodzera kuti vasununguke pamadhimoni.—Mako 5:2, 8, 12-15; 9:20, 25-27.
7 Jesu agadzwa saMambo muna 1914, akachenesa matenga nokubvisa Satani nemadhimoni. Izvi zvakabva zvaita kuti Satani ‘atsause nyika yose inogarwa’ kupfuura zvaaiita kare. (Zvak. 12:9, 10) Saka hazvishamisi kuona kuti zvemidzimu zviri kwose kwose uye zviri kuwedzera. Tingatora matanho api kuti tizvidzivirire?
8. Mumwe nomumwe wedu anofanira kuzviongorora sei panyaya yezvinhu zvinotivaraidza?
8 Bhaibheri rinonyevera zvakajeka nezvengozi yokuita zvemidzimu. (Verenga Dheuteronomio 18:10-12.) Mazuva ano Satani nemadhimoni ake vanokanganisa mafungiro evanhu vachishandisa mafirimu, mabhuku, nemitambo yemavhidhiyo inokurudzira zvemidzimu. Saka patinosarudza zvokuvarairwa nazvo, tinofanira kuzvibvunza kuti: ‘Mumwedzi yapfuura iyi, ndakambosarudza mafirimu, mapurogiramu eTV, mitambo yemavhidhiyo, mabhuku, kana kuti nyaya dzinosetsa dzezvemashiripiti here? Ndinonzwisisa kukosha kwokuti ndisiyane nezvemidzimu here kana kuti ndinongoona sezvisina basa? Ndakambofungawo here kuti Jehovha anonzwa sei nezvandinosarudza kuvarairwa nazvo? Kana ndanga ndava kutovarairwa nezvinhu zvakadaro, kuda kwangu Jehovha nemitemo yake yakarurama kuchaita kuti ndizvikande pasi zvachose here?’—Mab. 19:19, 20.
Teerera Zvakataurwa naJesu Nezvounzenza
9. Munhu angadyara sei mhodzi yokusateerera mutemo?
9 Jesu akatsigira dzinonzi naJehovha ndidzo tsika dzakanaka pakati pomurume nomukadzi. Akati: “Hamuna kuverenga here kuti iye akavasika kubva pakutanga akavaita munhurume nomunhukadzi? Uyewo kuti akati, ‘Saka murume achasiya baba vake naamai vake onamatira mudzimai wake, uye vaviri vacho vachava nyama imwe’? Zvokuti havasisirizve vaviri, asi nyama imwe. Naizvozvo, ngaparege kuva nomunhu anoparadzanisa zvasungwa pamwe chete pajoko naMwari.” (Mat. 19:4-6) Jesu aiziva kuti zvatinoona nemaziso edu zvinogona kukanganisa mwoyo wedu. Saka paMharidzo Yepagomo akati: “Makanzwa kuti zvakanzi, ‘Usaita upombwe.’ Asi ini ndinoti kwamuri, munhu wose anoramba akatarira mukadzi zvokuti anomuchiva atoita upombwe naye mumwoyo make.” (Mat. 5:27, 28) Vaya vasingateereri mashoko aJesu aya vanenge vachitodyara mhodzi yokusateerera mutemo.
10. Tsanangura zvakaitika zvinoratidza kuti munhu anogona kusununguka patsika yokuona zvinonyadzisira.
10 Satani anokurudzira vanhu kuita zvounzenza achishandisa mifananidzo inonyadzisira. Yakazara munyika yatiri kurarama. Vaya vanoona zvinonyadzisira vanoomerwa nokuzvibvisa mupfungwa dzavo. Vanogona kutozvijairira zvokutadza kuzvisiya. Funga zvakaitika kune mumwe muKristu. Anoti: “Ndaiona zvinonyadzisira pachivande. Ndakanga ndava kugara munyika yangu ndoga yandaifunga kuti yaiva kure neyandainamatira Jehovha ndiri. Ndaiziva kuti izvi zvakanga zvakaipa asi ndaingozviudza nechomumwoyo kuti kunamata kwangu kwakanga kuchiri kugamuchirwa naMwari.” Chii chakazoita kuti hama iyi ichinje mafungiro ayo? Inoti: “Kunyange zvazvo zvakange zvakaoma, ndakasarudza kuudza vakuru dambudziko rangu.” Hama iyi yakazopedzisira yasununguka patsika iyi inonyadzisa chaizvo. Inoti: “Pandakanga ndazvichenesa pachivi ichi, ndakatanga kunzwa kuti ndakanga ndava nehana yakachena.” Vaya vanovenga kusateerera mutemo vanofanira kudzidza kuvenga zvinonyadzisira.
11, 12. Tingaratidza sei kuti tinovenga kusateerera mutemo pakusarudza mimhanzi?
11 Mutinhimira nemashoko emumhanzi zvinogona kupinda mumwoyo medu zvoita kuti tiite zvimwe zvinhu. Mumhanzi pachawo chipo chakabva kuna Mwari uye wava nenguva uchishandiswa pakunamata kwechokwadi. (Eks. 15:20, 21; VaEf. 5:19) Asi nyika yakaipa yaSatani ine nziyo dzinokurudzira unzenza. (1 Joh. 5:19) Ungaziva sei kuti mimhanzi yaunoteerera iri kukukanganisa kana kuti kwete?
12 Unogona kutanga nokuzvibvunza kuti: ‘Nziyo dzandinoteerera dzinokurudzira umhondi, upombwe, ufeve, uye kumhura Mwari here? Dai ndaizoverengera mumwe munhu mashoko edzimwe nziyo dzacho, angafunga kuti ndinovenga kusateerera mutemo here, kana kuti aizoti mwoyo wangu wakasvibiswa?’ Hazviiti kuti titaure kuti tinovenga kusateerera mutemo asi tichikukurudzira nenziyo. Jesu akati: “Zvinhu zvinobuda mumuromo zvinobva mumwoyo, uye zvinhu izvozvo zvinosvibisa munhu. Somuenzaniso, mumwoyo munobuda kufunga kwakaipa, umhondi, upombwe, ufeve, umbavha, uchapupu hwenhema, kumhura.”—Mat. 15:18, 19; enzanisa naJakobho 3:10, 11.
Tevedzera Jesu Pamaonero Aunoita Vanhu Vanoda Kusateerera Mutemo
13. Jesu aiona sei vaya vairamba vachiita zvivi vasingapfidzi?
13 Jesu akati akauya kuzoita kuti vatadzi kana kuti vaya vasingateereri mutemo vapfidze. (Ruka 5:30-32) Zvisinei, aiona sei vaya vaitoramba zvavo vachiita zvivi vasingapfidzi? Jesu akanyevera zvakasimba nezvokuti tisafurirwa nevakadaro. (Mat. 23:15, 23-26) Akataurawo zvakajeka kuti: “Haasi munhu wose anoti kwandiri, ‘Ishe, Ishe,’ achapinda muumambo hwokumatenga, asi uya anoita kuda kwaBaba vangu vari kumatenga. Pazuva iroro [pachatongwa vanhu naMwari] vazhinji vachati kwandiri, ‘Ishe, Ishe, hatina kuprofita muzita renyu, nokudzinga madhimoni muzita renyu, nokuita mabasa mazhinji esimba muzita renyu here?’” Zvisinei acharamba vaya vane tsika yokusateerera mutemo vasingapfidzi, achiti: “Ibvai kwandiri.” (Mat. 7:21-23) Vachatongerwei zvakadaro? Nokuti vanhu vakadaro havakudzi Mwari uye vanokuvadza vamwe nokusateerera kwavo mutemo.
14. Vatadzi vasingapfidzi vanobvisirwei muungano?
14 Shoko raMwari rinoti vatadzi vasingapfidzi vabviswe muungano. (Verenga 1 VaKorinde 5:9-13.) Pane zvazvakanakira kusanganisira zvitatu izvi: (1) zvinoita kuti zita raJehovha risazvidzwa, (2) zvinodzivirira ungano kuti isasvibiswa, uye (3) zvinobatsira mutadzi wacho kuti kana zvichibvira apfidze.
15. Kana tichida kuramba takavimbika kuna Jehovha tinofanira kufungisisa mibvunzo ipi?
15 Tinotevedzera maonero aiita Jesu vanhu vasingapfidzi pakusateerera mutemo here? Tinofanira kufungisisa mibvunzo iyi: ‘Ndingasarudza kugara ndichiwadzana nomunhu akadzingwa kana kuti akazvibvisa muungano yechiKristu here? Ko kana munhu iyeye ari hama yepedyo isisagari pamba pedu?’ Uyu muedzo chaiwo kana tichida kururama uye tichida kuvimbika kuna Mwari.a
16, 17. Vamwe amai vechiKristu vakasangana nemamiriro ezvinhu api akaoma, uye chii chakavabatsira kutsigira urongwa hwokudzingwa kwomutadzi asingapfidzi?
16 Funga zvakaitika kune imwe hanzvadzi ine mwanakomana wayo akura aitombonamata Jehovha. Asi nokufamba kwenguva akazotanga kusateerera mutemo asingapfidzi, zvikaita kuti adzingwe muungano. Hanzvadzi yedu yaida Jehovha, asi yaidawo mwanakomana wayo zvokuti zvakaiomera chaizvo kutevedzera murayiro womuMagwaro wokurega kuwadzana naye.
17 Waizoipa zano rokutii? Mumwe mukuru akabatsira hanzvadzi iyi kuziva kuti Jehovha ainzwisisa kurwadziwa kwayaiita. Hama yacho yakamuudza kuti afunge kuti Jehovha akarwadziwa zvakadini pakapanduka ngirozi dzake. Yakamubatsira kuona kuti kunyange zvazvo Jehovha achiziva kurwadza kwazvinoita, anoda kuti vatadzi vasingapfidzi vadzingwe. Akashandisa mazano aakapiwa akarega kuwadzana nomwanakomana wake akadzingwa.b Kuvimbika kwakadaro kunofadza mwoyo waJehovha.—Zvir. 27:11.
18, 19. (a) Kurega kwedu kutaura nomunhu asingateereri mutemo asingapfidzi kunoratidza kuti tinovenga chii? (b) Chii chinogona kupedzisira chaitika kana takavimbika kuna Mwari nourongwa hwake?
18 Kana wakatarisana nemamiriro ezvinhu akadaro, tapota yeuka kuti Jehovha ari kunzwisisa kurwadziwa kwauri kuita. Kana uchirega kutaura nomunhu akadzingwa kana kuti akazvibvisa oga musangano, unenge uchiratidza kuti unovenga pfungwa nezviito zvakaita kuti azodzingwa. Asi unenge uchiratidzawo kuti unoda mutadzi wacho saka unoda kuita zvakamunakira. Kuvimbika kwako kuna Jehovha kungatowedzera mikana yokuti munhu wacho akarangwa apfidze uye adzoke kuna Jehovha.
19 Mumwe akambodzingwa akazodzorerwa anoti: “Ndinofara kuti Jehovha anoda vanhu vake zvokuti anoda kuona sangano rake richigara rakachena. Zvinhu zvinoonekwa soutsinye nevanhu vokunze, ndizvo zvakanaka zvacho uye zvinoratidza rudo.” Unofunga kuti munhu uyu angadai akasvika pakutaura zvaakataura izvi here dai ungano, kusanganisira nhengo dzemhuri, vakaramba vachitaura naye paakanga akadzingwa? Kutsigira kwatinoita urongwa hwomuMagwaro hwokudzinga kunoratidza kuti tinoda zvakarurama uye tinoziva kuti Jehovha ndiye ane kodzero yokutiudza nzira yatinofanira kuzvibata nayo.
“Vengai Zvakaipa”
20, 21. Zvakakosherei kuti tidzidze kuvenga kusateerera mutemo?
20 Muapostora Petro anonyevera kuti: “Svinurirai, rindai.” Nechikonzero chei? Nokuti “mhandu yenyu Dhiyabhorosi, inofamba-famba seshumba inodzvova, ichitsvaka kudya mumwe munhu.” (1 Pet. 5:8) Ari kunzi mumwe munhu uyu angava iwe here? Izvo zvichaenderana nokuti uchadzidza zvakadini kuvenga kusateerera mutemo.
21 Kudzidza kuvenga zvakaipa hakusi nyore. Takazvarirwa muchivi, uye tiri kurarama munyika inoda kugutsa zvido zvenyama. (1 Joh. 2:15-17) Asi kana tichitevedzera Jesu Kristu uye tichida Jehovha Mwari zvakadzama, tinogona kubudirira kuvenga kusateerera mutemo. Kunyange zvodini ‘ngativengei zvakaipa’ tichiziva kuti Jehovha “anorinda . . .vakavimbika vake; anovanunura mumaoko evakaipa.”—Pis. 97:10.
[Mashoko Omuzasi]
a Kuti uwane pakanyatsokurukurwa nyaya iyi ona Nharireyomurindi yaMarch 15, 1982, mapeji 25-31; yeChirungu yaSeptember 15, 1981, mapeji 26-31.
Ungapindura Sei?
• Chii chichatibatsira kuzviongorora panyaya yemaonero atinoita doro?
• Tingatora matanho api kuti tizvidzivirire panyaya dzemidzimu?
• Sei kuona zvinonyadzisira kuine ngozi?
• Tingaratidza sei kuti tinovenga kusateerera mutemo kana munhu watinoda akadzingwa?
[Mufananidzo uri papeji 29]
Kana uchisarudza kunwa doro, unofanira kufungei?
[Mufananidzo uri papeji 30]
Ngwarira kufurirwa naSatani panyaya yokuvaraidzwa
[Mufananidzo uri papeji 31]
Munhu anoona zvinonyadzisira anenge achidyara mhodzi yei?