RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w12 1/1 pp. 12-15
  • Ikoko Miganhu Yenyika Haina Basa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ikoko Miganhu Yenyika Haina Basa
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kubatana Mumupata Usina Kubatana
  • Chakaita Kuti Vabatane
  • Unorangarira Sei Horo Yenyu yoUmambo?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
  • Nzvimbo Dzekunamatira
    Takarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha
  • Purogiramu Itsva Yokuvaka Horo dzoUmambo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
  • Kuvaka Pamwe Chete Pamwero Wenyika Yose
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
w12 1/1 pp. 12-15

Ikoko Miganhu Yenyika Haina Basa

Zvapupu zvaJehovha zvinoedza kusasarura vamwe vanhu. Vanotevedzera pfungwa iri mumashoko aJesu aakaudza vadzidzi vake okuti: “Imi mose muri hama.” (Mateu 23:8) Izvi zvinoonekwa pane zviri kuitika kune dzimwe nzvimbo mbiri dzinonamatirwa neZvapupu, kuPortugal nokuSpain.

GUTA rine masvingo rinonzi Valença do Minho, riri kuchamhembe kwePortugal, rakavakwa panguva yaiva nengozi zvikuru. Rusvingo rwaro rwakatarisana nerwizi runonzi Minho, urwo rwunoganhura Spain nePortugal. Nechemhiri kworwizi urwu kune guta rokuSpain rinonzi Tui, rine chechi yakareba inooneka uri kure. Masvingo akasimba kwazvo okuTui neValença anonzi akavakwa muzana remakore rechi17, pairwisana Spain nePortugal.

Muna 1995, miganhu yenyika mbiri idzi dziri musangano reEuropean Union yakanga isingachashandi uye pakanga pasisina vanoona nezvokupinda nokubuda kwezvinhu munyika. Asi kungobvisa miganhu yenyika hakuiti kuti vanhu vabatane. Zvinotoda kuchinja mwoyo yavo nepfungwa dzavo. MuValença mune chimwe chivako chiduku chinoyevedza, chinoratidza zvingaitwa nevanhu kuti vasasarurana. Inzvimbo yokunamatira inonzi Imba yoUmambo yeZvapupu zvaJehovha, inoshandiswa neungano yechiSpanish neyechiPutukezi.

Nyaya iyi yakatanga muna 2001 apo Zvapupu zvomuTui zvakanga zvisina Imba yoUmambo. Vakanzi vabve pavairenda, uye vakanga vasina mari yaikwana kuti vavake imba itsva yokunamatira. Vakanga vasinazve mari yaikwana kurenda imwe imba, nokuti ungano yavo yaiva duku. Saka hama idzi dzechiSpanish dzakakumbira hama dzechiPutukezi dzokuValença kana zvaiita kuti vashandisewo Imba yoUmambo yehama idzi, iyo yaingova makiromita mashoma kubva muTui.

Imwe hama iri muungano yeTui iri muSpain inonzi Eduardo Vila inoti: “Takaita chisarudzo pane mumwe musangano muna December 2001.” Patakapedza musangano iwoyo ndakaona kuti Jehovha akanga apindira pane zvakaitwa nehama dzedu dzechiPutukezi. Kubvuma kwavakaita kuti tishandisewo Imba yavo yoUmambo yaiyevedza kwakasimbisa kutenda kwedu, nokuti vakanga vazvipira chaizvo kuti vakwanise kuivaka.”

Américo Almeida, imwe hama yechiPutukezi yaivapowo pamusangano wacho inoti: “Takatambira nomufaro hama dzedu dzokuSpain kuImba yedu yoUmambo. Taiva nechivimbo chokuti Jehovha aizokomborera urongwa uhwu, uye hapana kana mumwe wedu aigunun’una nezvechisarudzo ichi.” Zvapupu zvokunyika mbiri idzi zvinonzwanana chaizvo. “Kune vamwe zvingaita sezvinoshamisa, asi isu hatitombozvioni kuti tinobva kunyika dzakasiyana. Tiri hama dzinonamata pamwe chete,” anodaro Paolo wokuValença.

Chimwe chezvinhu zvinotanga kucherechedzwa nevanenge vashanya muImba yoUmambo iyi ndechokuti kumadziro kune wachi mbiri dzakafanana, asi dzichiratidza nguva dzakasiyana. Nguva yokuSpain iri pamberi neawa imwe chete pane yokuPortugal, asi iwoyo ndiwo chete musiyano uri muImba yacho yoUmambo. Pane imwe nguva paida kugadziridzwa imba iyi, Dare Rokuvaka Romunharaunda rinoshanda riri kuSpain ndiro raitungamirira vashandi vaibva kuungano dzacho dzose. “Hama nehanzvadzi dzaiva nounyanzvi dzakauya kuzotibatsira dzichibva kuSpain, makiromita anenge 160,” anodaro Paolo. “Basa iri rakatoita kuti hama idzi dzibatane uye dzidanane zvikuru.”

Ngatimboonai muenzaniso wechipiri wevanhu vokunyika dzakasiyana asi vasingasarurani.

Kubatana Mumupata Usina Kubatana

Puigcerdá iguta rokuSpain riri pamuganhu wayo neFrance. Riri pakati chaipo pomupata wakaorera wakapoteredzwa nemakomo marefu ePyrenees. Mupata wacho wose unonzi Cerdaña, waimbova nzvimbo yeSpain. Asi muna 1659, pakaitwa chibvumirano chainzi Treaty of the Pyrenees, Spain yakapa France hafu yomupata wacho.

Mazuva ano, vanhu vokuFrance vanotenga zvinhu kuPuigcerdá, guta guru riri mumupata wacho. Uye kubvira muna 1997, Zvapupu zvaJehovha zvokuPuigcerdá zvakabvumawo kuti hama dzavo dzokuFrance dzishandise Imba yadzo yoUmambo. Mugore iroro Zvapupu zvokuFrance zvakabva pazvairenda. KuFrance waitoda kutyaira mota kweawa rose kuti uzosvika paImba yoUmambo, uye mumwaka wechando vanhu vaifamba nomumupata wegomo refu-refu uyo waiwanzonge wakazara sinou.

Zvapupu zvokuFrance pazvakati zvaida nzvimbo yokunamatira, Zvapupu zvokuSpain zvakabva zvangovatendera kushandisawo Imba yavo yoUmambo. “Hama dzose dzokuSpain dzaida chaizvo kuti hama idzi dzishandise imba iyi,” anodaro Prem, chimwe Chapupu chokuSpain. “Chido ichi chokubatsira chakabva pane zvatakanga tadzidza muMagwaro kwemakore akawanda. Takatanga kushandisa Imba iyi yoUmambo pamwe chete pashure pemavhiki mashomanana, uye pava nemakore 13 tichiri kuishandisa tose.”

Mumwe mutariri muungano yechiFrench anonzi Eric akati: “Imba yoUmambo yokuPuigcerdá yakanga yakatinakira chaizvo nokuti yaiva pedyo. Ndichiri kurangarira kuti ungano iyi yokuSpain yakatitambira noushamwari. Vakashongedza imba yacho nemaruva ndokuisa chikwangwani chakanzi, ‘Hama dzedu nehanzvadzi dzinodiwa, tinokugamuchirai.’”

Eric anowedzera kuti: “Vanhu vaifunga kuti kuvharwa kwenzvimbo yataishandisa seImba yoUmambo muFrance kwaireva kuti ungano yacho yatsakatika. Asi kuramba tichiparidza munzvimbo iyi kwataiita, uko kwaisanganisira kuparadzira mapepa okukokera misangano yataiitira kuSpain, kwakaratidza kuti zvakanga zvisina kudaro. Vanhu vanofarira vari kuuya kuImba yoUmambo kuSpain vakasununguka. Uyewo kushandisa Imba yoUmambo pamwe chete nehama dzedu dzokuSpain kwakaita kuti tibatane zvikuru. Taizviziva kuti kumuganhu wenyika kune ungano yechiSpanish, asi taisambonyanya kuonana nevanhu vacho. Iye zvino hatisisiri kusurukirwa mumupata uyu uri mumakomo nokuti tiri kugara tichionana navo.”

Kusiyana kwetsika dzavo kwakavatadzisa kusununguka here? Chimwe Chapupu chokuFrance chava nemakore okuma80 chakati: “Pandakaziva kuti taizoitira misangano yedu mhiri kwomuganhu neSpain, zvakamboda kundinetsa. Asi hapana kutombova nedambudziko nokuti hama dzokuPuigcerdá dzakatitambira noushamwari chaizvo. Wakatova mukana wokusimbisa kubatana kwatakaita sevanhu vaJehovha.”

Chakaita Kuti Vabatane

Vanhu vakatanga sangano reEuropean Union vakati nyika dziri musangano iri “dzakatsidza kuita zvaizoita kuti vanhu vokuEurope vabatane.” Kubviswa kwakaitwa miganhu kuma1980 nema1990 kwakaitirwa kuti urongwa uhwu hukurumidze. Asi miganhu inofanirawo kubviswa mupfungwa dzevanhu.

Zvapupu zvaJehovha zvinoedza nepazvinogona napo kuti zvisafungirana zvakaipa uye kuti zvivimbane. Vanonzwisisa kuti kusiyana-siyana kwavakaita kunobatsira uye kunoratidza kuti “Mwari haasaruri.” (Mabasa 10:34) Pamagungano avo emarudzi akawanda nepaDzimba dzavo dzoUmambo, vakaona kunaka kwazvakaita uye kufadza kwazvinoita “kuti hama dzigare pamwe chete dzakabatana!” (Pisarema 133:1) Kubatana kweZvapupu zvokuValença nokuPuigcerdá nehama dzavo dziri munyika dziri pedyo navo kunoratidza kuti mashoko aya ndeechokwadi.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 13]

“Kune vamwe zvingaita sezvinoshamisa, asi isu hatitombozvioni kuti tinobva kunyika dzakasiyana. Tiri hama dzinonamata pamwe chete”

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 14]

“Basa iri rakatoita kuti hama idzi dzibatane uye dzidanane zvikuru”

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 15]

“Zvakanaka sei uye zvinofadza sei kuti hama dzigare pamwe chete dzakabatana!” PISAREMA 133:1

[Mifananidzo iri pamapeji 12, 13]

Rwizi rwaTui uye rwaMinho, kana uri muguta rine masvingo reValença do Minho

[Mufananidzo uri papeji 14]

Kugadziridza Imba yoUmambo

[Mufananidzo uri papeji 15]

Mupata wePyrenees uye weCerdaña

[Mufananidzo uri papeji 15]

Vakuru veungano mbiri dzinoungana muImba yoUmambo yokuPuigcerdá, yechiFrench neyechiSpanish

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe