RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 5/00 pp. 3-6
  • Purogiramu Itsva Yokuvaka Horo dzoUmambo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Purogiramu Itsva Yokuvaka Horo dzoUmambo
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
  • Mashoko Akafanana
  • Chirongwa Chokuvaka Dzimba dzoUmambo Chiri Kufambira Mberi
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
  • Unorangarira Sei Horo Yenyu yoUmambo?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
  • Nzvimbo Dzekunamatira
    Takarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha
  • Kuwedzera Kunoshamisa Kunoita Kuti Padiwe Dzimba Dzakawanda Nokukurumidza
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
km 5/00 pp. 3-6

Purogiramu Itsva Yokuvaka Horo dzoUmambo

1 Zvechokwadi Jehovha ari kuzadzika chipikirwa chake chokudzidzisa vanhu vake nokuvatungamirira munzira dzake. (Isa. 54:13) Kubva panguva dzokutanga-tanga akaita gadziriro chaidzo dzokunamata kwakabatana dzinosanganisira kupiwa kwemirayiridzo inokosha. (Dheut. 31:12, 13; Neh. 8:1-8; Pis. 122:1) Izvi zvakaguma nokubatsirwa kukuru kwevanhu vake vakatendeka. Nokunyatsoomerera kuzano rake, vanokwanisa kuramba vakaparadzana nenyika uye vane ushamwari hwepedyo nevavanonamata navo. (Eks. 34:11-16; 2 VaK. 6:14-18) Zvikurukuru mumazuva ano okupedzisira tinorayirwa kuungana nguva dzose, kuitira kuti tisangorayiridzwa naJehovha bedzi asiwo kuti tikurudzirane nokunyandurirana kurudo nemabasa akanaka kwazvo.—VaR. 1:11, 12; VaH. 10:23-25.

2 Kubvira muzana remakore rokutanga kusvika kuzuva rino, vaKristu vave vachiungana kuti vanamate mudzimba dzavo uye munzvimbo dzavose. (Mabasa 2:42, 46; 12:12) Asi zvikurukuru kubvira muna 1935, pakaziviswa kuti nzvimbo itsva yokupindira misangano yaivakwa muHawaii yaizonzi Horo yoUmambo, ungano dzeZvapupu zvaJehovha kwose kwose dzakaedza kuti dzive nenzvimbo yadzo inooneka yokunamatira uye dzakaitumidza zita iri. Somugumisiro, Horo dzoUmambo zvino dziri kuonekwa munyika yose, uye gore rimwe nerimwe dzakawanda dziri kuvakwa kana kuti pamwe dziri kuitwa kuti dzive nzvimbo dzokupindira misangano yeungano nguva dzose.

3 KuZvapupu zvaJehovha, Horo yoUmambo ndicho chivako chinokosha zvikuru munzanga ipi neipi. Ingave inokwezva pachayo mukugadzirwa nokuvakwa, asi kunyange kana ingoriwo nani pachitarisiko chokunze, inoongwa zvikuru senzvimbo yokunamata kwechokwadi uye musimboti webasa rokutonga kunoitwa naMwari munharaunda. Inopa uchapupu hwokuti mashoko akanaka oUmambo ari kuparidzwa munharaunda imomo. Inzvimbo inozorodza nokurayiridza mumudzimu zvechokwadi yavose vanoziva zvinodiwa zvavo zvomudzimu.—Mat. 5:3.

4 Kukurumidza Kukura Kunoita Kuti Horo dzoUmambo Dzinyanye Kudiwa: Mishumo inobva mumunda inoratidza kuti Jehovha ari kuramba achiita kuti basa rokuunganidza ri‘kurumidze’ sezvo mugumo wegadziriro ino yezvinhu uri kuswedera kwatiri nokukurumidza. Zvechokwadi zvaitika sezvaakangotaura achishandisa muprofita Isaya kuti “muduku uchava chiuru, wakadukupa uchava rudzi rune simba.” (Isa. 60:22) Somuenzaniso, muZimbabwe mumakore matatu apfuura mave mune kuwedzera kwenhamba yepamusoro yevaparidzi vanopfuura 2 700. Kuwedzera kukuru uku kwaida kuumbwa kweungano itsva dzakawanda uye izvi zvinoreva kuti Horo dzoUmambo itsva dzakawanda dzinodiwa. Asi zvave zvisiri kuita kuti ungano dzomunharaunda dzifambirane nokuwedzera mune zvokuvakwa kweHoro dzoUmambo. Kudiwa uku kuri kuonekwa kwazvo sezvo nguva inofamba uye basa rokuunganidza rinopfuurira nokukurumidza.

5 Kudiwa Kwadzo: Bhuku rinonzi Takarongwa Kupedza Hushumiri Hwedu papeji 61 rinoti: “Horo yoUmambo, senzvimbo yokunamatira, haizati ichifanira kuva chivako chamaoresa chakavakirwa kuorora vamwe. Kunyange chimiro chayo chingasi[y]ana munzvimbo nenzvimbo, donzo rayo nderokushandiswa. (Enzanisa naMabasa 17:24.) Inofanira kuva nzvimbo inofadza neyakakodzera yokutarisira misangano yechiKristu inotibetsera kukura mumudzimu nokudzidza pamusoro paJehovha, uye inotikurudzira kupinda mubasa rake roUmambo.” Senzvimbo yokudzidza Bhaibheri munzanga, Horo yoUmambo inoshandawo zvakananga mukuita kuti mashoko akanaka aparidzwe mundima yeungano yedu.

6 Mune mamwe maguta muZimbabwe zvakacherechedzwa kuti paavhareji Horo yoUmambo imwe neimwe inoshandiswa neungano nhatu. Zvisinei, dzimwe Horo dzoUmambo panguva ino dziri kushandiswa neungano ina kana kuti kutopfuura kusvika kunomwe. Mamiriro ezvinhu aya avhiringidza kukurazve kwebasa roUmambo munharaunda idzodzo munzira dzinoverengeka.

7 Ungano padzinokura zvakanyanya zvokutadza kukwana zvakanaka muHoro yoUmambo, vamwe vanhu, zvikurukuru vatsva, vanoora mwoyo uye vanorega kupinda misangano nguva dzose. Zvinonyanya kuomera vakuru nevashumiri vanoshumira kuti vatarisire zvinodiwa zvehama nehanzvadzi nokuyamura munhu oga oga. Kana Horo yoUmambo iri kutoshandiswa neungano nhatu kana kuti dzinopfuura, vakuru vanozengurira kurumbidza kuumbwa kweungano itsva nokuti panenge pasina pokuti ungano itsva yacho ipindire.

8 Ungano dzinopfuura mbiri padzinoshandisa Horo yoUmambo, zvinodziomera kuti dziite gadziriro dzakafanira dzezviitiko chaizvo zvakadai sokushanya kwomutariri wedunhu kana kuti kuchengetwa kweChirangaridzo chorufu rwaJesu kunoitwa gore negore; pangava nezvibingamupinyi mukugadzirira basa romumunda rakakwana reungano yoga yoga inobatanidzwa. Mumamiriro ezvinhu aya, kana Horo yoUmambo iyoyo ichishandiswa zuva nezuva, dzimwe nguva zvimwe zvinetso zvine chokuita nokutarisira kana kuti kugadziridza zvingavapo. Dzimwe nguva, kunyanya kushandiswa kweHoro dzoUmambo kwakaita kuti pave nokunetsana navavakidzani nemhaka yokuwandisa kwemotokari kana kuti zvinetso zvakafanana zvinokonzerwa nokuwanda kwevanhu. Kufamba madaro akati rebei kunoita kuti kupinda misangano kusava nyore, uye izvi zvinovhiringidza kuwedzera.

9 Zvinogona Kuitwa: Sezvamungaziva, kwemakore Sosaiti yakakurudzira kuvakwa kweHoro dzoUmambo uye yakaronga kuti ungano dziyamurwe nokupa zvikwereti pamari iripo. Tave tichinyatsoziva nezvokudiwa kwokuita kuti zvinhu zvikurumidze. Nokuda kwechikonzero ichi chaicho, zvinodiwa neungano mazuva ano zvakafungwa nezvazvo zvikuru uye kufunga uku kwakaguma nokutangwa kwegadziriro itsva yokuyamura nomutoo unenge wakanakira vose pasina kupa hama ipi neipi mutoro usina kufanira. Chokwadi, nheyo yeBhaibheri inokosha inoshandiswa kutanga gadziriro iyi ndeiya yakanyorerwa vaKorinde nomuapostora Pauro. Aiva nehanya nezvinodiwa zvokunyama zvehama dzaiva kuParestina uye akataura pfungwa yakanaka yokuti ungano dzeAsia Minor dziyamure.

10 Muapostora wacho akataura nezvegadziriro yaJehovha yorudo yokutarisira zvinodiwa zvevaIsraeri parwendo rwavo rwomurenje rwemakore makumi mana, achiti: “Nokuenzanisa muraudzo wenyu iko zvino upedze perevedzo yavo, kuti muraudzo wavo usvikewo pakupedza perevedzo yenyu, kuti pave nokuenzanisa. Sokunyorwa kwazvakaitwa kuti: ‘Munhu ane zvakawanda haana kuva nezvakanyanyowanda, uye munhu ane zvishoma haana kuva nezvakanyanyoita zvishoma.’” (2 VaK. 8:14, 15; enzanisa naEksodho 16:18.) Asi kudiwa kweHoro dzoUmambo kuripo iye zvino uku kuchatarisirwa sei chaizvo?

11 Homwe yeSosaiti yeHoro dzoUmambo—Mashandire Aichaita: Pakuzivisa purogiramu itsva yacho, zvakanzi: “Zvakakodzera kuti tiite nouchenjeri hunoshanda. Kufunga mavakire atingaita dzimwe Horo dzoUmambo kwakaitwa nokunyengetera uye nokungwarira. Kuti iite izvi nemhaka yokunamatwa kwaJehovha kwakabatana, Sosaiti iri kutanga purogiramu itsva. Chinangwa chepurogiramu iyi chichava chokuunganidza mari yokuvaka Horo dzoUmambo kana kuti kuwedzera horo dzagara dziripo. Tinovimba kuti zvichabvira kuita zvakawanda maererano naizvozvo nokutanga Homwe Yokuvaka Horo dzoUmambo.”

12 Ungano yoga yoga zvino inofanira kuva nemabhokisi omupiro matatu muHoro yayo yoUmambo, akanyorwa sezvinotevera: 1) MIPIRO YEBASA RESOSAITI REMUNYIKA YOSE—MATEU 24:14, 2) MIPIRO YEZVINODIWA ZVEUNGANO, uye 3) MIPIRO KUHOMWE YESOSAITI YEHORO DZOUMAMBO. Iyi gadziriro yechitatu, yokupa mipiro kuHomwe yeSosaiti yeHoro dzoUmambo, ichabvumira munhu wose ari muungano anoda kuita kudaro kuti ape mupiro wokuzvidira nguva nenguva. Mipiro yakadaro ichatumirwa kuhofisi yeSosaiti panopera mwedzi woga woga, uye ichashandiswa zvakazara kubatsira ungano dzinoda mari yokuvaka Horo dzoUmambo. Mipiro yose ichabvumwa neSosaiti seyakagamuchirwa uye ichaiswa kuHomwe yeSosaiti yeHoro dzoUmambo.

13 Ungano dzinobhadhara chikwereti cheHoro yadzo yoUmambo dzinofanira kuisa mipiro nokuda kwemari iyi yechikwereti mubhokisi rakanzi MIPIRO YEZVINODIWA ZVEUNGANO. Kana dzichidawo kubatsira dzimwe ungano, dzingaisa mipiro yakadaro mubhokisi rakanzi MIPIRO KUHOMWE YESOSAITI YEHORO DZOUMAMBO.

14 Ungano dzinoda mari yokuvaka Horo dzoUmambo, kutenga zvivako zvokugadziridza, kana kuti kugadziridza nokuwedzera Horo yadzo yoUmambo iripo, dzingakumbira zvikwereti kubva kuHomwe yeSosaiti yeHoro dzoUmambo. Zvikwereti zvakadaro zvichabhadharwa neungano i(dzi)noshandisa Horo yoUmambo yacho. Homwe yeSosaiti yeHoro dzoUmambo ihomwe ine mari inoramba ichishandiswa uye mipiro inogamuchirwa nokuda kwayo ichashandiswa pakugadziridza kana kuti kuvaka Horo dzoUmambo. Chikwereti zvachinobhadharwa, mari iyi ichashandiswawo zvakare mumamiriro ezvinhu akafanana.

15 Mubereko Pazvikwereti: Mukuedza kurerutsa basa rehama munyika dziri pasi pose, Dare Rinodzora rasarudza kubvisa kuchajwa kwomubereko upi noupi pamari inopiwa nokuda kwokuvakwa kweHoro dzoUmambo. Mari ipi neipi yakabhadharwa kuHomwe yeSosaiti yeHoro dzoUmambo musi waSeptember 1, 1999 wapfuura ichashandiswa zvakazara pamari yasara yechikwereti chinofanira kubhadharwa neungano nokuda kwokutsigirwa nemari yokuvaka Horo yoUmambo. Kunyange zvazvo Homwe yeSosaiti yeHoro dzoUmambo ichibatanidza mari yokutarisira uye kuderera kwemari nokukwira kwemitengo, pasina mubvunzo zvichakonzera kuti mari iri muhomwe ishaye ukoshi, Dare Rinodzora rinodavira kuti mipiro yakawanda yeungano nevanhu ichazadzisa kushaya ukoshi kupi nokupi uku. Kubatsira nemari kwakadaro kuchatarisirwa semari inogona kushandiswa neungano kuvaka kana kuti kugadziridza Horo dzadzo dzoUmambo. Kana ungano ikabatsirwa neHomwe yeSosaiti yeHoro dzoUmambo, ipapo inofanira kunzwa mutoro wokupa mipiro nguva nenguva kuhomwe iyi ichifunga nezvokubatsirwa kwayakaitwa. Izviwo zvichaita kuti mari yacho igone kushandiswa nedzimwe ungano dzinenge dzisina mari.

16 Ungano Dzine Horo Dzisina Chikwereti: Dzimwe ungano dzine Horo yadzo yoUmambo uye dzingava dzisina chikwereti. Mugadziriro itsva iyi, ungano dzakadaro dzingada kupa mupiro kuHomwe yeSosaiti yeHoro dzoUmambo kuti dzibatsire dzimwe ungano kuwana horo dzakakodzera. Dzingasarudza kutsaura mari yakawanda zvakafanana nezvadzaiita dzichibhadhara chikwereti chadzo uye nokudaro dzokwanisa kupa mupiro womwedzi nomwedzi kuHomwe yeSosaiti yeHoro dzoUmambo. Kana gadziriro yakadaro ichiratidzika seinoita, vakuru vangaudza ungano nhau yacho sechisarudzo uye voita kuti ungano itaure chido chayo chokubatsira nenzira iyi. Kana kutumira mari kuSosaiti mwedzi nomwedzi kwaitwa nokuda kweHomwe yeSosaiti yeHoro dzoUmambo, vanyori vachashandisa Fomu Rokutumira Mari Yemipiro (S(d)-20), vachinyora mari yacho muchikamu chiri pamberi pepakanzi “Homwe yeSosaiti yeHoro dzoUmambo.”

17 Mapoka Okuvaka: Tinofara kuzivisa kuti Mapoka Okuvaka Horo dzoUmambo matatu zvino akatangwa. Aya anotarisirwa neDhipatimendi Rokuvaka Horo dzoUmambo riri paBheteri. Rimwe boka riri kushanda riri kuBulawayo, rimwe kwaMutare, uye rechitatu muHarare. Pashure penguva yakati, mamwe mapoka maduku achatangwa muZimbabwe yose uye pakupedzisira tinotarisira kuva nemapoka manomwe anoshanda munharaunda dzakasiyana-siyana dzenyika. Mapoka aya anobatsira Matare Okuvaka Omunharaunda matatu mukuvaka Horo dzoUmambo. Horo yoUmambo ichavakwa nehama dzomuungano dzomunharaunda yacho. IHoro yoUmambo yadzo. Basa reBoka Rokuvaka nderokubatsira hama idzi kuvaka horo yadzo uye izvi zvinotarisirwa kuitwa mukupera kwevhiki kuna. Vavariro yedu ndeyokuvaka dzinenge Horo dzoUmambo 100 pagore uye tinotenda kuti nomudzimu waJehovha izvi zvingaitwa uye zvichaitwa. Nguva pfupi ichangopfuura, mukupera kwevhiki kumwe, Horo dzoUmambo sere dzakatsaurirwa muZimbabwe.

18 Kuwedzera kugadziriro itsva yeHomwe yeSosaiti yeHoro dzoUmambo neDhipatimendi Rokuvaka Horo dzoUmambo idzva riri paBheteri, tingada kukupai mashoko anoenderana nomusi nezvechimwe chikamu chemashoko chiri paFomu Rokutumira Mari Yemipiro (S(d)-20).

19 Gadziriro Yokuyamura yeHoro dzoUmambo: Sosaiti inoshandisa mipiro yakapiwa nokuda kweKHAA kuti ibhadhare zvinhu zvinokuvadzwa paHoro dzoUmambo, uyewo mari inobhadharwa nokuda kwezvinodiwa uye mari inonzi ibhadharwe nokuda kwetsaona/zvinoitika paHoro yoUmambo. Izvi ndezvezviitiko zvinoda kubatsirwa zvepachokwadi. Chido chakanaka kwazvo chinoratidzwa nevaya vanotsigira norudo vanokuvara mutsaona uye vanozvipira kutarisira zvinhu zvinoda kugadzirwa. Kazhinji, misoro yemhuri inogovera zvinodiwa nemhuri yayo zvoutano, kusanganisira mari ine chokuita netsaona. (Ona w97-CA 8/15 peji 19, ndima 9 uye mashoko omuzasi ari papeji 19.) Zvisinei, Sosaiti inofara nokukwanisa kubatsira pazvinodiwa.

20 Kuratidzwa Kwokubatana kwoUmambo Kunofanira Kupfuurira: Negadziriro dzakadai, tinoitwa kuti tizive zvakazara zvikomborero zvikuru zvaJehovha pavanhu vake vakabatana nhasi. Chokwadi, taita sezvakataurwa nokuna Mika kuti, “samakwai muchirugu, seboka ramakwai pakati pamafuro awo.” Zvechokwadi Jehovha a‘tibatanidza,’ uye kufara kwatinoita zvino semakwai kunorondedzerwa zvakakodzera nemashoko okuti, “vachaita ruzha rukuru nokuwanda kwavanhu.”—Mika 2:12.

21 Hama dziri kwose kwose dzinofanira kurumbidzwa nokuda kwokuratidza chido mukuvaka Horo dzoUmambo mumakore ose aya akawanda. Basa rinoitwa nokubatana muungano uye munharaunda rakaguma nokuvakwa kweHoro dzoUmambo dzakawanda muZimbabwe yose. Munzanga dzazvo dzakasiyana-siyana zvivako izvi hazvina kungoshanda kuzvinodiwa zveungano nezvematunhu zvakananga munzira inoshamisa chete, asi zvakava uchapupu kuna vose vaizviona kuti vanhu vezita raJehovha vanoshingaira munharaunda yacho. Uyezve, padzave dzichitsigira mari inobatanidzwa mukuvaka nokugadzirisa zvivako zvose izvi zvomunharaunda, hama dzakaramba dzichipa mipiro yakawanda kukuwedzera kwomunyika yose kwebasa roUmambo.

22 Iyi gadziriro yeHomwe yeSosaiti yeHoro dzoUmambo inotipa mumwe mukana wokuratidza nenzira inoshanda zvikuru kuti tiri vanhu vakabatana zvechokwadi, vanonamata Jehovha sesangano rimwe mukubatana kwoUmambo. Pakufunga nezvezvinodiwa zveungano yedu chaiyo, tinofanira kufunga zvinodiwa zvehama dzedu dziri mune dzimwe nzvimbo dzeZimbabwe dzinoda kubatsirwa kwakati nemari mukuvaka Horo dzoUmambo. Izvi zvichashanda chimwe chinangwa chakanaka chokutikwevera pedyo mukubatana kwoUmambo sezvatinotarira chaizvoizvo kune zvinodiwa zve“sangano rose rehama [dzedu] munyika yose,” pane zvatinogona kuita somunhu oga uye seungano kuti tiite zvinodiwa zviri pachena.—1 Pet. 5:9.

23 Pakupedzisira: Gadziriro iyi ngaive nhau yomunyengetero unopfuurira, wokukurumidzira uye womwoyo wose kune mumwe nomumwe wedu. Uye tose zvedu ngatitsvake nzira dzokushanda maererano neminyengetero yedu, kuitira kuti Horo dzoUmambo dziri kudiwa iye zvino dzivakwe. Sezvo Jehovha anopfuurira kuzarurira nzira “mamwe makwai” akawanda kuti aunganidzwe mudanga rimwe revanamati vakabatana, ngaaonewo kuti tine zvivako zvakakwana zvokubatsira vatsva ava vose kuva vakasimba muchokwadi ndokukura mumudzimu. Inzwi rokudanidzira kwedu nomufaro uye panguva imwe ngarirambe richinzwika uye richiwedzera zuva nezuva kusvikira rasvika pakakwirira panotarisirwa nokupinzwa kwewokupedzisira chaiye wevaya vachadzivirirwa naJehovha mukutambudzika kukuru. Chokwadi mufaro wedu uri kuwanda zvino uye ucharamba uchiwedzera munguva yemberi nechikomborero chikuru chaJehovha pakunamata kwatinomuita kwakabatana saMwari bedzi wechokwadi.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe